Unodzidzisa Sezvaiita Jesu Here?
“Vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti wakanga achivadzidzisa somunhu une simba, asingaiti savanyori vavo.”—MATEO 7:28, 29.
1. Ndivanaani vakatevera Jesu sezvaaidzidzisa muGarirea, uye chii chakanga chiri kuita kwaJesu?
KURI kwose uko Jesu aienda, mapoka aidirana kwaari. “Akapota neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Evhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.” Sezvo mushumo wemibato yake wakapararira, “vanhu vazhinji zhinji vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera.” (Mateo 4:23, 25) Pakuvaona, “akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” Sezvaaidzidzisa vaigona kuziva tsitsi kana chidakadaka chounyoro chaakavanzwira; kwakanga kwakafanana nomushonga unonyaradza pamaronda avo zvakavaswededza pedyo naye.—Mateo 9:35, 36.
2. Mukuwedzera kuzvishamiso zvaJesu, chii chakakweva mapoka makuru?
2 Kuporesa muviri kunoshamisa kwakadini Jesu akaita—achichenesa vanamaperembudzi, matsi dzichinzwa, mapofu achiona, zvirema zvichifamba, vakafa vachiva vapenyu! Zvirokwazvo uku kuratidzirwa kunoshamisa kwesimba raJehovha raishanda kupfurikidza naJesu kwaizokweva mapoka akawanda zvikuru! Asi zvinoshamisa zvakanga zvisiri zvinhu bedzi zvakavakweva; mapoka makuru akauyawo nokuda kwokuporesa kwomudzimu kwakagoverwa apo Jesu aidzidzisa. Cherekedza mhinduro yavo, somuenzaniso, pashure pokunzwa Mharidzo yake yakakurumbira yapaGomo: “Jesu wakati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti wakanga achivadzidzisa somunhu une simba, asingaiti savanyori vavo.” (Mateo 7:28, 29) VanaRabhi vavo vainokora mashoko amagamuchidzanwa anotaurwa akabva kuna vanarabhi vakare sechiremera chavo. Jesu aivadzidzisa nechiremera chinobva kuna Mwari: “Zvandinotaura, ndinotaura sezvandakaudzwa naBaba.”—Johane 12:50.
Kudzidzisa Kwake Kwakasvika Mwoyo
3. Kupa kwaJesu shoko rake kwakanga kwakasiyana sei nouko kwavanyori navaFarise?
3 Musiyano pakati pokudzidzisa kwaJesu nouko kwavanyori navaFarise wakanga usiri zviri mukati bedzi—zvokwadi dzinobva kuna Mwari mukupesana namagamuchidzanwa anorema anotaurwa akabva kuvanhu—asiwo nzira iyo yakwakapiwa nayo. Vanyori navaFarise vakanga vachizvikudza uye vane hasha, vachirayira nokuzvitutumadza mazita okuremekedza anokwidziridza uye nenzira yokushora vachidzinga mapoka sa“vanhu . . . vakatukwa.” Jesu, kunyanguvezvo, akanga ari anozvininipisa, munyoro, ane mutsa, achinzwira tsitsi, uye achiwanzobvumirana, uye akavanzwira ngoni. Jesu aidzidzisa kwete bedzi namashoko akarurama asiwo namashoko anofadza aibva mumwoyo wake, ayo akaenda zvakananga kumwoyo yavateereri vake. Shoko rake rinofadza raikwevera vanhu kwaari, raikurumidza kuvaunza kutembere kuti vamunzwe, uye raivaparira kunamatira kwaari ndokumuteerera nomufaro. Vakabuda mumapoka makuru kuzomunzwa, vachizivisa, kuti: “Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.”—Johane 7:46-49; Marko 12:37; Ruka 4:22; 19:48; 21:38.
4. Chii mukuparidza kwaJesu zvikurukuru chakakweva vanhu vakawanda?
4 Zvirokwazvo, chimwe chezvikonzero nei vanhu vainzwa vakweverwa kukudzidzisa kwake kwakanga kuri kushandisa kwake mienzaniso. Jesu aiona izvo vamwe vaiona, asi aifunga nezvezvinhu zvisina kumbofungwa navo. Maruva aikura muminda, shiri dzaivaka matendere adzo, vanhu vaidyara mbeu, vafudzi vaiunza makwai akarasika, vadzimai vaisonera zvigamba panguo dzakare, vana vaitamba mumusika, varedzi vaikweva utava hwavo—zvinhu zvaizivikanwa izvo munhu ari wose aiona—zvakanga zvisitongori zvenhando mumaziso aJesu. Nzvimbo iri yose yaaitarisa, aiona chaaigona kushandisa kuenzanisira Mwari noUmambo Hwake kana kuti kusimbisa pamusoro pechaunga chavanhu chakamupoteredza.
5. Jesu akavakira mienzaniso yake pachii, uye chii chakaita kuti mifananidzo yake ibudirire zvikuru?
5 Mienzaniso yaJesu yaivakirwa pazvinhu zvezuva riri rose izvo vanhu vaiona nguva dzakawanda, uye apo zvokwadi dzinobatanidzwa nezvinhu izvi zvakarovedzeka, dzinorovererwa nokukurumidza uye zvikuru mundangariro dzaavo vari kuteerera. Zvokwadi dzakadaro hadzisati dzichingonzwiwa chete; dzinoonwa neziso rendangariro uye dzinoyeukwa zviri nyore gare gare. Mifananidzo yaJesu yairatidzirwa nokupfava, isina kuzadzwa namashoko asingakoshi angapinganidza ndokutadzisa kunzwisisa kwavo zvokwadi. Rangarira, somuenzaniso, mufananidzo womuSamaria ane ushamwari. Unoona zvakajeka chiri muvakidzani akanaka. (Ruka 10:29-37) Ipapo kwakanga kune vanakomana vaviri—mumwe akati aizoshanda mumunda womuzambiringa asi haana, mumwe wacho uyo akati aisazoita asi akaita. Unokurumidza kuona ukoshi hwekuri kuteerera chaikoiko—kuita basa ragoverwa. (Mateo 21:28-31) Hapana ndangariro dzaitsimwaira kana kudzungaira mukati mokudzidzisa kune upenyu kwaJesu. Idzo dzaichengetwa dzakabatikana zvikuru nezvose zviri zviviri kuteerera nokuona.
Jesu Aitera Apo Rudo Rwaikuda
6. Kuva ane mufungo, kana kuti anotera, kunobetsera zvikurukuru rini?
6 Kakawanda apo Bhaibheri rinotaura nezvokuva ane mufungo, mashoko omuzasi anoratidza kuti kunoreva kuva anotera. Uchenjeri hunobva kuna Mwari hunotera apo kunenge kune mamiriro ezvinhu anopembedzeka. Tinofanira kuva vane mufungo, kana kuti vanotera, padzimwe nguva. Vakuru vanofanira kuva vanodisa kutera apo rudo runokuda uye rupfidzo runofanira. (1 Timotio 3:3; Jakobho 3:17) Jesu akasiya mienzaniso yakaisvonaka yokutera, achirega mitemo mikuru apo ngoni kana kuti tsitsi dzaikurayira.
7. Ndeipi mimwe mienzaniso yokutera kwaJesu?
7 Jesu akamboti: “Mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.” Asi haana kuramba Petro, kunyange zvazvo Petro akamuramba katatu. Pakanga pane mamiriro ezvinhu aipembedzeka, ayo Jesu sezviri pachena akarangarira. (Mateo 10:33; Ruka 22:54-62) Pakanga panewo mamiriro ezvinhu aipembedzeka apo mukadzi asina kuchena aibuda ropa akaputsa Mutemo waMosesi kupfurikidza nokupinda mumapoka. Jesu haana kumushurikidzawo. Akanzwisisa kupererwa nezano kwake. (Marko 1:40-42; 5:25-34; onawo Ruka 5:12, 13.) Jesu akanga audza vaapostora vake kusamuzivisa saMesiya, bva haana kuomerera norumano kumurayiro iwoyo apo akazvizivisa amene seakadaro kumudzimai wechiSamaria patsime. (Mateo 16:20; Johane 4:25, 26) Muzviitiko izvi zvose, rudo, ngoni, uye tsitsi zvakaita kuti uku kutera kuve kwakafanira.—Jakobho 2:13.
8. Ndirini apo vanyori navaFarise vaikombamisa mirau, uye ndirini pavaisadaro?
8 Kwakanga kwakasiyana navanyori navaFarise vasingateri. Nokuda kwavo vamene vaiputsa magamuchidzanwa avo eSabata kuti vaendese handira yavo kumvura. Kana kuti kana handira yavo kana kuti mwanakomana wavo akawira mutsime, vaiputsa Sabata kuti vamuburitse. Asi nokuda kwavanhu venhando, vakanga vasingatongoteri! Vakanga vasinga“di kuibata [zvinodikanwa] nomunwe wavo.” (Mateo 23:4; Ruka 14:5) Nokuda kwaJesu, vanhu vaireva zvakawanda kupfuura mirayiro yakawandisa; nokuda kwavaFarise, mirayiro yaireva zvinopfuura vanhu.
Kuva “Mwanakomana Womurayiro”
9, 10. Pashure pokudzokera kuJerusarema, vabereki vaJesu vakamuwana kupi, uye chii chakanga chiri revo yokubvunza kwaJesu?
9 Vamwe vanochema kuti pane chiitiko chimwe bedzi muukomana hwaJesu icho chakanyorwa. Bva vakawanda vanokundikana kuziva revo huru yechiitiko ichocho. Chinoshumwa nokuda kwedu pana Ruka 2:46, 47, kuti: “Mazuva matatu akati apfuura, vakamuwana ari mutembere, agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza. Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake uye nokupindura kwake.” Theological Dictionary of the New Testament raKittel rinoburitsa mufungo wokuti muchiitiko ichi shoko rechiGiriki ra“kubvunza” rakanga risiri kubvunza chete kwokuda kuziva kwomukomana. Shoko racho ringagona kunongedzera kukubvunza kunoshandiswa mukunzvera kwokutonga, kufeya-feya, kubvunzurudza, kunyange “mibvunzo yokutsvaka neyamanomano yavaFarise navaSadhuse,” yakadai seiyo inodudzwa pana Marko 10:2 uye 12:18-23.
10 Duramashoko rimwe chetero rinopfuurira, kuti: “Mukurangarira uku kushandisa kungabvunzwa kana . . . [Ruka] 2:46 ichiratidzira, kwete kubvunza zvikuru kwazvo kwokuda kuziva kwomukomana, asi panzvimbo pezvo nzira Yake yokurangarira inobudirira. [Ru 2 Ndima] 47 yaizosanokodzerana nomurangariro wapashure.”a Shanduro yaRotherham yeRu 2 ndima 47 inokupa sokunangana kunoshamisa: “Zvino vose vakamunzwa vakashamiswa, nemhaka yokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” Word Pictures in the New Testament raRobertson rinotaura kuti kukatyamadzwa kwavo kwenguva dzose kunoreva kuti “vakakatyamadzwa sokunge kuti maziso avo aibuda.”
11. Chii chakanga chiri kuita kwaMaria naJosefa kune zvavakaona nokunzwa, uye rimwe duramashoko roufundisi rinokarakadzei?
11 Apo vabereki vaJesu pakupedzisira vakamuona, “vakakatyamara.” (Ruka 2:48) Robertson anotaura kuti shoko rechiGiriki riri mukutaura uku rinoreva “kushaya romuromo, kushamiswa.” Anowedzera kuti Josefa naMaria “vakashaya romuromo” nezvavakaona nokunzwa. Mupfungwa yakati, Jesu akanga atove mudzidzisi anoshamisa. Uye nemhaka yeichi chiitiko chemutembere, bhuku raKittel rinotaura kuti “Jesu anotovamba muukomana Hwake kakavadzano mairi vadzivisi Vake pakupedzisira vachatofanira kutera.”
12. Chii chakaratidzira kurukurirano dzaJesu dzapashure navatungamiriri vorudzidziso?
12 Uye vakatera! Makore akati gare gare, Jesu akakurira vaFarise kutozosvikira vasina ku“tsunga kumubvunza chinhu.” (Mateo 22:41-46) VaSadhuse vakanyaradzwa nenzira yakafanana panhau yorumuko, uye “vakanga vachitya kuzomubvunza chinhu.” (Ruka 20:27-40) Vanyori havana kubudirirawo. Pashure pokunge mumwe wavo ava nekurukurirano naJesu, “kukasava nomunhu wakazotsunga kumubvunza chinhu.”—Marko 12:28-34.
13. Chakanga chiri chii chakaita kuti chiitiko chapatembere chive chine revo muupenyu hwaJesu, uye kuzivaizve chakunokarakadza?
13 Neiko ichi chiitiko chinobatanidza Jesu navadzidzisi patembere chiri chimwe chakasarudzwa muukomana hwake nokuda kwokurondedzera? Yakanga iri nguva yechinjo huru muupenyu hwaJesu. Apo akanga ava naanenge makore 12 ezera, akava izvo vaJudha vaidana, kuti “mwanakomana womurayiro,” ane mutoro wokuchengeta zvose zvomutemo wawo. Apo Maria akanyunyutira Jesu pamusoro penhamo yendangariro iye akanga aparira iye naJosefa, mhinduro yomwanakomana wake yakaratidzira kuti iye sezvingabvira aiziva rudzi runoshamisa rwokuzvarwa kwake uye nguva yake yemberi youMesiya. Ikoko kunokarakadzwa kupfurikidza nokutaura kwake kuti munzira yakananga zvikuru, Mwari akanga ari Baba wake: “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” Sezvineiwo, aya ndiwo mashoko okutanga anobva kuna Jesu akanyorwa muBhaibheri, uye anoratidzira kuziva kwake nezvechinangwa chaJehovha chokutumwa kwake kupasi. Nokudaro, ichi chiitiko chose ndecherevo huru.—Ruka 2:48, 49.
Jesu Anoda uye Anonzwisisa Vana
14. Mapfundoi anofadza ayo nhoroondo yaJesu muduku patembere ingazivisa vana vaduku?
14 Iyi nhoroondo inofanira kuva inofadza zvikurukuru kuvanhu vaduku. Inoratidza kuti Jesu anofanira kuva aifunda nokushingaira sei sezvo aikura kuva murume. VanaRabhi patembere vakatyiswa nouchenjeri hwouyu “mwanakomana womutemo” ane makore 12 okukura. Bva akanga achiri kushanda naJosefa mushopu yokuvezera, “aka[mu]teerera” iye naMaria, uye akawedzera “pakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:51, 52.
15. Jesu aitsigira sei vanhu vaduku mukati moushumiri hwake hwapasi, uye ikoku kunorevei nokuda kwavanhu vaduku nhasi?
15 Jesu akanga achitsigira zvikuru vanhu vaduku mukati moushumiri hwake hwapasi: “Vaprista vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakafa neshungu, vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongarava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?” (Mateo 21:15, 16; Pisarema 8:2) Iye anotsigira zvakafanana mazana ezviuru zvavanhu vaduku nhasi vari kuchengeta perero yavo uye kupa rumbidzo, vamwe vavo vakatoita izvozvo pakurasikirwa noupenyu hwavo!
16. (a) Jesu akadzidzisa vaapostora vake chidzidzoi nokumisa kamwana pakati pavo? (b) Panguvai inokosha zvikuru muupenyu hwaJesu yaakanga achine nguva nokuda kwavana?
16 Apo vaapostora vakaita nharo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa, Jesu akati kuvane 12: “Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kuna vose nomuranda wavose. Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamufungatira mumaoko, akati kwavari: Ani nani unogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, unondigamuchireni; ani nani unondigamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.” (Marko 9:35-37) Uyezve, apo akanga achienda kuJerusarema kwenguva yokupedzisira, kunotarisana nomuedzo unotyisa norufu, iye akava nenguva yavana: “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai.” Iye ipapo “akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.”—Marko 10:13-16.
17. Neiko kwakanga kuri nyore kuna Jesu kurondedzera kuvana, uye vana vanofanira kuyeukei pamusoro pake?
17 Jesu anoziva kuti kwakaita sei kuva mwana munyika yavakuru. Iye akararama navakuru, akashanda navo, akava noruzivo rwokuzviisa pasi pavo, uye akanzwawo kunzwa kwokudziya, kwechengeteko kwokudiwa navo. Vana, Jesu mumwe cheteyu ishamwari yenyu; akakufirai, uye muchararama nokusingaperi kana mukateerera mirayiro yake.—Johane 15:13, 14.
18. Mufungoi unofadza watinofanira kurangarira, zvikurukuru mukati menguva dzefunganyo kana kuti dzenjodzi?
18 Kuita sezvinorayira Jesu hakuna kuoma sezvakungaratidzika kuva. Vanhu vaduku, aripo nokuda kwenyu uye nokuda kwomunhu ari wose zvake, kungofanana nezvatinorava pana Mateo 11:28-30, kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu [kana kuti, “Pindai mujoko rangu neni, NW” mashoko omuzasi], mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.” Chimbofungidzira zvako, sezvaunofamba muupenyu uchibatira Jehovha, Jesu ari kufamba parutivi pako, achiita kuti joko rive rakanaka uye mutoro ureruke. Iwoyu mufungo unofadza kwatiri tose!
19. Mibvunzoi pamusoro penzira dzaJesu dzokudzidzisa yatingahwirudzura nguva nenguva?
19 Pashure pokuhwirudzura nzira shomanene chete Jesu akadzidzisa nadzo, tinowana kuti tinodzidzisa sezvaakaita here? Apo tinoona avo vanorwara mumuviri kana kuti vakaziya mumudzimu, tinosundwa nengoni kuita zvatinogona kuvabetsera here? Apo tinorayiridza vamwe, tinodzidzisa Shoko raMwari, kana kuti, kufanana navaFarise, tinodzidzisa pfungwa dzedu timene here? Takasvinurira kuona zvinhu zvezuva riri rose zvakatipoteredza zvinogona kushandiswa kujekesa, kuisa muchiono, kuisa pachena, uye kuyamura kunzwisiswa kwezvokwadi dzomudzimu here? Tinodzivisa kuomerera norumano kumirau yakati apo, nemhaka yemamiriro ezvinhu, rudo nengoni zvinogona kuratidzirwa zviri nani kupfurikidza nokutera pakushandiswa kwemirau yakadaro here? Uye zvakadiniko navana? Tinovaratidza itiro hanya nyoro imwe cheteyo nomutsa worudo izvo Jesu akaita here? Unokurudzira vana vako kufunda nzira iyo Jesu akaita nayo somukomana here? Uchaita nokutsiga sezvakaita Jesu asi kuva akagadzirira kugamuchira vanhu vanopfidza noushamwari, nzira iyo nhunzvi inounganidza nayo hukwana dzayo pasi pemapapiro ayo here?—Mateo 23:37.
20. Tingazvinyaradza timene nomufungoi unofadza sezvatinobatira Mwari wedu?
20 Kana tikavavarira kuita unani hwedu kudzidzisa sezvaiita Jesu, zvirokwazvo iye uchatirega tichi‘pinda mujoko rake pamwe naye.’—Mateo 11:28-30.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadika, tine chikonzero chiri chose chokudavira kuti Jesu airatidzira kurangarira kwakafanira nokuda kwaavo vaiva vakuru kwaari, zvikurukuru vachena musoro navaprista.—Enzanisa naRevhitiko 19:32; Mabasa 23:2-5.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko mapoka akadirana kuna Jesu?
◻ Neiko pane dzimwe nguva Jesu akatera pane mimwe mirau?
◻ Chii chatingadzidza mukubvunzakwaJesu vadzidzisi vapatembere?
◻ Zvidzidzoi zvatinogona kuwana muukama hwaJesu navana?