Chitsauko 7
Shumira Jehovha Maererano Nezvaanoda Zvakanaka Chaizvo
1. Vaya vaiva muJerusarema muzuva raZefaniya vaifungei pamusoro pezvinodiwa naJehovha?
“JEHOVHA haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.” Izvozvo ndizvo zvaifungwa nevanhu vaiva muJerusarema muzuva raZefaniya. Vaifunga kuti Jehovha aisatarisira kuti vararame maererano nezvaanoda chero zvipi zvazvo. Zefaniya akataura kuti vakanga ‘vakagadzikana sezvinoita masese ewaini.’ Aireva kuti vanhu vacho vaida kugadzikana muupenyu hwavo hwomutambarakede, vasingavhiringidzwi nechinhu chero chipi zvacho chaiziviswa naMwari chaipindira pane zvavaiita. Kunyange zvakadaro, Mwari akaudza vaJudha ivavo kuti ‘aizonyatsotsvaka muJerusarema nemarambi’ uye ‘ofunga’ nezvevaya vaisava nehanya nezvaaida. Chokwadi, Jehovha ane zvaanoda kuti zviitwe, uye ane hanya nokuti vanhu vake vanozviona sei.—Zefaniya 1:12.
2. Kwaunogara, vanhu vakawanda vanoona sei nyaya yokuti pane zvinodiwa zvavanofanira kuita?
2 Mazuva anowo, vanhu vakawanda vanovenga pfungwa yokurarama maererano nemitemo yezvinodiwa. Unganzwa vachiti, “Ita chero zvaunoda!” Vamwe vanofunga kuti, ‘Kana ndisina mari yakakwana kana kuti ndisingakwanisi kugutsa zvido zvangu, zvakanaka kuita chero zvandinoda kuti ndichinje mamiriro ezvinhu iwayo.’ Havana basa nokuti Mwari anofunga sei kana kuti anodei kwavari. Zvakadini newe? Unonzwa uchifarira here pfungwa yokuti Musiki ndiye anotaura zvinodiwa?
3, 4. Nei uchifara kuti une mitemo yezvinodiwa?
3 Vakawanda vanoramba pfungwa yokurarama maererano nezvinodiwa naMwari, vanowanzobvuma zviri nyore zvinodiwa nevanhu pazvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu. Somuenzaniso, zvakadini nokuchena kwemvura? Hurumende dzakawanda dzinotaura zvinodiwa pakuchena kwemvura yadzinoda kuti ishandiswe. Zvakadini kana zvadzinoda zvacho zvisina kunaka? Izvozvo zvingakonzera manyoka uye dzimwe hosha dzinokonzerwa nemvura ine utachiona, zvichinyanya kurwarisa vana. Zvisinei, zvingangodaro kuti uri kubatsirwa nezvinodiwa zvakanaka chaizvo zvine chokuita nemvura yokunwa. “Kudai pakanga pasina mitemo yezvinodiwa, taizokurumidza kuona migumisiro yacho,” inodaro International Organization for Standardization. “Kakawanda hatizivi basa remitemo yezvinodiwa pakunatsiridza kunaka, kuchengeteka, kuvimbika, kubudirira uye kutsiva chimwe chinhu nechimwe nokuti zvakagadzirwa zvakafanana—uyewo pakupa rubatsiro rwakadaro nomutengo unochengetedza mari.”
4 Kana uchibvuma kuti kuva nemitemo yezvinodiwa kunobatsira muzvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu, hazvina musoro here kutarisira kuti Mwari ave nemitemo yezvinodiwa yakanaka chaizvo nokuda kwevanhu vanodanwa nezita rake?—Mabasa 15:14.
ZVINODIWA NAMWARI ZVAKANYANYA KUOMA HERE?
5. Achishandisa Amosi, Jehovha akaratidza sei kukosha kwokuita zvaanoda?
5 Paunenge uchivaka imba, mitemo yezvinodiwa inokosha. Kana mamwe madziro asina kutwasuka, chivako chacho chose chingatsveyama. Kana kuti madziro acho akava nemaburi angaita kuti imba yacho isagarike. Iyoyo ndiyo pfungwa yezvakaratidzwa Amosi, aiprofita muzana remakore rechipfumbamwe B.C.E., pamusoro pemamiriro ezvinhu orudzi rwaIsraeri rwemadzinza gumi. Akaona Jehovha akamira parusvingo aine “tambo yokuyeresa muruoko rwake.” Mwari akati: “Tarira ndiri kuisa tambo yokuyeresa pakati pevanhu vangu vaIsraeri. Handizovaregererizve.” (Amosi 7:7, 8) Tambo yokuyeresa inenge iine chinhu chinorema chinorembera kwokupedzisira; inoshandiswa kuona kana rusvingo rwakatwasuka. Rusvingo rwokufananidzira urwo Amosi akaona Jehovha amire parwuri rwakanga “rwakagadzirwa pachishandiswa tambo yokuyeresa.” Rusvingo irworwo rwakanga rwakatwasuka, kana kuti rwakati twi. Zvisinei, pakazosvika zuva raAmosi vaIsraeri vakanga vasisina kururama pane zvokunamata—vakanga vakaita sorusvingo rwakatsveyama rwaifanira kuputswa rusati rwawa.
6. (a) Ndeipi pfungwa huru iri mune zvakanyorwa nevaprofita 12? (b) Chii chinoita kuti utaure kuti zvinodiwa naMwari hazvina kunyanya kuoma?
6 Sezvaunodzidza nezvevaprofita vacho 12, uchaona pfungwa iyi inoramba ichidzokororwa: Zvinokosha kuita zvinodiwa naMwari. Mashoko ari mumabhuku iwayo akanga asiri okungoshora chete vanhu vakanga vasingaiti zvaidiwa naMwari zvakanga zvakanaka chaizvo. Pane dzimwe nguva, paaivaongorora, Jehovha aiona kuti vanhu vake vaiita zvaaida. Kuita kwavo kudaro kunoratidza kuti zvaanoda hazvina kunyanya kuoma; zvinoita kuti vanhu vasina kukwana vakaita sesu vazviite. Funga nezvomuenzaniso.
7. Zekariya anotibatsira sei kuona kuti vanhu vasina kukwana vanogona kuita zvinodiwa naJehovha?
7 Pashure pokunge vaJudha vakanga vadzokera kunyika yavo vavaka faundesheni yetemberi, basa ravo rokuvakazve rakamira. Saka Mwari akatuma vaprofita vake Hagai naZekariya kuti vanokurudzira vanhu kutangazve basa racho. Pane zvimwe zvakaratidzwa Zekariya, Jehovha akarondedzera Zerubhabheri, gavhuna weJudha, seaiva ‘netambo yokuyeresa muruoko rwake’ paakaisa dombo repamusoro rokupedzisira pakuvakwa kwetemberi. Temberi yacho yakavakwa maererano nezvaidiwa naMwari. (Zekariya 4:10) Asi funga nezvemashoko aya akadzama anofadza aiva nechokuita netemberi yakanga yapera kuvakwa: “Aya manomwe ndiwo maziso aJehovha. Ari kufamba-famba panyika pose.” Mwari akaona Zerubhabheri achiisa dombo repamusoro munzvimbo yaro, uye zvaanokwanisa kuona zvinhu zvose, Iye akaona kuti temberi yakanga yavakwazve yakanga isina chakaipa paakaiongorora, yaienderana nezvaaida! Pfungwa yacho ndeyokuti kunyange zvazvo Jehovha aine zvaanoda zvakanaka chaizvo, vanhu vanokwanisa kuzviita. Vakurudzirwa naHagai naZekariya, Zerubhabheri nevanhu vake vakanga vaita saizvozvo. Kufanana naZerubhabheri, iwewo unogona kuita zvinotarisirwa naMwari. Kuziva izvozvo kunokurudzira zvikuru!
NEI TICHIFANIRA KUBVUMA ZVINODIWA NAJEHOVHA?
8, 9. (a) Nei zvakakodzera kuti Jehovha audze vanhu zvaanoda? (b) Nei zvakanga zvakakodzera kuti Mwari aida kuti vaIsraeri vachengete mirayiro yake?
8 SoMusiki, Mwari ane kodzero yokutaura zvaanoda kuvanhu uye kutarisira kuti tizviite. (Zvakazarurwa 4:11) Jehovha haafaniri hake kutaura zvose zvose, nokuti akapa vanhu hana kuti ive mutungamiriri anokosha. (VaRoma 2:14, 15) Mwari akaudza vanhu vokutanga kuti varege kudya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa,” waimirira kodzero yaMwari yokutaura zvaidiwa panyaya yezvakanaka nezvakaipa. Unoziva zvakaitika. (Genesisi 2:17; 3:1-19) Achitaura zvisina kunanga nezvokusarudza kwakaipa kwakaitwa naAdhamu, Hosiya akanyora kuti: “[VaIsraeri] vakadarika sungano yangu, sezvakaita munhu wepanyika.” (Hosiya 6:7) Saka Hosiya anoratidza kuti vaIsraeri vakatadza vachiziva zvavo.
9 Kutadza ikoko kwaiva chii? “Vakatyora sungano [yoMutemo].” (New International Version) Mwari paakanunura vanhu vake muIjipiti, akava tenzi wavo uye zviri pachena kuti aiva nekodzero yokuvaudza zvaaida. VaIsraeri vakagamuchira sungano yavakaita naJehovha, zvichiita kuti vabvume kurarama maererano nezvaaida izvozvo. (Eksodho 24:3; Isaya 54:5) Kunyange zvakadaro, vakawanda vavo vakatadza kuita zvaidiwa noMutemo. Vakava nemhosva yokuteura ropa, kuponda, uye ufeve.—Hosiya 6:8-10.
10. Mwari akaedza sei kubatsira vaya vaitadza kuita zvaaida?
10 Jehovha akatuma vaprofita vakadai saHosiya kuti vanobatsira vanhu Vake vakanga vakazvitsaurira. Ava kupedza kunyora bhuku rake rouprofita, Hosiya akazivisa kuti: “Ndiani akachenjera, kuti anzwisise zvinhu izvi? Ndiani akangwara kuti azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, uye vakarurama ndivo vachafamba madziri; asi vadariki ndivo vachagumburwa madziri.” (Hosiya 14:9) Kwokutanga-tanga muchitsauko 14 chaHosiya, tinoona kuti muprofita wacho akasimbisa kudiwa kwokudzokera kuna Jehovha. Vakachenjera vaizonzwisisa kuti Jehovha akaratidza nzira dzakarurama dzaifanira kufambwa nevanhu vake. Somushumiri akazvitsaurira waMwari, hapana mubvunzo kuti unoda nomwoyo wose kuramba wakarurama, uchifamba munzira dzaJehovha.
11. Nei uchifanira kuchengeta mirayiro yaMwari?
11 Hosiya 14:9 inotiudzawo nezvezvinhu zvakanaka zvinobva pamararamiro akarurama. Zvikomborero uye zvinhu zvinobatsira zvinobva pakuita zvinodiwa naMwari. SoMusiki, iye anoziva masikirwo atakaitwa. Zvaanotarisira kuti tiite zvakatinakira. Kuenzanisira ukama hwedu naMwari, tingafunga nezvemotokari nomugadziri wayo. Mugadziri anoziva kugadzirwa kwakaitwa motokari yacho uye kubatanidzwa kwayakaitwa. Anoziva kuti motokari yacho inofanira kuchinjwa oiri nguva nenguva. Chii chingaitika kana ukasava nebasa naizvozvo, zvichida uchifunga kuti motokari yacho ichiri kufamba zvakanaka? Pasina nguva injini yacho ingafa yotadza kushanda. Izvozvo zvakafanana nevanhu. Musiki wedu akatipa mirayiro. Kuichengeta kunotibatsira. (Isaya 48:17, 18) Kunzwisisa kuti tinobatsirwa kunotipa chimwe chikonzero chokuita zvaanoda, kuchengeta mirayiro yake.—Pisarema 112:1.
12. Kufamba muzita raMwari kungasimbisa sei ukama hwedu naye?
12 Mubayiro mukuru kupfuura yose wokuti tichengete mirayiro yaMwari ndewokuva noukama hwakasimba zvikuru naMwari. Patinoita zvaanoda toona kuti hazvina kunyanya kuoma uye kubatsira kwazvinoita, kuda kwedu Muridzi wazvo kunowedzera. Muprofita Mika akarondedzera ukama ihwohwo hwakasimba achiti: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Mika 4:5) Chokwadi tine ropafadzo chaiyo yokufamba muzita raJehovha, tichitsigira mukurumbira wake uye tichibvuma simba rake muupenyu hwedu! Sezvinowanzoguma zvaitika, tinoda kuratidza unhu hwake. Somunhu mumwe nomumwe, ngatishandirei kusimbisa ukama hwedu naMwari.—Pisarema 9:10.
13. Nei kutya zita raMwari kusiri kutya kusina kukodzera kana kuti kwakaipa?
13 Vaya vanoita zvinodiwa naMwari uye vanofamba muzita rake vanonzi vanotya zita raMwari. Ikoko hakusi kutya kusina kukodzera kana kuti kwakaipa. Jehovha anovimbisa vanhu vakadaro, kuti: “Imi munotya zita rangu muchapenyerwa nezuva rokururama, rine kuporesa mumapapiro aro; uye muchabuda, mopembera sezvinoita mhuru dzakakodzwa.” (Maraki 4:2) Mukuzadzika kwouprofita uhwu, “zuva rokururama” ndiJesu Kristu. (Zvakazarurwa 1:16) Ari kupenya iye zvino nokuporesa pane zvokunamata uye achazopenya nokuporesa vanhu mumuviri. Mufaro wevaya vanenge vaporeswa unofananidzwa nemhuru dzakakodzwa ‘dzinobuda, dzopembera,’ dzichifarira kuti dzasunungurwa. Hausati watowana rusununguko rukuru rwakadaro here?—Johani 8:32.
14, 15. Unobatsirwa munzira dzipi nokuomerera pane zvinodiwa naJehovha?
14 Imwe nzira yaunogona kubatsirwa nayo nokuomerera pane zvinodiwa naMwari iri muukama hwakanatsiridzwa nevamwe vanhu. Habhakuki akazivisa matambudziko mashanu—aizowira vaya vaichochora, vaya vaitsvaka pfuma nokusatendeseka, vaya vaiteura ropa, vaya vaironga kuita zvounzenza, uye vaya vainamata zvidhori. (Habhakuki 2:6-19) Kuzivisa kwakaita Jehovha matambudziko aya kunoratidza pachena kuti ane zvaanoda pamararamiro atinofanira kuita. Asi ona pfungwa iyi: Zvakaipa zvina zvataurwa zvine chokuita nezvatinoitira vamwe vanhu. Kana tikashandira kuti tive nemaonero aMwari, hatizokuvadzi vavakidzani vedu. Saka, ukama hwedu nevakawanda vavo hunofanira kunatsiridzwa.
15 Nzira yechitatu yatinobatsirwa nayo ine chokuita nokufara kwemhuri. Vanhu mazuva ano vanowanzoona kurambana senzira yokupedzisira yokugadzirisa nayo kusawirirana kwevanhu vakaroorana. Asi achishandisa muprofita Maraki, Jehovha akati: “Iye anovenga kurambana.” (Maraki 2:16) Tichakurukura Maraki 2:16 zvakadzama gare gare, asi iye zvino ona kubva murugwaro rwacho kuti Mwari akataura nenzira yokuchenjera zvaanoda zvinofanira kuteererwa nenhengo dzemhuri; zvokuti dzikazviita, dzinova norugare. (VaEfeso 5:28, 33; 6:1-4) Ichokwadi kuti tose zvedu hatina kukwana, saka matambudziko achamuka. Asi, Uyo “mhuri dzose dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kubva” kwaari, akapa muenzaniso unoshanda mubhuku raHosiya unoratidza nzira yokugadzirisa nayo kunyange matambudziko akanyanyisa evakaroorana. Tichaongororawo izvozvo mune chimwe chitsauko chinotevera chebhuku rino. (VaEfeso 3:15) Iye zvino ngationei zvimwe zvinobatanidzwa pakuita zvinodiwa naMwari.
“VENGAI ZVAKAIPA, MUDE ZVAKANAKA”
16. Amosi 5:15 ine chii chokuita nezvinodiwa naMwari?
16 Munhu wokutanga, Adhamu, akasarudza noupenzi pakuti zvinhu zvinodiwa zvaani panyaya yezvakanaka nezvakaipa zvakanga zvakanyanya kunaka? Isu tichanyatsosarudza nokuchenjera here? Amosi akatirayira kuva nemanzwiro akasimba ane chokuita neizvi, achikurudzira kuti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.” (Amosi 5:15) William Rainey Harper, purofesa akashaya wemitauro nemabhuku zvekare zvechiJudha aiva paUniversity of Chicago, akati nezvendima iyi: “Zvinodiwa panyaya yezvakanaka nezvakaipa, mupfungwa dza[Amosi], kuita zvinoenderana nezvinoda Yahwe.” Iyi ipfungwa huru yatinogona kudzidza kubva muvaprofita 12. Tinoda here kubvuma zvinodiwa naJehovha panyaya yezvakanaka nezvakaipa? Bhaibheri rinotizivisa zvinodiwa izvozvo zvakanaka chaizvo uye zvinotsanangurwa nevaKristu vakura uye vane ruzivo, vanoumba “muranda akatendeka, akangwara.”—Mateu 24:45-47.
17, 18. (a) Nei zvichikosha kuvenga zvakaipa? (b) Enzanisira kuti tingashandira sei kuvenga zvikuru zvinhu zvakaipa.
17 Kuvenga kwedu zvakaipa kunotibatsira kurega zvinhu zvisingafadzi Mwari. Somuenzaniso, munhu angava achiziva nezvengozi dzeIndaneti oedza kusaona zviripo. Asi, ‘munhu waari nechomukati’ anonzwa sei nezvezvinonyadzisira zvinoratidzwa paIndaneti pacho? (VaEfeso 3:16) Kana akashandisa zvinorayirwa naMwari zviri pana Amosi 5:15, achaona zviri nyore zvikuru kushandira kuvenga zvakaipa. Izvozvo zvingaita kuti akunde pakurwisa kwake kurega zvisingadiwi naMwari.
18 Funga nezvomumwe muenzaniso. Ungafungidzira uchigwadama pamberi pezvidhori zvinoshandiswa pakunamata kwounzenza here? Kungofunga nezvazvo hakusemburi here? Kunyange zvakadaro, Hosiya akataura nezvemadzitateguru evaIsraeri aiita unzenza pamberi paBhaari wePeori. (Numeri 25:1-3; Hosiya 9:10) Zviri pachena kuti Hosiya akataura nezvechiitiko ichi nokuti kunamata Bhaari kwaiva chivi chikuru choumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi. (2 Madzimambo 17:16-18; Hosiya 2:8, 13) Tinogona kufungidzira zvaiitika zvacho zvinosemesa: VaIsraeri vakanga vachipfugamira zvidhori mumitambo yavo isingadzorwi younzenza. Kuziva kwedu kushora kwakaita Mwari izvozvo kungabatsira mumwe nomumwe wedu kurwisa misungo inoteyiwa naSatani achishandisa Indaneti. Mazuva ano, vanhu vakawanda vanonamata vakadzi nevarume vakanaka chaizvo vanoratidzwa muzvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvakakurumbira. Zvisinei, isu tichaita zvakasiyana chaizvo nokuti tadzidza kubva mukunyevera kwevaprofita nezvokunamata zvidhori!
RAMBA UCHIFUNGA SHOKO RAMWARI
19. Ungadzidzei pane zvakaitwa naJona paaiva mudumbu rehove huru?
19 Paunenge uchishandira kuti utsigire zvinodiwa naMwari zvakanaka chaizvo uchitarisana nemiedzo nematambudziko, pane dzimwe nguva unganzwa usingakwanisi kana kuti usisazivi zvokuita. Kana simba rako rokufunga kana kuti remanzwiro aunoita richiita serava shoma, ungabudirira sei kutarisana nemamiriro ezvinhu akaoma? (Zvirevo 24:10) Pane chimwe chinhu chokudzidza kubva kuna Jona, watinoziva kuti aiva munhu asina kukwana ane zvaaikanganisa. Yeuka zvaakaita paaiva mudumbu rehove huru. Akanyengetera kuna Jehovha. Ona zvaakataura mumunyengetero wake.
20. Ungagadzirira sei kuita zvakaitwa naJona?
20 Jona paakanyengetera kuna Mwari ari “mudumbu reSheori,” akashandisa mashoko akawanda aaiziva, mashoko emapisarema. (Jona 2:2) Aitambudzika zvikuru uye akateterera Jehovha kuti amunzwire ngoni, asi mashoko aDhavhidhi akauya pamiromo yaJona. Somuenzaniso, enzanisa mashoko aJona 2:3, 5 neari paPisarema 69:1, 2.a Hazvisi pachena here kuti Jona ainyatsoziva mapisarema aDhavhidhi aaikwanisa kuwana? Mashoko acho emapisarema akafuridzirwa akauya mupfungwa dzake. Jona aiva neshoko raMwari rakafuridzirwa ‘mukati make.’ (Pisarema 40:8) Kana ukatarisana nemamiriro ezvinhu anopedza simba, ungayeuka mashoko aMwari akakodzera here? Kunyatsoziva kwako Shoko raMwari iye zvino kungangozokubatsira zvakanyanya mune ramangwana paunoita zvisarudzo uye paunogadzirisa matambudziko maererano nezvinodiwa naMwari.
ITYA MWARI ZVAKANAKA
21. Unofanira kushandira chii kuti uomerere pane zvinodiwa naMwari?
21 Chokwadika, kungova neShoko raMwari mupfungwa dzako hakuna kukwana kuti unamatire pane zvinodiwa naJehovha. Muprofita Mika anoita kuti unzwisise zvimwe zvaunoda kuti ushandise Shoko raMwari, achiti: “Munhu ane uchenjeri hunobatsira achatya zita renyu.” (Mika 6:9) Kuti uve munhu ane uchenjeri hunobatsira, anogona kushandisa zvaanoziva muupenyu hwake, unofanira kushandira kutya zita raMwari.
22, 23. (a) Nei Jehovha akatuma Hagai kuvaJudha vakanga vadzokera kunyika yokumusha kwavo? (b) Chikonzero chipi chaunacho chokuva nechivimbo chokuti uchakwanisa kuita zvinodiwa naMwari?
22 Ungadzidza sei kutya zita raMwari? Ona zvinotaura muprofita Hagai akashumira pashure pokunge vanhu vadzoka kwavakanga vatapwa. Mubhuku rake rakapfupika zvikuru, rine ndima 38 chete, akashandisa zita raJehovha ka35! Jehovha paakapa Hagai basa rokuprofita muna 520 B.C.E., makore 16 akanga apfuura pachingova nebasa shomanana rakanga raitwa pakuvakwazve kwetemberi muJerusarema. Vanhu vaMwari vakanga vaora mwoyo pamusana pokushora kwaiitwa nevavengi vavo. (Ezra 4:4, 5) Vanhu vaifunga kuti nguva yokuvakazve temberi yakanga isati yasvika. Jehovha akavarayira kuti: “Mwoyo yenyu ngaifunge nezvenzira dzenyu. . . . Vakai imba, kuti ndiifarire uye ndikudzwe.”—Hagai 1:2-8.
23 Gavhuna Zerubhabheri, Mupristi Mukuru Joshua, “nevamwe vanhu vose vakanga vasara vakatanga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, . . . uye vanhu vakatanga kutya Jehovha.” Panguva iyoyo, Mwari akati: “Ndinemi.” Chokwadi ikoko kuvimbisa kukuru! Vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vanhu vacho “vakatanga kupinda, vakashanda muimba yaJehovha.” (Hagai 1:12-14) Kutya kwakanaka kwokusada kugumbura Mwari kwakaita kuti vanhu vaitya vaite chimwe chinhu pasinei nokushorwa.
24, 25. Uchishandisa mienzaniso yakananga, enzanisira kushandisa kwaungaita chokwadi chinokosha chataurwa muchitsauko chino.
24 Zvakadini newe? Kana ukaziva zvinodiwa naMwari mumamiriro ezvinhu aunotarisana nawo, uchava noushingi hunodiwa kuti utye Jehovha panzvimbo pokutya vanhu here? Zvichida uri mukadzi wechiduku, uye kubasa kune murume asingatevedzeri mitemo yaMwari sezvaunoita. Kunyange zvakadaro, ane mutsa uye anokuda. Rugwaro ruchauya mupfungwa here, ruchikuyeuchidza zvinodiwa naJehovha uye ngozi dzokusava nehanya nazvo? Zvakadini naHosiya 4:11? “Ufeve newaini newaini inotapira ndizvo zvinobvisa kunzwisisa.” Uchifungawo nezvorugwaro irworwo, kutya kwako Mwari kuchaita kuti uomerere pane zvaanoda woramba kana murume iyeyo akakukoka kunotandara here? Kana akatanga kutamba zvinoratidza kukuda, kutya kugumbura Mwari wako ane rudo kungakubatsira ‘kutiza.’—Genesisi 39:12; Jeremiya 17:9.
25 Iye zvino ngatidzokerei kumuenzaniso womurume ari kuedza kurwisa muedzo wokuona zvinonyadzisira paIndaneti. Achayeuka here mashoko ePisarema 119:37, akanyorwa somunyengetero? “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.” Uye achadzokorora here mupfungwa mashoko aJesu ari muMharidzo yepaGomo? “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Kutya Jehovha uye chido chokuita zvaanoda zvinofanira kuita kuti muKristu adzivise zvinhu zvinogona kushatisa. Chero papi zvapo paunoedzwa kufunga kana kuti kuita zvinopesana nezvinodiwa naMwari, edza kushandira kutya Mwari zvakanyanya. Uye yeuka zvaunoudzwa naJehovha achishandisa Hagai kuti: ‘Ndinewe.’
26. Ndezvipi zvimwe zvatichakurukura?
26 Chokwadi, unogona kushumira Jehovha maererano nezvaanoda zvakanaka chaizvo wobatsirwa nokuita saizvozvo. Sezvaunoramba uchiongorora mabhuku 12 ouprofita, zvinodiwa naMwari kune mumwe nomumwe wedu, zvicharamba zvichijeka. Chikamu chinotevera chebhuku rino chichakurukura nyaya huru nhatu umo Jehovha anotaura zvaanoda zvakanaka chaizvo: mufambiro wedu, zvatinoita nevamwe, uye upenyu hwedu hwemhuri.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisawo Jona 2:2, 4-9 nePisarema 18:6; 31:22; 30:3; 142:3; 31:6; uye 3:8 akatevedzana sokushandiswa kwaakaitwa naJona.
UNGAPINDURA SEI?
• Kuita kwako zvinodiwa naMwari kana kuti kusazviita kunoita kuti anzwe sei?—Amosi 7:7-9.
• Nei uchiti zvinodiwa naJehovha hazvina kunyanya kuoma?—Zekariya 4:10.
• Zvikonzero zvipi zvaunazvo zvinoita kuti ubvume zvinodiwa naMwari?—Mika 4:5; Maraki 4:2; 2 VaKorinde 5:15; Zvakazarurwa 4:11.
ZVINHU ZVINOTEVERA ZVINGAKUBATSIRA SEI KUITA ZVINODIWA NAMWARI?
• Kuvenga zvakaipa—Amosi 5:15.
• Kuva neShoko raMwari mupfungwa dzako—Jona 2:4-9.
• Kushandira kutya Jehovha—Hagai 1:12-14.
[Mufananidzo uri papeji 87]
Nei uchiita zvinodiwa nomugadziri wechinhu uye zvaanoti ngazviitwe?
[Mufananidzo uri papeji 90]
Kuteerera zano revaprofita 12 kungabatsira sei munhu kuti adzivise kuona zvinonyadzisira?
[Mufananidzo uri papeji 95]
Kutya Mwari kunobatsira sei mumamiriro ezvinhu akadai?