Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwanakomana wake Absaromu.+
3 Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda kudai?+
Nei vazhinji vari kundipandukira?+
2 Vazhinji vari kuti nezvangu:*
“Mwari haasi kuzomuponesa.”+ (Sera)*
5 Ndicharara pasi, ndobatwa nehope;
Uye ndichamuka ndisina chekutya,
Nekuti Jehovha anoramba achinditsigira.+
7 Simukai, haiwa Jehovha! Ndiponesei,+ haiwa Mwari wangu!
Nekuti mucharova vavengi vangu vese pashaya dzavo;
Muchagura mazino evakaipa.+
Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu. (Sera)