Dzidzisa Nokunzwisisa Nokunyengetedza
“Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.”—ZVIREVO 16:23.
1. Nei kudzidzisa Shoko raMwari kuchibatanidza zvinopfuura kungotaura mashoko?
VAVARIRO yedu savadzidzisi veShoko raMwari ndeyokuvhenekera kwete bedzi ndangariro dzavadzidzi vedu asiwo mwoyo yavo. (VaEfeso 1:18) Saka kudzidzisa kunobatanidza zvinopfuura kungotaura mashoko. Zvirevo 16:23 inoti: “Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.”
2. (a) Kunyengetedza kunorevei? (b) Zvinobvira sei kuti vaKristu vose vave vadzidzisi vanonyengetedza?
2 Muapostora Pauro zvechokwadi akashandisa nheyo iyi mubasa rake rokudzidzisa. Paaiva muKorinte, “aikurukura musinagogi masabata ose uye ainyengetedza vaJudha nevaGiriki.” (Mabasa 18:4, NW) Maererano nerimwe bhuku, shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “nyengetedza” rinoreva “kuita kuti munhu achinje mafungiro nemhaka yokumuita kuti afunge kana kuti kurangarira nezvetsika.” Nokushandisa kutaura kunoita kuti munhu agutsikane, Pauro akakwanisa kuita kuti vanhu vachinje mafungiro avo chaiwo. Mano ake okunyengetedza aishamisa kwazvo zvokuti aityiwa navaimuvenga. (Mabasa 19:24-27) Zvisinei, kudzidzisa kwaPauro kwakanga kusiri kuratidzwa kwemano omunhu. Akaudza vaKorinte kuti: “Shoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba; kuti kutenda kwenyu kurege kuva muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari.” (1 VaKorinte 2:4, 5) Sezvo vaKristu vose vachibetserwa nomudzimu waJehovha Mwari, vose zvavo vangava vadzidzisi vanonyengetedza. Asi sei? Ngationgororei dzimwe nzira dzokudzidzisa dzinobudirira.
Iva Muteereri Akanaka
3. Nei kunzwisisa kuchidiwa pakudzidzisa vamwe, uye tingabaya sei mwoyo womudzidzi weBhaibheri?
3 Nzira yokutanga yokudzidzisa inobatanidza kuteerera, kwete kutaura. Sezvakanyorwa pana Zvirevo 16:23, kuti tinyengetedze tinofanira kuva vanonzwisisa. Zvechokwadi Jesu ainzwisisa vanhu vaaidzidzisa. Johane 2:25 inoti: “Wakanga achiziva iye zviri mumunhu.” Asi tingaziva sei zviri mumwoyo yevatinodzidzisa? Imwe nzira ndeyokuva muteereri akanaka. Jakobho 1:19 inoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura.” Chokwadi, havasi vanhu vose vanokurumidza kutaura zvavanofunga. Vadzidzi vedu veBhaibheri zvavanogutsikana kuti tinovafarira zvechokwadi, vangada zvikuru kuratidza manzwire avo echokwadi. Mibvunzo yomutsa asi yokuchenjera inogona kutibetsera kazhinji kubaya mwoyo ndoku‘budisa’ kutaura kwakadaro.—Zvirevo 20:5.
4. Nei vakuru vechiKristu vachifanira kuva vateereri vakanaka?
4 Zvinokosha zvakanyanya kuti vakuru vechiKristu vave vateereri vakanaka. Ndipo bedzi pavanga“ziv[a] kupindura mumwe nomumwe sezva[va]nofanira kuita” zvechokwadi. (VaKorose 4:6) Zvirevo 18:13 inonyevera kuti: “Unopindura asati anzwa, zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.” Dzimwe hama mbiri dzaiva nevavariro yakanaka dzakambotsiura imwe hanzvadzi pamusoro pokuda zvenyika nemhaka yokuti yakanga isina kuuya kune mimwe misangano. Hanzvadzi yacho yakarwadziwa zvikuru kuti hadzina kuibvunza kuti nei yakanga isipo. Yakanga iri kupora kuvhiyiwa kwayakanga ichangobva kuitwa. Saka, zvinokosha zvakadini kuti titeerere tisati tapa zano!
5. Vakuru vangagadzirisa sei nharo dzinomuka pakati pehama?
5 Kuvakuru, kudzidzisa kunowanzobatanidza kupa vamwe zano. Panowo, zvinokosha kuva muteereri akanaka. Kuteerera kunonyanya kukosha panomuka nharo pakati pevaKristu vanonamata vose. Vakuru vangatevedzera “Baba vanotonga nokusasarura” kana vateerera bedzi. (1 Petro 1:17, NW) Munhu anowanzokurumidza kushatirwa kana zvinhu zvakadaro, uye mukuru anofanira kuyeuka zano raZvirevo 18:17 rinoti: “Unotanga kutambirwa mhaka yake unenge wakarurama; asi wokwake unosvika womuferefeta.” Mudzidzisi anobudirira achateerera vanhu vacho vose. Nokunyengetera, anobetsera kuti zvinhu zviterame. (Jakobho 3:18) Kana vanhu vakashatirisana, angapa zano rokuti hama imwe neimwe itaure zviri kuinetsa zvakananga kwaari, panzvimbo pokuti vaviri vacho vaitisane nharo. Achishandisa mibvunzo yakafanira, mukuru wacho angakwanisa kuisa pachena nhau dzinoda kugadziriswa. Kakawanda, kusagona kukurukurirana zvakanaka ndiko kunozoparira kuitirana nharo, kwete utsinye. Asi kana nheyo dzeBhaibheri dzisina kuteererwa, mudzidzisi ane rudo zvino anogona kurayiridza achinzwisisa, anzwa mativi ose.
Kukosha Kwokutaura Zviri Nyore Kunzwisisa
6. Pauro naJesu vakagadza sei muenzaniso wokudzidzisa nenzira iri nyore kunzwisisa?
6 Kuita kuti zvinhu zvirambe zviri nyore kunzwisisa ndohumwe unyanzvi hwokudzidzisa hunokosha. Chokwadi, tinoda kuti vadzidzi veBhaibheri va“ve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika [kwechokwadi] kwakadiniko.” (VaEfeso 3:18) Pane zvikamu zvedzidziso dzeBhaibheri zvinonakidza uye zvinowanzova zvakaoma. (VaRoma 11:33) Kunyange zvakadaro, Pauro paakaparidza kuvaGiriki, akasimbisa shoko riri nyore kunzwisisa ra‘Kristu akaroverwa.’ (1 VaKorinte 2:1, 2) Nenzira yakafanana, Jesu akaparidza nenzira iri nyore kunzwisisa, inofadza. Akashandisa mashoko ari nyore kunzwisisa muMharidzo yake paGomo. Asi, ine imwe yezvokwadi dzinokosha zvikurusa dzati dzambotaurwa.—Mateo, maganhuro 5-7.
7. Tingaita sei kuti zvinhu zvirambe zviri nyore kunzwisisa patinenge tichiitisa fundo dzeBhaibheri?
7 Nenzira yakafanana tingaita kuti zvinhu zvirambe zviri nyore kunzwisisa patinenge tichidzidzisa pafundo dzeBhaibheri. Sei? Nokusimbisa “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10, NW) Patinenge tichitsanangura nhau dzakaoma kunzwisisa, tinofanira kuedza kutaura nomutauro uri nyore kunzwisisa. Tinofanira kusimbisa magwaro anokosha panzvimbo pokuedza kurava ndokukurukura magwaro ose eBhaibheri akanyorwa mubhuku. Izvi zvinoda kuti isu tigadzirire zvakanaka. Tinofanira kudzivisa kuwanzira mudzidzi mashoko, tisingazvibvumiri kuti titsauswe nenhau dzisingakoshi. Kana mudzidzi ane mubvunzo usina kubatana zvakananga nechidzidzo chacho, tingataura nounyanzvi kuti ukurukurwe kana chidzidzo chapera.
Kushandisa Mibvunzo Kunoshanda
8. Jesu akashandisa sei mibvunzo zvinobudirira?
8 Humwe unyanzvi hunoshanda hunobatanidza kubvunza mibvunzo inoita kuti munhu aite chiito. Jesu Kristu akashandisa mibvunzo zvikuru mukudzidzisa kwake. Somuenzaniso, Jesu akabvunza Petro kuti: “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kuna vanaaniko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni? Akati: Kuvaeni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.” (Mateo 17:24-26) SoMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga weMunhu ainamatwa patemberi, Jesu akanga asingamanikidzwi kubhadhara mutero wetemberi. Asi Jesu akataura chokwadi ichi achishandisa mibvunzo zvinobudirira. Saka Jesu akabetsera Petro kuti apedzisire aziva zvokuita zvakarurama maererano nezvaakanga achitoziva.
9. Tingashandisa sei mibvunzo pafundo dzeBhaibheri?
9 Tingashandisa mibvunzo zvakanaka pakufunda Bhaibheri. Kana mudzidzi akapa mhinduro isiri iyo, tinganzwa tichida kupa yakarurama, asi achayeuka mashoko acho zvechokwadi here? Kakawanda zvakanakisisa kuedza kuita kuti mudzidzi wacho apedzisire aziva mhinduro yakarurama nokubvunza mibvunzo. Somuenzaniso, kana achinetseka nokunzwisisa chikonzero nei achifanira kushandisa zita raMwari, tingabvunza kuti, ‘Zita rako rinokosha kwauri here? . . . Nei? . . . Unganzwa sei kana mumwe munhu akaramba kushandisa zita rako? . . . Hazvina musoro here kuti Mwari ade kuti tishandise zita rake chairo?’
10. Vakuru vangashandisa sei mibvunzo pakubetsera vanhu vakakuvadzwa mwoyo?
10 Vakuru vangashandisawo mibvunzo zvakanaka pakufudza boka. Vakawanda muungano vakatambudzwa mumwoyo ndokunetswa nenyika yaSatani uye vangafunga kuti havana kuchena uye kuti havadiwi. Mukuru angataura nomunhu akadaro achiti: ‘Nyangwe hako uchiti unofunga kuti hauna kuchena, Jehovha anofungei nezvako? Kana Baba vedu vokudenga vane rudo vakabvumira Mwanakomana wavo kuti afe ndokukupa rudzikinuro, hazvirevi kuti Mwari anokuda here?’—Johane 3:16.
11. Mibvunzo isingadi mhinduro inopedzei, uye ingashandiswa sei pakutaura kune voruzhinji?
11 Mibvunzo isingadi mhinduro ndeimwe nzira yokudzidzisa nayo inoshanda. Vateereri havatarisirwi kuti vaipindure zvinonzwika asi nokuita kudaro vanobetserwa kuti vafunge nezvenhau dzacho. Vaporofita vakare vaiwanzobvunza mibvunzo yakadaro kuti vaite kuti vateereri vavo vanyatsofungisisa. (Jeremia 18:14, 15) Jesu akashandisa mibvunzo isingadi mhinduro nenzira inoshanda. (Mateo 11:7-11) Mibvunzo yakadaro inonyanya kushanda pakutaura kune voruzhinji. Panzvimbo pokungoudza vateereri kuti vanofanira kuita zvinhu nomwoyo wose kuti vafadze Jehovha, zvingava zvinoshanda zvikuru kubvunza kuti, ‘Kana tisingaiti basa redu zvechokwadi nomwoyo wose, Jehovha achafadzwa here?’
12. Kubvunza mibvunzo yokuda kuziva zvinofunga munhu kwakakosha zvakadini?
12 Mibvunzo yokuda kunzwa zvinofunga munhu inoshanda pakusarudza kana mudzidzi weBhaibheri achinyatsodavira zvaari kudzidza. (Mateo 16:13-16) Mudzidzi angapindura zvakarurama kuti ufeve hwakashata. Asi kuregererei kuzobvunza mibvunzo yakadai seyokuti, Iwe somunhu oga unofungei nezvezvinodiwa naMwari zvetsika? Unofunga kuti zvinonyanyodzvinyirira here? Ungati zvine basa here kana ukatevera zvinodiwa naMwari kana kuti kwete?
Mienzaniso Inobaya Mwoyo
13, 14. (a) Zvinorevei kuenzanisira chimwe chinhu? (b) Nei mienzaniso yakanaka ichishanda?
13 Imwe nzira yokubaya nayo mwoyo yavateereri navadzidzi veBhaibheri ndeyokushandisa mienzaniso inoshanda. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “muenzaniso” rinoreva chaizvo kuti “kuisa padivi kana kuti pamwe chete.” Paunoenzanisira, unotsanangura chimwe chinhu no‘kuchiisa padivi’ pechimwe chinhu chakafanana nacho. Somuenzaniso, Jesu akabvunza kuti, “Ushe hwaMwari tichahufananidza neiko? Tichahuenzanisira nomufananidzo upiko?” Achipindura, Jesu akataura tsanga yakajairika yemastardha.—Marko 4:30-32.
14 Vaporofita vaMwari vakashandisa mienzaniso yakawanda ine simba. Apo vaAsiria, vakanga vashanda sechishandiso chaMwari mukuranga vaIsraeri, vakaguma vaita utsinye hwakanyanya, Isaya akafumura kuzvikudza kwavo nomuenzaniso uyu: “Ko sanhu ringazvirumbidza pamusoro pounotema naro here? Kana jeko ringazvikudza pamusoro pounobata naro here?” (Isaya 10:15) Paaidzidzisa vamwe, Jesu akashandisawo mienzaniso kakawanda. Zvinonzi “haana kutaura navo kunze kwemifananidzo.” (Marko 4:34) Mienzaniso yakanaka inoshanda nemhaka yokuti inobatanidza zvose pfungwa nomwoyo. Inobvumira vateereri kuti vabate mashoko matsva zviri nyore nokuaenzanisa nechimwe chinhu chavakatojaira.
15, 16. Chii chichaita kuti mienzaniso inyanye kushanda? Ipa mienzaniso.
15 Tingashandisa sei mienzaniso inobaya mwoyo zvechokwadi? Chokutanga, muenzaniso unofanira kuva wakafanana zvine musoro nechinhu chiri kutsanangurwa. Kana zviri kuenzaniswa zvacho zvisinganyatsopindirani, muenzaniso wacho ucharasa vateereri panzvimbo pokuvaita kuti vanzwisise. Mumwe mukurukuri aiva nevavariro yakanaka akamboedza kutaura kuzviisa pasi paJesu Kristu kwevakazodzwa nokuvaenzanisa neimbwa yakatendeka. Asi muenzaniso unozvidza kudaro wakanyatsofanira here? Bhaibheri rinotaura pfungwa yakafanana nenzira inotofadza chaizvo neyakanaka. Rinoenzanisa vateveri vakazodzwa vaJesu 144 000 ne“mwenga wakashongerwa murume wake.”—Zvakazarurwa 21:2.
16 Mienzaniso inonyanya kushanda painotaura nezveupenyu hwavanhu. Muenzaniso waNatani wegwayana rakaurawa wakabaya mwoyo waMambo Dhavhidhi nemhaka yokuti aida makwai, sezvaakanga ashanda somufudzi paaiva pwere. (1 Samueri 16:11-13; 2 Samueri 12:1-7) Kudai muenzaniso wacho waiva wataura nezvehandira, zvimwe ungadai usina kushanda zvakadaro. Nenzira yakafanana, mienzaniso yakavakirwa pazviitiko zvesayenzi kana kuti zvakaitika munhau zvisinganyanyi kuzivikanwa ungasava nezvaunoreva kuvateereri vedu. Jesu akatora mienzaniso yake muupenyu hwemazuva ose. Akataura nezvezvinhu zvakajairika zvakadai serambi, shiri dzokudenga, nemaruva emusango. (Mateo 5:15, 16; 6:26, 28) Vateereri vaJesu vaigona kunzwisisa zvinhu zvakadaro nyore nyore.
17. (a) Tingavakira mienzaniso yedu pachii? (b) Tingaita sei kuti mienzaniso yakashandiswa mumabhuku edu ishande kumamiriro ezvinhu avadzidzi vedu?
17 Muushumiri hwedu, tine mikana yakawanda yokushandisa mienzaniso iri nyore asi inoshanda. Cherekedza zvinhu. (Mabasa 17:22, 23) Zvichida muenzaniso ungagona kuvakirwa pavana vomuteereri, musha, basa, kana kuti basa rokuzvifadza. Kana kuti tingashandisa zvatinoziva somunhu oga nezvomudzidzi weBhaibheri kuti tiwedzere kunakidza kwemienzaniso yatakatopiwa mubhuku redu ratiri kufunda. Somuenzaniso, funga nezvomuenzaniso unoshanda wakashandiswa mundima 14 yeganhuro 8 mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Unotaura nezvomubereki ane rudo anocherwa nomuvakidzani. Tinogona kunyatsofunga nezvekuti tingaita sei kuti muenzaniso iwoyo ushande kumamiriro ezvinhu omudzidzi weBhaibheri uyo ari mubereki iye pachake.
Kurava Magwaro Nounyanzvi
18. Nei tichifanira kuedza kuva varavi vasingandandami?
18 Pauro akarayira Timotio kuti: “Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa.” (1 Timotio 4:13) Bhaibheri zvariri iro hwaro hwokudzidzisa kwedu, zvinobetsera kugona kurirava tisingandandami. VaRevhi vakanga vane ropafadzo yokuravira vanhu vaMwari Mutemo waMosesi. Vairava vachindandama kana kuti kurava zvisinganakidzi here? Aiwa, Bhaibheri pana Nehemia 8:8 rinoti: “Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.”
19. Tingavandudza sei kurava kwedu Magwaro?
19 Vamwe varume vechiKristu vanotaura vasingandandami vanokundikana kana kwava kurava. Vangavandudza sei? Nokudzidzira. Hungu, nokurava zvinonzwika kakawanda kusvikira vava kugona kuita kudaro vasingandandami. Kana makaseti eBhaibheri achiwanika mumutauro wako, kuchenjera kuteerera kusimbisa pfungwa kwomuravi uye paanokwidza nepaanoderedza inzwi uye kucherekedza kuti mazita namashoko asina kujairika anodudzwa sei. Vaya vane New World Translation mumutauro wavo vangashandisawo zvinoyamura kududza mashoko zviri mariri.a Nokuramba uchidzidzira, kunyange mazita akadai saMaheri-sharari-hashi-bhazi angaraviwa nyore nyore.—Isaya 8:1, NW.
20. Tinga‘chenjerera kudzidzisa kwedu’ sei?
20 Savanhu vaJehovha, tine ropafadzo yakadini yokushandiswa savadzidzisi! Saka, mumwe nomumwe wedu ngaafunge nezvebasa iroro nemwoyo wose. Ngati‘rambei tichizvichenjerera isu nokudzidzisa kwedu.’ (1 Timotio 4:16) Tingava vadzidzisi vakanaka nokuva vateereri vakanaka, nokuita kuti zvinhu zvirambe zviri nyore kunzwisisa, nokubvunza mibvunzo ine kunzwisisa, nokushandisa mienzaniso inoshanda, uye nokurava magwaro nounyanzvi. Tose zvedu ngatibetserwei nokurovedzwa kwatinoitwa naJehovha achishandisa sangano rake, nokuti izvi zvingatibetsera kuti tive no“rurimi rwavakadzidziswa.” (Isaya 50:4) Nokushandisa zvakazara zvishandiso zvose zvatinopiwa muushumiri hwedu, kubatanidza mabhurocha, makaseti, uye makaseti evhidhiyo, tingadzidza kudzidzisa nokunzwisisa nokunyengetedza.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita chaiwo anopatsanurwa achiva zvidimbu zvinovaka izwi, chidimbu choga choga chichiparadzaniswa nekado kana kuti chiratidzo chemadudzirwe. Chidimbu chakaiswa chiratidzo chemadudzirwe chinosimbiswa. Kana chidimbu chacho chichiguma nevhawero, vhawero racho rinodudzwa richirebeswa. Kana chidimbu chichiguma nekonzonendi, vhawero racho harirebeswi.
Unoyeuka Here?
◻ Kuva muteereri akanaka kungatibetsera sei mukudzidzisa kwedu?
◻ Tingatevedzera sei Pauro naJesu mukudzidzisa zviri nyore kunzwisisa?
◻ Mibvunzo yorudzii yatingashandisa patinenge tichidzidzisa vamwe?
◻ Mienzaniso yorudzii inonyanya kushanda?
◻ Tingavandudza sei unyanzvi hwedu savaravi vanoravira vanhu vakawanda?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mudzidzisi akanaka anoteerera kuitira kuti anzwisise
[Mifananidzo iri papeji 18]
Jesu akatora mienzaniso yake muupenyu hwemazuva ose