RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chii Chinoreva Rutava Nehove Nokuda Kwako?
    Nharireyomurindi—1992 | June 15
    • 3. Kunzwisisa mienzanisiro yaJesu kunotiunzira sei betsero?

      3 Jesu ipapo akashandisa Isaya 6:9, 10, iyo yakarondedzera vanhu vakanga vari matsi namapofu nenzira yomudzimu. Isu, kunyanguvezvo, hatifaniri kuva vakadaro. Kana tikanzwisisa ndokuita chiito pamienzanisiro yake, tinogona kuva vanofara zvikuru—zvino nomunguva yemberi isingagumi. Jesu anotigovera ichi chipikirwa choushamwari: “Anofara meso enyu nemhaka yokuti anoona, uye nzeve dzenyu nemhaka yokuti dzinonzwa.” (Mateo 13:16, NW) Chipikirwa ichocho chinofukidza yose yemienzanisiro yaJesu, asi ngatipei ngwariro pamuenzaniso mupfupi worutava, wakanyorwa pana Mateo 13:47-50.

      Muenzanisiro Une Revo Huru

      4. Jesu akarondedzerei kupfurikidza nomuenzanisiro, sezvakanyorwa pana Mateo 13:47-50?

      4 “[Umambo hwamatenga, NW] hwakafananazve norutava runokandirwa mugungwa, runounganidza marudzi ose ehove; kana rwazara vanorukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasha. Ndizvo zvichaitwa pa[mhedziso yetsika yezvinhu: ngirozi, NW] dzichabuda, dzichabudisa vakaipa pakati pavakarurama, dzichavakandira muvira romwoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”

  • Chii Chinoreva Rutava Nehove Nokuda Kwako?
    Nharireyomurindi—1992 | June 15
    • 7. Chii icho Jesu akanga achienzanisira paakataura nezvehove?

      7 Mukuwirirana naikoko, hove mumufananidzo uno dzinomirira vanhu. Nokudaro, apo Mt 13 ndima 49 inotaura nezvokuparadzanisa vakaipa kubva muvakarurama, inonongedzera, kwete kuupenyu hwakarurama kana kuti hwakaipa hwezvipenyu zvinogara mumakungwa, asi kuvanhu vakarurama kana kuti vakaipa. Nenzira yakafanana, Mt 13 ndima 50 haifaniri kutiita kuti tifunge nezvemhuka dzomugungwa idzo dzinochema kana kuti kugeda-geda meno adzo. Aiwa. Uyu mufananidzo uri pamusoro pokuunganidzwa kwavanhu nokuparadzaniswa kwavo kwapashure, uko kuri kwakakomba zvikuru, sokuratidza kunoita muuyo wacho.

      8. (a) Chii chatinogona kudzidza pamusoro pomuuyo nokuda kwehove dzisina kukodzera? (b) Nemhaka yezvakataurwa pamusoro pehove dzisina kukodzera, chii chatinogona kugumisa pamusoro poUmambo?

      8 Cherekedza kuti hove dzisina kukodzera, ndiko kuti, dzakaipa, dzichakandirwa muvira romwoto, umo dzichafanira kuchema nokugeda-geda meno adzo. Kune imwe nzvimbo Jesu akabatanidza kuchema kwakadaro nokugeda-geda nokuva kunze kwoUmambo. (Mateo 8:12; 13:41, 42) Pana Mateo 5:22 na 18:9, akatodudza “Gehena romwoto,” achinongedzera kuruparadziko rwechigarire. Ikoko hakuratidzi here kuti kunokosha sei kuwana revo youyu muenzanisiro nokuita nenzira inowirirana? Tose zvedu tinoziva kuti hamusati mune kana kuti muchizova navakaipa muUmambo hwaMwari. Nokudaro, apo Jesu akataura kuti “umambo hwamatenga hwakafanana norutava,” anofanira kuve akareva kuti mukuwirirana noUmambo hwaMwari, pane rutivi rwakafanana norutava runodzikiswa kuti ruunganidze marudzi akasiana-siana ehove.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe