-
“Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”Nharireyomurindi—1994 | February 15
-
-
“Ipapo” Mugumo
10. Neiko tichifanira kucherechedza shoko rechiGiriki toʹte, uye chii chiri revo yaro?
10 Muna mamwe mativi Jesu akapa zvinoitika sezvinoitika munhevedzano. Iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa . . . , uye ipapo mugumo uchasvika.” MaBhaibheri muShona kazhinji kazhinji anoshandisa “ipapo” nerevo yakapfava yokuti “naizvozvo” kana kuti “asi.” (Marko 4:15, 17; 13:23) Zvisinei, pana Mateo 24:14, “ipapo” akavakirwa pashoko rinokwanisa chiito rechiGiriki toʹte.c Nyanzvi dzechiGiriki dzinotsanangura kuti toʹte ishoko rinorondedzera chiito renongedzero yenguva” rinoshandiswa “kusuma icho chinotevera munguva” kana kuti “kusuma chinoitika chinotevera.” Jesu nokudaro akadeya kutaura kuti kwaizova nokuparidzirwa kwoUmambo uye ipapo (‘pashure paikoko’ kana kuti ‘pakupedzisira’) “mugumo” waizosvika. Mugumo upi?
-
-
“Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?”Nharireyomurindi—1994 | February 15
-
-
c Toʹte anooneka kanopfuura 80 muna Mateo (ka 9 Mt muganhuro 24) uye ka 15 mubhuku raRuka. Marko akashandisa toʹte katanhatu bedzi, asi kana kaikoko kakabatanidza “chiratidzo.”
-