Bhuku reBhaibheri Nhamba 21—Muparidzi
Munyori: Soromoni
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: 1000 B.C.E. asati asvika
1. Bhuku raMuparidzi rakanyorerwa chinangwai chakaisvonaka?
BHUKU raMuparidzi rakanyorerwa chinangwa chakaisvonaka. Soromoni, somutungamiriri wavanhu vakazvitsaurira kuna Jehovha, akanga ane mutoro wokuvabatanidza pamwe chete mukutendeka kutsauriro yavo. Akatsvaka kuita uyu mutoro kupfurikidza nezano rokuchenjera rebhuku raMuparidzi.
2. Ichi chinangwa chinoratidzirwa sei muzita rechiHebheru rebhuku raMuparidzi, nokudaro kuchiita irori rive rakakodzera zvikuru kupfuura mazita echiGiriki nechiNgezi?
2 Muna Muparidzi 1:1 anozvinongedzera amene so“mukokorodzi.” Shoko racho mumutauro wechiHebheru ndiQo·heʹleth, uye muBhaibheri rechiHebheru, bhuku racho rinotumidzwa zita irero. Septuagint yechiGiriki inopa musoro saEk·kle·si·a·stesʹ, kureva “mutezo weecclesia (ungano; gungano),” munotorwa zita rechiNgezi rokuti Ecclesiastes. Zvisinei, Qo·heʹleth rinoshandurwa nenzira yakakodzera zvikuru kuti “Mukokorodzi,” uye iri izita rakakodzerawo Soromoni zvikuru. Rinoratidzira chinangwa chaSoromoni mukunyora bhuku racho.
3. Soromoni akanga ari mukokorodzi mupfungwai?
3 Mambo Soromoni akanga ari mukokorodzi mupfungwai, uye akakokorodzera kuchii? Akanga ari mukokorodzi wavanhu vake, vaIsraeri, uye weshamwari dzavo, vagari vechinguvana. Akakokorodzera ivava vose kukunamatwa kwaMwari wake, Jehovha. Kare iye akanga avaka tembere yaJehovha muJerusarema, uye pakutsaurirwa kwayo akanga avaunganidza, kana kuti avakokorodza, ivo vose kukunamatwa kwaMwari. (1 Madz. 8:1) Zvino, kupfurikidza nebhuku raMuparidzi, akatsvaka kukokorodzera vanhu vake kumabasa anokosha uye ari kure namabasa asina maturo, asingabetseri enyika.—Mup. 12:8-10.
4. Soromoni anobvumikiswa sei somunyori?
4 Kunyange zvazvo Soromoni asingadudzwi zvakananga, zvikamu zvamashoko zvinoverengeka zvinopwisa zvikuru mukumubvumikisa somunyori. Mukokorodzi anozvisuma amene so“mwanakomana waDhavhidhi” uyo “akanga ari mambo pana Israeri paJerusarema.” Ikoku kungagona kushanda bedzi kuna Mambo Soromoni, nokuti vatsivi vake muJerusarema vakanga vari madzimambo pana Judha bedzi. Uyezve, sezvo mukokorodzi anonyora: “Ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusarema; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.” (1:1, 12, 16) Ikoku kunokodzera Soromoni. Muparidzi 12:9 inotiudza kuti “wakarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.” Mambo Soromoni akataura zvirevo 3 000. (1 Madz. 4:32) Muparidzi 2:4-9 inotiudza nezvegadziriro yokuvaka yomunyori; minda yemizambiringa, mapindu neminhanga; kudiridza; gadziriro yavashandirume navashandikadzi; kuunganidzwa kwesirivha nendarama; uye mamwe mabasa. Kwose ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvaSoromoni. Apo mambokadzi weShebha akaona uchenjeri hwaSoromoni norubudiriro, akati: “Handina kuudzwa kunyange hafu yazvo.”—1 Madz. 10:7.
5. Bhuku raMuparidzi rinofanira kuva rakanyorerwa kupi uye rini?
5 Bhuku racho rinozivisa Jerusarema senzvimbo yokunyorera mukutaura kuti mukokorodzi akanga ari mambo “muJerusarema.” Nguva yacho inofanira kuve yaive iri gore ra1000 B.C.E. risati rasvika, mukati chaimo mokutonga kwamakore 40 kwaSoromoni, pashure pokunge abatikana mumabasa anoverengeka anonongedzerwa kwaari mubhuku racho asi asati apinda mukunamata zvidhori. Pakasvika nguva iyeyo aizove awana zivo yakawanda yamabasa enyika ino uye kuvavarira kwayo mhindu dzokunyama. Panguva yacho aizove achine nyasha dzaMwari uye mukufuridzira Kwake.
6. Kurambai kwakamutswa pamusoro pokufuridzirwa kwebhuku raMuparidzi, asi ikoku kungabvumikiswa sei kuva kusina kururama?
6 Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti bhuku raMuparidzi ra“kafuridzirwa naMwari”? Vamwe vangapanikira kufuridzirwa kwaro mukuti haridudzi kana kamwe zita raMwari, Jehovha. Zvisinei, zvirokwazvo rinoreverera kunamatwa kwechokwadi kwaMwari, uye rinoshandisa rashandisazve kutaura kwokuti ha·ʼElo·himʹ, “Mwari wechokwadi.” Kumwe kuramba kungamutswa nemhaka yokuti hakuna kunokorwa kwamashoko kwakananga kunobva mubhuku raMuparidzi muna mamwe mabhuku eBhaibheri. Zvisinei, dzidziso dzinopiwa nenheyo dzakanyorwa mubhuku racho zvinotsinhirana chose chose norutivi rwasara rwaMagwaro. Commentary yaClarke, Vhoriyamu III, peji 799, inoti: “Bhuku racho, rine musoro unoti Koheleth, kana kuti Muparidzi, ranguve richigamuchirwa, nedzose dziri mbiri Chechi yechiJudha nechiKristu, serakanyorwa mukufuridzira kwoWamasimba Ose; uye rakarangarirwa nenzira yakakodzera kuva rutivi rwendaza yamanyoro anoyera.”
7. Chii mumamirire ezvinhu ekare aSoromoni chakamuita akwaniriswe zvakatanhamara kunyora bhuku raMuparidzi?
7 “Vatsoropodzi” vakachenjera mune zvenyika vakataura kuti bhuku raMuparidzi harina kunyorwa naSoromoni kana kuti rutivi rwechokwadi rwo“Rugwaro rwose,” vachitaura kuti mutauro waro nouzivi hwaro ndezvomusi wapashure. Vanofuratira denhe ramashoko iro Soromoni angave akaunganidza kupfurikidza nebudiriro yake inofambira mberi yokutengeserana namarudzi akawanda nebasa rokugadzirwa kwezvinhu, pamwe chete neyakabva kuvakuru vakuru vanofambira nedzimwe onano nenyika yokunze. (1 Madz. 4:30, 34; 9:26-28; 10:1, 23, 24) F. C. Cook muBible Commentary yake, Vhoriyamu IV, peji 622, anonyora, kuti: “Mabasa ezuva nezuva nezvinorondwa zvakasarudzwa zvamambo mukuru wechiHebheru zvinofanira kuve zvakamuisa kure zvikuru noupenyuwo zvahwo hwechiHebheru, mufungo nomutauro.”
8. Ndechipi chiri chibvumikiso chakasimba zvikurusa chokuva mundaza yamanyoro matsvene kwebhuku raMuparidzi?
8 Zvisinei, manyuko okunze anodikanwa chaizvoizvo here kuti apokanidze kuva mundaza yamanyoro matsvene kwebhuku raMuparidzi? Kunzverwa kwebhuku racho rimene kuchazivisa isati ichingova bedzi tsinhirano yaro yomukati asiwo tsinhirano yaro norutivi rwasara rwaMagwaro, ayo riri rutivi rwawo zvirokwazvo.
ZVIRI MUBHUKU RAMUPARIDZI
9. Mukokorodzi anowanei pamusoro pamabasa avanakomana vavanhu?
9 Kusava namaturo kwamararamiro omunhu (1:1–3:22). Mashoko okutanga anozivisa musoro webhuku racho anoti: “Zvanzi noMuparidzi: Hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!” Chimukoi chiripo mukushanda kworudzi rwomunhu nebasa? Zvizvarwa zvinouya zvichienda, kutenderera kwomusikirwo kunodzokorora pasi pano, uye “hapana chinhu chitsva pasi pezuva.” (1:2, 3, 9) Mukokorodzi akaisa mwoyo wake pakutsvaka nokuongorora uchenjeri pamusoro pamabasa ane ngwavaira avanakomana vavanhu, asi anowana kuti muuchenjeri nomuufuza, muzviito nomubasa rakaoma, mukudya nomukunwa, chinhu chiri chose hachi“na maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.” Anosvika paku‘venga upenyu,’ upenyu hwengwavaira nezvinorondwa zvokudisa zvenyika.—1:14; 2:11, 17.
10. Chii chiri chipo chaMwari, asi mugumisiroi unowira munhu anotadza?
10 Kune nguva yakagadzwa nokuda kwechinhu chiri chose—hungu, Mwari aka‘ita chinhu chiri chose chakaisvonaka munguva yacho.’ Anoda kuti zvisikwa zvake zvifarikanye upenyu pasi pano. “Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.” Asika, maiwe! Nokuda kworudzi rwomunhu runotadza pane mugumisiro mumwe chetewo nowemhuka: “Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, zvose zvine mweya mumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.”—3:1, 11-13, 19.
11. Mukokorodzi anopa munhu anotya Mwari zanoi rokuchenjera?
11 Zano rokuchenjera raavo vanotya Mwari (4:1–7:29). Soromoni anokorokotedza vakafa, nokuti havana “mabasa ose edzvinyiriro ari kuitwa pasi pezuva.” (NW) Ipapo anopfuurira kurondedzera mabasa asina maturo uye ane ngwavaira. Nenzira yokuchenjera anopawo zano rokuti “vaviri vanopfuura mumwe” uye kuti “rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa [kuva ruviri, NW].” (4:1, NW, 2, 9, 12) Anopa zano rakaisvonaka pamusoro pokukokorodzwa kwavanhu vaMwari: “Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa.” Usakurumidza kutaura pamberi paMwari; ‘mashoko ako [nga]abvumikise kuva mashomanene,’ uye ripa zvaunopika kuna Mwari. “Utye Mwari.” Apo varombo vanodzvinyirirwa, yeuka kuti “mukuru kuvakuru vose unocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.” Mubatiriwo zvake, anodaro, achava nehope dzakanaka, asi mupfumi anonyanyonetsekana zvokusagona kuvata. Bva, akapinda munyika ari mushutu, uye nokuda kwebasa rake rose rakaoma, hapana chinhu chaanogona kubuda nacho munyika.—5:1, 2, 4, 7, 8, 12, 15.
12. Izanoi rinopiwa pamusoro penhau dzakakomba dzoupenyu, uye pamusoro pebetsero youchenjeri kupfuura mari?
12 Munhu angagamuchira pfuma nembiri, asika kurarama “makore ane zviuru zviviri zvamazana” kunobetserei kana asina kuona chiri chakanaka? Zviri nani kufungisisa nhau dzakakomba dzoupenyu norufu kupfuura kusonganirana namapenzi “paimba yokufara”; hungu, zviri nani kugamuchira tsiuro yowakachenjera, nokuti “kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari.” Uchenjeri hunobetsera. “Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” Neiko, ipapoka, nzira yorudzi rwomunhu yakava ine ngwavaira? “Mwari wakaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.”—6:6; 7:4, 6, 12, 29.
13. Mukokorodzi anopa zanoi uye anorumbidzei, uye anotii pamusoro penzvimbo uko munhu ari kuenda?
13 Mugumisiro mumwe kuna vose (8:1–9:12). “Chengeta murayiro wamambo,” anopa zano kudaro mukokorodzi; asi anotaura kuti “mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa” nemhaka yokuti kutongwa kwebasa rakaipa hakuna kukurumidza kuitwa. (8:2, 11) Iye amene anorumbidza kufara, asi kune chimwe chinhu chine ngwavaira! Marudzi ose avanhu anoenda munzira imwe cheteyo—kurufu! Vapenyu vanoziva kuti vachafa, “asi vakafa havana chavanoziva, . . . Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”—9:5, 10.
14. (a) Mukokorodzi anosimbisa zanoi rinoshanda? (b) Ndeipi iri mhedziso yenhau?
14 Uchenjeri hunoshanda nomusengwa womunhu (9:13–12:14). Mukokorodzi anotaura nezvedzimwe ngwavaira, dzakadai so“upenzi . . . pakakwirira.” Anorongawo zvirevo zvizhinji zvouchenjeri hunoshanda, uye anozivisa kuti kunyange “uduku noujaya hazvina maturo”—kutoti uchenjeri hwechokwadi hukatetekerwa. Anoti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.” Ukasadaro, ukweguru huchangodzorera zvahwo munhu kuguruva rapasi, kukutsigirwa kwamashoko omukokorodzi, anoti: “Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo.” Iye amene akadzidzisa vanhu zivo nguva dzose, nokuti “mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso,” zvinonyandurira kumabasa akarurama, asi pamusoro pouchenjeri hwenyika anonyevera, kuti: “Kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” Ipapo mukokorodzi anosvitsa bhuku racho kumugumo waro wakaisvonaka, achipfupikisa zvose izvo iye akakurukura pamusoro pokusava namaturo nouchenjeri, achiti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”—10:6; 11:1, 10; 12:1, 8-14.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
15. Soromoni anosiyanisa sei mabasa ane ngwavaira namabasa anokosha?
15 Kunyange zvazvo risati richitongova bhuku risingapi tariro yezvakanaka, bhuku raMuparidzi rakazadzwa nezvinhu zvinokosha zvinopenya zvouchenjeri hwoumwari. Pakududza mabasa mazhinji ayo anoratidzira kuti haana maturo, Soromoni haabatanidzi kuvakwa kwetembere yaJehovha paGomo reMoria muJerusarema, kana kuti kunamatwa kwakachena kwaJehovha. Haarondedzeri chipo chaMwari choupenyu sechisina maturo, asi anoratidza kuti chakanga chiri nokuda kwechinangwa chokufara kwomunhu uye kuita zvakanaka. (3:12, 13; 5:18-20; 8:15) Mabasa ane ngwavaira ndiwo aye anofuratira Mwari. Baba vangaunganidzira pfuma mwanakomana wavo, asi ngwavaira inoparadza zvose uye hapana chinhu chinosara nokuda kwake. Kwaizova kuri nani zvikuru kugovera nhaka isingaperi yepfuma yomudzimu. Kune ngwavaira kuva nezvakawanda ndokusakwanisa kuzvifarikanya. Ngwavaira inosvikira vapfumi vose venyika apo ivo vano“enda” murufu, vasina chinhu muruoko rwavo.—5:13-15; 6:1, 2.
16. Qo·heʹleth, kana kuti Muparidzi, anotsinhirana sei nedzidziso dzaJesu?
16 Pana Mateo 12:42, (NW), Kristu Jesu akanongedzera kwaari amene se“chimwe chinhu chinopfuura Soromoni.” Sezvo Soromoni akafananidzira Jesu, tinowana mashoko aSoromoni ari mubhuku rinonzi Qo·heʹleth kuva anotsinhirana nedzidziso dzaJesu here? Tinowana wirirano zhinji! Somuenzaniso, Jesu akasimbisa chinangwa chikuru chebasa raMwari mukuti, “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.” (Joh. 5:17) Soromoni anonongedzera kumabasa aMwari, achiti: “Ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haangazvinzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, wakachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.”—Mup. 8:17.
17. Ndidzimwei fanano dzinofanira kuwanwa mumashoko aJesu naSoromoni?
17 Vose vari vaviri Jesu naSoromoni vakakurudzira vanamati vechokwadi kuungana. (Mat. 18:20; Mup. 4:9-12; 5:1) Tsinhiro dzaJesu pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu” uye “nguva dzakagadzwa dzamarudzi” dzinotsinhirana nokutaura kwaSoromoni kwokuti “pane nguva yakagadzwa nokuda kwechinhu chimwe nechimwe, kunyange nguva nokuda kwenhau iri yose pasi pamatenga.”—Mat. 24:3, NW; Ruka 21:24, NW; Mup. 3:1, NW.
18. Jesu navadzidzi vake vanokumbanirana naSoromoni mukupa nyeveroi?
18 Kupfuura zvose, Jesu navadzidzi vake vanokumbanirana naSoromoni mukunyevera nezvengozi yokudisa zvenyika. Uchenjeri chitaviridzo chechokwadi, nokuti ihwo “hunochengeta varidzi vahwo vari vapenyu,” anodaro Soromoni. “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri,” anodaro Jesu. (Mup. 7:12, NW; Mat. 6:33, NW) Pana Muparidzi 5:10 pakanyorwa, kuti: “Unoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.” Rakafanana zvikuru ndiro zano iro Pauro anopa pana 1 Timotio 6:6-19, (NW), rokuti “kuda mari ndicho chisakiso chamarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza.” Kune zvikamu zvamashoko zvinowirirana zvakafanana pamusoro pamamwe mapfundo omurayiridzo weBhaibheri.—Mup. 3:17—Mabasa 17:31; Mup. 4:1—Jak. 5:4; Mup. 5:1, 2—Jak. 1:19; Mup. 6:12—Jak. 4:14; Mup. 7:20—VaR. 3:23; Mup. 8:17—VaR. 11:33.
19. Tingakokorodzana mukunamatwa kwaJehovha nhasi nekariroi inofadza?
19 Kutonga kwoUmambo hwoMwanakomana anodiwa waMwari, Jesu Kristu, uyo munyama akanga ari muzukuru waMambo akachenjera Soromoni, achatanga nzanga itsva yapasi. (Zvak. 21:1-5) Izvo Soromoni akanyora nokuda kwokutungamirirwa kwavadzorwi vake muumambo hwake hwokufananidzira ndezvefariro inokosha kuna vose vanoisa zvino tariro yavo muUmambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu. Mukutonga kwahwo rudzi rwomunhu rwuchararama mukuwirirana nenheyo dzimwe chetedzo dzokuchenjera idzo mukokorodzi akaronga uye vachafara nokusingagumi muchipo chaMwari choupenyu hunofadza. Zvino ndiyo nguva yokukokorodzwa mukunamatwa kwaJehovha, kuti tiwane zvakazara mifaro youpenyu muUmambo hwake.—Mup. 3:12, 13; 12:13, 14.