Jesu Aigona Kuva Aitenda Mwari Here?
Chinetso Chevezvoutatu
“JESU aigona sei kuva aitenda? Iye ndiMwari; anoziva uye anoona chinhu chiri chose pasina kufanira kutendeukira kumumwe munhu upi noupi zvake. Zvino kutenda kwakaumbwa chaizvoizvo nokutsamira pamumwe uye nokubvuma icho chisingaonwi; kuti Jesu-Mwari aigona kuva aitenda, naizvozvo, kunobviswa.”
Maererano nomufundisi weFrance Jacques Guillet, iwoyo murangariro mukuru muchiKaturike. Iyi tsananguro inokushamisa here? Ungave wakafunga kuti sezvo Jesu ari muenzaniso wavaKristu muchinhu chiri chose, anofanira kuvawo muenzaniso wokutenda. Kana waifunga saizvozvo, hauna kugamuchira dzidziso yechiKristudhomu yoUtatu.
Mubvunzo wokutenda kwaJesu chaizvoizvo ndichakaoma kunzwisisa chavafundisi veKaturike, vePurotesitendi, uye veOrthodox avo vanodavira Utatu se“chakavanzika chikuru chokutenda kwechiKristu noupenyu.”a Havasati vari vose vanoramba kutenda kwaJesu, zvisinei. Jacques Guillet anosimbisa kuti “hakubviri kusaziva kuti Jesu aiva nokutenda” kunyange Guillet achibvuma kuti, nebetsero yedzidziso yoUtatu, ndi“chakavanzika.”
MuJesuit weFrance Jean Galot, uye kufanana naye voruzhinji vavafundisi, akajeka mukutaura kuti zvaari “Mwari wechokwadi nomunhu wechokwadi, . . . Kristu haagoni kudavira maari amene.” “Kutenda kwakaumbwa nokutenda mumwe, kwete nokuzvitenda umene,” inodaro magazini inobuda panhambo nenhambo yeLa Civiltà Cattolica. Mhinganidzo kukuziva kutenda kwaJesu, ipapoka, idzidziso yoUtatu, sezvo mirangariro yacho iri miviri ichipokanidzana nenzira yakajeka.
“Evhangeri hadzitongotauri pamusoro pokutenda kwaJesu,” vanodaro vafundisi. Chaizvoizvo, mashoko anoshandiswa muMagwaro echiGiriki echiKristu pi·steuʹo (davira, tenda) uye piʹstis (kutenda) kazhinji kazhinji anonongedzera kukutenda Mwari kana kuti Kristu kwavadzidzi, panzvimbo pokutenda kwaKristu Baba vake vokudenga. Nokudaro tinofanira kugumisa here kuti Mwanakomana waMwari akanga asina kutenda? Chii chatinogona kunzwisisa muzvaakaita nokutaura? Chii chinotaura Magwaro?
Minyengetero Pasina Kutenda Here?
Jesu akanga ari munhu womunyengetero. Ainyengetera panhambo iri yose—apo akabhapatidzwa (Ruka 3:21); usiku hwose asati asarudza vaapostora vake 12 (Ruka 6:12, 13); uye kushanduka chitarisiko kwake kwenenji kusati kwaitika pagomo, apo akanga ana vaapostora Petro, Johane, uye Jakobho. (Ruka 9:28, 29) Akanga achinyengetera apo mumwe wavadzidzi akamukumbira, kuti: “Tidzidzisei kunyengetera,” naizvozvo akavadzidzisa Munyengetero waShe (“Baba Vedu”). (Ruka 11:1-4; Mateo 6:9-13) Akanyengetera ari oga uye kwenguva refu mangwanani-ngwanani (Marko 1:35-39); nechokumadekwana, ari pagomo, pashure pokuendesa vadzidzi vake (Marko 6:45, 46); pamwe chete navadzidzi vake uye nokuda kwavadzidzi vake. (Ruka 22:32; Johane 17:1-26) Hungu, munyengetero wakanga uri rutivi runokosha rwoupenyu hwaJesu.
Akanyengetera asati aita zvishamiso, somuenzaniso, asati amutsa shamwari yake Razaro: “Baba, ndinokuongai, nokuti mandinzwa. Asi ndakanga ndichiziva, kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.” (Johane 11:41, 42) Uchokwadi hwokuti Baba vake vaizopindura munyengetero iwoyo hunoratidzira simba rokutenda kwake. Iyi batano pakati pomunyengetero kuna Mwari nokutenda Iye iri pachena kubva muizvo Kristu akataura kuvadzidzi, achiti: “Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.”—Marko 11:24.
Kana Jesu akanga asina kutenda, neiko akanyengetera kuna Mwari? Dzidziso isiri yapamagwaro yechiKristudhomu yoUtatu, yokuti Jesu akanga ari zvose zviri zviviri munhu naMwari panguva imwe cheteyo, inodzikatidza shoko reBhaibheri. Inodzivisa vanhu kunzwisisa kupfava nesimba zveBhaibheri. Ndiani uyo munhu Jesu akakumbira? Iye amene here? Akanga asingazivi here kuti akanga ari Mwari? Uye kana akanga ari Mwari uye aikuziva, neiko akanyengetera?
Minyengetero yaJesu pazuva rokupedzisira roupenyu hwake hwapasi inopa nzwisiso inotova huru zvikuru mukutenda kwake kwakasimba Baba vake vokudenga. Achiratidzira tariro nekariro ine chivimbo, iye akakumbira, kuti: “Zvino imi Baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.”—Johane 17:5.
Achiziva kuti miedzo yake yakaoma zvikurusa norufu rwake zvakanga zvava pedyo, usiku hwaakanga ari mubindu reGetsemani paGomo reMiorivhi, “akatanga kuva neshungu nokudumbirwa,” uye iye akati: “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa.” (Mateo 26:36-38) Ipapo akapfugama ndokunyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Ipapo “mutumwa akaonekwa naye, wakabva kudenga, akamusimbisa.” Mwari akateerera munyengetero wake. Nemhaka yokukomba kwemirangariro yake nokukomba kwomuedzo, “ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.”—Ruka 22:42-44.
Kutambura kwaJesu, kuda kwake kusimbiswa, uye teterero dzake zvinoratidzirei? “Chinhu chimwe ndechechokwadi,” anonyora kudaro Jacques Guillet, “Jesu akanyengetera, uye munyengetero rutivi runokosha rwoupenyu hwake norwezviito zvake. Akanyengetera sokunyengetera kunoita vanhu, uye akanyengeterera vanhu. Zvino, minyengetero yavanhu haibviri pasina kutenda. Minyengetero yaJesu yaizova inobvira pasina kutenda here?”
Akarembera padanda rokutambudzira chinguvana asati afa, Jesu akadanidzira nenzwi guru, achinokora mashoko pisarema raDhavhidhi. Ipapo, nokutenda, nenzwi guru, akadanidzira teterero yokupedzisira: “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” (Ruka 23:46; Mateo 27:46) Imwe shanduro yechiItaria yamasangano ose orudzidziso, Parola del Signore, inotaura kuti Jesu ‘akaronza upenyu hwake’ kuna Baba.
Jacques Guillet anotsinhira, kuti: “Vachitiratidza Kristu akarovererwa, achidanidzira kuna Baba vake achinokora mashoko mapisarema aIsraeri, vanyori veEvhangeri vanotipwisa kuti kuchema ikoko, kuchema kwoMwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi, kuchema kwenhamo yakakwana, kuchema kwechivimbo chakazara, kuchema kwokutenda, kuchema kworufu mukutenda.”
Vatarisana nouhwu ufakazi hwakajeka nohunoshamisa hwokutenda, vamwe vafundisi vanoedza kuita musiyano pakati pokutenda ne“chivimbo.” Musiyano wakadaro, zvisinei, hauna kuvakirwa paMagwaro.
Asi chaizvoizvo miedzo yakakomba yaakatsungirira inozivisei pamusoro pokutenda kwaJesu?
“Mukwanisi Wokutenda Kwedu” Akakwaniswa
VaH 11 Muganhuro rechi 11 retsamba yake kuvaHebheru, muapostora Pauro anodudza boka guru ravarume navakadzi vakatendeka venguva dzakatagira chiKristu. Iye anogumisa, achinongedzera kumuenzaniso mukurusa nowakakwana wokutenda, achiti: “Tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, . . . Cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.”—VaHebheru 12:1-3.
Voruzhinji vavafundisi vanotaura kuti iyi ndima haitauri nezvo“kutenda kwomunhu oga kwaJesu” asi, panzvimbo pezvo, nezvebasa rake so“mutangi kana kuti muvambi wokutenda.” Shoko rechiGiriki te·lei·o·teś iro rinooneka muichi chitsama chamashoko rinonongedzera kumumwe munhu anokwanisa, anowana kana kuti anopedza chimwe chinhu. So“Mukwanisi,” Jesu akakwanisa kutenda mupfungwa yokuti kuuya kwake kupasi kwakazadzika uporofita hweBhaibheri uye nokudaro akavanzarika hwaro hwakasimba zvikuru hwokutenda. Asi ikoku kunoreva here kuti iye akanga asina kutenda?
Zvikamu zvamashoko zvinobva mutsamba yokuvaHebheru zvaunogona kuona mubhokisi riri papeji 15 hazvisiyi kupokana. Jesu akakwaniswa nokutambura kwake nokuteerera kwake. Kunyange hake aitova munhu akakwana, zvinoitika zvake zvakamukwanisa ndokukwana muzvinhu zvose, kunyange mukutenda, kuti agova akakwaniriswa zvizere soMuprista Mukuru nokuda kworuponeso rwavaKristu vechokwadi. Akateterera Baba vake “achichema nokuchema kukuru nemisodzi,” akanga “akatendeka” kuna Mwari, uye iye aka“tya . . . Mwari.” (VaHebheru 3:1, 2; 5:7-9) Iye aka“idzwa pazvinhu zvose” chaizvoizvo “sesu,” inodaro VaHebheru 4:15, ndiko kuti, kufanana nomuKristu upi noupi akatendeka ane kutenda kuno“idzwa.” (Jakobho 1:2, 3) Kune mufungo here kudavira kuti Jesu aigona kuyedzwa “se”vateveri vake asina kuedzwa mukutenda kwake sezvavakaita?
Mikumbiro, teerero, kutambura, miedzo, kutendeka, uye rutyo rwoumwari zvinopupurira kutenda kwakakwana kwaJesu. Izvo zvinoratidzira kuti iye akava “mukwanisi wokutenda kwedu” bedzi pashure pokukwaniswa mukutenda kwake amene. Nenzira yakajeka, akanga asiri Mwari Mwanakomana, sezvinotaura dzidziso yoUtatu.—1 Johane 5:5.
Haana KudaviraShoko raMwari Here?
Dzidziso yoUtatu inoumba kwazvo kufunga kwavafundisi zvokuti vanosvika pamurangariro wokunyanyisa wokufunga kuti Jesu “haagoni kudavira Shoko raMwari neshoko raro” nemhaka yokuti “seShoko rimene raMwari, iye anogona bedzi kuzivisa shoko iroro.”—Angelo Amato, Gesù il Signore, rine tendero yavafundisi.
Bva, nongedzero dzenguva dzose dzaJesu kuMagwaro dzinoratidzei chaizvoizvo? Apo akaedzwa, akanokora mashoko muMagwaro katatu. Mhinduro yake yechitatu yakaudza Satani kuti Jesu ainamata Mwari oga. (Mateo 4:4, 7, 10) Panhambo dzinoverengeka Jesu akadudza uporofita hwakashanda kwaari amene, achiratidza kutenda mukuzadzika kwahwo. (Marko 14:21, 27; Ruka 18:31-33; 22:37; enzanisa naRuka 9:22; 24:44-46.) Kubva muiyi nzvero tinofanira kugumisa kuti Jesu aiziva Magwaro akafuridzirwa naBaba vake, akaachengeta nokutenda, uye aiva nechivimbo chakakwana mukuzadzika kwouporofita hwakadeya kutaura miedzo yake, kutambura, rufu, uye rumuko.
Jesu, Muenzaniso Wokutenda Wokutevedzera
Jesu aifanira kurwa kurwa kwokutenda kusvikira kumugumo kuti agochengeta kuvimbika kuna Baba vake noku‘kurira nyika.’ (Johane 16:33) Pasina kutenda, hakubviri kuwana rukundo rwakadaro. (VaHebheru 11:6; 1 Johane 5:4) Nemhaka yokutenda ikoko kunokurira, akanga ari muenzaniso kuvateveri vake vakatendeka. Iye zvirokwazvo aitenda Mwari wechokwadi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kurukurirano huru zvikuru yokusava nezvikonzero kwedzidziso yoUtatu inogona kuwanwa mubhurocha raUnofanira Kudavira Utatu Here?, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Bhokisi riri papeji 15]
Jesu, “Mukwanisi,” Akakwaniswa
VaHebheru 2:10: “Zvakanga zvakafanira kuti iye, wakaitirwa zvinhu zvose, uye wakaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.”
VaHebheru 2:17, 18: “Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muprista mukuru une ngoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu. Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.”
VaHebheru 3:2: “Wakanga akatendeka kuna iye wakamugadza, saMosesiwo muimba yake yose.”
VaHebheru 4:15: “Nokuti hatina muprista mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.”
VaHebheru 5:7-9: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.”