Yava Nguva Yokumuka!
“USAZVIFURIRA nezvenguva yatiri kurarama mairi; yatova nguva yokuti timuke pahope dzedu.” (VaRoma 13:11, Knox) Muapostora Pauro akanyora mashoko iwayo kuvaKristu vomuRoma makore 14 gadziriro yezvinhu yechiJudha isati yaguma muna 70 C.E. Nemhaka yokuti vakanga vakamuka mumudzimu, vaKristu vechiJudha vakanga vasiri muJerusarema panguva iyoyo yakaoma, naizvozvo vakapukunyuka rufu kana kuti uranda. Asi vakaziva sei kuti vaifanira kuramba vari kunze kweguta?
Jesu Kristu akanga anyevera kuti vavengi vaizokomba Jerusarema uye kuti vaigaramo vaizoparadzwa. (Ruka 19:43, 44) Pashure paizvozvo, Jesu akapa vateveri vake vakatendeka chiratidzo chaiumbwa namativi akawanda chakanga chisina kuoma kuziva. (Ruka 21:7-24) KuvaKristu ivavo vaigara muJerusarema, kusiya guta racho kwaireva kusiya misha namabasa. Kunyange zvakadaro, kungwarira nokutiza kwavo kwakachengetedza upenyu hwavo.
Jesu paakafanotaura nezvokuparadzwa kweJerusarema, vadzidzi vake vakabvunza kuti: “Zvinhu izvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?” (Mateo 24:3, NW) Achipindura, Jesu akaenzanisa kuvapo kwomunguva yemberi nenhambo yaitungamirira kuMafashamo omunyika yose ezuva raNoa. Jesu akaratidza kuti Mafashamo acho akaparadza vakaipa vose. (Mateo 24:21, 37-39) Nokudaro akaratidzira kuti Mwari aizopindira munhau dzavanhu zvakare. Zvakadini? Chokwadika, kusvikira abvisa nyika yose yakaipa, kana kuti gadziriro yezvinhu! (Enzanisa na2 Petro 3:5, 6) Izvozvo zvingagona kuitika munguva yedu here?
Zvinhu Zvose Zvichakangoita Sezvazvakanga Zvakaita Here?
VaJudha vazhinji vomuzana rokutanga ramakore havana kumbofungidzira kuti guta ravo dzvene, Jerusarema, raizoparadzwa. Kusadavira kwakafanana kunowanzoitwa nevanhu vanogara pedyo negomo rinoputika asi vasina kumboona rimwe richiputika. Panopiwa nyevero vanowanzoti, “Hazviitiki ndichiri mupenyu.” “Kakawanda makomo anoputika pashure pemakore mazana maviri kana kuti matatu oga oga,” wezvokuputika kwamakomo Lionel Wilson anotsanangura kudaro. “Unonetseka kana vabereki vako vakambotamiswa nokuputika. Asi kana zvakaitika kuna vanasekuru vako, ipapo hazvikoshi.”
Zvisinei, mashoko akarurama anotigonesa kuziva zviratidzo zvine ngozi ndokuzvifungisisa. Pane avo vakatiza kubva kuGomo rePelée, mumwe wacho akanga achiziva nezvokuputika kwamakomo uye ainzwisisa zviratidzo zvine ngozi. Zviratidzo zvakadaro zvakanga zvadudzirwawo zvakarurama kuputika kweGomo rePinatubo kwava kutoda kuitika. Vezvokuputika kwamakomo avo vakaona masimba asingaoneki achiwanda mugomo racho, vakapwisa vanhu vomunzvimbomo kuti vabve munharaunda yacho.
Chokwadika, vamwe vachangoramba vachifuratira zviratidzo zvine ngozi uye vachingoramba vachiti hapana chichaitika. Vangatoseka avo vanoshinga kuita chiito. Muapostora Petro akafanotaura kuti mafungiro akadaro aizova enguva dzose muzuva redu. “Pakutanga muzive chinhu ichi,” akadaro, “kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”—2 Petro 3:3, 4.
Unodavira kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” here? MuThe Columbia History of the World, John A. Garraty naPeter Gay vanobvunza kuti: “Tiri kuona kuparara kwokubudirira kwedu here?” Ipapo ava vanyori venhau vanonzvera zvinetso zvehurumende, kuwedzera kwoutsotsi nokusateerera mutemo munyika yose, kuparara kwoupenyu hwemhuri, kukundikana kugadzirisa zvinetso zvenzanga kwesayenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu, kurwira ukuru, uye kupera kwetsika norudzidziso munyika yose. Vanogumisa kuti: “Kana izvi zvisiri zviratidzo zvokuguma chaikoiko, zvinoratidzika chaizvoizvo sezvakadaro.”
Tine chikonzero chakasimba chokudavira kuti “kuguma” kwava pedyo. Aiwa, hatifaniri kutya kuguma kwedenderedzwa rapasi pacharo, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari “wakateya nheyo dzapasi; kuti parege kuzununguswa nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Asi, tinofanira kukarira kukurumidza kuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa iyo yaparira vanhu nhamo yakadai. Nei? Nemhaka yokuti tinogona kuona zviratidzo zvakawanda zvinoratidza mazuva okupedzisira egadziriro ino, sezvakataurwa naJesu Kristu. (Ona bhokisi rinoti “Mamwe Mativi Amazuva Okupedzisira.”) Kuregererei kuenzanisa mashoko aJesu nezviitiko zvenyika? Kuita kudaro kungakubetsera kuzviitira iwe nemhuri yako zvisarudzo zvokuchenjera. Asi nei uchifanira kuita chiito iko zvino?
Kudikanwa Chaikoiko Kwokuramba Takamuka
Kunyange zvazvo masayendisiti angaziva kuti kuputika kwegomo kwava pedyo, havagoni kutaura kuti kuchaitika rini chaiyeiye. Nenzira yakafanana, pamusoro pomugumo wegadziriro ino yezvinhu, Jesu akati: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateo 24:36) Sezvatisingazivi kuti gadziriro ino yezvinhu ichaguma rini chaizvoizvo, Jesu akatinyevera kuti: “Zivai izvi, kuti mwene weimba, dai aiziva nguva yokusvika kwembavha, ungadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu [Jesu] uchauya nenguva yomusingamutariri.”—Mateo 24:43, 44.
Mashoko aJesu anoratidza kuti kuguma kune ngwavaira kwegadziriro ino yezvinhu kuchasvika nyika ino isingakariri. Kunyange tiri vateveri vake, tinofanira ku‘zvibvumikisa kuti takagadzirira.’ Mamiriro edu ezvinhu akafanana neasaimba angawanikwa asingambofungiri nemhaka yokuti haazivi kuti mbavha ichapaza imba yake rini.
Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akaudza vaKristu vaiva muTesaronika kuti: “Imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha usiku. . . . Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.” Pauro akakurudzirawo kuti: “Ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.” (1 VaTesaronika 5:2, 4, 6, mashoko omuzasi) “[Ku]rind[a], [ku]svinuk[a]” zvinorevei?
Kusiyana nokutiza kwavaKristu vomuzana rokutanga ramakore kubva kuJerusarema, kutizira kusina ngozi kwedu hakudi kuti tibve mune rimwe guta. Pashure pokurayira vaaitenda navo muRoma kuti vamuke pahope, Pauro akavakurudzira ku“rash[a] mabasa erima” ndoku“pfeka Ishe Jesu Kristu.” (VaRoma 13:12, 14) Kupfurikidza nokunyatsotevera makwara aJesu, ticharatidza kuti tiri kuziva nguva yatiri, uye uku kungwarira mumudzimu kuchaita kuti tikwanise kudzivirirwa naMwari gadziriro ino yezvinhu isati yaguma.—1 Petro 2:21.
Avo vanotevera Jesu Kristu vanonakidzwa noupenyu hune chinangwa uye hunogutsa. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akaziva kuti joko rokuva mudzidzi wechiKristu rakareruka uye rinozorodza. (Mateo 11:29, 30, mashoko omuzasi) Danho rokutanga kuita mukuva mudzidzi ndero‘kuwana zivo yaMwari neyowaakatuma, Jesu Kristu.’ (Johane 17:3) Zvapupu zvinoshanyira mamiriyoni emisha vhiki yoga yoga kuti zvibetsere vanhu kuti va“ziv[e] zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Vangafara kukuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapachena mumusha wako. Uye sezvaunova nezivo yakawanda yeShoko raMwari, pasina mubvunzo iwewo uchapwiswa kuti mazuva edu akasiyana. Zvechokwadi, yava nguva yokumuka muhope!
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
MAMWE MATIVI EMAZUVA OKUPEDZISIRA
“Rudzi ruchamukira rudzi”; ‘rugare rwuchabviswa pasi pano.’ (Mateo 24:7; Zvakazarurwa 6:4)
Hondo dzenyika mbiri dzezana rino ramakore, pamwe chete nedzimwe hondo dzakawanda, dzakabvisa rugare panyika. “Hondo Yenyika Yokutanga—uye somugumisiro wayo Yechipiri—dzakava dzakasiyana nehondo dzose dzakanga dzamborwiwa munguva yakapfuura,” wezvenhau John Keegan anonyora kudaro, “dzakasiyana mukupisa, kukura, uye kupera kwemari nokuurawa kwevanhu. . . . Hondo dzeNyika dzakauraya vanhu vakawanda, dzakapedza upfumi hwakawanda uye dzakaparira kutambura kukuru munharaunda huru yenyika kupfuura hondo ipi neipi yakapfuura.” Iko zvino hondo dzinotambudza vakadzi navana kupfuura varwi. United Nations Children’s Fund inotaura kuti mumakore gumi apfuura, mamiriyoni maviri evana akaurawa muhondo.
“Nzara dzichavapo” (Mateo 24:7; Zvakazarurwa 6:5, 6, 8)
Muna 1996 mitengo yegorosi nechibage yakakwira zvikuru. Chikonzero chacho? Matura enyika ezvokudya izvi akanga aderera kusara nemugove wamazuva 50 chete, nhamba yakaderera zvikuru yati yambonyorwa. Kukwira kwemitengo yezvokudya zvinoraramisa kunoreva kuti mazana amamiriyoni avanhu vari munyika—vakawanda vavo vari vana—anorara nenzara.
“Kudengenyeka kwenyika munzvimbo zhinji” (Mateo 24:7)
Mumakore 2 500 apfuura, kudengenyeka kwenyika kunomwe bedzi kwoga kwoga kwakauraya vanhu vanopfuura 100 000. Kuna kwaikoku kwakaitika kubvira muna 1914.
“Kuwedzera kwokusateerera mutemo” Mateo 24:12, NW)
Sezvo zana ramakore rechi20 rava kunopera, kusateerera mutemo, kana kuti kuputsa mutemo, kwapararira. Kudenhwa kwavanhu nematsotsi, vaurayi vasina tsitsi, uye kuuraya vanhu vakawanda zviri pakati pezvinhu zvinotyisa zvemazuva ano okupedzisira akaipa.
“Kune dzimwe nzvimbo hosha” (Ruka 21:11)
Muma1990, zvimwe vanhu vane mamiriyoni 30 vachafa netuberculosis. Utachiona hune zvirwere huri kuramba huchiva husingarapiki nemishonga. Marariya, chimwe chirwere chakaipa, chinotambudza vanhu vari pakati pemamiriyoni 300 ne500 gore roga roga uye chinouraya vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni maviri. Panozopera makore gumi ano, AIDS inokarirwa kuparira nzufu dzine mamiriyoni 1,8 pagore. “Nhasi vanhu vari kutambura nokupararira kwezvirwere,” inozivisa kudaro State of the World 1996.
“Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika yose.” (Mateo 24:14)
Muna 1997, Zvapupu zvaJehovha zvakapedzera maawa anopfuura bhiriyoni imwe mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni mashanu nguva dzose zvinoendesa shoko iri kuvanhu vari munyika 232.
[Kwazvakatorwa]
FAO photo/B. Imevbore
U.S. Coast Guard photo
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
VaKristu vakatiza muJerusarema nemhaka yokuti vakanga vakamuka mumudzimu