Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kupinda Kworukundo kwaKristu muJerusarema
MANGWANANI akatevera, Svondo, Nisani 9, Jesu anobva muBhetania navadzidzi vake uye anokwira nomuGomo reMiorivhi nechokuJerusarema. Munguva pfupi, ivo vanoswedera pedyo neBhetefage, iri paGomo reMiorivhi. Jesu anoraidza vaviri vavadzidzi vake, kuti:
“Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, ine mhuru yayo; mudzisunungure, muuye nadzo kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti: ‘Ishe unodzida;’ pakarepo uchadzituma.”
Kunyange zvazvo pakutanga vadzidzi vanokundikana kunzwisisa kuti iyi miraidzo ine chinhu chipi nechipi chokuita nezadziko youporofita hweBhaibheri, gare gare ivo vanoziva kuti inodaro. Muporofita Zekaria akadeya kutaura kuti Mambo waMwari akapikirwa aizopinda muJerusarema akatasva mbongoro, hungu, “akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.” Mambo Soromoni akanga atasva mwana wembongoro nenzira yakafanana achienda kukuzodzwa kwake.
Apo vadzidzi vanopinda muBhetefage ndokutora mhuru yembongoro namai wayo, vamwe vaavo vakamira parutivi vanoti: “Munoiteiko?” Asi apo vanoudzwa kuti mhuka dzacho ndedzaIshe, varume vacho vanorega vadzidzi vachidziendesa kuna Jesu. Vadzidzi vanoisa nguvo dzavo dzokunze pana mai wembongoro napamwana wayo, asi Jesu anokwira mwana wembongoro.
Sezvo Jesu anotasva akananga kuJerusarema, boka rinowedzera. Vazhinjisa vavanhu vanowarira nguvo dzavo dzokunze munzira, apo vamwe vanocheka mapazu mumiti ndokuawaridza. “Akakomborerwa ndiye Uyo anouya saMambo muzita raJehovha!” ivo vanodanidzira kudaro. “Rugare mudenga, uye mbiri munzvimbo dzokumusoro zvikurusa!”
VaFarise vari muboka vanoshatiriswa neidzi ziviso uye vanonyunyuta kuna Jesu, vachiti: “Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu.” Asi Jesu anopindura, achiti: “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.”
Sezvo Jesu anoswedera pedyo neJerusarema, anoona guta uye anovamba kuchema pamusoro paro, achiti: “Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!” Nokuda kwokusateerera kwaro kwamaune, Jerusarema rinofanira kubhadhara mubairo, sezvo Jesu anodeya kutaura, kuti:
“Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako [vaRoma vachitungamirirwa noMutungamiriri wehondo Titus], vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe.” Ruparadziko urwu rweJerusarema rwakadeya kutaurwa naJesu rwakaitika zvomenemene makore 37 gare gare, muna 70 N.V.
Mavhiki mashomanene chete pamberi pezvi, vazhinji vari muboka vakanga vaona Jesu achimutsa Razaro. Zvino ivava vanoramba vachiudza vamwe pamusoro penenji iroro. Naizvozvo apo Jesu anopinda muJerusarema, guta rose rinonyongana. “Uyu ndianiko?” vanhu vanoda kuziva. Uye mapoka anoramba achitaura, kuti: “NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea!” Vachiona zviri kuitika, vaFarise vanochema kuti ivo havasi kumboita chinhu chaizvoizvo, nokuti, sezvavanoti: “Nyika yose yamutevera.”
Somuitiro wake pashanyo dzokuJerusarema, Jesu anoenda kutembere kundodzidzisa. Ikoko mapofu nezvirema vanouya kwaari, uye iye anovarapa! Apo vaprista vakuru navanyori vanoona zvinhu zvinoshamisa Jesu ari kuita uye apo vanonzwa vakomana vomutembere vachidanidzira kuti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” ivo vanotsamwa. “Unonzwa zvavanotaura ivo here?” ivo vanonyunyuta kudaro.
“Hungu,” Jesu anopindura. “Hamuna kutongorava here, panoti: ‘Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza.’?”
Jesu anopfuurira kudzidzisa, uye iye anoringa-ringa pazvinhu zvose zviri mutembere. Nokukurumidza nguva yapera. Naizvozvo iye anoenda, pamwe chete navane 12, uye anofamba makiromita matatu kana kuti kupfuura achidzokera kuBhetania. Anopedzerako usiku hweSvondo, zvimwe mumusha meshamwari yake Razaro. Mateo 21:1-11, 14-17; Marko 11:1-11; Ruka 19:29-44; Johane 12:12-19; Zekaria 9:9.
◆ Jesu anopinda muJerusarema saMambo rini uye nomutooi?
◆ Kunokosha sei kuti mapoka anorumbidza Jesu?
◆ Jesu anonzwa sei paanoona Jerusarema, uye huporofitai hwaanotaura?
◆ Chii chinoitika apo Jesu anoenda kutembere?