-
Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?Nharireyomurindi—2002 | May 1
-
-
Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?
“Zuva rinouya; rinopisa sechoto.”—MARAKI 4:1.
1. Maraki anorondedzera sei kuparara kuchaita nyika ino?
MUPROFITA Maraki akafuridzirwa naMwari kunyora uprofita hwezvinhu zvinotyisa zvichaitika munguva pfupi iri kutevera. Zvinhu izvi zvichawira munhu wose ari pasi pano. Maraki 4:1 inofanoti: “Tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Kuparadzwa kwenyika ino kuchava kwakakwana zvakadini? Zvichava zvakaita sokuti midzi yomuti yaparadzwa zvachose, zvokuti muti wacho hauchafi wakakurazve.
2. Mamwe magwaro anotsanangura sei zuva raJehovha?
2 Ungabvunza kuti, ‘Muprofita ari kufanotaura nezve“zuva” ripiko?’ Zuva iroro ndiro rinotaurwa nezvaro pana Isaya 13:9, iyo inoti: “Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika riite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.” Zefania 1:15 inotsanangura ichiti: “Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru.”
“Kutambudzika Kukuru”
3. “Zuva raJehovha” chii?
3 Mukuzadzika kukuru kwouprofita hwaMaraki, “zuva raJehovha” inguva inozivikanwa no“kutambudzika kukuru.” Jesu akafanotaura kuti: “Zvadaro pachava nokutambudzika kukuru kwakadaro sokusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Funga kutambudzika kana kuti nhamo yakatoonekwa nenyika, zvikurukuru kubva muna 1914. (Mateu 24:7-12) Pakuti Hondo Yenyika II yoga yakauraya vanhu vane mamiriyoni anodarika 50! Asi, ‘kutambudzika kukuru’ kuri kuuya kuchava nezviitiko zvichaita kuti izvi zvakaitika zvive pasina. Kutambudzika kukuru ikoko, nguva yakafanana nezuva raJehovha, inopera paAmagedhoni, ichigumisa mazuva okupedzisira enyika ino yakaipa.—2 Timoti 3:1-5, 13; Zvakazarurwa 7:14; 16:14, 16.
4. Panopera zuva raJehovha, chii chinenge chaitika?
4 Pachapera zuva iroro raJehovha, nyika yaSatani nevatsigiri vayo vachava vaparadzwa. Chichatanga kuenda chitendero chenhema. Jehovha anozopa mutongo panyika yaSatani yezvokutengeserana uye yezvematongerwe enyika. (Zvakazarurwa 17:12-14; 19:17, 18) Ezekieri anoprofita kuti: “Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Ezekieri 7:19) Nezvezuva iroro Zefania 1:14 inoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” Tichifunga nezvezvinotaurwa neBhaibheri nezvezuva raJehovha, tinofanira kuva takatsunga kuti tiite maererano nezvinodiwa naMwari.
-
-
Ndiani Achapona Pazuva raJehovha?Nharireyomurindi—2002 | May 1
-
-
9. Uprofita hwaMaraki hwakatanga kuzadzika sei?
9 Mashoko iwayo akava nokuzadzika muzana remakore rokutanga C.E. Vakasara vevaJudha vakashumira Jehovha vakava vamwe vo“rudzi” rutsva rwevaKristu vakazodzwa nomudzimu, urwo rwaizosanganisira Vemamwe Marudzi nokufamba kwenguva. Asi ruzhinji rwevaIsraeri rwakaramba Jesu. Saka Jesu akaudza rudzi irworwo rwaIsraeri kuti: “Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Mateu 23:38; 1 VaKorinde 16:22) Muna 70 C.E., sezvakanga zvafanotaurwa pana Maraki 4:1, “zuva . . . rinopisa sechoto” rakauya parudzi rwevaIsraeri. Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa, uye zvinonzi vanhu vanodarika miriyoni vakafa nenzara, kurwira utongi, uye kurwiswa nemauto eRoma. Zvisinei vaya vaishumira Jehovha vakapona dambudziko iroro.—Mako 13:14-20.
-