Mbiri Huru Zvikuru Yeimba yaJehovha
“Ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—HAGAI 2:7.
1. Mudzimu mutsvene wakabatana sei nokutenda nebasa?
ACHIPARIDZA paimba neimba, mumwe weZvapupu zvaJehovha akasangana nemumwe mukadzi wechiPentecostal uyo akatsinhira kuti, ‘Isu tine mudzimu mutsvene, asi ndimi muri kuita basa.’ Nokungwarira pakutaura, akatsanangurirwa kuti ane mudzimu mutsvene, nenzira yomuzvarirwo, achasundwa kuita basa raMwari. Jakobho 2:17 inoti: “Kutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.” Nebetsero yomudzimu waJehovha, Zvapupu zvake zvakasakurira kutenda kwakasimba, uye aka‘zadza imba yake nembiri’ kupfurikidza nokuzviita kuti zviite mabasa akarurama—zvikurukuru ‘kuparidza aya mashoko akanaka eUmambo mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.’ Apo basa irori rinenge raitwa kusvikira Jehovha agutsikana, “ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14.
2. (a) Kuzvibatikanisa timene mubasa raJehovha kuchaunza chikomboreroi? (b) Nei tichifanira kufara pamusoro pekupi nokupi kunoratidzika kuva ku“nonoka”?
2 Kubva mumashoko iwaya aJesu, tinogumisa kuti basa redu nhasi rinofanira kunangidzirwa pakuparidza kuvamwe “Evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro,” yatakaronzwa. (1 Timotio 1:11) Kana tikazvibatikanisa timene zvikuru nomufaro mubasa raJehovha, mugumo ucharatidzika kuva unosvika nokukurumidza zvikuru. Pana Habhakuki 2:2, 3, tinorava mashoko aJehovha anoti: “Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kurahwa nounomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” Hungu, “zvakaratidzwa” zvichaitika “kunyange zvikanonoka.” Muna ikoku gore rechi83 rokutonga kwaJesu kwoUmambo, vamwe vangarangarira kuti tiri munhambo yokunonoka zvino chaiye. Hatifaniri kufara here, kunyange zvakadaro, kuti mugumo uchigere kusvika? Mukati meano makore gumi ema1990, ganhuriro pakuparidza mashoko akanaka dzakabviswa, nenzira inoshamisa kungaratidzika kudaro, muEastern Europe, mativi eAfrica, uye dzimwe nyika. Kunoratidzika kuva ku“nonoka” kuri kubvumira nguva yokuti “makwai” mazhinji zvikuru aunganidzwe munyika idzodzi dzichangobva kuzarurwa.—Johane 10:16.
3. Nei kunzwisisa kwedu kwakawiriraniswa nenguva pamusoro pe“chizvarwa ichi, NW” kuchifanira kutinyandura kuita basa raMwari nekukurumidzira?
3 “Hazvingaiti nguva huru,” anodaro muporofita wacho. Jesu akataura kuti chizvarwa chiripo chakaipa chaisazopfuura kutozosvikira “izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:34) Kunzwisisa kwedu kwakawiriraniswa nenguva kwemashoko ake kunoreva here kuti mubato wedu wokuparidza hausi wokukurumidzira kwazvo?a Maidi anoratidza zvakasiyana chaizvo muchiitiko chacho! Chizvarwa chapanguva imwe cheteyo nesu chiri kupinda mumumiriro wezvinhu wouipi noushati zvisina muenzaniso munhau yose yakapfuura. (Enzanisa naMabasa 2:40.) Tinofanira kuita basa redu nokukurumidzira. (2 Timotio 4:2) Uporofita hwose pamusoro pokuziva nguva yedambudziko guru hunoratidza kuti richasvika kamwe kamwe, pasina kunonoka, chinyararire—sembavha. (1 VaTesaronika 5:1-4; Zvakazarurwa 3:3; 16:15) “Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yomusingamutariri.” (Mateo 24:44) Sezvo chizvarwa chino chisina umwari chorudzi rwomunhu chinoswedera pedyo nokuparadzwa, zvirokwazvo hatifaniri kurasa tariro yedu inokosha youpenyu husingagumi kupfurikidza nokudzokera “kukuumburuka mumatope” ezvinotsausa zvenyika!—2 Petro 2:22; 3:10; Ruka 21:32-36.
4. Mumiriroi wezvinhu wakarayira migove yakawedzerwa ye“zvokudya panguva yakafanira,” uye chinodikanwa ichochi chakagoverwa sei?
4 Maererano nouporofita hwaJesu, muna 1914 makava ne“kutanga kwenhamo” sezvo rudzi rwomunhu rwakapinda “kuguma kwenyika.” Rusuruvaro, zviitiko zvine ngwavaira, uye kusateerera mutemo zvakawedzera kusvikira kuzuva rino. (Mateo 24:3-8, 12) Panguva imwe cheteyo, Jehovha akatuma boka remuranda rakazodzwa rakatendeka uye rakangwara kuti rigovere “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira” imba yaTenzi waro, Kristu. (Mateo 24:45-47) Ari pachigaro chake choushe mumatenga, uyu Mambo Mesiya zvino ari kutungamirira gadziriro inoshamisa yokudyisa mumudzimu mupasi rose.
“Mugove Wezvokudya” Mukuru
5. Chinhu chinokosha che“zvokudya” chiri kugamuchira ngwariroi?
5 Rangarira kugadzirwa kwe“mugove wezvokudya.” (Ruka 12:42) Chinhu chinokosha pandaza yezvokudya zvechiKristu iShoko raMwari, Bhaibheri. Kuti tidzidzise Bhaibheri zvinobudirira, shanduro inoravika, yakarurama ndichinodikanwa chokutanga. Mumakore apfuura ichi chinodikanwa chakazadzikwa nenzira inofambira mberi, zvikurukuru kutangira muna 1950 apo New World Translation of the Christian Greek Scriptures yakabudiswa muchiNgezi. Pakasvika 1961 New World Translation yeBhaibheri rose yakanga yowanikwa, uye zvinyorwa zvakaoneka nokukurumidza mune mimwe mitauro mikuru. Mavhoriyamu 3 akabudiswa mukati megore rebasa ra1996 anosvitsa hwerengedzo yacho ku27, 14 acho iBhaibheri rakakwana. Kuitira kuti uku kushandwa kweBhaibheri kuitwe, pamwe chete nezvinobetsera kufunda Bhaibheri, vaKristu vakazvitsaurira 1 174 zvino vari kuita shanduro nguva yakazara munyika 77.
6. Sosaiti yakagovera sei kudikanwa kwezvinyorwa zveBhaibheri?
6 Achitsigira basa reiri boka guru revashanduri, mapazu okudhinda 24 eWatch Tower Society ave achibudisa zvinyorwa zvakawanda zvikuru kupfuura nakare kose. Nedonzo iroro, michina yokudhinda yerotary inokurumidza zvikuru inopfuurira kuiswa mumapazu makuru. Kubudiswa kwemagazini eNharireyomurindi neMukai! kwakawedzera mwedzi nemwedzi, kusvikira kuhwerengedzo yakabatanidzwa yemakopi 943 892 500, wedzero ye13,4 muzana yegore. Hwerengedzo yokubudiswa kwemaBhaibheri nemabhuku makuru ane butiro rakasimba muUnited States, Brazil, Finland, Germany, Italy, Japan, Korea, uye Mexico chete yakawedzera ne40 muzana kubvira muna 1995 kusvikira kumakopi 76 760 098 muna 1996. Mamwe mapazu akapawo mupiro wakati wewedzero yose zvayo mukubudiswa kwemabhuku.
7. Isaya 54:2 inova yekurumidziro zvikuru sei zvino?
7 Zhinji yewedzero yacho yakaitwa kuti ive madikanwa mukati mema1990 kupfurikidza nokubviswa kweganhuriro paZvapupu zvaJehovha muEastern Europe neAfrica. Nzara yezvokudya zvomudzimu ihuru munzvimbo idzodzi. Naizvozvo danidzo inonzwika nekurumidziro huru zvikuru kupfuura nakare kose: “Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.”—Isaya 54:2.
8. Kuitai kwomutsa kuri kubetsera kugovera tsigiro yemari?
8 Nokudaro, kwave kuri madikanwa kuwedzera nzvimbo mumazhinji emapazu 104 eSosaiti. Nemhaka yemamiriro ezvemari akaoma munyika zhinjisa dzichangobva kuzarurwa, rutivi rukuru rwendyiko yeiyi wedzero rwuri kufukidzwa nemipiro yekubasa romunyika yose inobva kunyika dzakapfuma zvikuru. Nenzira inofadza, ungano navanhu vamwe navamwe vave vachiita chimwe chinhu nomwoyo wose, muchimiro chendangariro chaEksodho 35:21: “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha.” Tinoshandisa mukana uno kutenda vose vave vachigoverana muuku kupa kworupo.—2 VaKorinte 9:11.
9. VaRoma 10:13, 18 iri kuzadzikwa sei nhasi?
9 Mukati ma1996 zvinyorwa zveWatch Tower Society zvirokwazvo zvakarumbidza zita raJehovha nemadonzo kusvikira kumigumo yapasi. Zvakaita chaizvo seizvo muapostora Pauro akafanotaura. Achinokora mashoko uporofita hwePisarema rechi19, akanyora kuti: “Ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” (VaRoma 10:13, 18) Kupfurikidza nokudarozvo kurumbidza zita rinokosha rokuti Jehovha, vanhu vake vakaita ruviti runokosha mukuzadza imba yake yokunamatira nembiri. Kunyange zvakadaro, uku kuzivisa kwakabudirira sei zvikurukuru mukati ma1996? Tapota nzvera chati inotevera papeji 18 kusvikira ku21.
Kucheka Munyika Yose
10. Mativii akatanhamara aunocherekedza mumubato wevanhu vaJehovha, seunopfupikiswa muchati iri papeji 18 kusvikira ku21?
10 Mashoko aJesu anowanwa pana Ruka 10:2 haana kutongova nesimba guru zvikuru rakadai: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” Uri kupindura kudana ikoko here? Mamiriyoni kupota pasi rose ari kudaro. Ikoku kunotsigirwa nenhamba itsva yapamusoro yevaparidzi voUmambo 5 413 769 avo vakashuma basa romumunda mukati ma1996. Uyezve, hama nehanzvadzi itsva 366,579 dzakabhabhatidzwa. Tinokoshesa sei “zvinodikanwa nendudzi dzose” izvozvi, izvo zvinogoverana zvino muku‘zadza imba yaJehovha yokunamatira nembiri’!—Hagai 2:7.
11. Nei tose zvedu tiine chikonzero chokufara zvikuru?
11 Mishumo yewedzero muminda ichangobva kuzarurwa inoshamisa. Vamwe vedu tinoitira shanje vaya varikufarikanya wedzero yakadaro zvino here? Mukupesana, tinofara navo. Nyika dzose dzakava nemavambo maduku. Muporofita akararama panguva imwe cheteyo naHagai, Zekaria, akanyora kuti: “Ndiani akashora zuva rezvinhu zviduku?” (Zekaria 4:10) Tinofara zvikuru kuti munyika umo basa rokupupura rakasimba zvikuru, zvino mune mamiriyoni evaparidzi voUmambo, uye ndima inowanzofukidzwa, kunyange vhiki iri yose mumaguta makuru mazhinji. Tine chikonzero chokurembedza ruoko nepo Jehovha zvino ari kutambanudzira mukana wokuponeswa kunharaunda dzaichimbova dzakarambidzwa here? Nyangwe! “Munda inyika,” akadaro Jesu. (Mateo 13:38) Uchapupu hwakakwana hunofanira kupfuurira kupiwa, kungofanana nevadzidzi vapakuvamba vakapa uchapupu hwakakwana pamhedziso yetsika yezvinhu yechiJudha.—Mabasa 2:40; 10:42; 20:24; 28:23.
Kufambira Mberi Nguva Dzose
12. Ikurudziroi yatinayo yoku“ruramira mberi”? (Onawo bhokisi, “Kucheka Kubva ‘Kumigumo Yenyika.’”)
12 Hungu, tinofanira kufambirana, ku“ruramira mberi” nengoro yokudenga yengirozi yaJehovha. (Ezekieri 1:12) Tinoyeuka mashoko aPetro okuti: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Kushingaira kwomuenzaniso kwehama dzedu munyika dzine urombo mune zvemari ngakutinyandure. Kupi nokupi kunoratidzika kuva kunonoka kwekuvamba kweArmagedhoni kuri kubvumira mazana ezviuru kuunganidzwa munyika idzodzi pamwe chete nevazhinji munyika dzinoshandwa zvikuru. Usakanganiswe: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” (Zefania 1:14) Tinofanira kukurumidzira kupa uchapupu hwakakwana hwokupedzisira!
13, 14. (a) Chii chinogona kutaurwa nezvekuparadzirwa kwezvinyorwa mukati ma1996? (b) Igadziriroi chaidzo idzo ungano dzingaita gore rimwe nerimwe, uye uri kuronga sei kuva negoverano?
13 Kunyange zvazvo udzame husingaoneki muchati yebasa, kwave kune wedzero inoshamisa mukuparadzirwa kwemaBhaibheri, mabhuku, uye magazini mukati megore rapfuura. Somuenzaniso, kugoverwa kwemagazini munyika yose kwakaratidza wedzero ye19 muzana, hwerengedzo yemakopi 543 667 923 achigoverwa. Magazini edu anoparidza nokuchinjika—mumigwagwa, mumapaka, panomirira mabhazi, munharaunda dzebhizimisi. Mishumo inoratidzira kuti mune dzimwe nyika dzakazadzwa nokuparidzira Umambo, nyanzvi dzakaororwa nekunaka kwemagazini edu uye dziri kubvuma fundo dzeBhaibheri.
14 Gore rimwe nerimwe mukati memwedzi waApril, ungano dzinowanzoronga mubato chaiwo wemagazini, dzichisimbisa nhimbe yezuva rose yapaimba neimba uye munzvimbo dzavose. Ungano yenyu ichagoverana muna ikoku mukati maApril 1997 here? Zvinyorwa zvakatanhamara zveNharireyomurindi neMukai! zvakagadzirwa, uye kupiwa kwazvo kwapanguva imwe cheteyo munyika yose zvirokwazvo kunofanira kuorora! Muchitsuwa cheCyprus, ungano, dzichishandisa seziviso yadzo “svika munhu ari wose anobvira neshoko roUmambo,” dzakatoita basa rakadaro remagazini rakarongwa mwedzi uri wose, dzichisvika nhamba itsva yapamusoro ye275 359 akagoverwa nokuda kwegore racho, wedzero ye54 muzana.
Mashoko aHagai Okupedzisira
15. (a) Nei Jehovha akatuma mamwe mashoko kupfurikidza naHagai? (b) Chidzidzoi icho shoko raHagai rechitatu rinofanira kutipa?
15 Jehovha akatuma Hagai, mazuva 63 pashure pokunge apa shoko rake rechipiri, nekuziviswa kwechitatu kwatinogona kusanorangarira zvikuru nhasi. Hagai akataura sokunonzi vaJudha panguva iyoyo vakanga vachivaka fandesheni yetembere, iyo chaizvoizvo vakanga vavaka makore 17 ikoko kusati kwaitika. Zvakare Jehovha akaona zvakakodzera kuchenesa. Vaprista navanhu vakanga vave vanoregeredza; uye naizvozvo vakanga vasina kuchena mukuona kwaJehovha. Kungava here kuti vamwe vavanhu vaJehovha varembedza maoko avo nhasi, kunyange kuzvibatanidza vamene munzira dzenyika dzemadiro uye dzokudisa zvenyika? Kunokosha kuti tose zvedu tifunge “kubva pazuva ranhasi” pamusoro pekurumbidza zita raJehovha, tiine chivimbo chechipikirwa chake chokuti: “Kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.”—Hagai 2:10-19; VaHebheru 6:11, 12.
16. Ku“zunungus[w]a”i kwava pedyo zvikuru, uye chii chichava mugumisiro?
16 Pazuva rimwe chetero, shoko ra“Jehovha wehondo” rakauya kuna Hagai kechina uye kekupedzisira. Akazivisa chinobatanidzwa muku“zunungusa [kwake] denga rose, nenyika,” achiti: “Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe hwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanoatasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.” (Hagai 2:6, 21, 22) Ku“zunungus[w]a” nokudaro kuchasvika mugumo wako apo Jehovha anochenesa chose chose pasi paArmagedhoni. Panguva iyoyo “zvinodikanwa nendudzi dzose” zvichave zvapinda, kuti zvive musimboti wenzanga yomunhu yenyika itsva. Zvikonzero zvakadini zvokufara nokupa rumbidzo kuna Jehovha!—Hagai 2:7; Zvakazarurwa 19:6, 7; 21:1-4.
17. Jesu akagadzwa sei se“chisimbiso”?
17 Achigumisa uporofita hwake, Hagai anonyora kuti: “Nezuva iro—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—ndichakutora iwe, Zerubhabheri, . . . ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:23) Kristu Jesu zvino ndiMambo Mesiya noMuprista Mukuru waJehovha akafananidzirwa, achibatanidza mumatenga nzvimbo dzaiva naGavhuna Zerubhabheri noMuprista Mukuru Joshua zvakasiyana muJerusarema rapasi. Kufanana nechisimbiso chine chiremera paruoko rwaJehovha rworudyi, Jesu ndiye azova “hungu” sechishandiswa chaJehovha mukuita kuti “zvipikirwa [zvizhinji] zvaMwari” zvive chaizvoizvo. (2 VaKorinte 1:20; VaEfeso 3:10, 11; Zvakazarurwa 19:10) Shoko rose rouporofita reBhaibheri rinonangidzira ngwariro pagadziriro yaJehovha yaKristu saMambo noMudzikinuri wouprista.—Johane 18:37; 1 Petro 1:18, 19.
18. “Zvinotaura Jehovha wehondo” zvokugumisa zvichazadzika sei zvinozorodza?
18 Zvirokwazvo muiri zuva redu, mbiri hurusa ichawanikwa mutembere yomudzimu yaJehovha inobwinya! Uye nokukurumidza, pashure pokunge Jehovha aparadza tsika yose yaSatani, Hagai 2:9 ichazadzikazve zvinofadza: “Panzvimbo ino ndichapa rugare—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Rugare pakupedzisira!—rugare runogara, rwemuchisiko chose, runovimbiswa ne“chisimbiso” chaJehovha, Kristu Jesu, “Muchinda worugare,” akanyorwa nezvake kuti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo . . . Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” (Isaya 9:6, 7) Nokusingagumi kwose mbiri yeimba yaJehovha yokunamatira icharatidzirwa munzvimbo yose ine rugare yeuchangamire hwake hwemuchisiko chose. Nguva dzose ngatirambire muimba iyoyo!—Pisarema 27:4; 65:4; 84:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Kuponeswa pa‘Chizvarwa Chakaipa’” uye “Nguva Yokuramba Takamuka” muchinyorwa chaNovember 1, 1995, cheNharireyomurindi.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nhasi, imba yaJehovha iri ku‘zadzwa [sei] nembiri’?
◻ Nei kusina kutongova kwokukurumidzira zvikuru kuparidza mashoko akanaka?
◻ Ikurudziroi yokuparidza nokukurumidzira iyo Mushumo Wegore reBasa wa1996 unopa?
◻ Kristu ari kubatira sei se“chisimbiso” chaJehovha?
[Bhokisi riri papeji 15]
Kucheka Kubva “Kumigumo Yenyika”
PANA Isaya 43:6, tinorava murayiro waJehovha wokuti: “Varege; nokurutivi rwezasi: Usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika.” Rugwaro urwu rwuri kuzadzikwa zvechienzi nhasi muEastern Europe. Rangarira somuenzaniso, yaichimbova nyika yechiKomiyunisiti yeMoldova. Kune misha uko inosvika hafu yevagari vemo zvino yava Zvapupu. Vanofanira kufamba madaro marefu kuti vawane ndima yokuparidza, asi vari kuita nhamburiko yacho! Vaparidzi vazhinji vari muungano idzodzi vana vevabereki vakaitwa nhapwa kuSiberia mukuvamba kwema1950. Zvino mhuri dzavo dziri kutungamirira basa rokucheka. Pavaparidzi 12 565, 1 917 vakabhabhatidzwa gore rapfuura iri. Ungano makumi mana nenhatu dzine vaparidzi vanodokuva 150 mune imwe neimwe, uye matunhu awedzera kubva pamana kusvikira kumasere mugore idzva rebasa.
Inoshamisawo, ndiyo wedzero iri muAlbania. Imomo Zvapupu zvishomanene zvakavimbika zvakatsungirira udzvinyiriri hune utsinye zvikurusa mumakore 50. Vakati vavo vakaurawa. Izvozvo zvinoyeuchidza chipikirwa chaJesu chokuti: “Usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhorosi wodokuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe . . . Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:10; onawo Johane 5:28, 29; 11:24, 25.) Chii chatinoona zvino muAlbania? Zvirokwazvo kuzadzikwa kunoshamisa kwechipikirwa chaJehovha chinowanwa pana Isaya 60:22: “Muduku uchava chiuru”! Muna 1990 muparidzi mumwe bedzi akashuma basa muAlbania. Zvisinei, “vashandi” vazhinji vakabva kuItaly nedzimwe nyika vakapindura kudana kwaJesu kwokuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze.” (Mateo 28:19; Ruka 10:2) Pakasvika nguva yeChirangaridzo chorufu rwaJesu muna 1996, vaparidzi 773 vakanga vachishingaira mumunda, uye ivava vakaunganidza vanhu 6 523 kumisangano yavo yeChirangaridzo, kupfuura nekasere nhamba yavaparidzi! Nhamba dzavapindi dzinoshamisa dzakashumwa munharaunda dziri dzoga. Kunyange zvazvo makanga musina vaparidzi vomunzvimbomo, guta reKukës neDivjakë akava nevapindiri 192 ne230 nenzira inotevedzana. Krujë, ine muparidzi mumwe chete, yakava ne212 vaivapo. Vaparidzi 30 vari muKorçë vakarenda nzvimbo dzevanopfuura 300. Pashure pekunge nhamba iyoyo yazadza horo, vamwe 200 vaifanira kudzoserwa sezvo makanga musichinazve nzvimbo. Zvirokwazvo munda wakaibvira kucheka!
KuRomania kunobva mushumo uno: “Patakanga tichiita basa rapaimba neimba, takasangana nemumwe munhu akataura kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye aigara mune rimwe taundi duku umo, maererano nekuziva kwedu, makanga musina Zvapupu. Akatiudza kuti kunze kwake kwakanga kune vamwe vanhu 15 avo kwemakore akawanda vakanga vave vachiita misangano paChina neSvondo uye kuti vakanga vatanga kuparidza paimba neimba. Zuva rakatevera racho takaenda kutaundi iroro. Varume, vakadzi, uye vana 15 avo vakagamuchira mabhuku 29 nemagazini 20 azvino uno vakatimirira mukamuri mbiri. Takavaratidza nzira yokuitisa nayo fundo dzeBhaibheri. Takaimba pamwe chete ndokupindura mibvunzo yavo yaikosha zvikurusa. Aitungamirira boka racho akati: ‘Mazuva mashomanene apfuura, ndakanyengetera nemisodzi kuna Jehovha kuti atitumire mufudzi, uye munyengetero wangu wapindurwa.’ Takafara zvikurusa, uye pakuenda kwedu, kufanana nenherera inowana baba pakupedzisira, akati: ‘Tapota musatikanganwe. Huyai mutione zvakare!’ Takaita kudaro, uye zvino fundo dzeBhaibheri nomwe dziri kuitiswa mutaundi iroro. Mundima itsva zhinji, basa rinotanga nenzira inoshamisa nemabhuku eBhaibheri, zvinoongwa zvikuru, uye ikoku kunoratidza kuti basa racho nderemanyuko oumwari.”
[Chati iri papeji 18-21]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1997 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
“Zvinodikanwa nendudzi dzose” zviri kuunganidzwa muZvitsuwa zveGungwa (1), South America (2), Africa (3), Asia (4), North America (5), uye Europe (6)