Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu Anodzidzisa kuJeriko
NOKUKURUMIDZA Jesu namapoka ari kufamba naye vanosvika kuJeriko, iro riri guta rerwendo runenge rwezuva rimwe kubva Jerusarema. Sezviri pachena Jeriko maguta maviri, guta rechiJudha rekare richiva neinenge kiromita nehafu kubva kuguta reRoma idzva zvikuru. Sezvo mapoka anobuda muguta rekare ndokusvika idzva, vapemhi vaviri mapofu vanonzwa nyonganyonga. Mumwe wavo anonzi Bhartimeo.
Pakuziva kuti ndiJesu ari kupfuura nepo, Bhartimeo neshamwari yake vanovamba kudanidzira, vachiti: “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Apo boka rinovaudza zvakasimba kunyarara, ivo vanotodanidzira zvikuru uye namanzwi makuru zvikuru: “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!”
Achinzwa dzongonyedzo, Jesu anomira. Iye anokumbira avo vanaye kuti vadane vari kudanidzira. Ivava vanoenda kuvapemhi mapofu uye vanoti kumumwe wavo: “Tsunga mwoyo, simuka, unokudana.” Namanyemwe asingadzoreki, bofu rinokanda nguvo dzaro dzokunze, rinosvetukira kutsoka dzake, uye rinoenda kuna Jesu.
“Unoda kuti ndikuitireiko?” Jesu anobvunza varume vaviri vacho.
“Ishe, kuti ndione,” ivo vanoteterera kudaro.
Asundwa nengoni, Jesu anobata meso avo. Mukuwirirana nenhauro yaMarko, Jesu anoti kumumwe wavo: “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo vapemhi mapofu vanoona, uye pasina panikiro ose ari maviri anovamba kurumbidza Mwari. Apo vanhu vose vanoona chaitika, vanopawo rumbidzo kuna Mwari. Pasina kunonoka, Bhartimeo neshamwari yake vanovamba kutevera Jesu.
Sezvo Jesu anopfuura nomuJeriko, mapoka mahombe. Munhu ari wose anoda kuona uyo aporesa mapofu. Vanhu vanotsvikinyidzirana pana Jesu vachibva munzira iri yose, uye somuuyo, vamwe havagoni kunyange kuwana rumbonera rwake. Pakati paivava pana Zakeo, mutariri wavateresi vomuJeriko nomakaripoteredza. Iye mupfupi zvikuru zvokusagona kuona chiri kuitika.
Naizvozvo Zakeo anomhanyira mberi uye anokwira mumuonde uri munzira iyo Jesu ari kutora. Ari paiyi nzvimbo yakanaka, iye anogona kuona zvakanaka chinhu chiri chose. Sezvo mapoka anosvika, Jesu anodanidzira kumuti, achiti: “Zakeo, kurumidza uburuke, nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
Zakeo anoburuka nokufara uye anokurumidzira kuenda kumba kuzogadzirira zvinhu nokuda kwomushanyi wake akatanhamara. Asi apo vanhu vanoona chiri kuitika, ivo vose vanovamba kunyunyuta. Ivo vanokurangarira kuva kusakafanira kuti Jesu ave mushanyi womunhu akadaro. Unoonaka, Zakeo akava mupfumi nokutora mari nokusatendeseka mubasa rake rokuteresa.
Vanhu vazhinji vanotevera, uye apo Jesu anopinda mumba maZakeo, ivo vanonyunyuta, vachiti: “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.” Bva Jesu anoona muna Zakeo kubvira kworupfidzo. Uye Jesu haaodzwi mwoyo, nokuti Zakeo anomira uye anozivisa, kuti: “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe munhu chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
Zakeo anobvumikisa kuti rupfidzo rwake ndorwechokwadi kupfurikidza nokupa hafu yezvinhu zvake kuvarombo uye kupfurikidza nokushandisa imwe hafu kudzorera izvo akanyengedza. Sezviri pachena iye anogona kuverenga kubva muzvinyorwa zvake zvomutero kuti ane mungava weyakawanda sei waava vanhu. Naizvozvo iye anopika kudzorera zvina, mukuwirirana nomutemo waMwari uyo unoti: ‘Kana mumwe munhu akaba gwai, anofanira kutsiva namana eboka nokuda kwegwai racho.’
Jesu anofadzwa nenzira iyo Zakeo anovimbisa nayo kugovera zvinhu zvake, nokuti Iye anoti: “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbrahama. Nokuti Mwanakomana womunhu wakauya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika.”
Misi ichangobva kupfuura iyi, Jesu akanga aenzanisira mugariro wa‘vakarasika’ nenhau yake pamusoro pomwanakomana anopambadza. Zvino tine muenzaniso chaiwoiwo waakarasika awanwa. Kunyange zvazvo vatungamiriri vorudzidziso naavo vanovatevera vanonyunyuta pamusoro pengwariro yaJesu kuvanhu vakafanana naZakeo, Jesu anopfuurira kutsvaka ndokudzorera ava vanakomana vakarasika vaAbrahama. Mateo 20:29-34; Marko 10:46-52; Ruka 18:35–19:10; Eksodho 22:1.
◆ Ndokupi sezviri pachena Jesu anosangana navapemhi mapofu, uye iye anovaitirei?
◆ Zakeo ndiani, uye neiko achikwira mumuti?
◆ Zakeo anobvumikisa sei rupfidzo rwake?
◆ Chidzidzoi chatinogona kudzidza mukubata kwaJesu Zakeo?