Chitsauko 8
“Jehovha Anodei Kwauri?”
1, 2. Nei zvichikurudzira kudzidza zvakaitwa naJehovha nokushata kwakanga kwaita tsika dzevanhu vake vekare?
FUNGIDZIRA zviri kuitika izvi: Musikana anovhundutswa nokugogodza kune simba kwaitwa pasuo. Anotyira kuti zvimwe angava mutengesi ane uori ari kuda mari yechikwereti kumhuri yomusikana wacho. Akabiridzira vakawanda achishandisa zviyereso zvokunyengera uye kuchaja mubereko usiri pamutemo. Kuti asarangwa, mutengesi wacho anopa vatungamiriri veguta pfumbamuromo, avo vanoratidza kusava nehanya nokunyunyuta kwevaya vari kutadzirwa. Musikana wacho anonzwa asina kudzivirirwa; baba vake vakatiza mhuri vachitora mumwe mukadzi muduku. Iye naamai vake vangangotengeswa kuti vave varanda.
2 Zviri kuitika izvozvo zvinosanganisira zvimwe zvaiitwa zvakashorwa nevaprofita 12. (Amosi 5:12; 8:4-6; Mika 6:10-12; Zefaniya 3:3; Maraki 2:13-16; 3:5) Kudai wakanga uchirarama panguva iyoyo, ungadai wakaita sei? Kunyange zvazvo mamiriro acho ezvinhu achiita seanoodza mwoyo, unogona kukurudzirwa nezvinhu zvakanaka zvakaitwa naJehovha kuvanhu vake mumazuva evaprofita ivavo. Chokwadi, unogona kuona kubva mumabhuku iwayo 12 kuti Mwari akasimbisa unhu uye mafungiro zvakanaka chaizvo. Kukurudzira kwake kunogona kusimbisa tsika dzako, kunogona kukukurudzira kuti uite zvakanaka, kwoita kuti umurumbidze. Zuva rokutonga kwaJehovha zvariri kukurumidza kuuya, kuteerera kwako shoko rinokurudzira riri mumabhuku iwayo kunogona kuita kuti unzwisise zvinodiwa naMwari kwauri. Tanga nokuongorora zvaiitika muzuva raMika, muzana remakore rechisere B.C.E.
JEHOVHA ANODEI KWAURI?
3, 4. (a) Kuteterera kupi kunofadza kuri mubhuku raMika? (b) Iwe pachako unonzwa sei nezvomubvunzo uri pana Mika 6:8?
3 Paunenge uchiverenga bhuku raMika, pakutanga ungafunga kuti indandanda yokupomera vaIsraeri vakanga vatsauka. Chokwadika, Jehovha ainyatsoziva kushata kwetsika dzevanhu vake vakanga vakazvitsaurira, kusanganisira vaya vaakarondedzera se‘vanhu vanovenga zvakanaka vachida zvakaipa.’ (Mika 3:2; 6:12) Kunyange zvakadaro, pamwe chete nokushora kwacho, pane mamwe mazano anofadza zvikuru uye anokurudzira zvikuru ari muBhaibheri. Mika anonyanya kukurukura Panobva zvinodiwa zvakarurama obva abvunza mubvunzo uyu unotokonya pfungwa: “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?”—Mika 6:8.
4 Unoona here pano kuteterera kunoitwa noMusiki wedu? Tinoyeuchidzwa nenzira yorudo nezvemafungiro akanaka atinokwanisa kuva nawo pane kubvumira kuti titsauswe nouipi hwakapararira. Jehovha anoziva kuti sevanhu vakavimbika tinoda kushandira kuva nounhu hwaanoda, uye anovimba nesu. Waizopindura sei kudai waizobvunzwa iwe pachako kuti: “Jehovha anodei kwauri?” Ungataura here zvimwe zvinhu muupenyu hwako umo zvinodiwa naMwari panyaya yetsika zviri kukubatsira kana kuti zvichifanira kukubatsira? Ukama hwako naMwari uye kunaka kwoupenyu hwako zvichanatsiridzwa zvikuru sezvaunoramba uchiita zvinodiwa izvozvo. Paradhiso yomunyika yose zvayava pedyo, kurudzirwa nokurayira uku: “Dyarai mbeu mukururama; kohwai zvinoenderana nomutsa worudo. Rimai nyika inorimika, pakunenge kuchine nguva yokutsvaka Jehovha kusvikira auya, okupai murayiridzo mukururama.” (Hosiya 10:12) Iye zvino ngationgororei pfungwa dzinokosha dziri muzano rakanaka chaizvo raMika 6:8.
‘IVA NOMWERO’
5. Nei zvichikosha kuti ti“ve nomwero” pakufamba naMwari?
5 Mika anonyanya kutaura kuti Jehovha anoda kuti ‘tive nomwero pakufamba’ Naye. Kuva nomwero kunogona kungobatsira isu nokuti “vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvirevo 11:2) Kuva nomwero kunosanganisira kuziva zvatinotadziswa kuita nechivi chaAdhamu. Kubvuma kwedu kuti takaberekerwa muchivi idanho rokutanga rinokosha pakuvavarira kudzivisa kutadza nemaune chero kupi zvako.—VaRoma 7:24, 25.
6. Tingabatsirwa sei kana tikabvuma nenzira ine mwero migumisiro yechivi?
6 Nei kuva nomwero pamwe chete nokuzvininipisa zvichikosha zvikuru pakudzivisa kutadza nemaune? Munhu ane mwero anoziva simba rine chivi. (Pisarema 51:3) Hosiya anotibatsira kunzwisisa kuti chivi chinogona kunyengedza uye kuti nguva dzose chinoparadza pakupedzisira. Somuenzaniso, Jehovha akavimbisa kuti aizoita kuti vanhu vake vekare vakanga vasingateereri ‘vazvidavirire.’ Izvozvo zvinoratidza here kuti vatadzi ivavo vakanga vasina mwero vaigona kutiza migumisiro yose? Vangave vakatarisira kudaro, chivi zvachinowanzonyengera uye chichiita mutadzi wacho muranda. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti chivi chinoparadzanisa vatadzi naMwari, zvichida zvichiita kuti vasvike mumamiriro ezvinhu aya akaipa kwazvo: “Zvavakaita hazvivabvumiri kudzoka kuna Mwari wavo.” Kutadza nemaune kunoparadza simba romutadzi wacho, zvichiita kuti achinje kuva ‘munhu anoita zvinhu zvinokuvadza.’ Uyezve, chivi chinoita kuti upenyu hwomutadzi husabudirira. Chokwadi, kwekanguva angaita seari kubudirira, asi mutadzi asingapfidzi haagoni kutarisira kufarirwa naMwari.—Hosiya 1:4; 4:11-13; 5:4; 6:8.
7. Vanhu vane mwero vanoita sei nokutungamirira kwaJehovha?
7 Vanhu vane mwero vanobvumawo kuti vanoda kutungamirirwa naMwari kuti vadzivise migumisiro inosuruvarisa yechivi. Mika akafanoona nguva—iro zuva redu—vanhu vazhinjizhinji pavaizotsvaka nomwoyo wose ‘kurayiridzwa nezvenzira dzaJehovha’ uye ‘kufamba mumakwara ake.’ Vanhu vanyoro vakadaro vanotsvaka “mutemo” uye “shoko raJehovha.” Zvichida uri kufara kuti uri pakati pevaya vanoda ku“famba nezita raJehovha” nokuita zvaanoda. Kunyange zvakadaro, kufanana naMika, ungave uchifarira dzimwe nzira dzokuti urambe ‘wakachena.’ (Mika 4:1-5; 6:11) Kutsvaka nenzira ine mwero kuita zvinodiwa naJehovha kwauri kuchakubatsira zvikuru.
SHANDIRA KUVA NETSIKA DZAKANAKA CHAIZVO
8. Chii chawakacherechedza nezvetsika dzenyika mazuva ano?
8 Zvaanofarira kugara kwedu zvakanaka pakunamata uye mumuviri, Jehovha anoda kuti tive netsika dzakachena pasinei noushati huri munyika yatiri mairi. (Maraki 2:15) Tinonzwa mashoko akawanda kwazvo ane chokuita nokurara nomumwe munhu. Vanhu vakawanda vanofunga kuti kuona mifananidzo nemafirimu zvinonyadzisira, kuverenga nezvokurara pamwe chete kwevanhu kunonyadzisira, uye kuteerera nziyo dzine mashoko anotaura zvisina kukodzera ndiwo mararamiro enguva dzose. Uyezve, kune vanhu vasingaremekedzi vakadzi, vanovaona sevokungorara navo chete. Kana kuti vechiduku kuchikoro vangataurawo majee anonyadzisira uye zvinhu zvine chokuita nokurara nomumwe munhu. Ungadzivisa sei zvinhu zvinoshatisa zvakadaro?
9. Vakawanda vakatadza sei kutsigira zvaidiwa naJehovha munguva yevaprofita 12?
9 Vaprofita 12 vatiri kukurukura nezvavo vanopa zano rinokosha. Vakararama nguva yezvivako zvine dzimba dzakawanda dzokuonera mafirimu uye nguva yemavhidhiyo akawanda isati yasvika, asi munguva yavo maiva nezviratidzo zvenhengo yokubereka nayo yomunhurume, chihure chainzi chitsvene, uye unzenza hwainyadzisa. (1 Madzimambo 14:24; Isaya 57:3, 4; Habhakuki 2:15) Unogona kuona uchapupu hwaizvozvo pane zvakanyorwa nevaprofita, kuti: “Nokuti varume, vanoenda vari voga nemahure, uye vanobayira zvibayiro pamwe chete nepfambi dzechikadzi dzepatemberi.” “Murume nababa vake vanoenda kumusikana mumwe chete, kuti vasvibise zita rangu dzvene.” Vamwe vaigara vachi‘bhadhara pfambi’ pamitambo yaiitirwa kubereka.a Upombwe hwakanga hwakapararira, varume kana kuti madzimai vakanga vasina kutendeka vai“tevera vadiwa” vavo.—Hosiya 2:13; 4:2, 13, 14; Amosi 2:7; Mika 1:7.
10. (a) Chii chinonyanya kukonzera unzenza? (b) Vanhu vaMwari vekare vakava sei nemhosva youfeve pane zvokunamata?
10 Zvichida unoziva kuti unzenza hunoratidza mafungiro omunhu uye vavariro dzake. (Mako 7:20-22) Jehovha akataura nezvevanhu vake vaiva nzenza kuti “kuda kuita ufeve [“chido chikuru chokurara nomumwe munhu,” CEV] kwakavadzungairisa” uye kuti “havana kumbozvibata.” (Hosiya 4:12; 6:9)b Zekariya akataura nezvo“mudzimu wokusachena.” (Zekariya 13:2) Mararamiro evanhu vacho aisanganisira mafungiro okusaremekedza, kuzvidza kana kuti kushora zvaidiwa naJehovha uye chiremera chake. Saka, kuti agadzirise vavariro dzake, munhu aifanira kuchinja zvachose mafungiro ake uye mwoyo wake. Kuziva izvi kunofanira kuita kuti vaKristu vatonyanya kuonga rubatsiro rwavanowana kuti vadzivise unzenza uye migumisiro yahwo yakaipa.
VAVARIRA KUVA AKACHENA
11. Ndeipi mimwe migumisiro younzenza?
11 Ungave wakaona kuti tsika dzisina kuchena dzinowanzoparadza mhuri, dzinoshayisa vana utungamiriri hwevabereki, dzinoita kuti vanhu vave nehosha dzinosemesa, uye dzinoita kuti vanhu vabvise pamuviri vachiuraya upenyu. Vaya vasingateereri Musiki panyaya dzine chokuita nokurara nomumwe munhu vanowanzokuvara mumuviri uye mupfungwa. Mika akanyora kuti: “Kuparadza kuripo; uye basa racho rokuparadza rinorwadza nokuti [munhu] haasisina kuchena.” (Mika 2:10) Kuziva izvi kunosimbisa kutsunga kwevanhu vanoda Mwari. Havasvibisi mwoyo yavo nepfungwa dzavo nokuramba vachifunga pfungwa dzisina kuchena.—Mateu 12:34; 15:18.
12. Tinobatsirwa sei nokubvuma maonero anoita Jehovha kurara nomumwe munhu?
12 VaKristu havadzivisi unzenza pamusana chete pokutya hosha kana kuti kuva nomwana asiri wepamutemo. Vanoona kukosha kwokuvavarira kuda mutemo waMwari uye kuva nemaonero aanoita tsika dzepabonde. Jehovha akaisa muvanhu chido chakanaka chokurara nomumwe munhu sokuratidzirana rudo kwevakaroorana. Izvozvo zvaiva chimwe chechinangwa chaMwari chokusika. Kurara pamwe chete pakunoitwa nevakaroorana chete kunobatsira, kuchibatanidza murume nomudzimai uye pane dzimwe nguva kuchiita kuti vana vaberekwe. Zvisinei, vanhu pavanorara pamwe chete ivo vasina kuroorana, izvozvo zvinoparadza zvikuru, sezvinoratidzwa nezvakataurwa nevaprofita 12. Kuita unzenza kwakaita kuti vasafarirwa naMwari. Iwoyo waiva mugumisiro wakaipa zvikuru wakavapo kare ikako, uye ungavawo mugumisiro wakaipa zvikuru ungavapo pamunhu chero upi zvake mazuva ano.
13. Mupfungwa yakati, isu tinga‘bvisa sei ufeve’ todzivisa muedzo?
13 Hosiya akateterera vanhu vaakararama navo panguva imwe chete kuti ‘vabvise ufeve hwavo pamberi pavo,’ zvichireva kuti vaifanira kunyatsoita chimwe chinhu kuti vadzivirire tsika dzavo. (Hosiya 2:2) Kwatiri, kuchenjera kubva mumamiriro ezvinhu chero api zvawo angaita kuti tipinde mumuedzo. Somuenzaniso, ungatarisana nomuedzo unogara uchidzoka kuchikoro kana kuti munharaunda yaunogara. Ungasakwanisa kuchinja chikoro kana kuti kwaunogara, asi pangava nedzimwe nzira dzokuzviparadzanisa nadzo nemamiriro acho ezvinhu anoedza ‘wobvisa ufeve pamberi pako.’ Ita kuti vamwe vazive kuti uri muKristu wechokwadi, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Nenzira yakajeka, yokuremekedza, tsanangura tsika dzako uye zvaunotenda. Iva nechokwadi chokuti vamwe vanoziva kuti wakatsunga kuramba uchiita zvinodiwa naJehovha zvakanaka chaizvo. (Amosi 5:15) Imwe nzira yoku‘bvisa ufeve’ nayo ndeyokudzivisa kuona zvinonyadzisira uye zvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvisina kunaka. Izvozvo zvingareva kurasa imwe magazini kana kuti kutsvaka shamwari itsva—dziya dzinoda Jehovha uye dzinobvuma kuti unofanira kuita zvaanoda. (Mika 7:5) Chokwadi, uchibatsirwa naJehovha, unogona kudzivisa kushatiswa nounzenza hwenyika!
‘IDA MUTSA’
14, 15. (a) ‘Kuda mutsa’ kunorevei? (b) Kuda mutsa kunotibatsira sei kuti tisava nechatinopomerwa?
14 Mika akasimbisa kuti Jehovha anoda kuti ‘tide mutsa.’ Kuratidza mutsa kunosanganisira kuita zvinhu zvakanaka panzvimbo pechinhu chero chipi zvacho chinokuvadza. Mutsa wakanyatsobatana norunako uye tsika dzakanaka. Unoda kuti tive vakatendeseka, vanoita zvakarurama pane zvatinoita tiri toga uye nevamwe. MuChitsauko 6 chebhuku rino, takaongorora zvinhu zvinokosha zvoupenyu, zvakadai senyaya dzebhizimisi uye dzemari, umo kururamisira uye kutendeseka zvinoita basa rinokosha. Asi izvozvo hazvisi izvo chete zvinhu zvoupenyu umo tinofanira kuva vakarurama, vakatendeseka, uye vane mutsa.
15 Vanhu vanoda mutsa uye vanoda kuitira vamwe zvakanaka vanovavarira kuti vasava nechavanopomerwa. Jehovha akati kuvaIsraeri vakanga vasiri kuita zvavaisungirwa kuita nokutsigira kunamata kwakachena nezvinhu zvokunyama: “Muri kundibira.” (Maraki 3:8) Ungaona here nzira idzo munhu angava ‘achibira’ Mwari mazuva ano? Zvakadini kana muKristu achitarisira mari inenge yabviswa kuti ifambisire mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo muungano yake kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu? Mari iyoyo ndeyaani? Mari yakadaro ndeyaJehovha, zvayakapiwa kuti ifambisire mberi kumunamata. (2 VaKorinde 9:7) Pane munhu here angafunga kuti anokwanisa ku“kwereta” mari yakadaro kuti atarisire zvinhu zvinenge zvichida kukurumidza kuitwa zvake pachake kana kuti kushandisa mari yakatsaurirwa pasina mvumo yakakodzera? Chokwadika kwete. Izvozvo zvaizofanana nokubira Mwari! Uye zvechokwadi kwaisazova kuva nomutsa kana kuti kuita zvakarurama kune vaya vakapa mari yakadaro kuti basa raMwari riitwe.—Zvirevo 6:30, 31; Zekariya 5:3.
16, 17. (a) Vamwe mumazuva aAmosi neaMika vakaratidza sei makaro? (b) Mwari anoona sei kuchochora?
16 Mutsa uye runako zvinoitawo kuti vaKristu vadzivise kuchochora. Munguva yaAmosi, makaro akanyanyisa akanga akapararira. Vanhu vaisagutsikana vaiva noutsinye, vaitonzwa vachida ‘kutengesa munhu akarurama’—mumwe wavo wavainamata naye—“nokuda kwesirivha”! (Amosi 2:6) Zvakanga zvakafanana nomunguva yaMika, vanhu vakapfuma vomuJudha pavaitora zvinhu zvevaya vakanga vasina simba rokuti vazvidzivirire, vachitozvitora nechisimba pavaiona zvakakodzera. (Mika 2:2; 3:10) Pavaitora minda yevamwe vavo, vanhu ivavo vaiva nemakaro vakanga vachityora Mutemo waJehovha: kusanganisira wokupedzisira paMitemo Gumi uye mirayiro yairambidza kutengesa munda zvechigarire.—Eksodho 20:13, 15, 17; Revhitiko 25:23-28.
17 Zvingasava zvakajairika mazuva ano kuti vanhu vatengeswe kana kuti vaitwe varanda sezvazvakanga zvakaita mumazuva evaprofita. Asi, zvakadini nokubiridzira vamwe panyaya dzemari kana kuti kuvashandisa zvisina kukodzera? MuKristu anoda mutsa zvechokwadi haazoshandisi zvisina kukodzera vamwe vaanonamata navo. Somuenzaniso, anoziva kuti zvaisazova zvakakodzera uye kusaratidza mutsa kutanga bhizimisi kana kuti kutsigira chirongwa chokuwana nacho mari uchifunga kuti vaunonamata navo ndivo vachanyanya kutenga. Kuronga kuwana mari nechimbichimbi nokushandisa zvisina kukodzera vaKristu vaunonamata navo kwaizoratidza makaro, ayo vaKristu vanonyeverwa kuti vadzivise. (VaEfeso 5:3; VaKorose 3:5; Jakobho 4:1-5) Makaro angabuda pakuda mari, kuda kuva nesimba kana kuti kuwana chimwe chinhu, kunyange nhafu yezvokudya nezvokunwa, kurara nomumwe munhu, kana kuti pane zvimwe zvinhu. Mika akaratidza kuti vanhu vanongotsvaka zvakavanakira, vane makaro ‘havazoguti.’ Izvozvo ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano.—Mika 6:14.
18, 19. (a) Vamwe vevaprofita 12 vakataura chii nezvokuva nehanya kwaJehovha no“mutorwa”? (b) Kuratidza kuti tine hanya nevamwe kunganatsiridza sei ukama hwako nevamwe kwaunogara?
18 Jehovha akarayira vanhu vake kuti ‘varege kubiridzira mutorwa.’ Uye achishandisa Maraki, Mwari akazivisa kuti: ‘Ndichaswedera pedyo nemi kuti ndikutongei, kuti nditonge vaya vanodzinga mutorwa.’ (Zekariya 7:10; Maraki 3:5) Kwaunogara zvinhu zvave zvichichinja pamusana pokudirana kwevanhu vanobva kune dzimwe nyika kana kuti vamwe vorudzi, dzinza, kana mamiriro ezvinhu akasiyana here? Zvichida vakatamira ikoko vachitsvaka kuchengeteka, mabasa, kana kuti mararamiro ari nani. Unoona sei vanhu vane mutauro uye mararamiro zvakasiyana nezvako? Unoona here uine karusaruro chero kapi zvako, ako kangaratidza kusiyana chaiko nomutsa?
19 Funga kuti vanhu vachafara sei kana ukaratidza kuti vaya vanobva kune dzimwe nyika kana kuti vane mamiriro ezvinhu akasiyana vakakodzera kuwana chokwadi chechiKristu zvakaenzana nevamwe. Mutsa waizodzivisawo kufunga chero kupi zvako kuti vanhu vari kuuya vakadaro vava kutitorera Imba yoUmambo kana kuti zvimwe zvinhu. Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vechiJudha vomuzana remakore rokutanga, vainzwa vaine karusaruro kune vamwe vakanga vasiri vaJudha, kuti zvechokwadi hapana akanga akakodzerwa noruponeso; mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa chete ndiwo waiita kuti munhu chero upi zvake aponeswe. (VaRoma 3:9-12, 23, 24) Kuratidza vamwe mutsa kuchaita kuti tifarire kuti rudo rwaMwari ruri kusvika kuvanhu vakawanda vangave vasina kumbova nekamukana kekunzwa mashoko akanaka. (1 Timoti 2:4) Vanhu vanobva kune dzimwe nyika kana kuti vane mamiriro ezvinhu akasiyana kakawanda vanotambudzika, saka tinofanira kuvaratidzira mutsa uye kuti tine hanya navo, tichivagamuchira pakati pedu, tichibata mumwe nomumwe “somunhu womunyika” yedu ari pakati pedu.—Revhitiko 19:34.
FAMBA NAMWARI WECHOKWADI
20. Vamwe vaIsraeri vakatsvaka kutungamirirwa nani?
20 Mika akasimbisawo nezvokufamba naMwari, kuvimba naye saMwari wechokwadi, uye kutsvaka kutungamirirwa naye. (Zvirevo 3:5, 6; Hosiya 7:10) Pashure pokunge vaJudha vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa, vamwe vakatsvaka rubatsiro kun’anga, vafemberi, uye vanamwari venhema, zvichida munguva yokusanaya kwemvura. Zvechokwadi, vaikumbira midzimu yakaipa kuti ivabatsire, pasinei nokuti Jehovha akanga ashora zviri pachena maitiro ose akadaro. (Dheuteronomio 18:9-14; Mika 3:6, 11; 5:12; Hagai 1:10, 11; Zekariya 10:1, 2) VaJudha ivavo vakanga vachibatana nezvisikwa zvomudzimu zvinorwisana naMwari wechokwadi!
21, 22. (a) Ndokupi kuita zvemidzimu kwakapararira kwaunogara? (b) Nei vashumiri vaJehovha vechokwadi vasingaiti zvemashiripiti?
21 Vamwe mazuva ano vanofunga kuti midzimu yakaipa inotaurwa muMagwaro inongova zviratidzo zvinomiririra uipi. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti madhimoni aripo zvechokwadi uye ndiwo anotsigira uzivi hwenyeredzi, uroyi, uye dzimwe mhando dzemashiripiti. (Mabasa 16:16-18; 2 Petro 2:4; Judha 6) Ngozi dzokuita zvemidzimu dziripowo. Vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana vanotsvaka rubatsiro rwen’anga, kana kuti vanhu vanoziva mishonga yemakwenzi avo vanoti vane masimba anoshamisa, uye rubatsiro rwevaroyi. Vamwe vanotsvaka kutungamirirwa nenyeredzi kana kuti vanoshandisa makadhi etarot, tumatanda twokutsvakisa pane mvura muvhu, mabhodhi eOuija, kana kuti matombo anokosha anoonekera. Kunyange kuedza kukurukura nemidzimu yevakafa kwakapararira zvikuru. Zvinonzi vamwe vatungamiriri vehurumende vanotsvaka rubatsiro rwouzivi hwenyeredzi nemasvikiro pakusarudza zvokuita. Zvose izvozvo zvinopesana zviri pachena nezano raMika rokuti tifambe naMwari wechokwadi, tichitevera mirayiro yake.
22 Zvechokwadi iwe—mushumiri waJehovha wechokwadi—unofanira kudzivisa maitiro akadaro. Ungava nechokwadi chokuti Mwari haamboshandisi mashiripiti kuti azivise zvaanoda kana kuti ashandise simba rake. Asi, sezvinovimbiswa naAmosi 3:7, Jehovha ‘anozivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.’ Uyezve, kuita zvemashiripiti kungaita kuti munhu adzorwe nomutungamiriri wemadhimoni, Satani, murevi wenhema uye ane urongwa hwokunyengera vanhu. Iye nevari pasi pake vanongotsvaka kukuvadza, zvavagara vaine utsinye, vachitouraya vanhu. (Jobho 1:7-19; 2:7; Mako 5:5) Zvinonzwisisika kuti Mika akashora kushopera uye uroyi paakatikurudzira kufamba naMwari wechokwadi.
23. Ndiani chete anokwanisa kutipa zvinhu zvakakodzera zvatinokumbira?
23 Kunamata kwechokwadi kunowanikwa chete kuna Jehovha uye mukumunamata zvakachena. (Johani 4:24) “Kumbirai Jehovha,” akanyora kudaro muprofita Zekariya. (Zekariya 10:1) Kunyange kana ukarwiswa kana kuti ukaedzwa nemasimba emidzimu yakaipa, yeuka kuti “munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Joeri 2:32) Iyi kurudziro inokosha sezvatinoramba tichifunga nezvezuva rake guru.
24. Zvidzidzo zvipi zvawawana muna Mika 6:8?
24 Zviri pachena kuti mashoko aMika 6:8 anotipa zvakawanda zvokufunga nezvazvo. Kuti tive netsika dzakanaka, tinofanira kuva nevavariro dzakakodzera uye unhu hunodiwa naMwari. Hosiya akakurudzira isu tiri kurarama “mumazuva okupedzisira.” Akataura kuti munguva yedu, vanhu vanotya Mwari vaizotsvaka runako rwaJehovha. (Hosiya 3:5) Amosi akasimbisa kukokwa kwatinoitwa naMwari kuti tiite izvozvo chaizvo achiti: “Tsvakai zvakanaka, . . . kuti murambe muchirarama.” Tinokurudzirwawo kuti: ‘Idai zvakanaka.’ (Amosi 5:14, 15) Kana tikaita izvozvo, tichazorodzwa nokuita zvinodiwa naJehovha kwatiri.
[Mashoko Omuzasi]
a Mushanduri weBhaibheri anonzi Joseph Rotherham anoti nezvemarudzi eKenani, ane maitiro aitevedzerwa nevaIsraeri: “Kunamata kwawo kwaiva kwokufadza nyama kwakanyanyisa uye kwoutsinye hwakaipa zvikuru. Vakadzi vairega tsika dzavo dzakanaka vachiitira kuti vakudze vanamwari vavo. Nzvimbo dzavo tsvene dzaiva dzimba dzepfambi. Nhengo dzokubereka nadzo dzairatidzirwa pachena nezviratidzo zvinosembura. Vanhu vacho vaiva (!) nepfambi tsvene, dzechirume uye dzechikadzi.”
b Vanhu vaMwari vaivawo nemhosva yokuita ufeve pane zvokunamata. Vaitsvaka kuva noukama nemarudzi echihedheni kwaisabvumirwa nomutemo uye vaisanganisa kunamata Bhaari nokunamata kwechokwadi.
UNGADZIDZEI
• pakuteterera kwaJehovha kwokuti urarame maererano nezvaanoda?—Zekariya 6:15; Maraki 3:16, 18.
• nokufungisisa chinonzi chivi uye migumisiro yacho inosuruvarisa?—Maraki 4:1; VaRoma 6:12-14; 1 VaKorinde 6:18.
• kubva pazvikanganiso zvevanhu vaMwari vekare?—Hosiya 8:7; 10:12; 14:9.
UNGABATSIRWA SEI
• nokuva nemaonero anoita Jehovha tsika dzepabonde?—Hosiya 3:3; 4:11.
• nokushandisa mazano evaprofita 12 anoshora makaro uye kungofarira zvinhu zvako pachako?—Mika 7:5-7; VaFiripi 2:4.
• nokungwarira kusaita zvemidzimu uye zvemashiripiti?—Mika 5:12; Nahumi 3:4; Maraki 3:5.
[Bhokisi riri papeji 100]
KUVA NOMWERO UYE KUTENDESEKA ZVINORATIDZA MUENZANISO WAKANAKA
Jona akaratidza kutendeseka uye kuva nomwero zvisingawaniki kuvanyori vasiri veBhaibheri. Akataura norusununguko kusateerera kwake pachake uye zvakaitika paakanga asingavimbi naJehovha. Haana kuedza kuvhara maonero asina kukodzera aaiita basa rake kana kuti maonero aaiita kurega kwaMwari kuparadza vaNinivhi. Iwoyo muenzaniso wokuva nomwero wakanaka chaizvo wokuti titevedzere!
[Mufananidzo uri papeji 98]
Jehovha anonyatsoziva uori nokusaruramisira zviri kuitika
[Mufananidzo uri papeji 104]
Kuita kuti zvaunotenda zvechiKristu zvinyatsozivikanwa kuchakudzivirira
[Mufananidzo uri papeji 106]
VaKristu vakawanda vanotarisira nenzira yorudo zvinodiwa nevanobva kune dzimwe nyika pane zvokunamata
[Mifananidzo iri papeji 109]
Vashumiri vaMwari vanofanira kudzivisa kuita zvemashiripiti