Zuva Rino‘pisa Sechoto’
“Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto.” —MARAKI 4:1.
1. Mibvunzoi inomuka mukuwirirana naMaraki 4:1?
MUKATI meano mazuva okupedzisira, vanofara avo vane mazita Jehovha anosarudza kunyora mubhuku rake rokurangaridza. Asi zvakadiniko naavo vanokundikana kukwanirisa nokuda kweropafadzo iyoyo? Vangave vatongi kana kuti vanhuwo zvavo, vachaita sei kana vakabata vazivisi voUmambo hwaMwari neshoko ravo nokuzvidza? Maraki anotaura nezvezuva rokuzvidavirira. PaMar ganhuro 4, ndima 1, tinorava, kuti: “Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
2. Irondedzeroi yakajeka yorutongeso rwaJehovha inopiwa naEzekieri?
2 Vamwe vaporofita vanoenzanisawo kutonga kwaJehovha marudzi nokupisa kukuru kwechoto. Ezekieri 22:19-22 inosanoshanda sei kukutonga kwaMwari masekete echiKristudhomu chakaramba kutenda! Inorava, kuti: “Zvanzi naShe Jehovha: Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati . . . Sezvavanounganidzira sirvheri nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire mwoto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuisei imomo, ndikunyausei. Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza mwoto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro. Sirvheri sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.”
3, 4. (a) Kutaurai kwokunyengera kwakaitwa navafundisi? (b) Chinyorwai chinosemesa chorudzidziso?
3 Muenzaniso une simba zvirokwazvo! Vafundisi avo vakakumbira kusunungurwa pakushandisa zita raJehovha, kunyange kuzvidza zita iroro dzvene, vanofanira kutarisana nezuva iroro rokuzvidavirira. Nenzira yokuzvitutumadza, vanotaura kuti ivo neshamwari dzavo dzezvamatongerwo enyika vachatanga Umambo hwaMwari pasi pano, kana kuti kuita kuti pasi rive nzvimbo yakakodzera nokuda kwoUmambo.
4 ChiKristudhomu chakaramba kutenda chakakumbanira vatongi vezvamatongerwe enyika mukurwa hondo dzinotyisa. Nhau inonyora Hondo dzechiKristu dzomunguva dzeMiddle Ages, kutendeutswa kwokumanikidzirwa kweBvunzurudzo yeSpain, Hondo yaMakore Makumi Matatu iyo yakaparadza Europe muzana ramakore rechi 17, uye Hondo yaVagari Vemo yeSpain yomuma 1930, yakarwiwa kuita kuti Spain ive yakakotsekana nokuda kwechiKaturike. Kudeurwa kweropa kukurusa kwakauya nehondo dzenyika mbiri dzomuzana redu ramakore, apo vaKaturike uye vaPurotesitendi vakabatanidzwa mugakava, vachiuraya nokusasarura vadaviri biyavo pamwe chete naavo vamamwe marudzidziso. Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, kwave kune kurwa kunouraya pakati pavaKaturike navaPurotesitendi muIreland, pakati pamapoka orudzidziso muIndia, uye pakati pamapoka orudzidziso eyaichimbova Yugoslavia. Zvinyorwa zvenhau yorudzidziso zvine ropawo rokufira kutendeka kwezviuru zvezvapupu zvakatendeka zvaJehovha.—Zvakazarurwa 6:9, 10.
5. Rutongesoi rwakamirira rudzidziso rwenhema?
5 Isu hatina chatinogona kuita kunze kwokuonga ruramisiro yorutongeso rwaJehovha rwuri kusvika rweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, pamwe chete navatsigiri varo. Urwu rutongeso runorondedzerwa pana Zvakazarurwa 18:21, 24, kuti: “Zvino mumwe mutumwa une simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve. Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.”
6. Ndiani anofanira kuva sedavi, uye neiko? (b) Ivimbisoi iripo nokuda kwaavo vanotya Jehovha?
6 Pashure penguva yakati, vavengi vose vokururama, uye avo vanovatsigira, “vachava samashanga.” Zuva raJehovha richapisa pakati pavo sechoto. “Rikasavasiyira mudzi kana davi.” Muzuva iroro rokuzvidavirira, vana vaduku, kana kuti matavi, vachabatwa navo neruramisiro maererano nokusarudza kwaJehovha midzi yavo, vabereki vavo, vane utarisiri pamusoro pavana ivava. Vabereki vakaipa havasati vachizova navana kuti vapfuuridzire nzira dzavo dzakaipa. Asi avo vanotenda muzvipikirwa zvoUmambo hwaMwari havasati vachizozununguswa. VaHebheru 12:28, 29 naizvozvo inorayira, kuti: “Ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu mwoto unoparadza.”
Jehovha ndiMwari Ane Utsinye Here?
7. Rudo rwaJehovha runopinda sei murutongeso rwake?
7 Ikoku kunoreva here kuti Jehovha ndiMwari ane utsinye, anotsiva? Nyangwe! Pana 1 Johane 4:8, muapostora anotaura zvokwadi huru, yokuti: “Mwari rudo.” Ipapo, mundima 16 anowedzera simbiso, achiti: “Mwari rudo; unogara murudo, unogara muna Mwari, naMwari maari.” Imhaka yokuda kwake rudzi rwomunhu kuti Jehovha anoronga kuchenesa pasi rino pauipi hwose. Mwari wedu ane rudo, ane ngoni anozivisa, kuti: “Noupenyu hwangu . . . handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko?”—Ezekieri 33:11.
8. Johane akasimbisa sei rudo, asiwo achizviratidza amene soMwanakomana Wokutinhira?
8 Johane anonongedzera kuna a·gaʹpe, rudo rwenheyo, kazhinji zvikuru kupfuura vamwe vanyori vatatu veEvhangeri vakabatanidzwa, bva pana Marko 3:17, Johane amene anorondedzerwa so‘Mwanakomana Wokutinhira.’ Kwakanga kuri kupfurikidza nokufuridzirwa naJehovha kuti uyu Mwanakomana Wokutinhira akanyora mashoko eapocalypse ebhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, iro rinoratidzira Jehovha saMwari anoita ruramisiro. Iri bhuku rizere namashoko orutongeso, akadai se“chisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari,” “ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari,” uye “hasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 14:19; 16:1; 19:15.
9. Jesu akaita mashokoi pamusoro porutongeso rwaJehovha, uye uporofita hwake hwakazadzikwa sei?
9 Ishe wedu Jesu Kristu, uyo ari “mufananidzo waMwari usingaonekwi,” akazivisa noushingi rutongeso rwaJehovha paaiva pano pasi. (VaKorose 1:15) Somuenzaniso, pane nhamo nomwe dzaMateo ganhuro 23 idzo akazivisa asingazenguriri kurwisana navanyengeri vorudzidziso vomuzuva rake. Akagumisa rutongeso rwokushurikidza irworwo naaya mashoko: “Jerusarema! Jerusarema! iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo.” Makore makumi matatu namanomwe gare gare, rutongeso rwakaitwa neuto reRoma muutungamiriri hwoMutungamiriri weHondo Tito. Rakanga riri zuva rinotyisa, richiva rouporofita hwerichabvumikisa kuva zuva rinotyisa zvikurusa muchiitiko chose chorudzi rwomunhu—zuva raJehovha, richagundika nokukurumidza.
“Zuva” Rinopenya
10. “Zuva rokururama” rinounza sei mufaro kuvanhu vaMwari?
10 Jehovha anozivisa kuti kuchava navapukunyuki vezuva rake. Anonongedzera kuna ivava pana Maraki 4:2, achiti: “Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro.” Zuva rokururama harisi mumwe munhu kunze kwaJesu Kristu amene. Iye ndiye “chiedza chenyika.” (Johane 8:12) Iye anopenya sei? Anosimuka nokuporesa mumapapiro ake—kutanga kuporesa kwomudzimu, uko tinogona kuwana kunyange nhasi, uye ipapo, munyika itsva ichauya, kuporeswa munyama kwavanhu vanobva kumarudzi ose. (Mateo 4:23; Zvakazarurwa 22:1, 2) Nenzira yokufananidzira, sezvakataura Maraki, vakaporeswa va“chabuda [va]chitamba semhuru” dzichangoburitswa muchirugu. Mufaroi uchawanwawo navakamutswa vanomutswa vaine kariro yokuwana kukwana kwounhu!
11, 12. (a) Ijambwai rakamirira vakaipa? (b) Vanhu vaMwari va“chatsikira vakaipa pasi” sei?
11 Zvisinei, zvakadiniko navakaipa? Pana Maraki 4:3, tinorava, kuti: “Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Nepo achirinda avo vanomuda, Mwari wedu Murwi achave achenesa pasi abvisa vavengi ivavo vane utsinye, achivaparadza. Satani namadhemoni ake vachave vaganhurirwa.—Pisarema 145:20; Zvakazarurwa 20:1-3.
12 Vanhu vaMwari havatori rutivi mukuparadza vakaipa. Ipapoka, vano“tsikira vakaipa pasi” sei? Ikoku vanokuita nenzira yokufananidzira kupfurikidza nokugoverana mukuchengeta rukundo rukuru. Eksodho 15:1-21 inorondedzera kuchengeta kwakadaro. Kwakatevera kuparadzwa kwaFarao namapoka ake muGungwa Dzvuku. Mukuzadzikwa kwaIsaya 25:3-9, kubviswa kwa“vanotyisa” kuchateverwa namadyo orukundo akabatanidzwa nechipikirwa chaMwari, chokuti: “Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose; uchabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo. Nezuva iro vachati: Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu. . . . Uyu ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” Mune uyu mufaro mune, kwete kutsiva kana kuti utsinye, asi mufaro pakuona zita raJehovha richitsveneswa uye pasi richicheneswa nokuda kwokugarwa kworugare norudzi rwomunhu rwakabatana.
Purogiramu Huru Yedzidzo
13. Idzidzisoi ichaitika mu“nyika itsva”?
13 Pana Maraki 4:4, vaJudha vakarayirwa ku“rangarira . . . murayiro waMosesi.” Naizvozvo nhasi tinofanira kutevera “murayiro waKristu,” sezvinodudzwa pana VaGaratia 6:2. Vapukunyuki veArmagedhoni pasina kupokana vachagoverwa mirayiridzo yokuwedzera yakavakirwa pana iwoyu, uye iyoyi sezvingabvira yakanyorwa muma“bhuku” aZvakazarurwa 20:12 ayo achazarurwa panguva yorumuko. Iroro richava zuva guru rakadini sezvo vakafa vanomutswa vanodzidziswa kutevera mararamire e“nyika itsva”!—Zvakazarurwa 21:1.
14, 15. (a) Eria womuzuva razvino uno anozivikanwa sei? (b) Boka raEria rinoita basai?
14 Ikoko kuchava kutambanudzwa kwebasa rokudzidzisa rakanongedzerwa kwariri naJehovha, sezvakanyorwa pana Maraki 4:5, kuti: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.” Ndiani ari Eria iyeyo womuzuva razvino uno? Sezvinoratidzwa pana Mateo 16:27, 28, mukunongedzera kuku“uya muushe hwake,” Jesu akati: “Mwanakomana womunhu uchauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo ucharipira mumwe nomumwe paakabata napo.” Mazuva matanhatu gare gare, ari pagomo naPetro, Jakobho, uye Johane, “akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.” Akanga ari oga here muichi chiono? Aiwa, nokuti “pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye.”—Mateo 17:2, 3.
15 Ikoku kwaigona kurevei? Kwakanongedzera kuna Jesu saMosesi Mukuru akaporofitwa panguva yokuuya kwake nokuda kworutongeso. (Dheuteronomio 18:18, 19; Mabasa 3:19-23) Aizobatanidzwa ipapo naEria womuzuva razvino uno kuti vaite basa rinokosha, iro rokuparidzira aya mashoko akanaka oUmambo mupasi rose zuva guru nerinotyisa raJehovha risati ragundika. Ichirondedzera basa rouyu “Eria,” Maraki 4:6 inoti: “Iye uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.” Nokudaro “Eria” anozivikanwa seboka romuranda akatendeka naakachenjera ravaKristu vakazodzwa vari pasi pano, kwavari Tenzi, Jesu, akaronzesa zvinhu Zvake zvose. Ikoku kunobatanidza kugovera imba yokutenda “zvokudya [zvomudzimu zvinodikanwa] nenguva yakafanira.”—Mateo 24:45, 46.
16. Basa reboka raJeremia rakaparira migumisiroi inofadza?
16 Munyika yose nhasi, tinogona kuona migumisiro inofadza yepurogiramu iyoyo yokudyisa. Magazini yeNharireyomurindi, ine kudhindwa kwe 16 100 000 chinyorwa chimwe nechimwe mumitauro 120, 97 yayo ichibudiswa panguva imwe chete, iri kuzadza nyika yose ne“iyi evhangeri youshe.” (Mateo 24:14) Zvimwe zvinyorwa mumitauro yakawanda zvinoshandiswa mumativi akasiyana-siyana ebasa rokuparidza nokudzidzisa reZvapupu zvaJehovha. Boka raEria, muranda akatendeka neakachenjera, rakasvinurira kugovera zvakawanda vose avo “varombo pamweya.” (Mateo 5:3) Uyezve, avo vanogamuchira iyi tariro yoUmambo ndokuita chiito pairi vari kupinda muchinzwano chinoshamisa chenyika yose. Chinobatanidza boka guru ra“kabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Apo iri basa rinenge rapedzwa kuukuru uhwo Jehovha anoda, ipapo mugumo uchasvika muzuva rake guru nerinotyisa.
17. Zuva raJehovha rinotyisa richagundika rini?
17 Chaizvo ndirini apo zuva iroro rinotyisa richagundikira patiri? Muapostora Pauro anopindura, kuti: “Zuva raShe rinosvika sembavha usiku. Kana [ivo] vachiti, [zvichida nenzira isiri yenguva dzose] rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.”—1 VaTesaronika 5:2, 3.
18, 19. (a) “Rugare nokugarika” zvinoziviswa sei? (b) Vanhu vaJehovha vachawana rusununguko rini?
18 Ndivanaani vari “ivo” mune uhwu uporofita? Ivo ndivo vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vanotaura kuti vanogona kuumba nhevedzo itsva yakabatana kubva muzvidimbu zvenyika ino ina masimba masimba. Zvibereko zvavo zvikuru, Chinzwano Chamarudzi neChibatanwa chaMarudzi, zvakakundikana muna ikoku. Sezvakafanotaurwa nomuporofita waJehovha, kunyange zvino vari “[ku]ti: Rugare, rugare! izvo hakuna rugare.”—Jeremia 6:14; 8:11; 14:13-16.
19 Munguvayi, vanhu vaJehovha vanotsungirira dzvinyiriro nezvitambudzo zvenyika ino isina umwari. Asi nokukurumidza, sezvinotaurwa pana 2 VaTesaronika 1:7, 8, vachawana rusununguko “pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumwoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu.”
20. (a) Zefania naHabhakuki vanoporofitei pamusoro pezuva iro ‘rinopisa sechoto’? (b) Uhwu uporofita hunopa zanoi nekurudziroi?
20 Ikoko kuchava nokukurumidza sei? Vakawanda vedu tave takamirira kwenguva refu. Munguvayi, nhamba huru yavanyoro vachapukunyuka iri kupindura kudana kuri pana Zefania 2:2, 3, kwokuti: “Tsvakai Jehovha . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” Ipapo, Zefania 3:8 ine rayiro, yokuti: “Naizvozvo, ndimirirei ndizvo zvinotaura Jehovha kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomwoto wegodo rangu.” Mugumo uri pedyo! Jehovha anoziva zuva iroro neawa uye haasati achizochinja nguva yake. Ngatitsungirirei nokushivira. “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Zuva raJehovha rinotyisa rinoswedera pedyo nokukurumidza nguva dzose. Yeukai, zuva iroro harisati richizononoka!
Nokuhwirudzura:
◻ Vatongi navanotongwa vachaita sei muzuva raJehovha rinotyisa?
◻ Jehovha ndiMwari worudzii?
◻ Idzidzo yorudzii inorondedzerwa nokuda kwavanhu vaMwari?
◻ Vaporofita vaMwari vanotirayira sei nemhaka yokuva pedyo kwomugumo?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Mukati meBvunzurudzo yeSpain vakawanda vakamanikidzirwa kutendeukira kuchiKaturike
[Kwazvakatorwa]
The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck