Chitsauko 9
Kuitira Vamwe Zvinodiwa naMwari
1-3. (a) VaKristu vakawanda vangafungei nezveguta rekare reTire? (b) Tsanangura zvimwe zvakaitirana Mambo Hiramu norudzi rwaIsraeri. (c) Chii chatingada kudzidza nezvacho pamusoro peTire?
UNOFUNGEI paunonzwa nezveguta rekare reTire? VaKristu vakawanda vangafunga nezvokuzadzika kwakaita uprofita, Arekizanda Mukuru paakabvisa ungwandangwanda pamatongo eTire raiva panyika yakaoma, akagadzira nzira yaienda nomumvura kuguta idzva reTire raiva pachitsuwa, akariparadza. (Ezekieri 26:4, 12; Zekariya 9:3, 4) Asi, kutaurwa kweTire kungaita kuti ufunge nezvezvaunoitira hama dzako dzaunonamata nadzo kana kuti vamwe vanhu uye zvausingafaniri kuvaitira here?
2 Nei Tire rakaparadzwa? “Handizoregi kuranga vanhu vokuTire nokuti vakamukira katatu, . . . nokuti vakagamuchidza boka renhapwa rakakwana kuEdhomu, uye nokuti havana kuyeuka sungano yehama. Ndichatumira moto parusvingo rweTire.” (Amosi 1:9, 10) Munguva yekare, Mambo Hiramu weTire akaratidza mutsa kuna Dhavhidhi, akapa zvinhu zvokuvakisa temberi yaSoromoni. Soromoni akaita sungano naHiramu akamupa maguta muGarireya. Hiramu akadana Soromoni kuti “hama yangu.” (1 Madzimambo 5:1-18; 9:10-13, 26-28; 2 Samueri 5:11) Tire parisina “kuyeuka sungano yehama” rikatengesa vamwe vevanhu vaMwari, vakava varanda, Jehovha akaona zvakaitwa neTire.
3 Tingadzidzei papfungwa yokuti Mwari akatonga vaKenani veTire pamusana pokuitira vanhu vake utsinye? Chidzidzo chikuru chine chokuita nezvatinoitira hama dzedu dzatinonamata nadzo. Muzvitsauko zvakapfuura zvebhuku rino, takaona kubva muvaprofita 12 mazano ane chokuita nezvatinoitira vamwe, zvakadai sokururamisira mune zvebhizimisi uye kuva vakachena pamufambiro wedu. Kunyange zvakadaro, mabhuku aya 12 ane zvimwe zvinhu zvinoratidza zvinodiwa naMwari kuti tiitire vamwe.
USAFARIRA DAMBUDZIKO ROMUMWE
4. VaEdhomu vaiva “hama” dzevaIsraeri mupfungwa ipi, asi vakabata sei “hama” dzavo?
4 Ungawana chidzidzo mukushora kwakaita Mwari Edhomu, nyika yaiva pedyo neIsraeri achiti: “Waisafanira kutarira uchifara muzuva romunun’una wako, muzuva renhamo yake; uye waisafanira kufara pamusoro pevanakomana vaJudha pazuva rokuparara kwavo.” (Obhadhiya 12) VaTire vangave vaiva “hama” pane zvokutengeserana, asi vaEdhomu vaiva “hama” chaidzo dzevaIsraeri, nokuti vakanga vabva kuna Isau, mukoma waJakobho. Kunyange Jehovha akadana vaEdhomu kuti “hama” dzevaIsraeri. (Dheuteronomio 2:1-4) Saka zvechokwadi rwaiva ruvengo kuti vaEdhomu vafare vaJudha pavakawirwa nedambudziko rakaunzwa nevaBhabhironi.—Ezekieri 25:12-14.
5. Mumamiriro api ezvinhu atingaratidza mafungiro akaita seaya evaEdhomu?
5 Zviri pachena kuti Mwari haana kufarira mabatiro akaita vaEdhomu hama dzavo dzechiJudha. Zvisinei, tingabvunza kuti, ‘Mwari angati chii nezvemabatiro andinoita hama dzangu?’ Chimwe chinhu chokuva nehanya nacho inyaya yemaonero uye mabatiro atinoita hama zvinhu pazvinenge zvisina kufamba zvakanaka. Somuenzaniso, fungidzira kuti muKristu akakugumbura kana kuti akava nechinetso neimwe yehama dzako. Kana uine ‘chikonzero chokunyunyuta,’ ucharamba uine chigumbu, usingakanganwi nyaya yacho kana kuti usingaedzi kuigadzirisa here? (VaKorose 3:13; Joshua 22:9-30; Mateu 5:23, 24) Kuita saizvozvo kungakanganisa zvaunoitira hama yacho; ungasava noushamwari, uchidzivisa kushamwaridzana nayo kana kuti ungataura zvakaipa nezvayo. Tichiwedzerazve pamuenzaniso wacho, fungidzira kuti hama iyi inokanganisa gare gare, zvichida ichitofanira kupiwa zano kana kuti kururamiswa nevakuru veungano. (VaGaratiya 6:1) Waizoratidza mafungiro evaEdhomu wofarira dambudziko rehama yako here? Mwari aizoda kuti uite sei?
6. Kusiyana naZekariya 7:10, Mika 7:18 inoti tiitei?
6 Jehovha akaita kuti Zekariya ataure nezvechido Chake chokuti tirege “kurongerana chinhu chakaipa mumwoyo” medu. (Zekariya 7:9, 10; 8:17) Zano iri rakakodzera patinofunga kuti hama yatigumbura kana kuti yatadzira mumwe munhu womumhuri yedu. Panoitika izvozvo, zviri nyore ‘kuronga zvakaipa mumwoyo medu’ tobva taratidza izvozvo pane zvatinoita. Asi Mwari anoda kuti titevedzere muenzaniso wake wakanaka. Yeuka kuti Mika akanyora kuti Jehovha “anoregerera kukanganisa nokuregerera kudarika.”a (Mika 7:18) Tingashandisa sei izvozvo munzira dzinobatsira?
7. Nei tingasarudza kungokanganwa nezvemhosva inenge yaparwa?
7 Tingarwadziwa nezvatinenge takaitirwa kana kuti zvakaitirwa hama yedu, asi chaizvoizvo, zvakakomba zvakadini? Bhaibheri rinoronga matanho okugadzirisa kusawirirana, kunyange kutadzirwa kunenge kwaitirwa hama. Kunyange zvakadaro, zvakanyanya kunaka kungokanganwa nezvechikanganiso chacho kana kuti mhosva, ‘kuregerera kudarika.’ Zvibvunze kuti: ‘Aka kangava here kamwe kekane 77 kandinofanira kumukanganwira? Ndadii kungozvikanganwa zvangu?’ (Mateu 18:15-17, 21, 22) Kunyange zvazvo mhosva yacho ichiita seyakakura iye zvino, ichange yakadaro makore ane chiuru kubva zvino here? Wana chidzidzo chinokosha kubva pane zvinotaurwa pana Muparidzi 5:20 nezvokunakirwa kwomushandi nezvokudya nezvokunwa, kuti: “Haazoyeuki mazuva oupenyu hwake kazhinji, nokuti Mwari wechokwadi ari kumubatikanisa nokufara kwomwoyo wake.” Munhu iyeye zvaanoramba achifunga nezvokufara kwaanenge achiita panguva iyoyo, anokanganwa matambudziko oupenyu hwake hwezuva nezuva. Tingatevedzera here mafungiro iwayo? Kana tikaramba tichifunga nezvomufaro woukama hwedu hwechiKristu, tingakwanisa kukanganwa nyaya dzisingakoshi zvechigarire, dziya dzatisingazoyeuki munyika itsva. Izvozvo zvakasiyana zvikuru nokufarira dambudziko romumwe kana kuti kuyeuka mhosva dzake.
UDZA VAMWE CHOKWADI
8. Idambudziko ripi ratinotarisana naro pakutaura chokwadi?
8 Mabhuku 12 ouprofita anosimbisawo kuda kunoita Mwari kuti titaure chokwadi pane zvatinoita. Zvechokwadi, tinoshanda nesimba pakuudza vamwe “chokwadi chemashoko iwayo akanaka.” (VaKorose 1:5; 2 VaKorinde 4:2; 1 Timoti 2:4, 7) Zvisinei, zvingava zvakaoma zvikuru kuti tiomerere pakutaura chokwadi pane zvatinotaura zuva nezuva nemhuri yedu uye hama dzedu dzatinonamata nadzo, kukurukurirana kunosanganisira nyaya dzakawanda uye mamiriro ezvinhu. Nei izvozvo zvingava zvakadaro?
9. Ndirini patingaedzwa kutaura chokwadi chisina kukwana, asi chii chatinofanira kuzvibvunza?
9 Ndiani wedu asina kumbotaura kana kuti kuita chimwe chinhu chisiri chomutsa, akazobvunzwa nezvacho? Zvimwe takanzwa tichinyara kana kuti tiine mhosva. Manzwiro akadaro angaita kuti munhu arambe chikanganiso kana kuti kupa “tsanangudzo” dzinokanganisa chokwadi kuitira kuti apembedze chakaipa chacho chakaitwa kana kuti zviite sokuti chakarurama. Kana kuti mumamiriro ezvinhu anonyadzisa, tingaedzwa kutaura mashoko akasarudzwa chete, tichisiya mamwe kuitira kuti zvatiri kutaura zvigamuchirike. Saka, zvatinotaura zvingava zvakarurama hazvo asi zvichipa pfungwa yakatosiyana. Kunyange zvazvo uku kungasava kureva nhema kuri pachena, sokunowanzoitwa munyika mazuva ano, chaizvoizvo iko ‘kutaura chokwadi nomuvakidzani here,’ kana kuti nehama? (VaEfeso 4:15, 25; 1 Timoti 4:1, 2) MuKristu paanotaura zvinhu nenzira yakadaro yaanoziva nechomukati kuti iri kuita kuti hama dzipe mhedziso isina kururama, dzitende chinhu chisiri chechokwadi, chisina kururama, unofunga kuti Mwari anonzwa sei?
10. Vaprofita vanorondedzera sei zvaiwanzoitwa muIsraeri yekare nomuJudha?
10 Vaprofita vakaziva kuti kunyange varume nevakadzi vakazvitsaurira kuna Jehovha pane dzimwe nguva havaiti zvaanoda kwavari. Hosiya akataura manzwiro aMwari pamusoro pevamwe vomuzuva rake, achiti: “Ngavapambwe, nokuti vakanditadzira! Ini ndakavadzikinura, asi ivo vakandirevera nhema.” Kunze kwokurevera Jehovha nhema dziri pachena uye dzisingarambiki, vamwe vakatanga “kutuka nokunyengera,” zvichida vachikanganisa chokwadi kuitira kuti vatsause vamwe. (Hosiya 4:1, 2; 7:1-3, 13; 10:4; 12:1) Hosiya akanyora mashoko iwayo ari muSamariya, umambo hwokuchamhembe. Zvinhu zvakanga zviri nani here muJudha? Mika anotiudza kuti: “Vapfumi varo vazara nechisimba, vagari varo vakataura nhema, uye rurimi rwavo runonyengera mumuromo wavo.” (Mika 6:12) Zvakanaka kuti tizive kushora kwakaita vaprofita ivavo “kunyengera” uye vaya vane ‘rurimi runonyengera mumuromo wavo.’ Saka kunyange vaKristu, avo zvechokwadi vangasataura nhema nemaune, vangabvunza kuti: ‘Pane dzimwe nguva ndinganyengera here kana kuti kuva norurimi runonyengera mumuromo mangu? Mwari anodei kwandiri pane izvi?’
11. Vaprofita vanozivisei pamusoro pezvinodiwa naMwari pane zvatinotaura?
11 Zvakanakawo ndezvokuti Mwari akashandisa vaprofita vacho kuisa pachena zvakanaka zvaanoda kwatiri. Zekariya 8:16 inoti: “Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi. Tongai nechokwadi uye nokutonga kworugare muri pamagedhi enyu.” Muzuva raZekariya magedhi aiva nzvimbo dzevoruzhinji dzaitongerwa mhosva nevarume vakuru. (Rute 4:1; Nehemiya 8:1) Kunyange zvakadaro, Zekariya haana kuti apa ndipo chete munhu paaifanira kutaura nokutendeseka. Tinofanira kuva vakatendeseka pane vanhu vose, asi tinokurudzirwawo kuti: “Tauriranai chokwadi.” Izvozvo zvinosanganisira pasina vamwe vanhu mumusha medu patinenge tichitaura newatakaroorana naye kana kuti hama dzepedyo. Zvinoshandawo pakukurukurirana kwezuva nezuva nehama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo, tingave tichitaura takatarisana, tichitaura parunhare, kana kuti tichikurukurirana neimwe nzira. Vane chikonzero chakanaka chokuti vatarisire kuti zvatiri kutaura ichokwadi. Vabereki vechiKristu vanofanira kusimbisa kuvana vavo kukosha kwokuti vasataure nhema. Saka vaduku vangakura vachiziva kuti Mwari anotarisira kuti vadzivise rurimi runonyengera uye kuti vave vakatendeseka zvechokwadi pane zvavanotaura.—Zefaniya 3:13.
12. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatingadzidza mumabhuku ouprofita?
12 Munhu muduku kana kuti mukuru anoomerera panzira yechokwadi anobvumirana nokurayira kwaZekariya kwokuti: “Idai chokwadi norugare.” (Zekariya 8:19) Uye ona kutsanangura kunoita Maraki zvakaonekwa naJehovha zvichienzanisirwa noMwanakomana Wake: “Mutemo wechokwadi waiva mumuromo make, uye kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yake. Akafamba neni norugare nokururama.” (Maraki 2:6) Jehovha haangadi zvakafanana here kwatiri? Yeuka kuti, isu tine Shoko rake rose, kusanganisira vaprofita 12 vane zvidzidzo zvose zvatingadzidza kwavari.
DZIVISA CHISIMBA PANE ZVAUNOITA
13. Mika 6:12 inobudisa pachena rimwe dambudziko ripi raivapo?
13 Mika 6:12 inotiudza kuti imwe nzira umo vanhu vaMwari vekare vakabata nayo vamwe zvisina kukodzera yaiva yokuti ‘vaitaura nhema, uye rurimi rwavo rwainyengera mumuromo wavo.’ Zvisinei, ndima iyoyo inoratidza chimwezve chinhu chakanga chisina kururama zvachose. Inotaura kuti ‘vapfumi vakanga vazara nechisimba.’ Zvakanga zvakadaro sei, uye tingadzidzei pane izvozvo?
14, 15. Marudzi akanga akapoteredza vanhu vaMwari aiva nomukurumbira wechisimba wakaita sei?
14 Funga nezvomukurumbira wemamwe marudzi akanga ari pedyo nevanhu vaMwari. Kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwaiva neAsiriya, neguta rayo guru, Ninivhi, iro Nahumi akanyora nezvaro kuti: “Rine nhamo guta rokuteura ropa. Rizere nounyengeri nougororo. Harimboregi kupamba!” (Nahumi 3:1) VaAsiriya vaizivikanwa kuti vairwa zvine chisimba uye vaiitira utsinye vasungwa vavaibata muhondo—vamwe vasungwa vaipiswa kana kuti kubviswa ganda vari vapenyu, uye vamwe vaipofumadzwa kana kuti vaigurwa mhino, nzeve, kana kuti minwe. Bhuku rinonzi Gods, Graves, and Scholars rinoti: “Vanhu vaingofunga kuti Ninivhi raingova nomukurumbira wokuponda, kupamba, kudzvinyirira, uye kuitira vasina simba zvakaipa; vachizviita nokurwa uye chisimba chemarudzi ose.” Tine chapupu chakaona (uye zvichida chakaitirwa) chisimba ichocho. Anzwa shoko raJona, mambo weNinivhi akati nezvevanhu vake: “Vanhu nezvipfuwo ngazvifuke masaga; uye ngavashevedzere kuna Mwari nesimba, mumwe nomumwe atendeuke panzira yake yakaipa nepakuita zvechisimba zvaiva mumaoko avo.”—Jona 3:6-8.b
15 Chisimba chakaipisisa chakanga chisingangoitwi muAsiriya chete. Edhomu, yaiva kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweJudha, yaifanira kurangwawo. Nei? “Edhomu ichava renje risina chinhu, nokuda kwechisimba chakaitirwa vanakomana vaJudha, vane nyika yavakateurira ropa risina mhosva.” (Joeri 3:19) VaEdhomu vakateerera kunyeverwa ikoko here ndokurega maitiro avo echisimba? Makore mazana maviri gare gare, Obhadhiya akanyora kuti: “Varume vako vane simba vachavhundutswa, haiwa iwe Temani [guta reEdhomu], . . . nokuda kwechisimba chawakaitira munun’una wako Jakobho, . . . uchaparadzwa nokusingagumi.” (Obhadhiya 9, 10) Zvisinei, zvakadini nevanhu vaMwari?
16. Amosi naHabhakuki vanoita kuti tinzwisise dambudziko ripi raivapo muzuva ravo?
16 Amosi akazivisa mamiriro ezvinhu aiva muSamariya, guta guru roumambo hwokuchamhembe achiti: “‘Muone kunyongana kuzhinji kuri pakati paro nokubiridzira kuri mukati maro. Havazivi kuita zvakarurama,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vaya vari kuunganidza chisimba nokupamba.’” (Amosi 3:9, 10) Ungafunga kuti zvaizova zvakasiyana muJudha, maiva netemberi yaJehovha. Asi Habhakuki, aigara muJudha, akabvunza Mwari kuti: “Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi? Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu?”—Habhakuki 1:2, 3; 2:12.
17. Nei kuda kungoita zvechisimba kungave kwakatanga pakati pevanhu vaMwari?
17 Zvingava here kuti chisimba chakapararira pakati pevanhu vaMwari nokuti vakabvuma kuchinjwa nemaonero aiita Asiriya, Edhomu, kana kuti mamwe marudzi chisimba? Soromoni akanga anyevera nezvazvo achiti: “Usaitira shanje murume anoita zvechisimba, kana kusarudza imwe yenzira dzake.” (Zvirevo 3:31; 24:1) Gare gare, Jeremiya akanyora zvakananga kuti: “Zvanzi naJehovha: ‘Musambodzidza nzira yemamwe marudzi.’”—Jeremiya 10:2; Dheuteronomio 18:9.
18, 19. (a) Kudai Habhakuki ari mupenyu iye zvino, aizonzwa sei nezvenzira dzemazuva ano dzokuita nadzo chisimba? (b) Unonzwa sei pamusoro pechisimba chomunguva yedu?
18 Kudai Habhakuki ari mupenyu iye zvino, aisazoshamiswa here nechisimba chomunguva yedu? Vakawanda vakanyura mune zvechisimba kubvira vachiri vaduku. Makatuni anofadza vakomana nevasikana anoratidza chisimba—imwe katuni inoedza kupwanya, kuputitsa, kana kuparadza imwe. Pasina nguva, vechiduku vakawanda vanokunda pamitambo yemavhidhiyo yavanenge vachitamba nokupfura, kuputitsa, kana kuti kuparadza vavengi. Vamwe vangaramba vachiti, “Iyoyo inongovawo zvayo mitambo.” Kunyange zvakadaro, mitambo yevhidhiyo inotambirwa pakombiyuta pamba kana kuti munzvimbo dzinotambirwa mavhidhiyo inonyudza vanenge vachiitamba muchisimba, ichichinja mafungiro avo nezvavanoita. Zano rakafuridzirwa iri nderechokwadi: “Munhu anoita zvechisimba achanyengera mumwe wake, uye achaita kuti aende nenzira isina kunaka”!—Zvirevo 16:29.
19 Kunyange zvazvo Habhakuki akamanikidzwa kuramba akatarira zvinhu zvinongotambudza uye ‘zvechisimba zvaiva pamberi’ pake, zvaimushungurudza. Zvino ungabvunza kuti, ‘Aizonzwa akasununguka kugara pasi neni tichiona mapurogiramu andinogara ndichiona paterevhizheni here?’ Zvibvunzewo kuti, ‘Aizotsaura nguva yokuti aone zviitiko zvinonzi nevanhu mitambo zvinoitwa nechisimba, vatambi vacho vachitopfeka zvipfeko zvokuzvidzivirira nazvo sezvaiitwa nevarwi vekare vomumitambo here?’ Mune mimwe mitambo, vakawanda vanonakidzwa nokurwisana kunoitwa munhandare kana kuti kurwa kwevaya vanenge vakakombwa nevanhu vanenge vachivakuza. Mune dzimwe tsika, vakawanda vanoona mafirimu nemavhidhiyo zvine chisimba zvinongotaura zvehondo kana kuti kurwa pasina zvombo. Izvi zvingapembedzwa zvichinzi zvinhu zvakaitika kare kana kuti kuratidzira tsika dzekare dzorudzi, asi izvozvo zvinoita kuti chisimba chacho chive chakanaka here?—Zvirevo 4:17.
20. Maraki akataura maonero aJehovha ane chokuita nechisimba chakaita sei?
20 Maraki anotaura nezvechimwe chinhu chakafanana paanenge achitaura nezvemaonero aiita Jehovha kunyengera madzimai avo kwaiitwa nevamwe vaJudha. “‘Iye anovenga kurambana,’ Jehovha Mwari waIsraeri adaro; ‘uye anovenga munhu anofukidza nguo yake nechisimba.’” (Maraki 2:16) Mashoko echiHebheru anoshandurwa kuti “anofukidza nguo yake nechisimba” akanzwisiswa zvakasiyana-siyana. Dzimwe nyanzvi dzinofungidzira kuti anoreva kuisa ropa panguo yako paunenge uchirwisa mumwe munhu nechisimba. Pasinei nezvazvinoreva, Maraki akanga achishora zviri pachena kubata wawakaroorana naye zvisina kururama. Chokwadi, Maraki akataura nezvenyaya yechisimba chinoitika mumhuri uye akaratidza kuti Mwari haachifariri.
21. VaKristu vanofanira kudzivisa chisimba mumamiriro api ezvinhu?
21 Chisimba, chaicho kana kuti chemashoko, chinoitirwa pasina vamwe vanhu mumusha womuKristu hachinzi chiri nani pane chisimba chinoitirwa pachena; Mwari anoona zvose. (Muparidzi 5:8) Kunyange zvazvo Maraki akataura nezvechisimba chinoitirwa mudzimai, muBhaibheri hapana panoratidza kuti kana murume achiitira chisimba vana kana kuti vabereki vakwegura hazvina kuipa. Uyewo hazvinzi hachina kuipa kana mukadzi akachiitira murume wake, vana, kana kuti vabereki. Chokwadi, mumhuri yevanhu vasina kukwana, kusawirirana kungamuka, kuchiita kuti vanhu vasafara uye dzimwe nguva vashatirwe. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa.”—VaEfeso 4:26; 6:4; Pisarema 4:4; VaKorose 3:19.
22. Tinoziva sei kuti zvinoita kuti tisaita zvechisimba, kunyange kana vakawanda vakatipoteredza vachichiita?
22 Vamwe vangapembedza kuita kwavo zvechisimba, vachiti, ‘Ndizvo zvandiri nokuti ndakakurira mumhuri yaiita zvechisimba,’ kana kuti ‘Vanhu vokwandinogara kana vorudzi rwangu vanokurumidza kukakavara kana kuti kuita zvechisimba.’ Zvisinei, Mika paakapa mhosva ‘vapfumi vakanga vazara nechisimba,’ haana kumbopa pfungwa yokuti vaisagona kuchidzivisa nokuti vakanga vakurira pakati pevanhu vaiita chisimba. (Mika 6:12) Noa akararama panguva apo nyika yakanga “yakazara nechisimba,” uye vanakomana vake vakakura vakapoteredzwa nacho. Vakava nechisimba here? Kana! “Noa akanzwirwa nyasha naJehovha,” uye vanakomana vake vakamutevera, vakachengetedzwa pakauya Mafashamo.—Genesisi 6:8, 11-13; Pisarema 11:5.
23, 24. (a) Chii chinotibatsira kuti tisazivikanwa sevanhu vanoita zvechisimba? (b) Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanoitira vamwe zvaanoda?
23 Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kuti vanhu vane rugare kwete vanoita zvechisimba. Vanoremekedza uye vanoteerera mitemo yaKesari inorambidza kuita zvechisimba. (VaRoma 13:1-4) Vakashandira ‘kupfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo’ uye vanovavarira kuva norugare. (Isaya 2:4) Vanovavarira kupfeka “unhu hutsva,” hunovabatsira kusaita zvechisimba. (VaEfeso 4:22-26) Uye vanocherechedza muenzaniso wakanaka wevakuru vechiKristu, vasingagoni kuva ‘vanhu vanorova’ zvichida nemashoko kana kuti kurova chaiko.—1 Timoti 3:3; Tito 1:7.
24 Chokwadi, tinogona—uye tinofanira—kuitira vamwe zvinodiwa naMwari. Hosiya anoti: “Ndiani akachenjera, kuti anzwisise zvinhu izvi? Ndiani akangwara kuti azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, uye vakarurama ndivo vachafamba madziri.”—Hosiya 14:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro po“kuregerera kudarika,” imwe nyanzvi inotaura kuti kufananidza kwacho kwechiHebheru “kunotorwa pane zvinoitwa nomunhu anenge ari parwendo anopfuura asingaoni chimwe chinhu chaasingadi kuisa pfungwa dzake pachiri. Pfungwa yacho [haisi yokuti Mwari haaoni chivi] asi ndeyokuti pane zvimwe zviitiko haati nanga-nanga nechivi chacho kuti azoranga munhu wacho; kuti haarangi, asi anokanganwira.”
b Makiromita anenge 35 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweNinivhi kwaiva neguta reKara (Nimrud), rakavakwazve naAshurnasirpal. British Museum inoratidza zvikamu zvemasvingo zvakabva kuKara, zvatinoverenga nezvazvo kuti: “Ashurnasirpal akarondedzera zvakadzama kutyisa uye utsinye zvaakaratidza muhondo dzake. Vasungwa vaiturikwa pamatanda kana kuti vairovererwa pamatanda aiva pamasvingo emaguta akanga akombwa . . . ; majaya nemhandara vaibviswa ganda vari vapenyu.”—Archaeology of the Bible.
JEHOVHA ANODEI?
• Muenzaniso waJehovha ungatibatsira sei kubata nehama yakatigumbura?—Hosiya 14:2; Mika 7:18; Maraki 2:10, 11.
• Kuenzanisa Hosiya 4:1 naZekariya 8:16 kunoratidza kuti Jehovha anodei pane zvatinoita?
• Ndezvipi zvaunoitira vamwe zvaungada kunatsiridza?
KUSIYANA NENYIKA
• Uchapupu hupi hwaunoona hwokuti vakawanda vari munyika ‘vanonwa chisimba’?—Zvirevo 4:17; Zefaniya 1:9; Maraki 2:17.
• Ungashandisa sei Mika 4:3 muungano uye mumhuri yako?
• Chitsauko chino chakubatsira sei kuona kuti tinogona kuwana zvidzidzo kubva muzvikamu zveBhaibheri zvisingawanzokurukurwi?
[Mufananidzo uri papeji 113]
Kana mumwe munhu akakugumbura, chii chausingafaniri kuita?
[Mufananidzo uri papeji 121]
Makatuni akawanda nemitambo yevhidhiyo zvinonyengedza vechiduku kufunga kuti chisimba chakanaka