Zuva raJehovha Rinotyisa Rava Pedyo
“Bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.”—MARAKI 3:16.
1, 2. Maraki anofanonyevera nezvezuvai rinotyisa?
RINOTYISA! Sezvo kwakaedza pana August 6, 1945, guta guru rakaparadzwa munguva pfupi pfupi. Vanenge 80 000 vakafa! Makumi ezviuru akakuvadzwa zvinouraya! Mwoto unonganduma! Bhomba renyukireya rakanga raita basa raro. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei mukati mengwavaira iyoyo? Pakanga pane Chapupu chimwe bedzi muHiroshima—chakapfigirwa mumadziro anodzivirira etorongo nemhaka yokuchengeta kuperera kwechiKristu kwacho. Torongo rakaondomoka kuva masarasara, asi hama yedu haina kukuvadzwa. Sokutaura kwayakaita, akaputitsirwa kunze nebhomba reatom—zvichida chinhu chimwe bedzi chakanaka icho bhomba rakaita.
2 Sokutyisa kwaiita kuputika kwebhomba iroro, kunonyangarikira kukuva kusina revo pakunoenzaniswa ne“zuva iro guru raJehovha, rinotyisa” iro riri pamberi chaipo. (Maraki 4:5) Haiwa, hungu, kwave kune mazuva anotyisa munguva dzakapfuura, asi iri zuva raJehovha richaapfuura ose.—Marko 13:19.
3. Musiyanoi wakatungamirira kuBoporodzi unofanira kucherekedzwa pakati pa“vanhu vose” nemhuri yaNoa?
3 Muzuva raNoa “vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika,” uye Mwari akazivisa, kuti: “Vakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndichavauraya pamwe chete nenyika.” (Genesi 6:12, 13) Sezvakanyorwa pana Mateo 24:39, Jesu akataura kuti vanhu vakanga “vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose.” Asi Noa akatendeka, “muparidzi wokururama,” pamwe chete nemhuri yake yaitya Mwari, vakapukunyuka Boporodzi iroro.—2 Petro 2:5.
4. Muenzanisoi unonyevera unogoverwa neSodhoma neGomora?
4 “SeSodhoma neGomora,” Judhasi 7 inorondedzera kudaro, “namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo . . . kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomwoto usingaperi.” Vanhu ivavo vasina umwari vakaparara nemhaka yomuraramire wavo unosemesa nenzira yetsvina. Nzanga dzenyika yazvino uno dzinopenga nevatano ngadzinyeverwe! Cherekedza, zvisinei, kuti Roti anotya Mwari navanasikana vake vakachengetwa vari vapenyu mukati mengwavaira iyoyo, kunyange sezvo vanamati vaJehovha vachadzivirirwa mukati medambudziko guru riri kuswedera nokukurumidza.—2 Petro 2:6-9.
5. Chii chatinogona kudzidza parutongeso rwakaitwa paJerusarema?
5 Ipapo rangarira mienzaniso inonyevera yakagoverwa apo Jehovha akashandisa mauto anovhozhokera kuti aparadze Jerusarema, guta rine mbiri iro raichimbova “mufaro wapasi pose.” (Pisarema 48:2) Izvi zviitiko zvine ngwavaira zvakaitika, kutanga muna 607 B.C.E. uye zvakare muna 70 C.E., nemhaka yokuti vanhu vaitaura kuva vaMwari vakasiya kunamata kwechokwadi. Nenzira inofadza, vabatiri vakavimbika vaJehovha vakapukunyuka. Ngwavaira ya 70 C.E. (inoratidzirwa pasi apa) inorondedzerwa so“kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga [kwechisiko cha]kasikwa naMwari, kusvikira zvino.” Kwakabvisa zvachose tsika yezvinhu yechiJudha yakaramba kutenda, uye zvirokwazvo murutivi irworwo “hakuchazovipo.” (Marko 13:19) Asi kunyange uku kuitwa kworutongeso rwoumwari kwaingova bedzi mumvuri we“kutambudzika kukuru” uko zvino kunotyisidzira tsika yose yezvinhu yenyika.—Zvakazarurwa 7:14.
6. Neiko Jehovha achibvumidza ngwavaira?
6 Neiko Mwari aizobvumira ngwavaira dzakaipisisa, nokurasikirwa kwoupenyu hwakawanda kwazvo? Muchakaitika chaNoa, cheSodhoma neGomora, uye cheJerusarema, Jehovha akanga achiita rutongeso pana avo vakanga vaparadza nzira yavo pamusoro papasi, avo vakanga vashatisa iri pasi rakaisvonaka nokusvibisa chaiko uye kuderera kwetsika, uye avo vakanga varamba kutenda, kana kuti kuramba, kunamata kwechokwadi. Nhasi tinomira pamuganhu wokuitwa kworutongeso kunobatanidza zvose uko kuchafukidza nyika yose.—2 VaTesaronika 1:6-9.
“Pamazuva Okupedzisira”
7. (a) Rutongeso rwoumwari rwakare rwaiva rwouporofitai? (b) Ikariroi ine mbiri iri mberi?
7 Kuparadza ikoko kwenguva dzakare kwaiva kwouporofita hwedambudziko guru rinotyisa rinorondedzerwa pana 2 Petro 3:3-13. Muapostora wacho anonyora, kuti: “Pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo.” Ipapo, achinangidzira ngwariro pazuva raNoa, Petro anonyora, kuti: “Nyika, yaivapo panguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” Pashure pedambudziko gurusa iroro raose, kutonga kwoUmambo hwaMesiya kwakamirirwa kwenguva refu kuchava noukuru hutsva—“denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” Ikariro inofadza zvakadini!
8. Zviitiko zvenyika zviri kupfuurira sei kumugumo?
8 Mukati mezana redu ramakore rechi 20, zviitiko zvenyika zvakapfuurira nenzira inofambira mberi kuenda kumugumo. Kunyange zvazvo kuparadza kweHiroshima kwakanga kusiri shanyo youmwari, kungabatanidzwa mu“zvinotyisa” izvo Jesu akaporofita nokuda kwenguva yomugumo. (Ruka 21:11) Kwakavamba tyisidziro yenyukireya iyo ichiri kutyisidzira semvumi pamusoro porudzi rwomunhu. Nokudaro, musoro mukuru muThe New York Times yaNovember 29, 1993, unorava, kuti: “Pfuti Dzingati Ivei Nengura asi Zvombo Zvenyukireya Zvichakaporishwa.” Munguvayo, hondo dzamarudzi ose, dzamarudzi, uye dzamadzinza dzinopfuurira kuwana mikohwo inotyisa. Muhondo dzakapfuura voruzhinji zvikuru vakafa vakanga vari pakati pavarwi. Nhasi, 80 muzana yavanofa muhondo vanoshumwa kuva vasiri varwi, tisingadudzi mamiriyoni anotiza nyika dzavo dzokumusha savapoteri.
9. Vatungamiriri vorudzidziso vakaratidza sei ushamwari nenyika?
9 Vatungamiriri vorudzidziso vakawanzoratidza, uye vanopfuurira kuratidza, “ushamwari [n]enyika” kupfurikidza nokubatanidzwa nenzira yokushingaira muhondo nokumukira kunodeura ropa. (Jakobho 4:4) Vamwe vakakumbanirana navanhu vane simba vane udyire venyika yezvokutengeserana sezvo ivo vanogadzira zvombo muuwandu ndokuumba masangano makuru emirimo. Somuenzaniso, mukushuma kuurawa kwomutungamiriri wemirimo wokuSouth America, The New York Times yakati: “Achivanza kubatikana kwake mumirimo nechipameso choupfumi hwebhizimisi rapamutemo uye mufananidzo womupi wezvipo, aiva neshoo yake amene yeredhiyo uye aiwanzokumbanirwa navaprista veRoma Katurike.” The Wall Street Journal yakashuma kuti mukuwedzera kukuparadza upenyu hwamamiriyoni akapindwa muropa nemirimo, uyu mutungamiriri wemirimo pachake akarayira kupondwa kwezviuru. The Times yeLondon yakati: “Vaurayi vanowanzobhadhara nokuda kweMisa chaiyo kuti vape kuonga . . . panguva imwe cheteyo sezvo misa yamariro anyajambwa inenge ichiitika kune imwe nzvimbo.” Uipi hwakadini!
10. Tinofanira kurangarira sei kuipa kukuru kwemamiriro ezvinhu zvenyika?
10 Ndiani anoziva kuti ikuvadziko yakadini ingaparirwazve navanhu vanofuridzirwa namadhemoni pamusoro pepasi rino? Sezvo 1 Johane 5:19 inotaura, “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. Nhasi i“nhamo [nokuda kwe]nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, VaRoma 10:13 inotivimbisa kuti “ani nani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.”
Mwari Anoswedera Pedyo Murutongeso
11. Mamiriroi ezvinhu muna Israeri akayeuchidza uporofita hwaMaraki?
11 Nezvenguva yemberi iri pedyo yorudzi rwomunhu, uporofita hwaMaraki hunojekesa chodokuitika. Maraki akarongwa pokupedzisira mumutsara murefu wavaporofita vakare vechiHebheru. Israeri akanga atambura kuitwa dongo kweJerusarema muna 607 B.C.E. Asi makore 70 gare gare Jehovha akanga aratidza mutsa worudo wengoni mukudzorera rudzi irworwo kunyika yarwo. Mukati memakore zana, zvisinei, Israeri akanga ava kupinda zvakare mukuramba kutenda nouipi. Vanhu vakanga vasingakudzi zita raJehovha, vachifuratira mitemo yake yakarurama, uye vachisvibisa tembere yake kupfurikidza nokuunza, mhuka dzakapofomara, dzakaremara, uye dzinorwara nokuda kwokubayira. Vakanga vachichatanura vadzimai voujaya hwavo kuti vagone kuroora vakadzi vokumwe.—Maraki 1:6-8; 2:13-16.
12, 13. (a) Kunatsai kwave kuri madikanwa nokuda kweboka ravaprista vakazodzwa? (b) Boka guru rinobetserwawo sei nokuchenesa?
12 Basa rokunatsa raidikanwa. Rinorondedzerwa pana Maraki 3:1-4. SaIsraeri wakare, Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno zvaidawo kucheneswa, naizvozvo basa rokunatsa rakarondedzerwa naMaraki rinogona kushandisirwa kwazviri. Sezvo hondo yenyika yokutanga yakaswedera kumugumo wayo, vamwe vaVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu panguva iyeyo, havana kuchengeta kusatora rutivi chaikoiko muzvinhu zvenyika. Muna 1918, Jehovha akatuma “mutumwa [Wake] wesungano,” Kristu Jesu, kugadziriro yetembere Yake yomudzimu kuti achenese boka duku ravanamati Vake pamatsvina enyika. Nenzira youporofita, Jehovha akanga abvunza, kuti: “Ndiani ungatsunga nezuva rokuuya [kwomutumwa]? Ndiani ungamira kana achionekwa? Nokuti wakafanana nomwoto womunatsi, nesipo yomusuki. Iye uchagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivheri; uchachenesa vanakomana vaRevhi [boka rakazodzwa rouprista], nokuvanatsa sendarama nesirivheri; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.” Savanhu vakanatswa, vakaita izvozvo chaizvo!
13 Boka iroro rakazodzwa rouprista rinosvika bedzi 144 000. (Zvakazarurwa 7:4-8; 14:1, 3) Zvakadini, kunyanguvezvo, nezvavamwe vaKristu vakazvitsaurira nhasi? Zvino vanowedzera kupinda mumamiriyoni, ava vanoumba “vazhinji-zhinji” avo vanofanirawo kucheneswa panzira dzenyika, ‘vachisuka nguo dzavo vachidziita chena muropa reGwayana.’ (Zvakazarurwa 7:9, 14) Nokudaro, kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibayiro chorudzikinuro cheGwayana, Kristu Jesu, ivo vanokwanisa kuchengeta kumira kwakachena pamberi paJehovha. Ivo vanovimbiswa kupukunyuka nomudambudziko guru rose, pazuva raJehovha rinotyisa.—Zefania 2:2, 3.
14. Vanhu vaMwari vanofanira kuteerera mashokoi nhasi sezvavanopfuurira kusakurira unhu hutsva?
14 Pamwe chete navakasarira vouprista, iri boka guru rinofanira kuteerera mamwezve mashoko aMwari, okuti: “Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mubatiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi . . . Nokuti ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:5, 6) Aiwa, mipimo yaJehovha haichinji, naizvozvo mukutya Jehovha, vanhu vake nhasi vanofanira kudzivisa kunamata zvifananidzo kworudzi ruri rwose ndokuva vechokwadi, vakatendeseka, uye vane rupo sezvavanopfuurira kusakurira unhu hwechiKristu.—VaKorose 3:9-14.
15. (a) Kukokai kwengoni kunoita Jehovha? (b) Tingadzivisa sei “kubira” Jehovha?
15 Jehovha anokoka vapi navapi vangave vakatsauka panzira dzake dzakarurama, achiti: “Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.” Kana ivava vakabvunza, kuti: “Tichadzoka pazvinhu zvipi?” iye anopindura, kuti: “Munondibira.” Uye mukupindura mubvunzo wokuwedzera, wokuti: “Takakubirai pazvinhu zvipi?” Jehovha anotaura kuti vakamubira kupfurikidza nokukundikana kuunza zvakanakisisa zvikuru zvavo sezvipiriso zvebasa rake rapatemberi. (Maraki 3:7, 8) Zvatakava rutivi rwavanhu vaJehovha, tinofanira zvirokwazvo kuda kutsaura rakanakisisa resimba redu, mano, uye zvinhu zvokunyama kubasa raJehovha. Nokudaro, panzvimbo pokubira Mwari tino‘ramba tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’—Mateo 6:33.
16. Ikurudziroi yatinowana pana Maraki 3:10-12?
16 Pane tuso huru nokuda kwavose vanoramba kubatira nzira dzenyika dzefariro yavo vamene dzokudisa zvenyika, sezvinoratidza Maraki 3:10-12, kuti: “Mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaru[ri]riyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.” Kuna vanhu vose vanoonga, Jehovha anopikira kubudirira kwomudzimu nokubereka zvibereko. Iye anowedzera, kuti: “Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza.” Ikoko hakuna kubvumikisa kuva kwakadaro pakati pamamiriyoni avanhu vaMwari vanotenda mupasi rose nhasi here?
Vachengeti Vokuperera Mubhuku Roupenyu
17-19. (a) Nyongano yomuRwanda yakatapura sei hama dzedu imomo? (b) Ivava vose vakatendeka vakapfuurira nokupwiswai?
17 Pairi pfundo, tingaritsinhira pakuperera kwehama nehanzvadzi dzedu dzokuRwanda. Nguva dzose vakaunza zvakaisvonaka zvezvipiriso zvomudzimu kuimba yaJehovha yomudzimu yokunamatira. Somuenzaniso, paKokorodzano yavo Yoruwa yo“Kudzidzisa Kwoumwari” muna December 1993, vaparidzi vavo voUmambo 2 080 vakawana hwerengedzo yavapindi vane 4 075. Pakanga pane Zvapupu zvitsva 230 zvakabhapatidzwa, uye zvaizvozvi, zvinodokusvika 150 zvakanyoresa mubasa roupiyona hwebetsero mwedzi wakatevera.
18 Apo ruvengo rwedzinza rwakavamba muna April 1994, zvinenge Zvapupu 180, kubatanidza mutariri weguta muKigali, dzimbahwe, nemhuri yake yose, zvakaurawa. Vashanduri vatanhatu vapahofisi yeWatch Tower Society muKigali, vana vavo vaHutu uye vaviri vaTutsi, vakapfuurira kushanda kwevhiki dzinoverengeka mutyisidziro yakakomba, kusvikira vaTutsi vatofanira kutiza, kuzongourairwa bedzi panzvimbo yokunzvera. Pakupedzisira, vachitakura zvakanga zvasara zvezvishandiso zvekomupiyuta dzavo, vana vakanga vasara vakatizira kuGoma, muZaire, uko vakapfuurira nokutendeka kushandurira Nharireyomurindi mumutauro weKinyarwanda.—Isaya 54:17.
19 Izvi Zvapupu zviri vapoteri, kunyange zvazvo zviri mumamiriro ezvinhu okupererwa nezano, nguva dzose zvakakumbira zvokudya zvomudzimu pamberi pegadziriro dzokunyama. Pakuzvibayira kukuru, hama dzine rudo munyika dzinoverengeka dzakakwanisa kutumira migove kwazviri. Kupfurikidza neshoko romuromo uye nokurongeka kwavo mudzvinyiriro, ava vapoteri vakapa uchapupu hunoshamisa. Zvirokwazvo vakapfuurira kuunza zvakanakisisa zvavo kukunamatwa kwaJehovha. Vakaratidzira kupwiswa kwavo, sokwaPauro kwakataurwa pana VaRoma 14:8, kuti: “Kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaShe.”
20, 21. (a) Mazita avanaani asina kunyorwa mubhuku raJehovha rokurangaridza? (b) Mazita avanaani anooneka mubhuku racho, uye nei?
20 Jehovha anochengeta chinyorwa chaavo vose vanomubatira mukuperera. Uporofita hwaMaraki hunopfuurira, kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.”—Maraki 3:16.
21 Kunokosha sei nhasi kuti tiratidze kutya kwoumwari mukukudza zita raJehovha! Tichiita saizvozvo, hatisati tichizotambura rutongeso rwakaipa, sezvichaita avo vanotsigira nenzira yokuyemura tsika dzenyika ino. Zvakazarurwa 17:8 inorondedzera kuti “vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu.” Nenzira ine mufungo, zita rakatanhamara rakanyorwa mubhuku roupenyu raJehovha ndeiro roMumiriri Mukuru woupenyu, Mwanakomana waMwari amene, Jesu Kristu. Mateo 12:21 inozivisa, kuti: “Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.” Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinovimbisa upenyu husingaperi nokuda kwaavo vose vanotenda machiri. Iropafadzo yakadini kuva namazita edu omunhu mumwe nomumwe kuti awedzerwe kuzita raJesu mumupumburu iwowo!
22. Musiyanoi uchava wakajeka apo Jehovha anoita rutongeso?
22 Vabatiri vaMwari vachaita sei murutongeso irworwo? Jehovha anopindura pana Maraki 3:17, 18, kuti: “Ndichavanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira. Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.” Muganhu uchava wakajeka kuna vose: vakaipa, vaparadzaniswa nokuda kwokugurwa kusingaperi, uye vakarurama, vatenderwa nokuda kwoupenyu husingaperi munzvimbo yoUmambo. (Mateo 25:31-46) Nokudaro boka guru ravanhu vakafanana namakwai richapukunyuka zuva guru nerinotyisa raJehovha.
Unoyeuka Here?
◻ Rutongesoi urwo Jehovha akaita munguva dzeBhaibheri?
◻ Mamiriro ezvinhu nhasi anoenzana sei naayo omunguva dzakare?
◻ Kunatsai kwakaitika mukuzadzikwa kwouporofita hwaMaraki?
◻ Mazita avanaani anonyorwa mubhuku raMwari rokurangaridza?