Chikomborero chaJehovha Chinopfumisa
“Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.”—ZVIREVO 10:22, NW.
1-3. Nepo vazhinji vachiitira hanya pamusoro pezvinhu zvokunyama, iidii pamusoro pepfuma yokunyama iro vose vanofanira kuziva?
VAMWE vanhu havatongoregi kutaura pamusoro pemari—kana kuti kuishaya kwavo. Nenzira isingafadzi nokuda kwavo, mumakore achangobva kupfuura aya vakava nezvakawanda zvokukurukura. Muna 1992 kunyange nyika dzokuMadokero dzakapfuma dzakatambura derero mune zvemari, uye vakuru vakuru pamwe chete navashandiwo zvavo vakazviwana vamene vasisiri pabasa. Vazhinji vakashamisika kana vaizombowanazve nguva yebudiriro yakagadzikana.
2 Hakuna kururama here kuitira hanya garikano yedu yokunyama? Aiwa, kusvikira kumwero wakati kunongova bedzi kwomuzvarirwo. Panguva imwe cheteyo, pane zvokwadi huru yatinofanira kuziva pamusoro pepfuma. Pakupedzisira, zvinhu zvose zvokunyama zvinobva kuMusiki. Iye ndiye “Mwari [wechokwadi, NW] Jehovha . . . iye wakatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema, navanofambapo [mudzimu, NW] wavo.”—Isaya 42:5.
3 Kunyange zvazvo Jehovha asingadeyi kugadza uyo anofanira kuva akapfuma nouyo anofanira kuva murombo, tose zvedu tinozvidavirira nokuda kwenzira yatinoshandisa nayo mugove upi noupi watinawo we“nyika nezvinobvamo.” Kana tikashandisa pfuma yedu kuremedza vamwe, Jehovha achatiita kuti tizvidavirire. Uye vapi navapi vanobatira pfuma panzvimbo paJehovha vachawana kuti “unovimba nepfuma yake, uchawa.” (Zvirevo 11:28; Mateo 6:24; 1 Timotio 6:9) Budiriro yokunyama isingaperekedzwi nomwoyo unozviisa pasi paJehovha haina ukoshi pakupedzisira.—Muparidzi 2:3-11, 18, 19; Ruka 16:9.
Budiriro Inokosha Zvikurusa
4. Neiko budiriro yomudzimu iri nani kupfuura zvakawanda zvokunyama?
4 Mukuwedzera kubudiriro yokunyama, Bhaibheri rinotaura nezvebudiriro yomudzimu. Iyoyi nenzira yakajeka rudzi rwuri nani. (Mateo 6:19-21) Budiriro yomudzimu inobatanidza ukama hunogutsa naJehovha uhwo hunogona kugara nokusingagumi. (Muparidzi 7:12) Uyezve, vabatiri vakapfuma mumudzimu vaMwari havarasikirwi nezvikomborero zvakanaka zvokunyama. Munyika itsva, pfuma yomudzimu ichabatanidzwa nebudiriro yokunyama. Vanhu vakatendeka vachafarikanya chengeteko yokunyama isingawanwi nekwikwidzano inorwadza kana kuti kuregwa kwoutano nomufarwa, sezvakwakadaro kazhinji kazhinji nhasi. (Pisarema 72:16; Zvirevo 10:28; Isaya 25:6-8) Vachawana kuti munzira iri yose “chikomborero chaJehovha . . . chinopfumisa, uye haawedzeri marwadzo nacho.”—Zvirevo 10:22, NW.
5. Chipikirwai icho Jesu akapa pamusoro pezvinhu zvokunyama?
5 Kunyange nhasi avo vanokoshesa zvinhu zvomudzimu vanonzwa runyararo rwakati kana toreva nezvezvinhu zvokunyama. Chokwadi, vanoshanda kuti vabhadhare zvikwereti zvavo ndokudyisa mhuri dzavo. Kana kuti vamwe vangatorasikirwa namabasa avo munguva dzederero mune zvemari. Asi havakundwi neitiro hanya dzakadaro. Panzvimbo pezvo, vanodavira chipikirwa chaJesu apo akati: “Musafunganya muchiti: ‘Tichadyei?’ Kana: ‘Tichanwei?’ Kana: ‘Tichafukeiko?’ . . . Nokuti baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka [umambo, NW] hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33.
Pfuma Yomudzimu Nhasi
6, 7. (a) Rondedzera mamwe mativi ebudiriro yomudzimu yavanhu vaMwari. (b) Huporofitai huri kuzadzikwa nhasi, uye ihwohwu hunomutsa mibvunzoi?
6 Nokudaro, vanhu vaJehovha vakasarudza kuisa Umambo pakutanga muupenyu hwavo, uye vanokomborerwa sei! Vanofarikanya budiriro yakapfuma mubasa ravo rokuita vadzidzi. (Isaya 60:22) Vanodzidziswa naJehovha, vachifarikanya rwizi rusingapwi rwezvinhu zvakanaka zvomudzimu zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW; Isaya 54:13) Uyezve, mudzimu waJehovha uri pavari, uchivaumba kuva uhama hunofadza hwamarudzi ose.—Pisarema 133:1; Marko 10:29, 30.
7 Iyoyi zvirokwazvo ibudiriro yomudzimu, chimwe chinhu icho mari isingagoni kutenga. Izadziko inoshamisa yechipikirwa chaJehovha, chinoti: “‘[Pinzai mativi ose echigumi mudura, NW], kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, ‘muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.’” (Maraki 3:10) Isu nhasi takaona ichi chipikirwa chichizadzikwa. Neiko, kunyanguvezvo, Jehovha, Manyuko epfuma yose, achikumbira kuti vabatiri vake vapinze rutivi rwechigumi, kana kuti chegumi? Ndiani anobetserwa nechegumi? Kupindura iyi mibvunzo, rangarira chikonzero nei Jehovha akataura aya mashoko kupfurikidza naMaraki muzana ramakore rechishanu P.N.V.
Zvegumi Nezvibairo
8. Mukuwirirana nesungano yoMutemo, budiriro yokunyama yaIsraeri yaizotsamira pachii?
8 Munguva yaMaraki vanhu vaMwari vakanga vasiri kubudirira. Zvokona neiko? Murutivi kwakanga kune chokuita nezvipiriso nezvegumi. Shure panguva iyeyo, Israeri akanga ari musungano yoMutemo yaMosesi. Apo Jehovha akaita sungano iyoyo, iye akapikira kuti kana Israeri vakachengeta rutivi rwavo rwayo, aizovakomborera mumudzimu nomunyama. Chaizvoizvo, budiriro yaIsraeri yakatsamira pakutendeka kwavo.—Dheuteronomio 28:1-19.
9. Mumazuva aIsraeri wekare, neiko Jehovha aida kuti Israeri abhadhare zvegumi uye kuunza zvipiriso?
9 Rutivi rwomusengwa waIsraeri muMutemo rwakanga rwuri rwokuunza zvipiriso kutembere uye kubhadhara zvegumi. Zvimwe zvezvipiriso zvacho zvaipiswa zvose paatari yaJehovha, nepo zvimwe zvaikamuraniswa pakati pavaprista naavo vaipa chibairo chacho, nezvikamu chaizvo zvichiva zvinopiwa kuna Jehovha. (Revhitiko 1:3-9; 7:1-15) Pamusoro pezvegumi, Mosesi akaudza vaIsraeri, kuti: “Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha.” (Revhitiko 27:30) Chegumi chaipiwa kuvashandi vechiRevhi patabhernakeri uye gare gare patembere. Somuuyo, vaRevhi vaisava vouprista vaipa chegumi chezvavakagamuchira kuvaprista vaAroni. (Numeri 18:21-29) Neiko Jehovha aida kuti Israeri abhadhare zvegumi? Kutanga, kuti vagogona kuratidza munzira chaiyoiyo kuonga kwavo runako rwaJehovha. Uye chechipiri, kuti vagogona kupa mupiro kukutsigirwa kwavaRevhi, avo panguva iyeyo vaigona kupa ngwariro pamisengwa yavo, kubatanidza kudzidziswa kwoMutemo. (2 Makoronike 17:7-9) Neiyi nzira kunamata kwakachena kwakatsigirwawo, uye munhu ari wose akabetserwa.
10. Chii chakaitika apo Israeri akakundikana kuunza zvegumi nezvipiriso?
10 Kunyange zvazvo zvegumi nezvipiriso zvaishandiswa gare gare navaRevhi, zvakanga zviri zvipo chaizvoizvo kuna Jehovha uye naizvozvo zvaifanira kuva zvakanaka, zvakamufanira. (Revhitiko 22:21-25) Chii chakaitika apo vaIsraeri vakakundikana kuunza zvegumi zvavo kana kuti apo vakaunza zvipiriso zviduku zvikuru? Pakanga pasina chirango chakarongwa muMutemo, asi pakanga pane miuyo. Jehovha akanyima chikomborero chake, uye vaRevhi, vanyimwa tsigiro yokunyama, vakarega mabasa avo etembere kuti vagozvitsigira vamene. Nokudaro, Israeri wose akatambura.
“Cherekedzai Zvamakaita”
11, 12. (a) Chii chakava muuyo apo Israeri akaregeredza kuchengeta Mutemo? (b) Ibasai iro Jehovha akapa Israeri apo akavadzorera vachibva Bhabhironi?
11 Mukati menhau yaIsraeri, vamwe vakanga vari vomuenzaniso mukuedza kuchengeta Mutemo, kubatanidza kubhadharwa kwezvegumi. (2 Makoronike 31:2-16) Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, rudzi rwacho rwakanga rwuchiregeredza. Nguva nenguva vaiputsa sungano naJehovha, kusvikira pakupedzisira avabvumira kukurirwa uye, muna 607 P.N.V., kuti vaendeswe kuBhabhironi.—2 Makoronike 36:15-21.
12 Ichocho chakanga chiri chirango chakaoma, asi pashure pamakore 70 Jehovha akadzorera vanhu vake kunyika yokumusha kwavo. Huzhinji hwouporofita hweParadhiso huri muna Isaya hwaifanira kuva nezadziko yahwo yokutanga pashure pokudzoka ikoko. (Isaya 35:1, 2; 52:1-9; 65:17-19) Bva, chikonzero chikuru Jehovha akadzorera vanhu vake chakanga chiri, kwete chokuvaka paradhiso yapasi, asi chokuvakazve tembere ndokudzorera kunamata kwechokwadi. (Ezra 1:2, 3) Kudai Israeri akateerera Jehovha, betsero dzokunyama dzaizotevera, uye chikomborero chaJehovha chaizovapfumisa mose muri muviri mumudzimu nomunyama. Nenzira inowirirana, nokukurumidza sezvavakasvika munyika yokumusha kwavo muna 537 P.N.V., vaJudha vakavaka atari muJerusarema uye vakavamba basa patembere. Zvisinei, vakasangana nechishoro chakasimba ndokurega. (Ezra 4:1-4, 23) Somuuyo, Israeri haana kufarikanya chikomborero chaJehovha.
13, 14. (a) Chii chakatevera apo Israeri akakundikana kuvakazve tembere? (b) Tembere yakavakwa sei pakupedzisira, asi ndizvimwe zvikanganisoi zvaIsraeri zvinoshumwa?
13 Mugore ra 520 P.N.V., Jehovha akamutsa vaporofita Hagai naZekaria kuti vakurudzire Israeri kudzokera kubasa rokuvaka tembere. Hagai akaratidza kuti rudzi rwacho rwakanga rwuchitambura nhamo dzokunyama uye akabatanidza ikoku nokushaiwa kwavo shingairo nokuda kweimba yaJehovha. Iye akati: “Zvanzi naJehovha wehondo: ‘Cherekedzai zvamakaita. Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziirwa; unobatira mubairo unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvovoka.’ Zvanzi naJehovha wehondo: ‘Cherekedzai zvamakaita. Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa.’”—Hagai 1:5-8.
14 Vakurudzirwa naHagai naZekaria, vaIsraeri vakada zvikuru nzira dzavo, uye tembere yakavakwa. Anenge makore 60 gare gare, kunyanguvezvo, Nehemia akashanyira Jerusarema ndokuwana kuti Israeri akanga avazve anoregeredza Mutemo waJehovha. Iye akaruramisa ikoku. Asi pashanyo yechipiri, iye akawana kuti zvinhu zvakanga zvaipa zvakare. Iye anoshuma, kuti: “Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibate basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.” (Nehemia 13:10) Ichi chinetso chakaruramiswa, uye “vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.”—Nehemia 13:12.
Kubira Jehovha
15, 16. Jehovha, kupfurikidza naMaraki, akatsiura Israeri nokuda kwokukundikanai?
15 Sezvingabvira, kuporofita kwakaitwa naMaraki kwakanga kuri munguva imwe chete iyoyi zvayo, uye muporofita anotiudza zvakawanda pamusoro pokusatendeka kwaIsraeri. Iye anonyora mashoko aJehovha kuna Israeri, kuti: “‘Kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko?’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kwamuri, imi vaprista vanozvidza zita rangu.” Chii chakanga chisina kururama? Jehovha anotsanangura, kuti: “Kana muchindivigira chakapofumara chive chibairo, [munoti]: ‘Hazvina kuipa here?’ Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara. [munoti]: ‘Hazvina kuipa here?’”—Maraki 1:6-8.
16 Neiyi nzira yakajeka, Maraki anoratidza kuti nepo vaIsraeri vakanga vachipinza zvipiriso, kushata kwaizvozvi kwakaratidza kuzvidza kwakakomba. Maraki akanyorawo, kuti: “‘Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” VaIsraeri vakashamisika kuti chii nenzira yakananga chavaifanira kuita, naizvozvo vakabvunza, kuti: “Tichadzoka pazvinhu zvipi?” Jehovha akapindura, kuti: “Munhu ungabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira.” Israeri aigona sei kubira Jehovha, Manyuko epfuma yose? Jehovha akapindura, kuti: “Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa.” (Maraki 3:7, 8) Hungu, kupfurikidza nokukundikana kupinza zvegumi zvavo nezvipiriso, Israeri akanga achibira Jehovha!
17. Zvegumi nezvipiriso zvakabatira donzoi muna Israeri, uye chipikirwai icho Jehovha anoita pamusoro pezvegumi?
17 Uyu mugariro wekare wenhau unoratidza ukoshi hwezvegumi nezvipiriso muna Israeri. Zvakanga zviri ratidzirwo yokuonga kumupi. Uye zvakabetsera kutsigira kunamata kwechokwadi munzira yokunyama. Nokudaro, Jehovha akapfuurira kukurudzira Israeri, kuti: “Pinzai mativi ose echigumi mudura.” (NW) Achiratidza chaizotevera kana vakadaro, Jehovha akapikira, kuti: “Ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.” (Maraki 3:10) Chikomborero chaJehovha chaizovapfumisa.
Vakatongwa na“Ishe Wechokwadi”
18. (a) Jehovha anonyevera nezvokuuya kwaani? (b) Kuuya kutembere kwakaitika rini, ndiani akabatanidzwa, uye chii chakava muuyo nokuda kwaIsraeri?
18 Jehovha kupfurikidza naMaraki akanyeverawo kuti iye aizouya kuzotonga vanhu vake. “Tarirai! Ndiri kutumira nhume yangu, uye iyo inofanira kuchenesa nzira pamberi pangu. Uye kamwe kamwe vachauya kutembere yake Ishe wechokwadi, wamunotsvaka imi vanhu, uye nhume yesungano yamunofarira. Tarirai! Iye achasvika zvamazvirokwazvo.” (Maraki 3:1, NW) Kuuya kwakapikirwa kutembere kwakaitika rini? Pana Mateo 11:10, Jesu akanokora mashoko uporofita hwaMaraki hwenhume iyo yaizogadzirira nzira ndokuhushandisa kuna Johane Mubhapatidzi. (Maraki 4:5; Mateo 11:14) Naizvozvo muna 29 N.V., nguva yorutongeso yakanga yasvika! Ndiani akanga ari nhume yechipiri, nhume yesungano iyo yaizoperekedza Jehovha, “Ishe wechokwadi,” kutembere? Jesu amene, uye panhambo mbiri iye akauya kutembere muJerusarema ndokuichenesa nenzira inoshamisa, achikandira kunze vachinji vemari vasina kutendeseka. (Marko 11:15-17; Johane 2:14-17) Pamusoro peiyi nguva yomuzana rokutanga ramakore yorutongeso, Jehovha nenzira youporofita anobvunza, kuti: “Ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani ungamira kana achionekwa?” (Maraki 3:2) Kutaura idi, Israeri haana kumira. Vakanzverwa, vakawanwa vachiperevedza, uye muna 33 N.V., vakaraswa sorudzi rwakasarudzwa rwaJehovha.—Mateo 23:37-39.
19. Vakasarira vakadzokera kuna Jehovha munzirai muzana rokutanga ramakore, uye chikomboreroi chavakagamuchira?
19 Zvisinei, Maraki akanyorawo, kuti: “Iye [Jehovha] uchagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirvheri; uchachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirvheri; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.” (Maraki 3:3) Mutsinhirano naikoku, nepo vazhinjisa vaavo vaitaura kuti vanobatira Jehovha muzana rokutanga ramakore vakaraswa, vamwe vakacheneswa uye vakauya kuna Jehovha, vachipa zvibairo zvinogamuchirika. Vanaani? Avo vakanga vagamuchira Jesu, nhume yesungano. PaPentekosta 33 N.V., 120 vaava vanogamuchira vakanga vakaungana pamwe chete mukamuri rapamusoro muJerusarema. Vasimbiswa nomudzimu mutsvene, vakavamba kupa chipo chechipiriso mukururama, uye nokukurumidza zviverengero zvavo zvakakura. Nokukurumidza, vakapararira muUmambo hwose hweRoma. (Mabasa 2:41; 4:4; 5:14) Nokudaro, vakasarira vakadzokera kuna Jehovha.—Maraki 3:7.
20. Apo Jerusarema netembere zvakaparadzwa, chii chakaitika kuna Israeri mutsva waMwari?
20 Ava vakasarira vaIsraeri, avo vakasvika pakubatanidza Vamarudzi vakabatanidzwa, sokunge zvakadaro, mumudzi waIsraeri, vakanga vari “Israeri waMwari,” rudzi rwakaumbwa namaKristu akazodzwa nomudzimu. (VaGaratia 6:16, NW; VaRoma 11:17) Muna 70 N.V., “zuva . . . rinopisa sechoto” rakawira Israeri wokunyama apo Jerusarema netembere yaro zvakaparadzwa namauto eRoma. (Maraki 4:1; Ruka 19:41-44) Chii chakaitika kuna Israeri womudzimu waMwari? Jehovha akaratidza “tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.” (Maraki 3:17) Ungano yechiKristu yakazodzwa yakateerera nyevero youporofita yaJesu. (Mateo 24:15, 16) Vakapukunyuka, uye chikomborero chaJehovha chakapfuurira kuvapfumisa mumudzimu.
21. Mibvunzoi inosara pamusoro paMaraki 3:1 na 10?
21 Irevererwo yakadini yaJehovha! Kunyanguvezvo, Maraki 3:1 iri kuzadzikwa sei nhasi? Uye muKristu anofanira kuita sei kukurudziro iri pana Maraki 3:10 yokupinza chegumi chose mudura? Ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Pakupedzisira, ndiani ari Manyuko epfuma yose?
◻ Neiko budiriro yomudzimu iri nani kupfuura pfuma yokunyama?
◻ Zvegumi nezvipiriso zvakabatira donzoi muna Israeri?
◻ Ndirini apo Jehovha, “Ishe wechokwadi,” akauya kutembere kuzotonga Israeri, uye nomuuyoi?
◻ Ndiani akadzokera kuna Jehovha pashure pokunge auya kutembere yake muzana rokutanga ramakore N.V.?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Nhume yesungano, Jesu, ichimirira Jehovha, yakauya kutembere nokuda kworutongeso muzana rokutanga ramakore N.V.