Kudzoka kwaKristu
Tsanangudzo: Asati abva pasi pano, Jesu Kristu akavimbisa kuti aizodzoka. Zviitiko zvinofadza zvine chokuita noUmambo hwaMwari zvinobatana nevimbiso iyoyo. Tinofanira kuziva kuti kuuya uye kuvapo zvakasiyana. Saka kunyange zvazvo kuuya kwomunhu (kuchibatana nokusvika kwake kana kuti kudzoka kwake) kuchiitika pane imwe nguva, kuvapo kwemunhu kunogona kuzotora makore akati. MuBhaibheri shoko rechiGiriki erʹkho·mai (rinoreva “kuuya”) rinoshandiswawo pakutaura nezvaJesu achiita basa rinokosha panguva yakati pakuvapo kwake, kureva kuti kubasa rake somunhu anoshandiswa naJehovha kuuraya pahondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.
Zviitiko zvine chokuita nokuvapo kwaKristu zvinoitika munguva pfupipfupi here kana kuti kwemakore?
Mat. 24:37-39: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo [“kuuya,” RS, TEV; “kuvapo,” Yg, Ro, ED; chiGiriki, pa·rou·siʹa] kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Zviitiko zvomu“mazuva aNoa” zvinotaurwa pano zvakaitika mumakore akawanda. Jesu akafananidza kuvapo kwake nezvakaitika kare ikako.)
Pana Mateu 24:37 pakashandiswa shoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa. Rinoreva “kuva pamwe chete ne-.” Greek-English Lexicon raLiddell naScott (Oxford, 1968) rinoshandisa “kuvapo, kwevanhu,” setsanangudzo yaro yokutanga yeshoko rokuti pa·rou·siʹa. Pfungwa yeshoko racho inonyatsobudiswa pachena pana VaFiripi 2:12, Pauro paanosiyanisa kuvapo kwake (pa·rou·siʹa) nokusavapo kwake (a·pou·siʹa). Ukuwo, pana Mateu 24:30, panotaura nezve“Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru” somunhu anoshandiswa kuuraya naJehovha pahondo yeAmagedhoni, panoshandisa shoko rechiGiriki rokuti er·khoʹme·non. Vamwe vashanduri vanoshandisa shoko rokuti ‘kuuya’ pakushandura mashoko acho ose ari maviri echiGiriki, asi vaya vakangwaririra vanobudisa kusiyana kwakaita mashoko acho maviri.
Kristu achadzoka zvinoonekwa nemaziso evanhu here?
Joh. 14:19: “Munguva pfupi, nyika haichazondioni, asi imi [vaapostora vaJesu vakatendeka] muchandiona, nokuti ndiri mupenyu uye muchava vapenyu.” (Jesu akanga avimbisa vaapostora vake kuti aizouyazve ovatora kuti anova navo kudenga. Vaizomuona nokuti vaizova zvisikwa zvomudzimu sezvaari. Asi nyika yaisazomuona zvakare. Enzanisa na1 Timoti 6:16.)
Mab. 13:34: “[Mwari] akamumutsa [Jesu] kubva kuvakafa asingazombodzokeri kukuora.” (Miviri yevanhu yagara inongoora. Ndosaka 1 VaKorinde 15:42, 44 ichishandisa shoko rokuti “kuora” painotaura nezvo“muviri wenyama.” Jesu haazombovizve nomuviri wakadaro.)
Joh. 6:51: “Ndini chingwa chipenyu chakaburuka chichibva kudenga; kana munhu akadya chingwa ichi achararama nokusingaperi; uye, chokwadi, chingwa chandichapa inyama yangu nokuda kwoupenyu hwenyika.” (Zvaakapa muviri wake, Jesu haazoutori zvakare. Naizvozvo haanyimi vanhu zvikomborero zvechibayiro choupenyu hwake hwakakwana.)
Onawo mapeji 183, 184, pasi pomusoro unoti “Kutorwa.”
Zvinorevei kuti Jesu achauya “saizvozvo” sokukwira kwaakaita kudenga?
Mab. 1:9-11: “[Vaapostora vaJesu] pavakanga vakatarira, akakwidzwa kudenga uye gore rakamutora vakasazomuona. Zvavakanga vakanyatsotarira mudenga iye achienda, tarira! varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pedyo navo, vakati: ‘Varume vokuGarireya, makamirirei makatarira kudenga? Uyu Jesu akwidzwa kudenga achibva kwamuri achauya saizvozvo sokumuona kwamaita achienda kudenga.’” (Onai kuti ndima ino inoti “saizvozvo,” kwete kuti nomuviri mumwe chete. Akakwira sei kudenga? Ndima 9 inoratidza kuti akanyangarika, vadzidzi vake chete ndivo vakaona achienda. Voruzhinji havana kuziva zvakaitika. Zvimwe chete ndizvo zvaizotika pakudzoka kwaKristu.)
‘Kuuya ari mumakore’ uye ‘maziso ose achimuona’ zvinorevei?
Zvak. 1:7: “Tarira! Ari kuuya nemakore, uye maziso ose achamuona, nevaya vakamubaya; uye madzinza ose enyika achazvirova nemhaka yeshungu nokuda kwake.” (Uyewo Mateu 24:30; Mako 13:26; Ruka 21:27)
“Makore” anomiririrei? Kusaoneka. Ndege painenge iri mugore gobvu kana kuti iri pamusoro pemakore, kazhinji vanhu vanenge vari panyika havagoni kuiona, kunyange zvazvo vanganzwa kurira kweinjini. Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Ndichauya kwauri ndiri mugore dema.” Mosesi haana kuona Mwari, asi gore iroro raimiririra kuvapo kwaJehovha asingaoneki. (Eks. 19:9; onawo Revhitiko 16:2; Numeri 11:25.) Kudai Kristu aizooneka kudenga, zviri pachena kuti haasi “maziso ose” aizomuona. Somuenzaniso, kudai aizooneka pamusoro peAustralia, handizvo here kuti aisazooneka kuEurope, kuAfrica uye kunyika dzokuAmerica?
“Maziso ose achamuona” pakudini? Vachanzwisisa zviitiko zvinenge zvichiitika panyika kuti iye avapo asi asingaoneki. Ichitaura nezvokuona mupfungwa, Johani 9:41 inoti: “Jesu akati [kuvaFarisi]: ‘Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi zvino munoti, “Tinoona.” Chivi chenyu chinoramba chiripo.’” (Enzanisa naVaRoma 1:20.) Pashure pokudzoka kwaKristu, vamwe vanhu vanoratidza kutenda; vanoona chiratidzo chokuvapo kwake. Vamwe vanoramba uchapupu hwacho, asi Kristu paachaita basa rake somunhu anoshandiswa naMwari kuuraya vakaipa, naivowo vachanzwisisa nokuratidzwa kwesimba rake kuti hakuitwi nevanhu asi kuti kuparadza kwacho kuchabva kudenga. Vachaziva zvinenge zvichiitika nokuti vakafanonyeverwa. ‘Vachazvirova nemhaka yeshungu’ pamusana pezvinenge zvichiitika kwavari.
“Vaya vakamubaya” ndivanaani? Masoja eRoma ndiwo akaita izvi pakaurayiwa Jesu. Asi vakafa kare kare. Saka vanofanira kunge vari vanhu vanobata vateveri vaKristu zvisina kunaka kana kuti ‘vanovabaya’ mu“mazuva okupedzisira.”—Mat. 25:40, 45.
Zvinganzi munhu ‘auya’ kana kuti ‘aripo’ here kana asingaoneki?
Muapostora Pauro akataura ‘nezvokusavapo kwake mumuviri asi aripo mumudzimu’ neungano yaiva muKorinde.—1 VaK. 5:3.
Jehovha akataura ‘nezvokuburuka’ kuti anovhiringidza mutauro wevanhu vaivaka shongwe yeBhabheri. (Gen. 11:7) Akatiwo ‘aizoburuka’ kuti anunure vaIsraeri muuranda hwokuIjipiti. Uye Mwari akavimbisa Mosesi kuti, “Ini pachangu ndichaenda” kuti ndinotungamirira vaIsraeri kuenda kuNyika Yakapikirwa. (Eks. 3:8; 33:14) Asi hapana munhu akamboona Mwari.—Eks. 33:20; Joh. 1:18.
Ndezvipi zvimwe zviitiko zvinonzi neBhaibheri zvinobatana nokuvapo kwaKristu?
Dhan. 7:13, 14: “Mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu [Jesu Kristu] achiuya aine makore okumatenga; akasvika kune Akakwegura Pamazuva [Jehovha Mwari], uye vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.”
1 VaT. 4:15, 16: “Izvi ndizvo zvatinokuudzai tichishandisa shoko raJehovha, kuti isu vapenyu tinenge tichirarama pakuvapo kwaShe hatizombotangiri vakarara murufu; nokuti Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru nebhosvo raMwari, uye vaya vakafa vari pamwe naKristu vachatanga kumuka.” (Saka vaya vachatonga naKristu vaizomutswa kuti vave naye kudenga—vanotanga kumuka ndevaya vakafa mumakore ekare kwozotevera vaizofa pashure pokudzoka kwaIshe.)
Mat. 25:31-33: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.”
2 VaT. 1:7-9: “Kunemi munotambudzika, muchazorora pamwe chete nesu pacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto, sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu. Ivava vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi vabve pamberi paShe nepamberi pokubwinya kwesimba rake.”
Ruka 23:42, 43: “[Mutadzi aimunzwira tsitsi akarovererwa padivi paJesu] akati: ‘Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.’ Iye akati kwaari: ‘Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.’” (Jesu paanenge achitonga, nyika yose ichava paradhiso; vakafa vanoyeukwa naMwari vachamutswa vaine mukana wokuva noupenyu hwakakwana pasi pano nokusingaperi.)
Onawo mapeji 222-226, pasi pemusoro unoti “Mazuva Okupedzisira.”