Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vashandi Mumunda Wemizambiringa
“VAZHINJI vokutanga,” Jesu achangobva kupedza kudaro, “vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.” Zvino iye anoenzanisira ikoku kupfurikidza nokutaura nhau. “Ushe hwokudenga,” iye anovamba, “hwakafanana nomwene weimba, wakabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.”
Jesu anopfuurira, achiti: “Wakati [mwene weimba] atenderana navabati kuvapa dhenari pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasingabati; akati kwavari: ‘Endai imiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda. Akabudazve nguva inenge yechitatu neyepfumbamwe, akadarozve. Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari: ‘Makamirireiko pano zuva rose musingabati?’ Vakati kwaari: ‘Nokuti hapano munhu wakatipa basa.’ Akati kwavari: ‘Endai nemiwo mumunda wemizambiringa.’”
Mwene weimba, kana kuti mwene womunda wemizambiringa, ndiJehovha Mwari, uye munda wemizambiringa ndirwo rudzi rwaIsraeri. Vashandi vomumunda wemizambiringa ndivanhu vakapinzwa musungano yoMutemo; ivo nenzira yakananga vaJudha vaye vairarama mumazuva avaapostora. Chibvumirano chomubairo chinoitwa bedzi navashandi vezuva rakazara. Mubairo idhenari nokuda kwebasa rezuva. Sezvo “nguva yechitatu” iri 9:00 a.m., avo vanoshevedzwa paawa yechi 3, yechi 6, yechi 9, uye yechi 11 vanoshanda, vamwe navamwe, maawa 9, 6, 3, uye 1 bedzi.
Vashandi vamaawa 12, kana kuti zuva rakazara, vanomirira vatungamiriri vechiJudha avo vave vakabatikana nguva dzose mubasa rorudzidziso. Ivo havana kufanana navadzidzi vaJesu, avo, kworutivi rukurusa rwoupenyu hwavo, vakanga vave vachishanda mumabasa okuredza kana kuti mamwe enyika. “Mwene weimba” haana kutuma Jesu Kristu kuzounganidza ivava kuti vave vadzidzi vake kutozosvikira mukupera kwa 29 N.V. Ivo nokudaro vanova “vokupedzisira,” kana kuti vashandi vomumunda wemizambiringa weawa yechi 11.
Pakupedzisira, zuva rokushanda rokufananidzira rinoguma norufu rwaJesu, uye nguva inosvika yokubhadhara vashandi. Mutemo wechienzi wokubhadhara vokupedzisira pakutanga unoteverwa, sezvinotsanangurwa: “Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: ‘Dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kuno wokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’ Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari. Sovokutanga vakati vachiuya, vakati vachapiwa nokupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari. Vakati vachipiwa, vakapopotera mwene weimba, vakati: ‘Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’ Akapindura, akati kuno mumwe wavo: ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here? Tora zvako uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe. Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’” Mumhedziso Jesu akadzokorora pfundo rakaitwa pamberi pezvi, achiti: ‘Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
Kugamuchirwa kwedhenari kwakaitika, kwete parufu rwaJesu, asi paPentekosta 33 N.V., apo Kristu, “mutariri,” akadururira mudzimu mutsvene pavadzidzi vake. Ava vadzidzi vaJesu vakanga vakafanana no“vokupedzisira,” kana kuti vashandi veawa yechi 11.
Dhenari harina kumirira chipo chomudzimu mutsvene umene. Dhenari rakanga riri chimwe chinhu chokuti vadzidzi vashandise pano pasi pano. Rakanga riri chimwe chinhu chakareva upenyu hwavo, upenyu hwavo husingaperi. Rakanga riri ropafadzo yokuva muIsraeri womudzimu, akazodzwa kuparidzira pamusoro poUmambo hwaMwari.
Nokukurumidza avo vakatanga kupinzwa basa vakacherechedza kuti vadzidzi vaJesu vakanga vabhadharwa, uye ivo vakavaona vachishandisa dhenari rokufananidzira. Asi ivo vaida zvinopfuura mudzimu mutsvene namaropafadzo awo anobatanidzwa oUmambo. Kupopota kwavo nokuramba kwakatora chimiro chokutambudza vadzidzi vaJesu, vashandi “vokupedzisira” mumunda wemizambiringa.
Ko zadziko iyoyo yomuzana rokutanga ramakore ndiyo zadziko bedzi yomuenzanisiro waJesu here? Aiwa, vakuru vechiKristudhomu muzana rino ramakore rechi 20, kupfurikidza nenzvimbo dzavo nemitoro, vakava “vokutanga” kupinzwa basa mumunda wemizambiringa wokufananidzira waMwari. Ivo vakarangarira vaparidzi vakazvitsaurira vakabatanidzwa neWatch Tower Bible and Tract Society kuva “vokupedzisira” kuva nomugove wakanaka upi noupi mubasa raMwari. Asi kutaura idi, ndivava vamene avo vakuru vorudzidziso vakashora vakagamuchira dhenari—rukudzo rwokubatira senhume dzakazodzwa dzoUmambo hwokudenga hwaMwari. Mateo 19:30–20:16.
◆ Chii chinomirirwa nomunda wemizambiringa? Ndivanaani vanomirirwa nomwene womunda wemizambiringa uye navashandi vamaawa 12 neawa 1?
◆ Zuva rokushanda rokufananidzira rakaguma rini, uye kubhadhara kwakaitwa rini?
◆ Chii chinomirirwa nokubhadharwa kwedhenari?