Upenyu hwaJesu Noushumiri
Rimwe Zano Rokururamisa
ACHIRI muimba muKapernaume, chimwe chinhu kunze kwenharo dzavaapostora pamusoro pokuti ndiani ari mukurusa chinokurukurwa. Ichi chinoitikawo chingava chakaitika pakudzokera kwavo kuKapernaume, apo Jesu akanga asipo. Muapostora Johane anoshuma, kuti: “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.”
Sezviri pachena Johane anorangarira vaapostora seboka roga bedzi, rine maruramiro ravaporesi. Naizvozvo iye anorangarira kuti munhu wacho akanga achiita mabasa esimba zvisakafanira nemhaka yokuti akanga asiri rutivi rweboka ravo.
Zvisinei, Jesu anopa zano, achiti: “Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu ungaita basa resimba nezita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu. Nokuti uyo usingapesani nesu, unesu. Nokuti ani naani unokumwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurashikirwa nomubairo wake.”
Kwakanga kusiri madikanwa kuti uyu munhu atevere chaizvoizvo Jesu kuti ave kurutivi rwake. Ungano yechiKristu yakanga ichigere kutangwa, naizvozvo kusava kwake rutivi rweboka ravo hakuna kureva kuti iye akanga ari weungano yakaparadzana. Munhu wacho chaizvoizvo aiva nokutenda muzita raJesu uye nokudaro akabudirira mukudzinga madhemoni. Iye akanga achiita chimwe chinhu icho chakaenzana zvakanaka neicho Jesu akataura kuti chakanga chakafanirwa netuso. Nokuda kwokuita ikoku, Jesu anoratidza, kuti haasati achizorasikirwa netuso yake.
Asi zvakadiniko kana munhu wacho akagumburwa namashoko nezviito zvavaapostora? Ikoku kwaizova kwakakomba zvikuru! Jesu anoti: “Ani naani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.”
Jesu anotaura kuti vateveri vake vanofanira kubvisa muupenyu hwavo chinhu chipi nechipi chinokosha kwavari soruoko, gumbo, kana kuti ziso icho chingavaparira kugumbuka. Kuri nani kusava neichi chinhu chinodikanwa ndokupinda muumambo hwaMwari pane kubatirira kwachiri ndokukandirwa muGehena (murwi wamarara unotsva pedyo neJerusarema), uyo unofananidzira rupadziko rusingagumi.
Jesu anonyeverawo, kuti: “Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.” Iye ipapo anoenzanisira kukosha kwa“vaduku” kupfurikidza nokutaura pamusoro pomunhu ane makwai 100 asi anorasikirwa nerimwe. Munhu wacho achasiya 99 kuti atsvake rakarasika, Jesu anotsanangura kudaro, uye pakuriwana achafara zvikuru pamusoro paro kupfuura pamusoro pe 99. “Nokudaro,” Jesu ipapo anogumisa kuti, “hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe.”
Sezvinobvira achirangarira nharo dzavaapostora vake pakati pavo vamene, Jesu anokurudzira, kuti: “Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.” Zvokudya zvisinganaki zvinoitwa kuti zvinake zvikuru nomunyu. Nokudaro, munyu wokufananidzira unoita kuti icho munhu anotaura chive chiri nyore zvikuru kugamuchira. Kuva nomunyu wakadaro kuchabetsera kuchengeta rugare.
Asi nemhaka yokusakwana kwavanhu, padzimwe nguva nharo dzakakomba dzichaitika. Jesu anogoverawo nhungamiro dzokudzibata. “Kana hama yako yakutadzira,” Jesu anodaro, “enda umuudze mhosva yake, iwe naye muri moga. Kana akakunzwa, wadzora hama yako.” Kana asingateereri, Jesu anopangira kuti, “Tora mumwe kana kuti vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.”
Bedzi sechinhu chokupedzisira, Jesu anoti, endesa nhau yacho ku“ungano,” ndiko kuti, vatariri vane mutoro weungano avo vanogona kuita chisarudzo chokutonga. Kana mutadzi asati achizowirirana nechisarudzo chavo, Jesu anogumisa, “ngaave somuhedheni nomuteresi.”
Mukuita chisarudzo chakadaro, vatariri vanofanira kusanobatirira kumiraidzo iri muShoko raJehovha. Nokudaro, apo ivo vanowana munhu ane mhaka uye akafanirwa nechirango, rutongeso ‘ruchave rwatoitwa mudenga.’ Uye apo ivo “vanosunungura pasi pano,” ndiko kuti, kuwana munhu asina mhaka, icho chichatove “chatosunungurwa mudenga.” Murangariro dzokutonga dzakadaro, Jesu anoti, “apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” Mateo 18:6-20; Marko 9:38-50; Ruka 9:49, 50.
◆ Neiko kwakanga kusiri madikanwa muzuva raJesu kumuperekedza?
◆ Nhau yokugumbura muduku yakakomba sei, uye Jesu akaenzanisira sei ukoshi hwavaduku vakadaro?
◆ Chii zvimwe chakasunda kurudziro yaJesu yokuti vaapostora vave nomunyu pakati pavo vamene?
◆ Irevoi iripo ku‘kusunga’ no‘kusunungura’?