Bhuku reBhaibheri Nhamba 31—Obhadhia
Munyori: Obhadhia
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 607 B.C.E.
1. Chii chinoratidza shoko, panzvimbo penhume, kuva rinokosha?
MUNDIMA 21 chete, Obhadhia, bhuku pfupi zvikurusa raMagwaro echiHebheru, rinozivisa rutongeso rwaMwari rwakaguma nomugumo worudzi, richingunofanotaura rukundo rwokupedzisira rwoUmambo hwaMwari. Mashoko esumo anongotaura zvawo, kuti: “Zvakaonekwa naObhadhia.” Kuti akaberekwa rini uye kuti kupi, ndewerudzi rwupi, udzame hwoupenyu hwake—hapana chimwe chaizvozvi chinotaurwa. Nenzira yakajeka, kuzivikanwa kwomuporofita wacho hakusi chinhu chinokosha; shoko rinokosha, uye kunodaro nenzira yakarurama, nemhaka yokuti sezvo Obhadhia amene akazivisa, iro ‘mushumo wakabva kuna Jehovha.’
2. Uporofita hwaObhadhia hunonangidzira ngwariro panyika ipi, uye chii chaiita kuti vagari vayo vanzwe vakakotsekana?
2 Mushumo wacho unonangidzira ngwariro yawo huru paEdhomi. Ichitambanukira kumaodzanyemba ichibva kuGungwa Rakafa nomuArabha, nyika yeEdhomi, inozivikanwawo seGomo reSeiri, inyika yakashata yamakomo marefu nemimanimani yakadzika. Padzimwe nzvimbo, nzvimbo ine makomo kumabvazuva kweArabha inosvika urefu hwamakiromita 1 700. Ruwa rweTemani rwakanga rwakakurumbira nokuda kwouchenjeri noushingi zvavanhu varwo. Jogirafi imene yenyika yeEdhomi, nedziviriro dzayo dzomusikirwo, yakaita kuti vagari vayo vanzwe vakakotsekana uye vachidada.a
3. VaEdhomi vakanga vaita savakoma kuna Israeri here?
3 VaEdhomi vaiva vazukuru vaEsau, mukoma waJakobho. Zita raJakobho rakachinjwa kuva Israeri, uye naizvozvo vaEdhomi vaiva noukama hwapedyo navaIsraeri; zvikuru kwazvo zvokuti vairangarirwa se‘hama.’ (Dheut. 23:7) Bva mufambiro weEdhomi wakanga usati uchitongova wouhama. Nokukurumidza vaIsraeri vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akatuma nhume kuna mambo weEdhomi achikumbira mvumo yokupfuura norugare nomunyika yake, asi mukuratidzira utsinye, vaEdhomi vakaramba nenzira yokusakendenga uye vakatsigira kuramba kwavo nokuratidzirwa kwesimba. (Num. 20:14-21) Kunyange zvazvo vakakundwa naDhavhidhi, gare gare vakarangana naAmoni naMoabhi mukurwisa Judha mumazuva aJehoshafati, vakamukira mwanakomana waJehoshafati Mambo Jehorami, vakadzora nhapwa dzavaIsraeri dzakabva Gaza neTire, uye vakavhozhokera Judha mumazuva aMambo Ahazi kuti vatore kunyange nhapwa dzakawanda.—2 Mako. 20:1, 2, 22, 23; 2 Madz. 8:20-22; Amo. 1:6, 9; 2Mako. 28:17.
4. (a) Chiitoi chinozvidzika sezviri pachena chakagovera hwaro hwokushurikidza kwaObhadhia Edhomi? (b) Ufakazii hunokarakadza 607 B.C.E. somusi ungabvira zvikurusa wokunyora?
4 Uhu utsinye hwakasvika pakakwirira zvikurusa muna 607 B.C.E. apo Jerusarema rakaitwa dongo namauto eBhabhironi. VaEdhomi havana kungotarira bedzi vachitendera asi vakakurudzira vakundi kuti vapedzise kuita dongo. “Paradzai, paradzai, kusvikira panheyo dzaro,” vakadanidzira kudaro. (Pis. 137:7) Apo mijenya yakakandwa pamusoro pezvakapambwa, vaiva pakati paavo vaizogoverana zvakabipitirwa; uye apo vapukunyuki vavaJudha vakaedza kutiza vachibuda munyika, vakavhara migwagwa ndokuvagamuchidza kumuvengi. Ndiwaya masimba masimba panguva yokuparadzwa kweJerusarema ayo sezviri pachena ari hwaro hwokushurikidza kwakanyorwa naObhadhia, uye pasina kupanikira kwakanyorwa apo chiito chinozvidzika cheEdhomi chakanga chichiri kuyeukwa. (Obha. 11, 14) Sezvo Edhomi imene sezviri pachena yakatapwa ndokupambwa naNebhukadnezari mukati mamakore mashanu pashure pokuparadzwa kweJerusarema, bhuku racho rinofanira kuve rakanyorwa nguva iyeyo isati yasvika; 607 B.C.E. anokarakadzwa somusi ungabvira zvikurusa.
5. (a) Chii chinobvumikisa chinyorwa chaObhadhia kuva chakavimbika nechechokwadi? (b) Obhadhia akazadzika sei zvinodikanwa zvomuporofita wechokwadi, uye neiko zita rake rakakodzera?
5 Uporofita hwaObhadhia paEdhomi hwakazadzikwa—ihwo hwose! Mukusvika mugumo wahwo, uporofita hwacho hunoti: “Imba yaEsau [inofanira kuva] mashanga; vachapisa vamwe pakati pavo, nokuvapedza; hakuchina vakasarira imba yaEsau, nokuti Jehovha wakataura izvozvo.” (Ndima 18) Edhomi akararama nomunondo uye akafa nomunondo, uye hapana vakasarira vavazukuru vake vakasara. Nokudaro chinyorwa chacho chinobvumikiswa kuva chakavimbika nechechokwadi. Obhadhia akanga ane zvipupuriro zvose zvomuporofita wechokwadi: Akataura muzita raJehovha, uporofita hwake hwakakudza Jehovha, uye hwakazadzikwa seizvo nhau yapashure yakabvumikisa. Zita rake nenzira yakakodzera rinoreva kuti “Mubatiri waJehovha.”
ZVIRI MUBHUKU RAOBHADHIA
6. Jehovha anotaura sei nezveEdhomi, uye achaiwisira pasi kubva kupi?
6 Rutongeso paEdhomi (Ndima 1-16). Pakurayira kwaJehovha, Obhadhia anozivisa chiono chake. Marudzi anokokwa kuti akumbanire muhondo yokurwisana neEdhomi. “Simukai, ngativamukire kuzorwa navo,” Mwari anorayira kudaro. Ipapo, achinangidzira mashoko ake kuEdhomi imene, anonzvera nzvimbo yake. Edhomi inongova chete duku pakati pamarudzi uye inozvidzwa, asi inozvikudza. Inonzwa yakakotsekana iri mumikaha yamatombo yakakwirira, ine chokwadi chokuti hakuna munhu anogona kuiwisira pasi. Kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha anozivisa kuti kunyange kana ugaro hwayo hwakakwirira sohwegondo, kunyange kudai yaizogara mudendere riri pakati penyeredzi dzimene, aizoiwisira pasi kubva ikoko. Yodokurangwa.—Ndima 1.
7. Edhomi ichapambwa kusvikira kutambanukoi?
7 Chii chichaitika kwairi? Kudai mbavha dzaizopamba Edhomi, dzaizotora bedzi zvadzaida. Kunyange vaunganidzi vamazambiringa vaizosiya matsangudzwa. Asika chiri mberi nokuda kwavanakomana vaEsau chakaipa zvikuru kupfuura ichi. Pfuma yavo ichapambwa chose chose. Vakutsirani vamene veEdhomi vachava ivo vanoimukira. Avo vave vari shamwari dzayo dzapedyo vachaibata mumumbure somunhu asina nzwisiso. Varume vayo vanozivikanwa nokuda kwouchenjeri uye varwi vayo vanozivikanwa nokuda kwoushingi vachava vasingabetseri munguva yengwavaira yayo.
8. Neiko chirango cheEdhomi chakakomba kwazvo?
8 Asika nei pane ichi chirango chakakomba? Imhaka yamasimba masimba ayo vanakomana vaEdhomi vakaitira vanakomana vaJakobho, vanin’ina vavo! Vakafarira kuwa kweJerusarema uye kunyange kukumbanira vavhozhokeri mukukamura zvakapambwa. Mushurikidzo yakasimba, sokunge kuti Obhadhia ari kupupurira mabasa akashata, Edhomi inoudzwa, kuti: Haufaniri kufarira nhamo yomunin’ina wako. Haufaniri kudzivisa kutiza kwavapukunyuki vake ndokuvagamuchidza kumuvengi. Zuva rokuzvidavirira raJehovha rava pedyo, uye uchadanwa kuzozvidavirira. Nzira yawakaita nayo ndiyo nzira yauchaitirwa nayo.
9. Kudzorerwai kunofanotaurwa?
9 Kudzorerwa kweimba yaJakobho (Ndima 17-21). Mukupesana, imba yaJakobho yodokudzorerwa. Vanhu vachadzoka kuGomo reZioni. Vachaparadza imba yaEsau sezvinoita mwoto mashanga. Vachatora nyika iyo yokumaodzanyemba, Negebhi, pamwe chete nenyika ine makomo yaEsau neShepera; kuchamhembe vachatora nyika yaEfraimi neSamaria, uye nharaunda inosvika kuZarefati; kumabvazuva vachawana nyika yeGireadhi. Edhomi inozvikudza inofanira kuguma kuvapo, Jakobho anofanira kudzorerwa, uye “ushe huchava hwaJehovha.”—Ndima 21.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
10. Ndihumwe uporofitai hwakafanotaura jambwa reEdhomi, uye neiko kuchava kunobetsera kuhurangarira pamwe chete naObhadhia?
10 Achipupurira uchokwadi hwokuzadzika kweiri shoko rorutongeso paEdhomi, Jehovha akava nezviziviso zvakafanana zvakaitwa navamwe vavaporofita vake. Zvakatanhamara pakati pazvo ndezviya zvakanyorwa pana Joere 3:19; Amosi 1:11, 12; Isaya 34:5-7; Jeremia 49:7-22; Ezekieri 25:12-14; 35:2-15. Zviziviso zvakatangirezvi sezvinooneka zvinonongedzera kumabasa outsinye munguva dzakapfuura, nepo izvo zvomusi wapashure sezviri pachena dziri mhaka dzeEdhomi nokuda kwomufambiro wayo usingakanganwirwi, unonongedzerwa kwauri naObhadhia, panguva apo vaBhabhironi vakatora Jerusarema. Kuchasimbisa kutenda musimba raJehovha rouporofita kana tikanzvera kuti ngwavaira dzakafanotaurwa dzakawira sei Edhomi. Uyezve, kuchavaka chivimbo muna Jehovha saMwari anogarozadzika chinangwa chake chakataurwa.—Isa. 46:9-11.
11, 12. (a) Avo “vane rugare ne”Edhomi vakaikurira sei? (b) Edhomi yaka“paradzwa kusvikira kunguva isingazikanwi” kupfurikidza namatanhoi?
11 Obhadhia akanga afanotaura kuti “vanhu vamene vari musungano ne”Edhomi, avo “vane rugare na”ye, vaizova vanomukurira. (Obha. 7, NW) Rugare rweBhabhironi neEdhomi haruna kugara. Mukati mezana rechitanhatu ramakore B.C.E., mauto eBhabhironi achitungamirirwa naMambo Nabonidus akakunda Edhomi.b Kunyange zvazvo zvakadaro, zana rimwe ramakore pashure pokuvhozhokera kwaNabonidus nyika yacho, Edhomi ine chivimbo yakanga ichikukarira kudzoka, uye pamusoro payo, Maraki 1:4 inoshuma, kuti: “Edhomi vakati: Takaparadzwa hedu, asi tichadzoka tikavakazve matongo; zvanzi naJehovha wehondo: Vachavaka, asi ini ndichakoromora.” Pasinei hapo nenhamburiko dzeEdhomi dzokudzokera kumugariro wenguva dzose, pakasvika zana ramakore rechina B.C.E. vaNabhataea vakanga vagadzikana munyika yacho. Zvavakanga vadzingwa munyika yavo, vaEdhomi vakagara murutivi rwokumaodzanyemba rweJudhea, urwo rwakazonzi Idhumea. Havana kutongobudirira mukukundazve nyika yeSeiri.
12 Maererano naJosephus, muzana rechipiri ramakore B.C.E. vaEdhomi vakasara vakakundwa namambo wechiJudha John Hyrcanus I, vakamanikidzirwa kuti vadzingiswe, uye zvishoma nezvishoma vakapinda muumambo hwechiJudha mukutungamirira kwagavhuna wechiJudha. Pashure pokuparadza kwavaRoma Jerusarema muna 70 C.E., zita ravo rakanyangarika munhau.c Kwakaitika seizvo Obhadhia akanga afanotaura, kuti: “Uchaparadzwa nokusingaperi. . . . hakuchina vachasarira imba yaEsau.”—Obha. 10, 18.
13. Chii chakaitika kuvaJudha, mukupesana navaEdhomi?
13 Mukupesana nokuitwa dongo kweEdhomi, vaJudha vakadzorerwa kunyika yokumusha kwavo muna 537 B.C.E. mukutonga kwaZerubhabheri, uko vakavakazve tembere muJerusarema ndokuva vakagadzikana zvakasimba munyika yacho.
14. (a) Inyeveroi inofanira kuwanwa mumugumo weEdhomi? (b) Vose vanofanira kubvumei, sezvakaita Obhadhia, uye nei?
14 Kuri pachena sei kuti kudada nokuzvikudza kunotungamirira kungwavaira! Vose vanozvirumbidza vamene nokuzvikudza navanofarira nenzira youtsinye nhamo inowira vabatiri vaMwari ngavanyeverwe nomugumo weEdhomi. Ngavabvume, sezvakaita Obhadhia, kuti “ushe huchava hwaJehovha.” Avo vanorwisana naJehovha navanhu vake vachaparadzwa chose chose kusvikira kunguva isingazivikanwi, asi Umambo hukuru hwaJehovha nokuva mambo kusingaperi zvicharevererwa nokusingaperi!—Ndima 21.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 679.
b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 682.
c Jewish Antiquities, XIII, 257, 258 (ix, 1); XV, 253, 254 (vii, 9).