“Maoko Ako Ngaarege Kushayiwa Simba”
“Maoko ako ngaarege kushayiwa simba. Jehovha Mwari wako uri mukati mako, iye une simba, uchaponesa.”—ZEFANIA 3:16, 17.
1. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakatii nezveuporofita hwaZefania?
UPOROFITA hwaZefania hwakanongedzera kure kupfuura kuzadzikwa kwahwo kwokutanga mumazana amakore rechinomwe nerechitanhatu B.C.E. Mutsinhiro yake pamusoro paZefania, Purofesa C. F. Keil akanyora, kuti: “Uporofita hwaZefania . . . haungovambi bedzi nechiziviso chorutongeso rwemuchisiko chose panyika yose, munobva rutongeso urwo ruchawira pana Judha nemhaka yezvivi zvayo, uye pamusoro penyika yamarudzi nemhaka youtsinye hwayo kuvanhu vaJehovha; asi hunotsanangura zuva guru nerinotyisa raJehovha rose.”
2. Ifananoi dziripo pakati pemamiriro ezvinhu aiva muzuva raZefania nemamiriro ezvinhu ari mukati mechiKristudhomu nhasi?
2 Nhasi, chisarudzo chokutonga chaJehovha ndechokuunganidza marudzi nokuda kwokuparadzwa pamwero mukuru zvikuru kupfuura womuzuva raZefania. (Zefania 3:8) Marudzi aye anotaura kuva echiKristu ane mhaka zvikuru mukuona kwaMwari. Kungofanana neJerusarema rakarangwa zvakakomba nokuda kwokusatendeka kwaro kuna Jehovha, naizvozvo chiKristudhomu chinofanira kuzvidavirira kuna Mwari nokuda kwenzira dzacho dzakashata. Marutongeso oumwari akaziviswa Judha neJerusarema muzuva raZefania anoshanda nesimba rinotova guru zvikuru kuchechi nemasekete zvechiKristudhomu. Zvakasvibisawo kunamata kwakachena kupfurikidza nedzidziso dzazvo dzinozvidza Mwari, zhinji dzine mavambo echihedheni. Zvakabayira mamiriyoni avanakomana vazvo vakasimba paatari yazvino uno yehondo. Kupfuurirazve, vagari veJerusarema rokufananidzirwa vanosanganisa chinonzi chiKristu neunyanzvi hwenyeredzi, miitiro yokudavira midzimu, uye utere hwakashata, zvinoyeuchidza kunamatwa kwaBhaari.—Zefania 1:4, 5.
3. Chii chinogona kutaurwa nezvevatungamiriri vazhinji venyika nehurumende dzezvematongerwe enyika nhasi, uye Zefania akaporofitei?
3 Vazhinji vevatungamiriri vechiKristudhomu vezvematongerwe enyika vanofarira kuonekwa vari muchechi. Asi kufanana na“machinda” eJudha, vakati vavo vanoshandisa zvisakafanira vanhu se“shumba dzinoomba” uye “mapere” ane makaro. (Zefania 3:1-3) Vateveri vezvamatongerwe enyika vanozviisa pasi vavakadaro vari ku“zadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera.” (Zefania 1:9) Fufuro noushati zvakapararira. Kana dziri hurumende dzezvematongerwe enyika mukati nokunze kwechiKristudhomu, nhamba inowedzera yadzo ‘inozvikudza zvikuru’ pavanhu vaJehovha wehondo, Zvapupu zvake, dzichivabata se“sekete” rinozvidzwa. (Zefania 2:8; Mabasa 24:5, 14) Nezvevatungamiriri vose vakadaro vezvematongerwe enyika navateveri vavo, Zefania akaporofita, kuti: “Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomwoto wegodo rake; nokuti uchapedza, zvirokwazvo uchapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.”—Zefania 1:18.
Ku“vandika Nezuva Rokutsamwa kwaJehovha”
4. Chii chinoratidza kuti pachava navapukunyuki vezuva guru raJehovha, asi vanofanira kuitei?
4 Havasi vose vavagari veJudha vakaparadzwa muzana ramakore rechinomwe B.C.E. Nenzira yakafanana, kuchava navapukunyuki vezuva guru raJehovha. Kuna vakadaro Jehovha akati kupfurikidza nomuporofita wake Zefania: “Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:2, 3.
5. Munguva ino yemugumo, ndivanaani vakanga vari vokutanga kuteerera nyevero yaZefania, uye Jehovha akavashandisa sei?
5 Munguva ino yenyika yomugumo, vokutanga kuteerera kokero youporofita vakanga vari vakasarira vavaIsraeri vomudzimu, vaKristu vakazodzwa. (VaRoma 2:28, 29; 9:6; VaGaratia 6:16) Vatsvaka kururama nounyoro uye varatidza kuremekedza zvisarudzo zvokutonga zvaJehovha, vakanunurwa muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, uye vakadzorerwa kunyasha dzoumwari muna 1919. Kubvira ipapo, uye zvikurukuru kubvira muna 1922, vakasarira ava vakatendeka vave vachizivisa nokusatya marutongeso aJehovha pachechi namasekete zvechiKristudhomu uye pamarudzi ezvamatongerwe enyika.
6. (a) Zefania akaporofitei nezvevakasarira vakazodzwa? (b) Uporofita uhwu hwakazadzikwa sei?
6 Nezvevakasarira ava vakatendeka, Zefania akaporofita, kuti: “Ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha. Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna ungavatyisa.” (Zefania 3:12, 13) Ava vaKristu vakazodzwa nguva dzose vakachengeta zita raJehovha rakatanhamara, asi kwakadaro zvikurukuru kubvira muna 1931, apo vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Kupfurikidza nokusimbisa nhau youchangamire hwaJehovha, vakakudza zita raMwari, uye ikoku kwakabvumikisa kuva utiziro nokuda kwavo. (Zvirevo 18:10) Jehovha akavadyisa zvikuru nenzira yomudzimu, uye vanogara vasingatyi muparadhiso yomudzimu.—Zefania 3:16, 17.
“Zita Rakanaka Nembiri Pakati Pendudzi Dzose Dzenyika”
7, 8. (a) Ndihumwei uporofita hwakazadzikwa pavakasarira vaIsraeri womudzimu? (b) Mamiriyoni avanhu akasvika pakuzivei, uye ndeipi iri mirangariro yako umene muna ikoku?
7 Kubatanidzwa kukuru kwavakasarira kuzita raJehovha uye kumipimo yakarurama yeShoko rake hakuna kufuratirwa. Vanhu vapachokwadi vakasvika pakuona musiyano pakati pemufambiro wavakasarira neushati neunyengeri zveutungamiriri hwezvematongerwe enyika uye hworudzidziso zvenyika ino. Jehovha akakomborera “vakasara vaIsraeri [vomudzimu].” Akavakudza neropafadzo yokutakura zita rake, uye akavaparira kuva nemukurumbira wakaisvonaka pakati pamarudzi apasi. Ikoku kwakaita sezvakaporofitwa naZefania, kuti: “Nenguva iyo ndichakuuyisai, nguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Zefania 3:20.
8 Kubvira muna 1935, mamiriyoni chaiwoiwo avanhu akasvika pakuziva kuti chikomborero chaJehovha chiri pane vakasarira. Anotevera nomufaro ava vaJudha vomudzimu, kana kuti vaIsraeri, achiti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Aya “mamwe makwai” anoona muvakasarira vakazodzwa “muranda wakatendeka, wakangwara,” akagadzwa naKristu kuti ave “mutariri weimba yake [yapasi].” Nokuonga anodya zvokudya zvomudzimu zvinogadzirwa neboka romuranda “nenguva yakafanira.”—Johane 10:16; Mateo 24:45-47.
9. “Mutauro”i uyo mamiriyoni avanhu akadzidza kutaura, uye mubasai guru umo mamwe makwai ari kubatira “nomwoyo mumwe” navakasarira vakazodzwa?
9 Pamwe chete navakasarira, aya mamiriyoni amamwe makwai ari kudzidza kurarama nokutaura mutsinhirano ne“mutauro wakachena.”a Jehovha akaporofita kupfurikidza naZefania, kuti: “Nenguva iyo ndichavigira vanhu [mutauro wakachena, NW], kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.” (Zefania 3:9) Hungu, mamwe makwai akabatana anobatira Jehovha “nomwoyo mumwe” nemitezo yakazodzwa ye“boka duku” mubasa rinokosha rokuparidza “evhangeri iyi youshe . . . , chive chapupu kumarudzi.”—Ruka 12:32, NW; Mateo 24:14.
“Zuva raShe Richauya”
10. Vakasarira vakazodzwa nguva dzose vakapwiswa nezvechii, uye chii, seboka, chavachararama kuti vaone?
10 Vakasarira vakazodzwa nguva dzose vakayeuka mashoko omuapostora Petro akafuridzirwa, okuti: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke. Asi zuva raShe richauya sembavha.” (2 Petro 3:9, 10) Mitezo yeboka romuranda akatendeka haina kutongova nepanikiro dzipi nedzipi pamusoro pokuuya kwezuva raJehovha munguva yedu. Zuva guru iroro richavamba nokuitwa kwamarutongeso aMwari pachiKristudhomu, Jerusarema rokufananidzirwa, uye rutivi rwasara rweBhabhironi Guru.—Zefania 1:2-4; Zvakazarurwa 17:1, 5; 19:1, 2.
11, 12. (a) Rumwei rutivi rweuporofita hwaZefania rwakazadzikwa pane vakasarira? (b) Vakasarira vakazodzwa vakateerera sei danidzo yokuti, “Maoko ako ngaarege kushayiwa simba”?
11 Vakasarira vakatendeka vanofara kuva vakanunurwa muna 1919 kubva muutapwa hwomudzimu kuBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Vakawana kuzadzikwa kwouporofita hwaZefania, hunoti: “Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema. Jehovha wakabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsraeri, iye Jehovha, uri pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.”—Zefania 3:14-17.
12 Nokupwiswa nechibvumikiso chikuru chokuti Jehovha ari pakati pavo, vakasarira vakazodzwa vakapfuurira vasingatyi mukuita basa ravo roumwari. Vakaparidza mashoko akanaka oUmambo uye vakazivisa marutongeso aJehovha pachiKristudhomu, rutivi rwasara rweBhabhironi Guru, uye tsika yose yakaipa yaSatani yezvinhu. Pasinei zvapo nokuoma kwose, mumakumi amakore kubvira muna 1919, vakateerera murayiro woumwari, wokuti: “Usatya hako iwe; iwe Zioni, maoko ako ngaarege kushayiwa simba.” Havana kurembedza ruoko rwavo mukuparadzira mabhiriyoni amaturakiti, magazini, mabhuku, uye mabhukwana okuzivisa Umambo hwaJehovha. Vave vari muenzaniso unonyandura kutenda kune mamwe makwai ayo, kubvira muna 1935, akadirana kurutivi rwavo.
“Maoko Ako Ngaarege Kushayiwa Simba”
13, 14. (a) Nei vamwe vaJudha vakarega kubatira Jehovha, uye ikoku kwakaoneka sei? (b) Kungava kusachenjera kuti tiitei, uye mubasai matisingafaniri kurega maoko edu achirembera?
13 Tichi‘ramba tichikarira’ zuva guru raJehovha, tinogona sei kuwana betsero inoshanda muuporofita hwaZefania? Kutanga, tinofanira kuchenjerera kuva savaJudha vomuzuva raZefania avo vakarega kutevera Jehovha nemhaka yokuti vaipanikira kuva pedyo kwezuva raJehovha. VaJudha vakadaro havana havo kutaura kupanikira kwavo pachena, asi chiito chavo chakazivisa kuti vakanga vasingadaviri chaizvoizvo kuti zuva guru raJehovha rakanga rava pedyo. Vainangidzira ngwariro pakuunganidza upfumi panzvimbo pokuramba vachikarira Jehovha.—Zefania 1:12, 13; 3:8.
14 Nhasi haisi nguva yokubvumira panikiro kutanga mumwoyo yedu. Kungava kusachenjera zvikuru kusundira mberi mundangariro dzedu kana kuti mumwoyo kuuya kwezuva raJehovha. (2 Petro 3:1-4, 10) Tinofanira kudzivisa kudzokera shure mukutevera Jehovha kana kuti ‘kurega maoko edu achirembera’ mubasa rake. Ikoku kunobatanidza kusa“bata noruoko rusina hanya” mubasa redu rokuparidza “mashoko akanaka.”—Zvirevo 10:4; Marko 13:10, NW.
Kurwisa Kusakendenga
15. Chii chingagone kutirembedza ruoko rwedu mubasa raJehovha, uye chinetso ichi chakafanotaurwa sei muuporofita hwaZefania?
15 Chechipiri, tinofanira kungwarira tapuro dzinonetesa dzokusakendenga. Munyika zhinji dzokuMadokero, kusaitira hanya zvinhu zvomudzimu kunogona kuva chisakiso chokuora mwoyo pakati pevamwe vaparidzi vamashoko akanaka. Kusakendenga kwakadaro kwaivapo muzuva raZefania. Jehovha akati kupfurikidza nomuporofita wake: “Ndicharova . . . vanoti mumwoyo yavo: Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.” (Zefania 1:12) Achinyora pamusoro pechikamu ichi chamashoko muCambridge Bible for Schools and Colleges, A. B. Davidson akataura kuti chinonongedzera kuvanhu vaka“nyura mukusakendenga kwokusakatara kana kuti kunyange mukusadavira pamusoro pekupindira kupi nekupi kwesimba guru zvikuru muzvinhu zvorudzi rwomunhu.”
16. Chimiroi chendangariro chiripo pakati pemitezo mizhinji yechechi dzechiKristudhomu, asi ikurudziroi iyo Jehovha anotipa?
16 Kusakendenga ndicho chimiro chendangariro chakapararira nhasi mumativi mazhinji apasi, zvikurukuru munyika dzakapfuma zvikuru. Kunyange mitezo yechechi dzechiKristudhomu haingodaviri hayo kuti Jehovha Mwari achapindira muzvinhu zvavanhu zvezuva redu. Vanoramba nhamburiko dzedu dzokuvasvika nemashoko akanaka oUmambo nenyemwerero yokupanikira kana zvimwe nemhinduro pfupi yokuti “Handifariri!” Mumamiriro ezvinhu iwaya, kupfuurira mubasa rokupupura kunogona kuva denho chaiyoiyo. Kunoedza kutsungirira kwedu. Asi kupfurikidza neuporofita hwaZefania, Jehovha anopa simba vanhu vake vakatendeka, achiti: “Maoko ako ngaarege kushayiwa simba. Jehovha Mwari wako uri mukati mako, iye une simba, uchaponesa; achakufarira nomufaro; uchanyarara parudo rwake; uchakufarira nokupururudza.”—Zefania 3:16, 17.
17. Muenzanisoi wakaisvonaka uyo vatsva pakati pamamwe makwai vanofanira kutevera, uye sei?
17 Iidi munhau yomuzuva razvino uno yavanhu vaJehovha kuti vakasarira, pamwe chete navakura pakati pamamwe makwai, vakaita basa guru rokuunganidza mumazuva ano okupedzisira. VaKristu vose ava vakatendeka vakaratidza kutsungirira mumakumi amakore apfuura. Havana kubvumira kusakendenga kworuzhinji rwuri muchiKristudhomu kuvaodza mwoyo. Naizvozvo vatsva vari pakati pamamwe makwai ngavasazvibvumire vamene kuodzwa mwoyo nokusakendengera zvinhu zvomudzimu uko kwakapararira kwazvo nhasi munyika zhinji. Ngavasabvumire ‘maoko [avo] kurembera,’ kana kuti kunonozeka. Ngavashandise mukana uri wose wokugovera Nharireyomurindi, Mukai!, uye zvimwe zvinyorwa zvakaisvonaka zvakagadzirirwa zvikurukuru kubetsera vanhu vakafanana namakwai kudzidza zvokwadi pamusoro pezuva raJehovha nezvikomborero zvichatevera.
Pamberi Tichimirira Zuva Guru!
18, 19. (a) Ikurudziroi yokutsungirira yatinowana pana Mateo 24:13 naIsaya 35:3, 4? (b) Tichakomborerwa sei kana tikafambira mberi mubasa raJehovha takabatana?
18 Jesu akati: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Naizvozvo, hatidi “maoko asina simba” kana kuti ‘mabvi anodedera’ sezvatinomirira zuva guru raJehovha! (Isaya 35:3, 4) Uporofita hwaZefania nokuvimbisa hunoti nezvaJehovha: “Ane simba, uchaponesa.” (Zefania 3:17) Hungu, Jehovha achaponesa “vazhinjizhinji” nomurutivi rwokupedzisira rwe“kutambudzika kukuru,” apo anorayira Mwanakomana wake kupwanya marudzi ezvematongerwe enyika anoramba achi“zvikudza” pana vanhu vake.—Zvakazarurwa 7:9, 14; Zefania 2:10, 11; Pisarema 2:7-9.
19 Sezvo zuva guru raJehovha rinosvika, ngatifambirei mberi nokushingaira, tichimubatira “nomwoyo mumwe”! (Zefania 3:9) Tikaita saizvozvo, isu timene navamwe vasingaverengeki tichava mumutsara woku“vandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha” ndokupupurira kutsveneswa kwezita rake dzvene.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekurukurirano yakazara ye“mutauro wakachena,” ona Nharireyomurindi, April 1, 1991, mapeji 20-5, uye May 1, 1991, mapeji 10-20.
Mukuhwirudzura
◻ Mamiriro ezvinhu orudzidziso mukati mechiKristudhomu anowirirana munzirai neayo omuzuva raZefania?
◻ Vatungamiriri vazhinji vezvematongerwe enyika nhasi vakafanana sei na“machinda” enyika panguva yaZefania?
◻ Zvipikirwai zviri muna Zefania zvakazadzikwa pane vakasarira?
◻ Mamiriyoni avanhu akasvika pakuzivei?
◻ Nei tisingafaniri kurembedza maoko edu mubasa raJehovha?
[Mifananidzo iri papeji 15]
SaZefania, vakasarira vakatendeka vavaKristu vakazodzwa vave vachizivisa nokusatya marutongeso aJehovha
[Mifananidzo iri papeji 18]
“Mamwe makwai” haana kubvumira kusakatara kwavanhu kuaodza mwoyo