Akadiwa Zvikuru naJehovha
“KWAZIWA, anodiwa zvikuru, Jehovha anewe.” Ikwaziso yakadini! Mutauri wacho haasiri mumwe kunze kwengirozi Gabrieri. Ari kukwazisa mukadzi muduku ane mwoyo unozvininipisa—Maria, mwanasikana womurume anonzi Heri. Gore racho ndi 3 P.N.V., uye nzvimbo yacho iguta reNazareta.—Ruka 1:26-28, NW.
Maria akavimbiswa kuchata naJosefa muvezi. Maererano nomutemo netsika zvechiJudha, anorangarirwa somudzimai waakachata naye. (Mateo 1:18) Kufanana naye, anobva munzvimbo yakaderera muupenyu. Neiko, ipapo, ngirozi ichimukwazisa seanodiwa zvikuru?
Ropafadzo Yake Inoshamisa
Gabrieri anowedzera, kuti: “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro; Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Uchabata imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake haungavi nomugumo.”—Ruka 1:29-33.
Akatyamadzwa uye akahadzika, Maria anobvunza, kuti: “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Gabrieri anopindura, kuti: “Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba roWokumusoro-soro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi: Mwanakomana waMwari.” Kuti ibvise kupokana kupi nokupi, ngirozi inowedzera, kuti: “Tarira, Erisabhete, hama yako, naiye wava nemimbawo yomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi haabereki. Nokuti hakune shoko raMwari richashayiwa simba.”—Ruka 1:34-37.
Maria anogamuchira nokukurumidza iyi ropafadzo inoshamisa yebasa. Nokudisa, asi mukuzvininipisa, anopindura, kuti: “Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Pana ikoko, Gabrieri anoenda. Maria anomhanyira kuguta riri munharaunda ine makomo yaJudha. Achisvika pamusha womuprista Zakaria nomudzimai wake, Erisabhete, anowana mamiriro ezvinhu ari chaizvozvo seizvo ngirozi yakazvirondedzera. Mufaro wakadini unozadza mwoyo waMaria! Miromo yake inobuda mashoko okurumbidza Jehovha.—Ruka 1:38-55.
Anova Mudzimai waJosefa
Mhandara inofanira kugovera muviri waJesu wohunhu, nokuti kuberekwa kwakadaro kwakadeya kutaurwa. (Isaya 7:14; Mateo 1:22, 23) Asi neiko mhandara yakavimbiswa muchato ichidikanwa? Kuti igovere baba vokurera avo vanogona kupa mwana wacho kodzero yapamutemo kuchigaro choumambo chaMambo Dhavhidhi. Vose vari vaviri Josefa naMaria ndovorudzi rwaJudha uye vazukuru vaMambo Dhavhidhi. Naizvozvo kodzero dzokuva mudyi wenhaka dzaJesu dzichasimbiswa kakapetwa ruviri. (Mateo 1:2-16; Ruka 3:23-33) Ichi ndicho chikonzero nei ngirozi gare gare ichivimbisa Josefa kuti anofanira kusazengurira kutora Maria somudzimai wake wapamutemo, kunyange zvake ane pamuviri.—Mateo 1:19-25.a
Mutemo womutero wakabudiswa naKesari Augusto unopa Josefa naMaria musengwa wokunyoresa muBheterehema. Vari imomo, anosununguka mwanakomana wake wedangwe. Vafudzi vanouya kuzoona mwana wacho, uye vanorumbidza Baba vake, Jehovha. Pashure pamazuva 40 okunatsa maererano noMutemo waMosesi, Maria anoenda kutembere muJerusarema kundoita yananiso yezvivi zvake. (Revhitiko 12:1-8; Ruka 2:22-24) Hungu, sezvo akanga asina kunambwa nenzira isina chivi, uye naizvozvo asina kusvibiswa nechivi, kusakwana kwake kwomuzvarirwo kunofanira kufukidzwa kupfurikidza nezvibayiro zvokuyananisa.—Pisarema 51:5.
Apo Maria naJosefa vari patembere, mukweguru Simoni nomuporofitakadzi akwegura Ana vanoropafadzwa kuona Mwanakomana waMwari. Maria haasiri iye anopiwa ngwariro. (Ruka 2:25-38) Gare gare, Vachenjeri vanopfugamira kwete iye asi Jesu.—Mateo 2:1-12.
Pashure pokutizira kuEgipita nokuramba variko kutozosvikira Herodhe akaipa afa, vabereki vaJesu vanodzokera ndokugara mumusha muduku weNazareta. (Mateo 2:13-23; Ruka 2:39) Ndiko uko Josefa naMaria vanorera Jesu mumamiriro ezvinhu emhuri youmwari.
Maria Akava Navamwe Vana
Pashure penguva yakati, Maria naJosefa vanogovera Jesu vanun’una nehanzvadzi vokunyama. Apo ushumiri hwaJesu hunomuunza kuguta rake rokumusha reNazareta, vazivikanwi vake vouduku vanomuziva. “Ko haazi mwanakomana womuvezi here?” vanobvunza kudaro. “Ko mai vake havaidzwi Maria here, navanun’una vake Jakobho, naJosefa, naSimoni, naJudhasi here? Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here?” (Mateo 13:55, 56) VaNazareta vari kunongedzera kumhuri yokunyama yaJosefa naMaria, kubatanidza vanakomana navanasikana vake avo vanoziva savanun’una nehanzvadzi dzokunyama vaJesu.
Ava vanun’una nehanzvadzi havasiri hamawo hadzo dzaJesu. Uyewo havasiri vadzidzi vake, kana kuti vanun’una nehanzvadzi vomudzimu, nokuti Johane 2:12 inoita musiyano wakajeka pakati pamapoka acho ari maviri kupfurikidza nokuti: “[Jesu] wakaburukira Kapernaume, iye namai vake navanun’una, navadzidzi vake.” Makore akati gare gare ari muJerusarema, muapostora Pauro akaona Kefasi, kana kuti Petro, uye akawedzera, kuti: “Handina kuona upi noupi wavamwe vavaapostora; ndakaona bedzi Jakobho, munun’una waIshe.” (VaGaratia 1:19, The Jerusalem Bible) Uyezve, kutaura kwokuti Josefa haana ku“muziva [Maria] kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe” kunoratidzira kuti baba vokurera vaJesu vakavatana naye pashure ndokuva baba vavamwe vana vake. (Mateo 1:25) Nenzira inowirirana, Ruka 2:7 inodaidza Jesu kuti mwanakomana wake “wedangwe.”
Mai Vanotya Mwari
Samai vanotya Mwari, Maria anobatira pamwe naJosefa mukurayiridza vana vake mukururama. (Zvirevo 22:6) Kuti iye mudzidzi anoshingaira waMagwaro kunoonekwa mumashoko ake omudzimu akawanda apo anokwaziswa naErisabhete. Panguva iyoyo mai vaJesu vanodzokorora mirangariro inobva murwiyo rwaHana uye vanoratidzira kuziva mapisarema, manyoro enhau noouporofita, uye mabhuku aMosesi. (Genesi 30:13; 1 Samueri 2:1-10; Zvirevo 31:28; Maraki 3:12; Ruka 1:46-55) Maria akadzidza nomusoro zviitiko nokutaura zvouporofita, akazvichengeta mumwoyo make, uye akazvifungisisa mundangariro make. Naizvozvo akasanoshongedzerwa kugoverana mukupa murayidzo woubereki kumukomana Jesu.—Ruka 2:19, 33.
Jesu akasanodzidziswa wamakore 12 anoratidzira zivo yapaMagwaro iyo inoshamisa varume vakadzidza patembere. Nemhaka yokuti ava akaparadzana navabereki vake mukati momwaka iwoyo wePaseka, mai vake vanoti: “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.” Jesu anopindura, kuti: “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” Asingakwanisi kunzwisisa revo yeiyi mhinduro, Maria anoichengeta mumwoyo make. Achidzokera kuNazareta, Jesu anopfuurira ku“enda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:42-52.
Maria Somudzidzi waJesu
Kunokodzera sei kuti Maria pakupedzisira anofanira kuva mudzidzi waJesu akazvipira! Iye munyoro uye haana gwinyiro routanhamari pasinei zvapo nomugove wake wechienzi waakapiwa naMwari. Maria anoziva Magwaro. Kana ukaanzvera iwe umene, hausati uchizomuwana achirondedzerwa ane halo, akagara pachigaro choumambo sa“mai-mambokadzi” uye akazadzwa nembiri inoratidzirwa yaKristu. Panzvimbo pezvo, uchamuwana ari asingazivikanwi zvikuru, asingapiwi ngwariro.—Mateo 13:53-56; Johane 2:12.
Jesu akadzivisa chinhu chipi nechipi chakadai soKunamatwa kwaMaria pakati pavateveri vake. Apo akanga achitaura pane imwe nhambo, “mumwe mukadzi achibva muboka akadanidzira, ‘Rakakomborerwa dumbu rakakuberekai namazamu amakanwa!’ ‘Panzvimbo pezvo,’ akapindura, ‘vakakomborerwa avo vanonzwa shoko raMwari ndokurichengeta.’” (Ruka 11:27, 28, The New American Bible, rakashandurwa nemitezo yeCatholic Biblical Association of America) Pane mamwe mabiko omuchato, Jesu akaudza Maria, kuti: “Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.” (Johane 2:4) Dzimwe shanduro dzinorava, kuti: “Siyirai nhau yacho mumaoko angu.” (Weymouth) “Musaedza kunditungamirira.” (An American Translation) Hungu, Jesu akaremekedza mai vake, asi haana kuvanamata.
Ropafadzo Dzisingagumi
Iropafadzo dzakadini idzo Maria akafarikanya! Akabereka Jesu. Ipapo akava mai ndokurovedza mwana muduku wacho. Pakupedzisira, akashandisa kutenda, achiva mudzidzi waKristu nehanzvadzi yomudzimu. Mukuona kwedu kupfupi kwokupedzisira kwapaMagwaro kwaMaria, tinomuona ari mukamuri rapamusoro muJerusarema. Ari imomo pamwe chete navaapostora vaJesu, vamwe vanakomana vake, uye vamwe vakadzi vakatendeka—vose vanamati vaJehovha.—Mabasa 1:13, 14.
Pashure penguva yakati, Maria akafa uye muviri wake wakadzokera kuguruva. Kufanana navamwe vateveri vakazodzwa vapakuvamba vemwanakomana wake anodiwa, akarara murufu kutozosvikira nguva yaMwari yakafanira yokumumutsa sechisikwa chomudzimu chine upenyu hwokusafa mudenga. (1 VaKorinte 15:44, 50; 2 Timotio 4:8) Uyu “anodiwa zvikuru” anofanira zvino kuva anofadzwa sei pamberi paJehovha Mwari naJesu Kristu!
[Mashoko Omuzasi]
a Kudai Maria akanga ave asiri mhandara, ndiani angadai akada kuchata naye? VaJudha vaiomerera pakuva kwomusikana mhandara.—Dheuteronomio 22:13-19; enzanisa naGenesi 38:24-26.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Maria akadiwa zvikuru samai vaJesu