Ezekieri
7 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kunyika yeIsraeri: ‘Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. 3 Kuguma kwazosvika pauri, ndicharegedzera kutsamwa kwangu pauri, uye ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, ndoita kuti uzvidavirire pamabasa ako ese anosemesa. 4 Ziso rangu harizokunzwiri urombo; uye handizonzwi tsitsi,+ nekuti ndichaunza pauri zvinoenderana nezvawakaita, uye uchatambura nemhaka yemabasa ako anosemesa.+ Uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’+
5 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Inzwai! Kune dambudziko riri kuuya, dambudziko rakasiyana nemamwe.+ 6 Kuguma kuri kuuya; kuguma kuchauya; kuchamuka kwouya pamuri. Tarisai! Kuri kuuya. 7 Nguva yako yasvika,* iwe mugari wemunyika. Nguva iri kuuya, zuva racho rava pedyo.+ Mumakomo mune kuvhiringidzika, kwete kushevedzera nemufaro.
8 “‘Pasina nguva ndichadururira hasha dzangu pauri,+ uye ndicharegedzera kutsamwa kwangu kwese pauri,+ ndichakutonga zvinoenderana nenzira dzako, ndoita kuti uzvidavirire pamabasa ako ese anosemesa. 9 Ziso rangu harizonzwi urombo; uye handizonzwi tsitsi.+ Ndichaunza pauri zvinoenderana nezvawakaita, uye uchatambura nemhaka yemabasa ako anosemesa. Muchabva maziva kuti ini Jehovha, ndiri kukurovai.+
10 “‘Onai zuva racho! Riri kuuya!+ Nguva yako yasvika;* shamhu yatumbuka uye kuzvikudza kwatungira. 11 Mhirizhonga yakura ikava shamhu yezvakaipa.+ Hapana chichasara, ivo kana pfuma yavo, kana vanhu vavo, kana mukurumbira wavo. 12 Nguva ichauya, zuva racho richasvika. Mutengi ngaarege kufara, uye anotengesa ngaarege kuchema, nekuti chaunga chavo chese chakatsamwirwa.*+ 13 Nekuti uya akatengesa haazodzokeri kune chaakatengesa, kunyange kana akasiyiwa ari mupenyu, nekuti chiratidzo chacho ndechevanhu vacho vese. Hapana achadzokera, uye nemhaka yekukanganisa kwake,* hapana achachengetedza upenyu hwake.
14 “‘Varidza bhosvo,+ uye vanhu vese vagadzirira, asi hapana ari kuenda kunorwa, nekuti ndatsamwira chaunga chacho chese.+ 15 Kunze kune bakatwa,+ uye mukati mune denda nenzara. Munhu wese ari musango achaurayiwa nebakatwa, uye nzara nedenda zvichapedza vari muguta.+ 16 Vaya vachapukunyuka pakati pavo, vachaenda kumakomo, uye mumwe nemumwe achachema senjiva dzemumapani nemhaka yekukanganisa kwaakaita.+ 17 Maoko avo vese achapera simba, uye mabvi avo vese achadonha mvura.*+ 18 Vapfeka masaga,+ vari kudedera nekutya. Munhu wese achanyadziswa uye musoro wese uchava nemuparavara.*+
19 “‘Vachakanda sirivha yavo mumigwagwa, uye goridhe ravo richavasemesa. Sirivha yavo kana goridhe ravo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rekushatirwa kukuru kwaJehovha.+ Havazoguti,* uye havazozadzi matumbu avo, nekuti chava* chinhu chinoita kuti vakanganise. 20 Vaidada nekunaka kwezvishongo zvavo, uye vakazvigadzirisa* zvifananidzo zvavo zvinosemesa,+ izvo zvidhori zvavo zvinonyangadza. Ndokusaka ndichaita kuti chive chinhu chinovasemesa. 21 Ndichazviisa* mumaoko evanhu vekune imwe nyika kuti vazvitore nechisimba uye kuvanhu vakaipa panyika kuti vazvipambe, uye vachazvisvibisa.
22 “‘Ndichafuratidza chiso changu kwavari,+ uye vachasvibisa nzvimbo yangu yakavandika,* uye makororo achapinda mairi, oisvibisa.+
23 “‘Gadzirai cheni,*+ nekuti nyika yazara nemitongo inourayisa vanhu vasina mhosva+ uye guta razara nemhirizhonga.+ 24 Ndichaunza vanhu vakaipa kupfuura vese pamarudzi,+ uye vachavatorera dzimba dzavo,+ ndichaita kuti kudada kwevane simba kupere, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.+ 25 Pavacharwadziwa, vachatsvaga rugare asi vacharushaya.+ 26 Pachauya dambudziko pamusoro pedambudziko, uye pachauya shoko pashure peshoko, uye vanhu vachatsvaga chiratidzo kumuprofita,+ asi mutemo uchashayikwa kumupristi uye zano richashayikwa kuvakuru.+ 27 Mambo achachema,+ jinda richapererwa, uye maoko evanhu vemunyika yacho achabvunda nekutya. Ndichavaitira zvinoenderana nenzira dzavo, uye ndichavatonga sematongero avaiita. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”+