Kutizira Kuchengeteko “Kutambudzika Kukuru” Kusati Kwasvika
“Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, . . . vari muJudhea ngavatizire kumakomo.”—RUKA 21:20, 21.
1. Nei kutiza kuri kwokukurumidzira nokuda kwaavo vachiri rutivi rwenyika?
NOKUDA kwavose vari rutivi rwenyika yaSatani, kutiza ndekwokukurumidzira. Kana vachizoponeswa apo tsika iripo yezvinhu inobviswa papasi, vanofanira kupa ufakazi hunopwisa hwokuti ivo vakamira zvakasimba parutivi rwaJehovha uye havasisiri rutivi rwenyika iyo Satani ari mutongi wayo.—Jakobho 4:4; 1 Johane 2:17.
2, 3. Mibvunzoi maererano namashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 24:15-22 yatichakurukura?
2 Muuporofita hwake hukuru pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu, Jesu akasimbisa dikanwo yakakosha yokutiza kwakadaro. Tinowanzokurukura zvakanyorwa pana Mateo 24:4-14; bva, zvinozvitevera zvinokosha zvakaenzana. Tinokukurudzira kuvhura Bhaibheri rako zvino ndokurava Mat. 24 ndima 15 kusvikira ku 22.
3 Uporofita ihwohwo hunorevei? Muzana rokutanga ramakore, chii chakanga chiri “chinhu chinonyangadza chinoparira ruparadziko (NW)”? Kuva kwacho mu“nzvimbo tsvene” kwakaratidzirei? Chiitiko ichocho chine revoi kwatiri?
“Unorava Ngaacherekedze”
4. (a) Dhanieri 9:27 yakati chii chaizotevera kuramba Mesiya kwavaJudha? (b) Pakunongedzera kuna ikoku, sezviri pachena, nei Jesu akati, “Unorava ngaanzwe”?
4 Cherekedza pana Mateo 24:15 kuti Jesu akanongedzera kuchakanyorwa mubhuku raDhanieri. MuDha ganhuro 9 rebhuku iroro mune uporofita hwakafanotaura kuuya kwaMesiya uye rutongeso rwaizoitwa parudzi rwechiJudha nokuda kwokumuramba. Rutivi rwapashure rweDha 9 ndima 27 rwunoti: “Zvino muparadzi uchasvika nebapiro rezvinonyangadza.” Gamuchidzanwa rapakuvamba rechiJudha rakashandisa rutivi irworwo rwouporofita hwaDhanieri kushatisa tembere yaJehovha muJerusarema naAntiochus IV muzana rechipiri ramakore B.C.E. Asi Jesu akanyevera, kuti: “Unorava ngaacherekedze.” Kushatiswa kwetembere naAntiochus IV, kunyange zvazvo kwainyangadza zvirokwazvo, hakuna kuguma nokuparadzwa—kweJerusarema, kwetembere, kana kuti kworudzi rwechiJudha. Naizvozvo Jesu sezviri pachena akanga ari kunyevera vateereri vake kuti kuzadzikwa kweizvi kwakanga kusiri munguva yakapfuura asi kwakanga kuchiri mune ramangwana.
5. (a) Kuenzaniswa kwenhoroondo dzeEvhangeri kunotibetsera sei kuzivisa “chinhu chinonyangadza” chomuzana rokutanga ramakore? (b) Cestius Gallus akakurumidzisa sei mauto eRoma kuJerusarema muna 66 C.E.?
5 Chii chakanga chiri “chinhu chinonyangadza” chavaifanira kungwarira? Kunocherekedzwa kuti nhoroondo yaMateo inoti: “Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, . . . imire panzvimbo tsvene.” Zvisinei, nhoroondo yakafanana iri pana Ruka 21:20 inorava, kuti: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.” Muna 66 C.E., vaKristu vaigara muJerusarema vakaona icho Jesu akanga afanotaura. Nhevedzano yezviitiko zvaibatanidza musiyano pakati pavaJudha navakuru vakuru veRoma yakatungamirira kukuva kweJerusarema nzvimbo yorupandukiro mukurwisana neRoma. Somugumisiro, masimba masimba akamuka muJudhea yose, Samaria, Garirea, Dhekapori, uye Finikia, kuchamhembe ndokupinda muSiria, uye kumaodzanyemba ndokupinda muEgipita. Kuti adzorere rugare rwakati kurutivi irworwo rwoUmambo hweRoma, Cestius Gallus akakurumidzisa mauto ake kubva muSiria kuenda kuJerusarema, iro vaJudha vaitaura nezvaro se“guta dzvene” ravo.—Nehemia 11:1; Isaya 52:1.
6. Kwakanga kuri kwechokwadi sei kuti “chinhu chinonyangadza” icho chaigona kuparira ruparadziko chakava “chakamira munzvimbo tsvene”?
6 Wakanga uri muitiro wamauto eRoma kutakura mireza, kana kuti zviratidzo, izvo vairangarira sezvinoyera asi izvo vaJudha vairangarira sokunamata zvidhori. Nenzira inofadza, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “chinhu chinonyangadza” mubhuku raDhanieri rinoshandiswa zvikurukuru nezvezvidhori uye kunamata zvidhori.a (Dheuteronomio 29:17, NW) Pasinei hapo nokudzivisa kwakaitwa navaJudha, mauto eRoma akatakura zviratidzo zvawo zvokunamata zvidhori akapinda muJerusarema muna November wa66 C.E. uye ipapo akatanga kusekesa rusvingo rwetembere kuchamhembe. Pakanga pasina kupanikira pamusoro pako—“chinhu chinonyangadza” icho chaigona kuparira kuparadza kwakakwana kuJerusarema chakanga “chakamira panzvimbo tsvene”! Asi munhu upi noupi aigona sei kutiza?
Kutiza Kwakanga Kuri Kwokukurumidzira!
7. Uto reRoma rakaitei nenzira isingakarirwi?
7 Kamwe kamwe uye nokuda kwechikonzero chisiri pachena mumurangariro womunhu, apo kwairatidzika kuti Jerusarema raigona kutorwa nyore nyore, uto reRoma rakadzoka. Vapanduki vechiJudha vakaronda mauto aitiza eRoma asi bedzi kusvikira paAntipatri, makiromita 50 kubva muJerusarema. Ipapo vakadzokera shure. Pakusvika kuJerusarema, ivo vakaungana mutembere kuti varongezve humwe unyanzvi hwavo hwehondo. Pwere dzakaitwa kuti dzisimbise nhare uye kuti dzibatire muhondo. VaKristu vaizobatanidzwa muna izvozvi here? Kunyange kana vaikudzivisa, ivo vaizova vari munzvimbo ine ngozi apo mauto eRoma akadzoka here?
8. Chiitoi chokukurumidzira icho vaKristu vakaita mukuteerera mashoko ouporofita aJesu?
8 VaKristu vaiva muJerusarema uye muJudhea yose vakakurumidza kuita chiito panyevero youporofita yakapiwa naJesu Kristu ndokutiza vachibuda munzvimbo ine ngozi. Kutiza kwakanga kuri kwokukurumidzira! Pashure penguva yakati ivo vakapinda munharaunda dzaiva namakomo, vamwe sezvinobvira vachigara muPella, muruwa rwePerea. Avo vakateerera nyevero yaJesu havana kudzoka kuti vaedze kuchengetedza zvinhu zvavo zvokunyama. (Enzanisa naRuka 14:33.) Vachibva mumamiriro ezvinhu iwayo, vakadzi vaiva nemimba uye vanamai vaiyamwisa zvirokwazvo vakakuwana kuri rwendo rwakaoma kufamba netsoka. Kutiza kwavo hakuna kudziviswa neganhuriro dzezuva reSabata, uye kunyange zvazvo chando chakanga chava pedyo, chakanga chisati chasvika. Avo vakanga vateerera nyevero yaJesu yokutiza nokukurumidza vakanga vava kunze kweJerusarema neJudhea nenzira yakachengeteka. Upenyu hwavo hwaitsamira pana ikoku.—Enzanisa naJakobho 3:17.
9. Mauto eRoma akakurumidza kudzoka sei, uye nomugumisiroi?
9 Gore rakatevera rimene, muna 67 C.E., vaRoma vakamutsidzira hondo mukurwisana navaJudha. Kutanga, Garirea yakakundwa. Gore rakatevera racho, Judhea yakaparadzwa. Pakasvika 70 C.E., mauto eRoma akakomberedza Jerusarema rimene. (Ruka 19:43) Nzara yakava yakakomba zvikurusa. Avo vakakombwa muguta racho vakadenhana. Vapi navapi vakaedza kupukunyuka vakaurawa. Chavakawana chakanga chiri, seizvo Jesu akanga ataura, “kutambudzika kukuru.”—Mateo 24:21.
10. Kana tikarava nenzwisiso, chiizve chatichacherekedza?
10 Izvozvo zvakazadzika zvizere izvo Jesu akanga afanotaura here? Aiwa, zvakawanda zvakanga zvichifanira kuitika. Kana, sezvo Jesu akapa zano, tikarava Magwaro nenzwisiso, hatizokundikani kucherekedza zvichiri mberi. Tichafungawo nenzira yakakomba pamusoro perevo dzacho muupenyu hwedu timene.
“Chinhu Chinonyangadza” Chomuzuva Razvino Uno
11. Muzvimwe zvikamui zviviri zvamashoko umo Dhanieri anonongedzera ku“chinhu chinonyangadza,” uye inhamboi yenguva inokurukurwa ipapo?
11 Cherekedza kuti, mukuwedzera kuzvataona pana Dhanieri 9:27, pane, pana Dhanieri 11:31 uye Dha 12:11, NW, dzimwe nongedzero ku“chinhu chinonyangadza chiri kuparira ruparadziko.” Ruparadziko rweJerusarema harukurukurwi muzviitiko zvipi nezvipi izvi zvapashure. Kutaura idi, zvinotaurwa pana Dhanieri 12:11 zvinooneka vhesi mbiri chete pashure penongedzero “kusvikira panguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:9) Tave tiri kurarama munhambo yenguva yakadaro chibviro cha1914. Naizvozvo tinofanira kuva takasvinurira kuzivisa “chinhu chinonyangadza chiri kuparira ruparadziko” chomuzuva razvino uno uye ipapo kuva nechokwadi chokuti tinobuda munzvimbo ine ngozi.
12, 13. Nei kwakafanira kurondedzera Chinzwano Chamarudzi se“chinhu chinonyangadza” chomuzuva razvino uno?
12 “Chinhu chinonyangadza” ichocho chomuzuva razvino uno chii? Ufakazi hunonongedzera kuChinzwano Chamarudzi, icho chakavamba kushanda muna 1920, nokukurumidza pashure pokunge nyika yapinda munguva yayo yomugumo. Asi ichocho chaigona sei kuva “chinhu chinonyangadza chiri kuparira ruparadziko”?
13 Yeuka, shoko rechiHebheru nokuda kwe“chinhu chinonyangadza” rinoshandiswa muBhaibheri zvikurukuru nenongedzero kuzvidhori uye miitiro yokunamata zvidhori. Chinzwano chakanamatwa sechidhori here? Zvirokwazvo chakanzarwo! Vafundisi vakachiisa “munzvimbo tsvene,” uye vateveri vavo vakapfuurira kuchipa kuzvipira kwokushingaira. Federal Council of the Churches of Christ muAmerica yakazivisa kuti Chinzwano chaizova “kuratidzirwa kwezvematongerwe enyika kwoUmambo hwaMwari pasi pano.” Dare remakurukota reU.S. rakagamuchira tsamba dzakawanda dzakabva kumapoka orudzidziso dzichirikurudzira kutendera Sungano yeChinzwano Chamarudzi. Boka guru ravaBaptist, vaCongregationalist, uye vaPresbyterian muBritain rakachirumbidza se“chishandiswo chinowanika bedzi chokuwana nacho [rugare pasi pano].”—Ona Zvakazarurwa 13:14, 15.
14, 15. Chinzwano uye gare gare Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose zvakava “munzvimbo tsvene” munzirai?
14 Umambo hwaMesiya waMwari hwakanga hwavambwa mumatenga muna 1914, asi marudzi akapfuurira kurwira uchangamire hwawo amene. (Pisarema 2:1-6) Apo Chinzwano Chamarudzi chakakarakadzwa, marudzi ayo akanga achangobva kurwa muhondo yenyika yokutanga, pamwe chete nevafundisi avo vakanga vakomborera mauto avo, vakanga vatoratidzira kuti ivo vakanga vakasiya mutemo waMwari. Ivo vakanga vasiri kutarira kuna Kristu saMambo. Nokudaro vakagovera sangano ravanhu basa roUmambo hwaMwari; ivo vakaisa Chinzwano Chamarudzi “munzvimbo tsvene,” nzvimbo yachakanga chisingafaniri kuva.
15 Somutsivi weChinzwano, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakavamba pana October 24, 1945. Gare gare, vanapapa veRoma vakarumbidza Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose se“tariro yokupedzisira yetsinhirano norugare” uye “gadziriro hurusa yorugare neruramisiro.” Hungu, Chinzwano Chamarudzi, pamwe chete nomutsivi wacho, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, zvirokwazvo zvakava chidhori, “chinhu chinonyangadza” mukuona kwaMwari nokwavanhu vake.
Kutiza Chii?
16. Vadi vokururama vanofanira kutiza muchii nhasi?
16 Pa‘kuonwa’ kwaikoku, pakuziva kuti sangano iroro ramarudzi akawanda chii uye kuti iro riri kunamatwa sei, vadi vokururama vanofanira kutizira kuchengeteko. Kutiza muchii? Muchakafananidzirwa chomuzuva razvino uno neJerusarema risina kutendeka, ndiko kuti, chiKristudhomu, uye muBhabhironi Guru mose, sangano romunyika yose rorudzidziso rwenhema.—Zvakazarurwa 18:4.
17, 18. Ruparadzikoi urwo “chinhu chinonyangadza” chomuzuva razvino uno chichaparira?
17 Yeukawo kuti muzana rokutanga ramakore, apo uto reRoma nemireza yaro yokunamata zvidhori rakapinda muguta dzvene ravaJudha, rakanga riripo kuti riunze ruparadziko kuJerusarema uye sangano raro rokunamata. Muzuva redu kuparadzwa kuchauya, kwete chete paguta rimwe, kana kuti pachiKristudhomu bedzi, asi pasangano romunyika yose rorudzidziso rwenhema.—Zvakazarurwa 18:5-8.
18 Pana Zvakazarurwa 17:16, kunofanotaurwa kuti chikara chitsvuku chokufananidzira, icho chakabvumikisa kuva Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, chichamukira Bhabhironi Guru rakaita semhombwe ndokuriparadza namasimba masimba. Ichishandisa mutauro wakajeka, inoti: “Nyanga dzine gumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomwoto.” Izvo ikoku kuchareva zvinoshamisa kurangarira. Kuchaguma nomugumo worudzidziso rwenhema rworudzi rwuri rwose mumativi ose apasi. Ikoku zvirokwazvo kucharatidza kuti dambudziko guru ravamba.
19. Masanganoi ave ari rutivi rweSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose kubvira pakuumbwa kwaro, uye nei ikoku kuchikosha?
19 Kunokosha kuti sezvo Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakavamba kushanda muna 1945, masangano avasingadaviri kuvapo kwaMwari, asingadi zvorudzidziso ave akatanhamara mukuva mutezo kwaro. Panguva dzakasiyana-siyana munyika yose, masangano anochinja-chinja akadaro ave achibetsera mukuita kuti miitiro yorudzidziso iganhurirwe zvakakomba kana kuti zvimwe irambidzwe chose chose. Mumakore mashomanene akapfuura, zvisinei, pave pane kuregwa munzvimbo dzakawanda kwedzvinyiriro yehurumende pamapoka orudzidziso. Kuvamwe vanhu kungaratidzika kuti ngozi ipi neipi kurudzidziso yakapera.
20. Rudzii rwomukurumbira urwo marudzidziso enyika akazviitira amene?
20 Marudzidziso eBhabhironi Guru anopfuurira kuva simba ramasimba masimba rinoparadza riri munyika. Misoro yenhau kazhinji kazhinji inozivisa mapoka anorwisana uye mapoka amagandanga kupfurikidza nokududza rudzidziso rwaanotsigira. Mapurisa echimurenga nevarwi vakatofanira kumanikidzira kupinda mumatembere kuti vamise masimba masimba pakati pemapoka anorwisana orudzidziso. Mapoka orudzidziso akatsigira nemari kumukira kwezvematongerwe enyika. Ruvengo rworudzidziso rwakakangaidza nhamburiko dzinoitwa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose dzokuti richengete ukama hwakadzikama pakati pamapoka orudzi. Mukuronda nharidzano yorugare nechengeteko, masangano ari mukati meSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose angada kuona kubviswa kwepesvedzero ipi neipi yorudzidziso iyo inoapinganidza.
21. (a) Ndiani achasarudza apo Bhabhironi Guru rinofanira kuparadzwa? (b) Chii chokukurumidzira nguva iyoyo isati yasvika?
21 Panewo chimwe chinhu chinokosha chokurangarira. Kunyange zvazvo nyanga dzakashongedzwa dziri mukati meSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose dzichashandiswa kuparadza Bhabhironi Guru, ruparadziko irworwo rwuchava chaizvoizvo ratidziro yorutongeso rwoumwari. Kuitwa kworutongeso kuchauya panguva yakagadzwa yaMwari. (Zvakazarurwa 17:17) Chii chatinofanira kuita zvino? “Budai mariri”—kubuda muBhabhironi Guru—Bhaibheri rinopindura kudaro.—Zvakazarurwa 18:4.
22, 23. Kutiza kwakadaro kunobatanidza chii?
22 Uku kutizira kuchengeteko hachisi chiito chokuenda kune imwe nzvimbo, chakadai seicho vaKristu vechiJudha vakaita pakusiya Jerusarema. Kutiza mumarudzidziso echiKristudhomu, hungu, kubuda murutivi rwupi norwupi rweBhabhironi Guru. Kunoreva kuzviparadzanisa umene kwete bedzi nemasangano orudzidziso rwenhema asiwo netsika dzawo uye mudzimu waanoparira. Kutizira kunzvimbo yechengeteko mukati mesangano roubati ushe raJehovha.—VaEfeso 5:7-11.
23 Apo vabatiri vakazodzwa vaJehovha vakatanga kuziva chinhu chinonyangadza chomuzuva razvino uno, Chinzwano Chamarudzi, pashure peHondo Yenyika I, Zvapupu zvakaita sei? Izvo zvakanga zvatogura umutezo hwazvo nechechi dzechiKristudhomu. Asi izvo zvishoma nezvishoma zvakaziva kuti zvakanga zvichiri kuomerera kudzimwe dzetsika dzechiKristudhomu nemiitiro, zvakadai sokushandiswa kwomuchinjikwa uye kuchengetwa kweKrisimasi nemamwe mazororo echihedheni. Apo izvo zvakadzidza zvokwadi pamusoro pezvinhu izvi, izvo zvakaita chiito nokukurumidza. Izvo zvakateerera zano riri pana Isaya 52:11: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.”
24. Zvikurukuru kubvira muna 1935, ndivanaani vakakumbanira mukutiza?
24 Zvikurukuru kubvira muna 1935 zvichienda mberi, boka rinokura ravamwe, vanhu vakagamuchira kariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi, rakavamba kuita chiito chakafanana. Ivowo vaka‘ona chinhu chinonyangadza chakamira munzvimbo tsvene,’ uye ivo vanoziva chakunoreva. Pashure pokuita chisarudzo chavo chokutiza, ivo vakaita kuti mazita avo abviswe pandaza dzokuva mitezo yemasangano ari rutivi rweBhabhironi Guru.—2 VaKorinte 6:14-17.
25. Chii chinodikanwa mukuwedzera kukurega batano dzipi nedzipi idzo munhu angava nadzo norudzidziso rwenhema?
25 Zvisinei, kutiza muBhabhironi Guru kunobatanidza zvakawanda zvikuru kupfuura kurega rudzidziso rwenhema. Kune zvakawanda kwakuri kupfuura kupinda misangano mishomanene paHoro yoUmambo kana kuti kubuda kunoparidza mashoko akanaka mubasa romumunda kamwe kana kuti kaviri pamwedzi. Munhu angava ari kunze kweBhabhironi Guru mumuviri, asi iye zvirokwazvo akarisiya here? Iye akazviparadzanisa amene nenyika iyo Bhabhironi Guru iri rutivi rwakatanhamara here? Iye achiri kuomerera kuzvinhu zviya zvinoratidzira mudzimu waro here—mudzimu unozvidza mipimo yakarurama yaMwari? Iye ari kurerutsa tsika dzevatano uye kutendeka muroorano here? Iye anosimbisa fariro dzomunhu oga uye dzezvinhu zvokunyama kupfuura fariro dzomudzimu here? Iye haafaniri kuzvibvumira amene kuva anoenzaniswa netsika ino yezvinhu.—Mateo 6:24; 1 Petro 4:3, 4.
Usaita Kuti Chinhu Chivhiringidze Kutiza Kwako!
26. Chii chichatibetsera kwete kungotanga kutiza asi kukupedza nenzira inobudirira?
26 Mukutizira kwedu kuchengeteko, kuri madikanwa kuti tisatarira nenzira yokushuva zvinhu zviri shure. (Ruka 9:62) Tinofanira kuchengeta ndangariro dzedu nemwoyo zvakanangidzirwa zvakasimba paUmambo hwaMwari nokururama kwake. Takatsunga kuratidzira kutenda kwedu kupfurikidza nokutsvaka izvi kutanga, nechivimbo chokuti Jehovha achakomborera nzira yakatendeka yakadaro here? (Mateo 6:31-33) Zvitendero zvedu zvakavakirwa paMagwaro zvinofanira kutisunda kunharidzano iyoyo sezvo tinomirira nenzira yokudisa kuoneka kwezviitiko zvinokosha pachiono chenyika.
27. Nei kwakakosha kufunga nenzira yakakomba pamusoro pemibvunzo inobvunzwa pano?
27 Kuitwa kworutongeso rwaMwari kuchatanga nokuparadzwa kweBhabhironi Guru. Umambo ihwohwo hwakafanana nehure hworudzidziso rwenhema huchaparadzwa nokusingaperi. Nguva iyoyo yava pedyo zvikuru! Chii chichava chimiro chedu savanhu vamwe navamwe apo nguva iyoyo inokosha inosvika? Uye pakuguma kwedambudziko guru, apo rutivi rwasara rwetsika yakaipa yaSatani rwunoparadzwa, tichawanika tiri parutivi rwupi? Kana tikaita chiito chinodikanwa zvino, chengeteko yedu ine chokwadi. Jehovha anotiudza, kuti: “Asi ani naani unonditeerera uchagara zvakasimba.” (Zvirevo 1:33) Kupfurikidza nokupfuurira kubatira Jehovha nokuvimbika uye nomufaro mukati memhedziso yetsika ino, tingakwanirisa kubatira Jehovha nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 1, mapeji 634-5.
Unoyeuka Here?
◻ Chii chiri “chinhu chinonyangadza” chomuzuva razvino uno?
◻ “Chinhu chinonyangadza . . . chiri munzvimbo tsvene” mupfungwai?
◻ Chii chinobatanidzwa mukutizira kuchengeteko zvino?
◻ Nei chiito chakadaro chiri chokukurumidzira?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kuti vapukunyuke, vateveri vaJesu vaifanira kutiza pasina kunonoka