Tsvaka Avo Vane Ndangariro Yakarurama Nokuda Kwoupenyu Husingaperi
“Avo vose vakanga vaine ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi vakava vatendi.”—MABASA 13:48, “NW.”
1. Pamusoro pomwoyo womunhu, manoi ayo Jehovha anawo?
JEHOVHA MWARI anogona kunzvera mwoyo. Ikoku kwakajekeswa apo muporofita Samueri akaenda kundozodza mwanakomana waJese samambo waIsraeri. Pakuona Eriabhi, Samueri “akati: ‘Zvirokwazvo, muzodziwa waJehovha uri pamberi pake.’ Asi Jehovha akati kuna Samueri: ‘Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.’” Naizvozvo, Samueri akarairwa kuzodza Dhavhidhi, uyo akabvumikisa kuva anofadza mwoyo waMwari.’—1 Samueri 13:13, 14; 16:4-13.
2. Chii chakasimbiswa mumwoyo wokufananidzira womunhu, uye nokudaro chii chatinorava pamusoro paikoku muMagwaro?
2 Munhu anoratidzira chimiro chikuru chakati chokutonga. Ane chimiro chakati chakasimbiswa mumwoyo wake wokufananidzira. (Mateo 12:34, 35; 15:18-20) Nokudaro, tinorava nezvomunhu ane “mwoyo wakakombamira kukurwa.” (Pisarema 55:21, NW) Tinoudzwa kuti “munhu une hasha une kudarika kuzhinji.” Uye tinorava, kuti: “Munhu une shamwari zhinji unoparadzwa; asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” (Zvirevo 18:24; 29:22) Nenzira inofadza, vazhinji vanobvumikisa kuva vakafanana navamwe Vamarudzi muAntiokia yekare muPisidhia. Pakunzwa pamusoro pegadziriro yaJehovha nokuda kworuponeso, “vakafara, vakakudza shoko ra[Jehovha, NW]; navose vakanga vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.”—Mabasa 13:44-48.
Vatendi “Vakachena Mumwoyo”
3, 4. (a) Ndivanaani vakachena mumwoyo? (b) Avo vakachena mumwoyo vanoona sei Mwari?
3 Vatendi ivavo muAntiokia vakava maKristu akabhapatidzwa, uye vakatendeka pakati pavo vaigona kushandisa kwavari vamene mashoko aJesu, anoti: “Vanofara vakachena mumwoyo, sezvo vachaona Mwari.” (Mateo 5:8, NW) Asi ndivanaani vari “vakachena mumwoyo”? Uye “vanoona [sei] Mwari”?
4 Vakachena mumwoyo vakachena mukati. Rwavo rucheno rwokunzwisisa, zvidakadaka, zvishuvo, uye vavariro. (1 Timotio 1:5) Vanoona Mwari zvino mukuti vanomucherekedza achishanda nokuda kwavachengeti veperero. (Enzanisa naEksodho 33:20; Jobho 19:26; 42:5.) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “ona” rinorevawo “kuona nendangariro, kunzwisisa, kuziva.” Sezvo Jesu akaratidzira zvakakwana hunhu hwaMwari, nzwisiso muhunhu ihwohwo inofarikanywa na“vakachena mumwoyo,” avo vanoshandisa kutenda muna Kristu nomuchibairo chake chinoyananisa zvivi, vanowana kanganwirwo yezvivi zvavo, uye vanokwanisa kupa kunamata kunogamuchirika kuna Mwari. (Johane 14:7-9; VaEfeso 1:7) Nokuda kwavakazodzwa, kuona Mwari kunosvika mugumo wako pavanomutsirwa kudenga, uko vanoona zvomenemene Mwari naKristu. (2 VaKorinte 1:21, 22; 1 Johane 3:2) Asi kuona Mwari kupfurikidza nezivo yakarurama nokunamata kwechokwadi kunobvira nokuda kwaavo vose vakachena mumwoyo. (Pisarema 24:3, 4; 1 Johane 3:6; 3 Johane 11) Vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi mudenga kana kuti muparadhiso yapasi.—Ruka 23:43; 1 VaKorinte 15:50-57; 1 Petro 1:3-5.
5. Munhu anogona sei bedzi kuva mutendi nomuteveri wechokwadi waJesu Kristu?
5 Avo vasina ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi havasati vachizova vatendi. Hakuvabviriri kushandisa kutenda. (2 VaTesaronika 3:2) Uyezve, hakuna munhu anogona kuva muteveri wechokwadi waJesu Kristu kutoti iye achidzidzisika uye Jehovha, uyo anoona chiri mwoyo, akakweva munhu iyeyo. (Johane 6:41-47) Chokwadika, mukuparidzira paimba neimba, Zvapupu zvaJehovha hazvitongi munhu upi noupi pachine nguva mberi. Hazvigoni kunzvera mwoyo asi zvinosiira miuyo mumaoko ane rudo aMwari.
6. (a) Chii chakataurwa pamusoro peonano yomunhu oga muushumiri hwapaimba neimba? (b) Igadziriroi dzakaitwa kubetsera Zvapupu zvaJehovha kuwana avo vane mwoyo wakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi?
6 Imwe nyanzvi yakataura zvakafanira, kuti: “[Pauro] akadzidzisa zvokwadi pachena uye paimba neimba. Kwete bedzi ari pachikuva, asi muonano yomunhu oga navanhu vamwe navamwe vaakaparidzira Kristu. Kazhinji kazhinji kusvika kwomunhu oga kunobudirira zvikurusa kupfuura rumwe rudzi rwupi norwupi kana mutoo mukusvika mweya.” (August Van Ryn) Zvinyorwa zvakadai seBhuku Rinotungamirira Rechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, Kurangarira muMagwaro, uye Hushumiri Hwedu Hwoumambo zvinobetsera Zvapupu zvaJehovha kupa hurukuro uye kuita uzhinjisa hweonano yomunhu oga mubasa razvo romumunda. Inobetserawo mienzaniso yoMusangano Webasa nezano reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Avo vanopinda chikoro chacho vanogamuchira rovedzo inokosha mumavara ekurukurirano akadai sesumo dzakanaka, shandiswo yakafanira yaMagwaro, kudziridzo ine mufungo, chibvumikiso chinopwisa, shandiswo yemienzanisiro, uye mhedziso dzinobudirira. Ngationei kuti Bhaibheri rinowedzera sei uyu muraidzo uyo unogona kuita kuti vanhu vaMwari vabudirire zvikuru sezvavanotsvaka avo vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi.
Sumo Dzinonyandura Mufungo
7. Mashoko okuzarura eMharidzo yapaGomo yaJesu anodzidzisei pamusoro pesumo?
7 Mumuenzaniso waJesu, avo vanogadzirira kupupurira paimba neimba vanogona kudzidza chimwe chinhu pamusoro pesumo dzinonyandura fariro. Mukuzarura Mharidzo yake yapaGomo, iye akashandisa shoko rokuti “vanofara” kapfumbamwe. Somuenzaniso, iye akati: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo. . . . Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yapasi.” (Mateo 5:3-12, NW) Mitsetse yacho yakanga yakananga uye yakajeka. Uye sumo iyoyo zvirokwazvo yakanyandura fariro ndokubatanidza vateereri vake, nokuti ndiani asingadi kufara?
8. Muushumiri hwapaimba neimba, musoro wekurukurirano unofanira kusumwa sei?
8 Musoro upi noupi wekurukurirano unoshandiswa muushumiri hwapaimba neimba unofanira kusumwa nenzira yakanaka, inofadza. Asi hapana munhu anofanira kushandisa sumo inokatyamadza, yakadai sokuti, “Ndine shoko renyu rinobva kunze kwechadenga.” Mashoko akanaka ane manyuko okudenga, asi sumo yakadaro ingasanoita kuti saimba ashamisike zvikuru kana Chapupu chichifanira kukosheswa kana kuti kudzingwa nokukurumidza sezvinobvira.
Kubata Shoko raMwari Zvakarurama
9. (a) Magwaro anofanira kusumwa, kuraviwa, uye kushandiswa sei muushumiri? (b) Muenzanisoi unodudzwa kuratidza mashandisire akaita Jesu mibvunzo?
9 Muushumiri hwomumunda, sapachikuva, magwaro anofanira kusumwa zvakafanira, kuraviwa nesimbiso yakakodzera, uye kushandiswa nenzira yakajeka, yakarurama. Mibvunzo inoita kuti saimba afunge pamusoro pamapfundo apaMagwaro angavawo ebetsero. Zvakare, mitoo yaJesu inoraidza. Pane imwe nhambo, mumwe murume akanyura muMutemo waMosesi akamubvunza, kuti: “Mudzidzisi, ndichagara nhaka upenyu husingaperi kupfurikidza nokuitei?” Mukupindura Jesu akabvunza, kuti: “Chii chakanyorwa muMutemo? Unorava seiko?” Pasina panikiro, Jesu aiziva kuti uyu wakanga uri mubvunzo uyo murume wacho aigona kupindura. Iye akapindura zvakarurama, achiti: “‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose uye nendangariro yako yose,’ uye, ‘muvakidzani wako sewe umene.’” Ikoku kwakatungamirira Jesu kupa rumbidzo, uye imwe kurukurirano yakatevera.—Ruka 10:25-37, NW.
10. Chii chinofanira kurangarirwa kana toreva nezvomusoro womunhu wekurukurirano, uye chii chinofanira kudziviswa pakubvunza vanasaimba mibvunzo?
10 Avo vanopupurira paimba neimba vanofanira kusimbisa musoro womusoro wekurukurirano ndokujekesa chikonzero chokurava magwaro eBhaibheri anosimudzira musoro iwoyo. Sezvo Chapupu chiri kuedza kusvika mwoyo wasaimba, chinofanira kudzivisa kubvunza mibvunzo inokwenudza. Mukushandisa Shoko raMwari, ‘kutaura kwedu ngakuve kune nyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu.’—VaKorose 4:6.
11. Mukushandisa Magwaro kururamisa mirangariro isina kururama, muenzanisoi watinawo mukuedzwa kwaJesu naSatani?
11 Zvikurukuru pashanyo dzedzokerero pangava nedikanwo yokururamisa mifungo isina kururama kupfurikidza nokuratidza icho Magwaro anotaura chaizvoizvo kana kuti anoreva. Jesu akaita chimwe chinhu chakafanana mukuramba Satani, uyo akati: “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi [kubva padenga retembere, kufanana nokuzviuraya kunobvira]; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Iye ucharaira [ngirozi, NW] dzake pamusoro pako, pamaoko adzo dzichakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka pabwe.’” Pisarema 91:11, 12, rakanokorwa mashoko naSatani, hairuramisi kuiswa mungozi kwoupenyu, chipo chinobva kuna Mwari. Achiziva kuti kwakanga kusina kururama kuedza Jehovha kupfurikidza nokuisa mungozi upenyu hwake, Jesu akaudza Satani, kuti: “Kwakanyorwawo, ‘Usaidza [Jehovha, NW], Mwari wako.’” (Mateo 4:5-7) Chokwadika, Satani haasati ari mutsvaki wezvokwadi. Asi apo vanhu vane mufungo vanoratidzira mifungo isina kururama iyo yaizodzivisa fambiro mberi yavo mumudzimu, mushumiri weShoko raMwari anofanira kuratidza nokungwarira pakutaura icho Magwaro anotaura chaizvoizvo uye anoreva. Ikoku rutivi rwose rwo“kunatsa kururamisa shoko razvokwadi”—chimwe chezvidzidzo zvinokosha chinodzidziswa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.—2 Timotio 2:15.
Nyengetedzo Ine Nzvimbo Yayo
12, 13. Neiko kwakarurama kushandisa nyengetedzo muushumiri?
12 Nyengetedzo ine nzvimbo yayo yakafanira muushumiri hwechiKristu. Somuenzaniso, Pauro akakurudzira mushandi biyake Timotio kupfuurira muzvinhu zvaakanga adzidza uye “akanyengetedzwa kutenda.” (2 Timotio 3:14, NW) MuKorinte, Pauro “aipa hurukuro musinagoge sabata riri rose uye ainyengetedza vaJudha navaGiriki.” (Mabasa 18:1-4, NW) MuEfeso, iye ‘akapa hurukuro [nenzira inobudirira] uye akashandisa nyengetedzo pamusoro poumambo hwaMwari.’ (Mabasa 19:8) Uye paakanga akapfigirwa mumba muRoma, muapostora akadanira vanhu kwaari ndokuvapupurira, “achishandisa nyengetedzo,” uye vamwe vakava vatendi.—Mabasa 28:23, 24, NW.
13 Pasinei zvapo nokuti Chapupu chingaedza kuva chinonyengetedza sei, chokwadika, avo bedzi vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi vachava vatendi. Zvibvumikiso zvinopwisa uye tsananguro dzakajeka, zvinopiwa nokungwarira pakutaura, zvingavanyengetedza kutenda. Asi chiizve chinogona kubetsera mukuvanyengetedza?
Iva Ano Mufungo Uye Anopwisa
14. (a) Kukudziridza kuno mufungo, kunotsinhirana kunobatanidzei? (b) Chibvumikiso chinopwisa chinorairei?
14 Rimwe ramavara okutaura anosimbiswa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kusimudzira kuno mufungo, kunotsinhirana. Ikoku kunobatanidza kuisa mifungo mikuru yose namashoko akakodzera munhevedzano ine mufungo. Chinokoshawo chibvumikiso chinopwisa, icho chinoda kuvanzarika nheyo yakanaka nokugovera chibvumikiso chakanaka. Kwakafanana naikoku kubetsera vateereri kurangarira kupfurikidza nokuchengeta hwaro hwavose, kukudziridza mapfundo zvakakwana, uye kuashandisa nenzira inobudirira. Zvakare, Magwaro anogovera nhungamiro.
15. (a) Pauro akabata sei ngwariro ndokutanga hwaro hwavose paakataura paMars’ Hill? (b) Mukutaura kwaPauro, ufakazii hwatinahwo hwokukudziridza kuno mufungo, kunotsinhirana?
15 Aya mavara okutaura anooneka mukutaura kwomuapostora Pauro kwakakurumbira paMars’ Hill muAtene yakare. (Mabasa 17:22-31) Sumo yake yakabata ngwariro ndokutanga hwaro hwavose, nokuti iye akati: “Imi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru.” Kwavari, pasina panikiro uku kwakaratidzika kuva rumbidzo. Pashure pokududza atari yakatsaurirwa “Kuna Mwari Usingazivikanwi,” Pauro akapfuurira nokusimudzira kwake kuno mufungo, kunotsinhirana uye chibvumikiso chinopwisa. Akaonesa kuti uyu Mwari wavakanga vasingazivi akanga “aita nyika nezvinhu zvose zviri mairi.” Kusafanana naAtena kana kuti vamwe vamwari vechiGiriki, ‘iye haagari mutembere dzakaitwa namaoko, uye haadi kubatsirwa namaoko avanhu.’ Muapostora akatevera kuratidzira kuti uyu Mwari akatipa upenyu uye haatiiti kuti timutsvangadzire nenzira youpofu. Ipapo Pauro akarangarira kuti Musiki wedu, uyo akafuratira nguva dzokusaziva dzokunamata zvidhori, ‘ari kuudza rudzi rwomunhu kunzvimbo iri yose kupfidza.’ Ikoku kwakatungamirira nenzira ine mufungo kupfundo rokuti ‘Mwari achatonga vagari vapasi mukururama kupfurikidza nomurume akagadzwa waakamutsa muvakafa.’ Sezvo Pauro akanga “achizivisa mashoko akanaka aJesu norumuko,” vaAtene ivavo vaiziva kuti uyu Mutongi aizova Jesu Kristu.—Mabasa 17:18, NW.
16. Ushumiri hwomumwe hunogona sei kutapurwa nokutaura kwaPauro paMars’ Hill uye kupfurikidza nerovedzo muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari?
16 Chokwadi, Pauro akanga asiri kupupurira paimba neimba paMars’ Hill. Asi kubva muhurukuro yake nerovedzo inopiwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kudzidza zvakawanda izvo zvinogona kuvandudza ushumiri hwazvo. Hungu, kwose ikoku kunobetsera kuzviita vashumiri vanobudirira zvikuru, kunyange sezvo kusimudzira kune mufungo kwaPauro nechibvumikiso chinopwisa zvakapesvedzera vamwe vavaAtene ivavo kuva vatendi.—Mabasa 17:32-34.
Shandisa Mienzanisiro Inoraidza
17. Rudzii rwemienzanisiro runofanira kushandiswa muushumiri?
17 Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chinobetserawo vashumiri vaMwari kushandisa mienzanisiro yakanaka mukupupurira paimba neimba nedzimwe nzira dzoushumiri hwavo. Kusimbisa mapfundo anokosha, mienzanisiro yakapfava iyo iri yakanaka inofanira kushandiswa. Chapupu chinofanira kuitora mumigariro yakarovedzeka ndokuva chinongwarira kuita kuti kushanda kwayo kujeke. Mienzanisiro yaJesu yakasvitsa zvikwaniriso izvi zvose.
18. Mateo 13:45, 46 ingabvumikisa sei kuva inoshanda muushumiri?
18 Somuenzaniso, rangarira mashoko aJesu: “[Umambo, NW] hwokudenga hwakafanana nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe romutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Maparera mabwe anokosha anowanikwa mukati mezvidemhe zvehove dzine zvidemhe kana kuti dzimwe hozhwa. Asi mamwe maparera bedzi “akaisvonaka.” Mutengi akanga ane nzwisiso yaidikanwa yokunzwisisa ukoshi hukuru hweiri parera rimwe uye akanga achidisa kurega zvimwewo zvose kuti ariwane. Zvichida mukathoko aJesu: “[Umambo, NW] hwokudenga hwakafanana nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe romutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Maparera mabwe anokosha anowanikwa mukatiuti hwakafanira chibairo chipi kana chipi.
Pedzisa Nesundo
19. Muushumiri hwapaimba neimba, chii icho mhedziso dzinofanira kuratidza saimba?
19 MuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, vanhu vaMwari vanodzidzawo kuti mhedziso yehurukuro kana kuti kurukurirano inofanira kuva noukama hwakananga nomusoro uye inofanira kuratidza vanzwi chokuita ndokuvakurudzira kuchiita. Muushumiri hwapaimba neimba, saimba anoda kuratidzwa chaizvoizvo iri nzira yaanokarirwa kutora, zvakadai sokugamuchira chinyorwa cheBhaibheri kana kuti kubvuma shanyo yedzokerero.
20. Muenzanisoi wakaisvonaka wemhedziso inosunda watinawo pana Mateo 7:24-27?
20 Mhedziso yeMharoko aJesu: “[Umambo, NW] hwokudenga hwakafanana nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe romutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Maparera mabwe anokosha anowanikwa mukatiaaita, ungafananidzwa nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikasawa, nokuti yakanga yakateiwa paruware. Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwaoko aJesu: “[Umambo, NW] hwokudenga hwakafanana nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe romutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Maparera mabwe anokosha anowanikwa mukativanasaimba!
21. Kurukurirano yedudziridza kuno mufungo, kunotsinhirana?
21 Mapfundo achangobva kududzwa anoenzanisira mabetserere anogona kuita Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vazhinji kuva vazivisi vakakwaniriswa voUmambo. Chokwadika, kukwaniriswa zvakakwana kunobva zvikurukuru kuna Mwari. (2 VaKorinte 3:4-6) Uye pasinei zvapo nokuti mushumiri wacho angave akakwaniriswa sei, hakuna munhu anogona kupesvedzera vanhu kuva vatendi kutoti vakakweviwa naMwari kupfurikidza naKristu. (Johane 14:6) Bva, vanhu vaMwari vanofanira zvirokwazvo kushandisa gadziriro dzose dzomudzimu dzinoitwa naJehovha sezvavanotsvaka avo vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Ndivanaani vari “vakachena mumwoyo,” uye vano“ona Mwari” sei?
◻ Zvinhui zvinofanira kurangarirwa pakusuma shoko roUmambo mubasa rapaimba neimba?
◻ Shoko raMwari rinogona sei kubatwa zvakarurama muushumiri?
◻ Chii chichabetsera kuita mharidzo ine mufungo, inopwisa mubasa romumunda?
◻ Chii chinofanira kuyeukwa pamusoro pemienzanisiro inoshandiswa muushumiri?
◻ Chii chinofanira kupedzwa nemhedziso dzinoshandiswa mubasa rokupupurira?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Jesu akataura kuti “vakachena mumwoyo” vaizo“ona Mwari.” Chii chakareva ikoku?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Magwaro anofanira kusumwa zvakafanira, kuraviwa nesimbiso yakakodzera, uye kushandiswa nomutoo wakajeka, wakarurama