Chitsauko 6
“Kururamisira Ngakuyerere”—Chinhu Chinokosha Pakuziva Mwari
1. Chii chinoita kuti unzwe uchida kururamisira?
KARE kose kwave kuine vanhu vakava nomukurumbira pamusana pokutsigira kururamisira. Asi funga nezvechokwadi ichi: Kururamisira kunofadza vanhu nokuti vakasikwa nomufananidzo waMwari. Iwe unonzwa uchida kururamisira uye unoda kuti vamwe vakuitire zvakarurama nokuti wakasikwa nomufananidzo waJehovha, ‘anofarira’ kururamisira.—Jeremiya 9:24; Genesisi 1:27; Isaya 40:14.
2, 3. Nei tichifanira kufunga nezvemabhuku evaprofita 12 kuti tidzidze nezvokururamisira kwaJehovha?
2 Sezvaunoverenga mabhuku akasiyana-siyana eBhaibheri, unogona kunzwisisa kururamisira kwaMwari. Asi uchanyanya kubatsirwa nokuongorora mabhuku evaprofita 12. Kururamisira kunonyanya kutaurwa nezvako maari zvokuti bhuku rina Hosiya, Amosi, uye Mika rine musoro unoti Justice Now! rakabudiswa nerimwe sangano rinobudisa maBhaibheri. Somuenzaniso, funga nezvokukurudzira kwaAmosi, kwokuti: “Kururamisira ngakuyerere sezvinoita mvura, uye kururama ngakuyerere sezvinoita rukova runogara ruchiyerera.” Uye ona chinotanga kutaurwa nezvacho naMika pane zvaunosungirwa kuita: “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?”—Amosi 5:24; Mika 6:8.
3 Saka, kuti tizive Jehovha zviri nani tokwanisa kumutevedzera, zvechokwadi tinofanira kunzwisisa kururamisira kwake. Kururamisira kwaJehovha unhu huri maari, saka hatigoni kutaura kuti tinomuziva kutoti tikanzwisisa kururamisira kwake. Kunyange vashumiri vake vekare vaiziva kuti “Jehovha anoda kururamisira.”—Pisarema 33:5; 37:28.
4. Enzanisira kuti nei zvakanyorwa nevaprofita 12 zvingagona kusimbisa kuvimba kwako nokururamisira kwaMwari.
4 Pane imwe nguva Jehovha asati atonga Jerusarema, muprofita Habhakuki akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini? . . . Mutemo unoshaya simba, uye kururamisira hakumboitwi. Nokuti vakaipa vanokomba vakarurama, saka kururamisira kunokombamiswa.” (Habhakuki 1:2, 4) Habhakuki akatendeka akanga asvika pakuziva Jehovha kubva muMagwaro aaikwanisa kuwana uye pane zvakaitika kwaari. Saka, aiva nechivimbo chokuti Mwari anotsigira kururamisira uye anokurudzira kuti kuvepo. Zvisinei, muprofita wacho aida kuziva chikonzero nei Jehovha achibvumira zvinhu zvakaipa. Mwari akasimbisa kuna Habhakuki kuti aizoruramisira vakatendeka. (Habhakuki 2:4) Kana Habhakuki nevamwe vaigona kuva nechivimbo chakadaro, iwe une chikonzero chakatosimba chokuva nechivimbo. Nei? Nokuti iye zvino Bhaibheri rakapera rose kunyorwa, nokudaro unogona kudzidza zvakawanda kwazvo nezvenhoroondo yezvakaitwa naJehovha uye kuratidza kwaakaita unhu hwake, kusanganisira kururamisira kwake. Saka, unokwanisa kuziva Jehovha zviri nani uye kuvimba nokururamisira kwake kwakakwana.
5. Chinhu chipi chine chokuita nokururamisira chatinonyanya kufarira iye zvino?
5 Paaituma nhume kuna Israeri, Jehovha akasimbisa kuti vaifanira kururamisira. (Isaya 1:17; 10:1, 2; Jeremiya 7:5-7; Ezekieri 45:9) Zvechokwadi akasimbisa izvozvo achishandisa vaprofita 12. (Amosi 5:7, 12; Mika 3:9; Zekariya 8:16, 17) Chero munhu upi zvake anoverenga zvavakanyora anogona kuona kuti vanosimbisa kuti munhu aruramisire pane zvaanoita zuva roga roga. Pane nzira dzakawanda dzatingashandisa nadzo zvidzidzo zviri mumabhuku aya 12, asi ngationgororei zvinhu zviviri umo vaprofita ivavo vakasimbisa kururamisira tobva taona kuti tingashandisa sei zvatinenge tadzidza.
KURURAMISIRA MUNYAYA DZEBHIZIMISI NEMARI
6, 7. Nei kururamisira munyaya dzebhizimisi nemari kuchikosha kwatiri tose?
6 Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete.” (Ruka 4:4; Dheuteronomio 8:3) Haana kuramba kuti tinoda chingwa—kuti tinoda kudya. Kune vakawanda, izvozvo zvinoreva kushanda kana kuti kuva nomumwe munhu mumhuri anoenda kubasa kuti tiwane zvokudya. Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo nevashumiri vaMwari vekare. Vamwe vaizvishandira—vairima zvirimwa kana kuti vaigadzira zvinhu zvakadai sezvipfeko, fenicha, kana kuti midziyo yokubikisa. Vamwe vaiva nevashandi—vaitsvaka vanhu vokuti vakohwe zvirimwa kana kuti vagadzire furawa, mafuta omuorivhi, kana kuti waini. Vamwezve vaiva vatengesi—vachitenga uye vachitengesa zvinhu. Kana kuti vamwe vangave vaiita basa—zvichida rokugadziridza matenga edzimba kana kuti kuridza zviridzwa.—Eksodho 35:35; Dheuteronomio 24:14, 15; 2 Madzimambo 3:15; 22:6; Mateu 20:1-8; Ruka 15:25.
7 Unogona kuona here zvimwe zvinhu zvakafanana muupenyu hwako pachako kana kuti hweshamwari nehama? Chokwadi, maitirwo ebasa mazuva ano angava akasiyana, asi haubvumi here kuti maonero anoita Mwari kururamisira munyaya dzakadaro angava akafanana nezvaakanga akaita kare ikako? Mumashoko ake aakataura achishandisa vaprofita 12, Jehovha akaratidza kuti anotarisira vanhu vake kururamisira munyaya dzakadaro dzoupenyu. Sezvatinokurukura zvinoratidza izvozvo, funga nezvenzira yaunofanira kuratidza nayo kururamisira kunodiwa naMwari.—Pisarema 25:4, 5.
8, 9. (a) Nei kupiwa mhosva kunotaurwa pana Maraki 3:5 kwakanga kwakakomba zvikuru? (b) Magwaro anokurudzira maonero akanaka api ebasa?
8 Achishandisa Maraki, Mwari akazivisa kuti: “Ndichaswedera pedyo nemi kuti ndikutongei, ndichava chapupu chinokurumidza chinorwisana nevaroyi nemhombwe, uye vaya vanopika zvenhema, nevaya vanobiridzira mibayiro yomushandi anopiwa mubayiro, . . . vasingandityi.” (Maraki 3:5) Chokwadi, Jehovha akapa mhosva vaya vaiitira vashandi zvisina kururama. Izvozvo zvakanga zvakakomba zvakadini? Iye akataura nezvokuitira vashandi zvisina kunaka pamwe chete nokuita zvemidzimu, upombwe, uye kureva nhema. VaKristu vanoziva kutonga kuchaita Mwari ‘zvifeve, vaya vanoita zvemidzimu, nevarevi venhema vose.’—Zvakazarurwa 21:8.
9 Zvakanga zvichiitika kubasa zvaisangova nyaya yetsika; zvaisanganisira kururamisira kwaJehovha. Akataura kuti pamusana pounyengeri hwevaya “vanobiridzira mibayiro yomushandi anopiwa mubayiro,” ‘aizoswedera pedyo nevanhu ivavo kuti avatonge.’ Sezvinobvumwa, Mwari haana kutaura kuti mushandirwi aifanira kubvuma chero zvaidiwa nomushandi kana kuti boka revashandi. Unogona kuona kubva mumufananidzo waJesu wevanhu vakatorwa kuti vaite maricho mumunda wemizambiringa kuti mushandirwi aiva nemasimba okutaura mubayiro wavaizopiwa uye mashandiro avaizoita. (Mateu 20:1-7, 13-15) Zvinokosha kuona kuti mumufananidzo waJesu vashandi vose vakabhadharwa dhinari, ‘mubayiro wezuva’ wavakabvumirana, pasinei nokuti vakashanda zuva rizere here kana kuti kwete. Tinogona kuonawo kuti mushandirwi haana kushandisa kusatendeseka kuti aite purofiti yakawanda achibiridzira vanhu vemaricho.—Jeremiya 22:13.
10. Nei tichifanira kufarira mabatiro atinoita vashandi vedu?
10 Kana uine bhizimisi rine vashandi—kana kuti uchingotsvaka mumwe munhu kuti akuitire basa—mubhadharo wako, zvaunoti zviitwe, uye nyaya dzemari zvinowirirana here nezvinodiwa maererano naMaraki 3:5? Zvakanaka kufunga pamusoro peizvi nokuti nyaya yokusaruramisira vanhu vanenge vakushandira inokurukurwawo muMagwaro echiKristu echiGiriki. Nezvevaya vaisaruramisira munyaya dzakadai, mudzidzi Jakobho akabvunza kuti: “Zvino iye [Jehovha] haasi kukushorai here?” (Jakobho 5:1, 4, 6) Takarurama kutaura kuti: Vaya vasingaruramisiri pa“mibayiro yomushandi anopiwa mubayiro” havasati vava kunyatsoziva Jehovha, nokuti havasi kutevedzera kururamisira kwake.
11, 12. (a) Hosiya 5:10 inosimbisa nzira ipi isina kururama? (b) Ungashandisa sei mashoko ari pana Hosiya 5:10?
11 Zvino chiverenga chikonzero nei Jehovha akashora vamwe varume vakanga vakakurumbira vomuzuva raHosiya: “Machinda aJudha ava sevaya vanodzosa muganhu shure. Ndichadururira kushatirwa kwangu kukuru pavari sezvinongoitwa mvura.” (Hosiya 5:10) Ndezvipi zvakaipa zvakashorwa naHosiya? Murimi womuJudha airarama nezvaibva mumunda wake, waiva nemiganhu yakanga yakatarwa nematombo kana kuti mapango. ‘Kudzosa shure muganhu’ kwaiva kudimbura munda womurimi kwava kumushayisa zvimwe zvaairarama nazvo, kumubira. Hosiya akafananidza machinda omuJudha, aifanira kunge achitsigira kururamisira, nevaya vaidzosa shure zvairatidza pane muganhu.—Dheuteronomio 19:14; 27:17; Jobho 24:2; Zvirevo 22:28.
12 Vamwe mazuva ano vanoita zvokutenga nokutengesa zvivako nenzvimbo vangaedzwa ‘kudzosa shure miganhu’ kuti vanyengedze vatengi. Asi, mashoko aya anoshandawo kuvatengesi, vashandirwi, vashandi, kana kuti vanoitirwa mabasa nevamwe—chero ani zvake anoita makondirakiti kana zvibvumirano. Sezvaunoziva, vamwe vanoita zvebhizimisi vanozengurira kunyorerana zvinhu, vachifunga kuti gare gare zvinozova nyore kuita zvishoma pane zvakabvumiranwa kana kuti kurayira zvimwe zvinhu zvitsva. Vamwe vanoita zvibvumirano zvokunyorerana asi vanoisa twakawandawanda twakaoma kunzwisisa twakanyorwa nemabhii madukuduku kuitira kuti zvivhiringidze zvinorehwa nechibvumirano chacho zvichizovabatsira, kunyange kana izvi zvichikuvadza vamwe nenzira isina kururama. Unofunga kuti munhu anoita saizvozvo—angava mutengesi kana kuti ari kutenga, mushandirwi kana kuti mushandi—zvechokwadi anoziva Mwari wokururamisira here? Jehovha akati muShoko rake: “Usabvisa muganhu [wenherera]. Nokuti Mudzikinuri wadzo ane simba; iye acharwira mhosva yadzo kwauri.”—Zvirevo 23:10, 11; Habhakuki 2:9.
13. Maererano naMika 6:10-12, ndezvipi zvinhu zvisina kururama zvaivapo pakati pevanhu vaMwari vekare?
13 Mika 6:10-12 inotipa mamwe mashoko ane chokuita nokururamisira, anoti: “Muimba yomunhu akaipa muchine pfuma yezvakaipa nechiyero cheefa chakatapudzwa chinonyangadza here? Ndingava akachena ini ndiine chikero chakaipa nehomwe yezviyereso zvematombo zvinonyengera here? Nokuti . . . vagari varo vakataura nhema, uye rurimi rwavo runonyengera.” Mazuva ano tingayera zvokudya mumarita kwete maefa. Kana kuti tinoyera zvinhu nemakirogiramu panzvimbo pezvokuyeresa zvematombo. Kunyange zvakadaro, pfungwa inotaurwa naMika yakajeka. Vatengesi kana kuti vanamuzvinabhizimisi vomuzuva rake vainyengera; nokusashandisa zviyereso nezvikero zvakakodzera, vaibata vanhu zvisina kururama. Mwari akadana vaya ‘vainyengera nemiromo yavo’ uye mune zvebhizimisi kuti ‘vanhu vakaipa.’—Dheuteronomio 25:13-16; Zvirevo 20:10; Amosi 8:5.
14. Kunyevera kwaMika kungatibatsira kudzivisa kusaruramisira kupi kwemazuva ano?
14 Mashoko aMika pamusoro pezviyereso uye zvikero zvainyengera ane chokuita nemaitiro aunoita bhizimisi rako kana kuti zvaunoita somushandi here? Ichocho chimwe chinhu chokufunga nezvacho, zvapaine nzira dzakawanda idzo vatengi uye vanoitirwa mabasa nevamwe vangabiridzirwa nadzo. Somuenzaniso, vamwe vanhu vasina kutendeseka vanenge vanzi vaite basa vanoshandisa zvinhu zvishoma pane zvinofanira kushandiswa kana kuti simende shoma pane inodiwa nomutemo pakugadzira kongiri. Kana kuti, munzvimbo dzainoziva kuti dzakavandika, mhizha ingashandisa zvinhu zvisingadhuri pane zvakabhadharwa. Vamwe vatengesi vanotengesa zvinhu zvavanoti zvitsva asi izvo zvakamboshandiswa. Uye ungave wakanzwa nezvechimwe chitsotsi chomubhizimisi chinoshandiswa kuwedzera purofiti. Ungaedzwa kuzviita here? Rimwe bhuku rakanyorwa nguva ichangobva kupfuura rinotaura nezvokudzivirira kodzero dzako rakataura kuti Zvapupu zvaJehovha “zvinotenda kuti Musiki wazvo anenge achizviona, uye zvakawanda zvingasva hazvo zvafa pane kuba.” Rakawedzera kuti: “Zvinodiwa zvakanyanya mumabhizimisi anobata mari yakawanda.” Nei? Nokuti vaKristu vechokwadi vanoziva kuti Jehovha ‘anoda kuti varuramisire,’ kusanganisira mune zvebhizimisi uye nyaya dzemari.—Mika 6:8.
‘MACHINDA ANOTONGA KUTI PAVE NOKURURAMISIRA’
15, 16. Vatungamiriri vomuzuva raMika vaibata sei vanhu?
15 Unogona kuona kubva mumabhuku evaprofita 12 kuti pane dzimwe nguva, kururamisira kwaisambovapo. Vaya vaiva nemasimba, avo vaifanira kuratidza muenzaniso wakanaka panyaya yokururamisira, vakanga vasingadaro. (Eksodho 18:21; 23:6-8; Dheuteronomio 1:17; 16:18) Mika akateterera kuti: “Ndapota, inzwai imi vakuru vaJakobho nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri. Harisi basa renyu here kuti muzive kururamisira? Imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa, munobvisa vanhu ganda ravo nenyama yavo pamapfupa avo.”—Mika 3:1-3; Isaya 1:17.
16 Mashoko iwayo anofanira kuva akakatyamadza vanhu vaiziva upenyu hwokumaruwa. Pane dzimwe nguva mufudzi aiveura makwai aaitarisira uye aaidzivirira. (Genesisi 38:12, 13; 1 Samueri 25:4) Asi “vatungamiriri veimba yaIsraeri,” vaifanira kunge ‘vakaziva kururamisira,’ vaishandisa vanhu vemafuro aMwari zvisina kukodzera, sokunge vaibvisa ganda nenyama zvemakwai uye vachityora mapfupa awo. (Pisarema 95:7) Achitaurazve mumwe mufananidzo woupenyu hwokumaruwa, Mika akataura kuti machinda ‘aitonga kuti awane mubayiro’ akanga akafanana negwenzi rine minzwa kana kuti ruzhowa rweminzwa. (Mika 7:3, 4) Fungidzira uchipfuura nomunzvimbo izere nemakwenzi ane minzwa uye ruzhowa rweminzwa. Zviri pachena kuti waizomarwa, uye zvipfeko zvako zvaizobvarurwa. Izvozvo zvinofananidzira mugumisiro wezvaiitwa nevatungamiriri vacho pavanhu vaMwari. Panzvimbo pokururamisira hama dzavo, vainyengera uye vaiva nouori.—Mika 3:9, 11.
17. Maererano naZefaniya 3:3, vatungamiriri vaiva nemafungiro api?
17 Zefaniya akataura pfungwa yakafanana, achiti: “Machinda aro aiva mukati maro aiva shumba dzinodzvova. Vatongi varo vaiva mhumhi dzomunguva yemanheru dzisina kun’un’una mapfupa kusvikira mangwanani.” (Zefaniya 3:3) Ungafungidzira here vatungamiriri vevanhu vaMwari, vaiita seshumba dzinorura, vakanga vasina basa nokururama? Kana kuti vatongi, vaiita semhumhi dzinorura, dzisingaguti, vaidya zvose, zvokuti paizosvika mangwanani painge pangosara mapfupa chete? Kururamisira kwaizowanika sei mumamiriro ezvinhu akadaro? Kururamisira kwakabvarurwa-bvarurwa nevatungamiriri vaivandira vanhu vavaifanira kutarisira.
18. Vatongi vaiva muIsraeri vaifanira kubata sei vanhu vaMwari?
18 Zviri pachena kuti vatungamiriri ivavo vaiva murudzi rwakanga rwakazvitsaurira kuna Mwari vaisamuziva. Kudai vaimuziva, vangadai vakateerera Zekariya 8:16, inoti: “Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi. Tongai nechokwadi uye nokutonga kworugare muri pamagedhi enyu.” Varume vakuru muIsraeri vaiungana pagedhi reguta uye vaifanira kutonga mhosva, kwete maererano nezvavaingonzwa pakutanga kana kuti zvavaida, asi maererano nokufunga kwaMwari. (Dheuteronomio 22:15) Uye Jehovha akanga anyevera nezvokusarura, zvakadai sokuda vapfumi kana kuti vakanga vakakurumbira. (Revhitiko 19:15; Dheuteronomio 1:16, 17) Vatongi vaifanira kuedza kuita kuti vanhu vaikakavadzana vavezve norugare, vachipa “kutonga kworugare.”
19, 20. (a) Nei vakuru vechiKristu vangadzidza zvakawanda kubva muvaprofita 12? (b) Vakuru vangaratidza sei kuti vanoziva Jehovha nokururamisira kwake?
19 Muapostora Pauro akataura chikamu chemashoko aZekariya 8:16 paainyorera vaKristu. (VaEfeso 4:15, 25) Saka tinogona kuva nechokwadi chokuti kunyevera uye zano zvevaprofita 12 pamusoro pokururamisira zvinoshanda muungano mazuva ano. Varume vakuru, kana kuti vatariri, vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka pakuziva Jehovha uye pakuratidza kururamisira kwake. Isaya 32:1 inovarondedzera nenzira inozorodza se‘machinda anotonga kuti pave nokururamisira.’ Ipfungwa dzipi dzinoshanda dzine chokuita nevakuru vakadaro dzatingawana mukunyevera uye zano zvinowanika muvaprofita vacho 12?
20 Vakuru vechiKristu vanofanira kuyeuka chokwadi cheMagwaro uye zvinoratidza mafungiro aJehovha. Zvavanosarudza zvinofanira kubva pane zvinotaurwa neMagwaro panzvimbo pezvavanofunga kana kuti zvinongoerekana zvauya mupfungwa dzavo. Bhaibheri rinoratidza kuti pangava nenyaya dzakaoma, dzinoda nguva yakawanda yokugadzirira, kutsvakurudza munhu uri woga muBhaibheri nemabhuku ane zano rokuchenjera rinobva kuboka romuranda akatendeka, akangwara. (Eksodho 18:26; Mateu 24:45) Vakuru pavanoshanda nesimba zvakadaro, zviri pachena kuti vachavenga zvakaipa voda zvinonzi naMwari zvakanaka. Izvi zvichavabatsira ‘kururamisira vari pagedhi’ zvokuti ‘vachatonga nokururamisira kwechokwadi.’—Amosi 5:15; Zekariya 7:9.
21. Nei vakuru vasingafaniri kusarura, asi chii chingavaedza kuti vave nerusaruro?
21 Kunyange kana munhu ane basa rokutonga achiziva Bhaibheri, angaratidza karusaruro. Maraki akademba zvikuru chokwadi chokuti vapristi vaifanira kunge vaine zivo, ‘vaisarura mumutemo.’ (Maraki 2:7-9) Izvozvo zvaizoitika sei? Chokwadi, Mika akataura kuti vamwe vatungamiriri ‘vaitonga kuti vangowana pfumbamuromo, uye vapristi vairayiridza kuti vangowana mubhadharo.’ (Mika 3:11) Kufunga kwomukuru kungakanganiswa sei zvakafanana? Zvakadini kana munhu waari kubata naye akambomuratidzira rupo kare, kana kuti zvakadini kana mukuru wacho achiona zvimwe zvingangozomubatsira munguva yemberi? Kana kuti ngatitii nyaya yaari kutarisira ine chokuita nomumwe munhu waaine ukama naye hwomumba kana kuti hwokuroorerana. Zvaachaita zvichakonzerwa noukama hwemhuri here kana kuti nechokwadi chinokosha chine chokuita nokunamata? Kusasarura kwomukuru kungakanganiswa paanenge achitarisira nyaya yezvakaipa zvakaitwa kana kuti kusarudza kana mumwe munhu akakodzera maererano neMagwaro kuti awane dzimwe ropafadzo dzebasa muungano.—1 Samueri 2:22-25, 33; Mabasa 8:18-20; 1 Petro 5:2.
22. (a) Vakuru vane basa ripi panyaya yokururamisira? (b) Ndohupi humwe unhu hunodiwa naMwari hunofanira kuratidzwa nevakuru pavanenge vachibata nevanenge vatadza?
22 Mumwe munhu paanotadza zvakakomba, vafudzi vechiKristu vari muungano vanoita chimwe chinhu kuti vadzivirire ungano pazvinhu zvinoshatisa, zvine ngozi chero zvipi zvazvo. (Mabasa 20:28-30; Tito 3:10, 11) Zvisinei, kana munhu wacho anenge atadza achipfidza zvechokwadi, vakuru vanofanira “kururamisa munhu akadaro nounyoro.” (VaGaratiya 6:1) Panzvimbo pokuva vakaoma, vasina tsitsi, vanoshandisa zano iri: “Tongai nokururamisira kwechokwadi; uye itiranai mutsa worudo nengoni.” (Zekariya 7:9) Mirau yaJehovha ine chokuita nokutonga mhosva muIsraeri yekare inosimbisa kururamisira kwake nengoni. Vatongi vakasarudzwa vaiva norusununguko pane zvavaisarudza zvakawanda; vaigona kuratidza ngoni, zvichienderana nemamiriro ezvinhu uye mafungiro omutadzi. Saizvozvowo, vatariri vechiKristu vanofanira kuedza kutonga “nokururamisira kwechokwadi” voratidza “mutsa worudo nengoni,” vachiratidza kuti vava kuziva Jehovha.
23, 24. (a) Vakuru vangasimudzira sei “kutonga kworugare”? (b) Vaprofita 12 vakubatsira kunzwisisa chii panyaya yokururamisira?
23 Yeuka Zekariya 8:16 inoti: “Tongai nechokwadi uye nokutonga kworugare muri pamagedhi enyu.” Chinangwa chacho ndechei? “Kutonga kworugare.” Kunyange vaapostora pavaiva vapenyu, paiva nokusawirirana kana kuti kukakavadzana pakati pevamwe vaKristu. Sezvakaitwa naPauro kuna Yudhiya naSindike, vakuru mazuva ano vanofanira kupa ruyamuro. (VaFiripi 4:2, 3) Vakuru vanofanira kuvavarira nomwoyo wose ‘kutonga norugare,’ vachiedza kuita kuti vanhu vanenge vachikakavadzana vavezve norugare. Zano reMagwaro ravanopa uye mafungiro avo pakuita kudaro zvinofanira kusimudzira rugare muungano uye rugare naMwari. Saka zvichava pachena kuti zvechokwadi vanoziva Jehovha uye kururamisira kwake.
24 Nyaya mbiri dzataurwa pamusoro apa dzinoratidza kuti zvinokosha kushandisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva zano rine chokuita nokururamisira rakanyorwa nevaprofita 12. Chokwadi, chikomborero chaicho apo isu nevaya vatinoshamwaridzana navo ‘tinoita kuti kururamisira kuyerere’!
WADZIDZEI?
• Nezvokururamisira, muenzaniso upi wauinawo?—Pisarema 37:28; Hosiya 2:19, 20.
• Nei uchifanira kushanda zvakaoma uye kuvavarira kuti ururamisire?—Amosi 5:6, 7; Zefaniya 2:3.
• Ungaruramisira sei munyaya dzako dzebhizimisi kana kuti dzemari?—Hosiya 5:10; 12:6, 7; Amosi 8:5; Mika 2:1, 2; Maraki 3:5.
ZVINOSHANDA SEI NHASI?
• Nei vakuru vechiKristu vachifanira kururamisira nomwoyo wose?—Mika 3:9.
• Zekariya 8:16 inopa vakuru nevamwe murayiro upi?
• Kuratidza rusaruro kupi kwatinofanira kungwarira kuti tidzivise, uye nei?—Maraki 2:7-9; 1 Timoti 5:21, 22.
[Mufananidzo uri papeji 71]
Habhakuki
[Mufananidzo uri papeji 76]
Kururamisira ichokwadi chinokosha chinokutungamirira kubasa uye munyaya dzebhizimisi here?
[Mufananidzo uri papeji 79]
Machinda omuzuva raMika uye Zefaniya aisaziva Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 81]
Pane zvose zvavanoita, vakuru ‘vanoruramisira vari pagedhi’