“Tiudzei, Izvi Zvinhu Zvichavapo Rini?”
“Tarirai, zvinhu zvakare zvaitika, ndinoparidza zvinhu zvitsva; ndakuudzai izvozvi zvisati zvabukira.”—ISAYA 42:9.
1, 2. (a) Vaapostora vaJesu vakabvunzei pamusoro penguva yemberi? (b) Mhinduro yaJesu pamusoro pechiratidzo chakaumbwa nezvizhinji yakazadzika sei?
KUDZIDZISA kwoumwari kunobva kuna Jehovha Mwari, “Iye unoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira.” (Isaya 46:10) Sezvaratidzwa nenyaya yapfuura, vaapostora vakatsvaka kudzidzisa kwakadaro kuna Jesu, vachimubvunza, kuti: “Tiudzei, Izvi zvinhu zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo apo izvi zvinhu zvose zvakatemerwa kusvika kumhedziso?”—Marko 13:4, NW.
2 Mumhinduro, Jesu akarondedzera “chiratidzo” chakaumbwa nezvizhinji chine ufakazi hwaizobvumikisa kuti tsika yechiJudha yakanga ichizokurumidza kuguma. Ikoku kwakazadzikwa nokuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V. Asi uporofita hwaJesu hwakanga huchizova nokuzadzika kukuru makore mazhinji munguva yemberi. Apo bedzi “[nguva dzakagadzwa dzamarudzi, NW]” dzakaguma muna 1914, chiratidzo pamwero mukuru chakanga chichizowanika, chinoratidzira kuti nokukurumidza tsika yakaipa iripo yaizoguma ne“[dambudziko guru, NW].”a (Ruka 21:24) Mamirioni mapenyu nhasi anogona kupupurira kuti ichi chiratidzo chakazadzikwa muhondo dzenyika nezvimwe zvinoitika zvinokosha zvezana rino ramakore rechi 20. Izvozvi zvinoratidzirawo kuzadzika kukuru kwouporofita hwaJesu, uku kuzadzika kwazvino uno kuchiva kunofananidzirwa nezvakaitika kuvambira muna 33 kusvikira muna 70 N.V.
3. Mukutaura nezvechimwe chiratidzo, ndizvinoitikai zvokuwedzera Jesu akadeya kutaura?
3 Pashure pokududza kwaRuka nguva dzakagadzwa dzamarudzi, nhauro dzinowirirana dziri muna Mateo, Marko, uye Ruka dzinorondedzera imwe nhevedzano yezvinoitika zvinobatanidza chiratidzo mukuwedzera ‘kuchiratidzo [chakaumbwa nezvizhinji] chemhedziso yetsika yezvinhu.’ (Mateo 24:3) (Papeji 15, iri pfundo munhauro yacho rakatarwa nemitsetse miviri.) Mateo anoti: “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; [ipapo, NW] marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi.”—Mateo 24:29-31.
Dambudziko Nezvinoitika Zvokudenga
4. Mibvunzoi inomuka pamusoro pezvinoitika zvokudenga Jesu akadudza?
4 Izvozvo zvaizozadzikwa rini? Nhauro dzose dziri nhatu dzeEvhangeri dzinodudza chatingadana kuti zvinoitika zvokudenga—zuva nomwedzi zvichisvibiswa uye nyeredzi dzichiwa. Jesu akataura kuti izvozvi zvaizotevera “[dambudziko, NW].” Jesu airangarira dambudziko rakaguma muna 70 N.V. here, kana kuti akanga achitaura nezvedambudziko guru richiri munguva yemberi munguva dzedu dzazvino uno?—Mateo 24:29; Marko 13:24.
5. Murangariroi wakanga uchimbodavirwa pamusoro pedambudziko munguva dzazvino uno?
5 Chibviro chaapo nguva dzakagadzwa dzamarudzi dzakaguma muna 1914, vanhu vaMwari vave vachifarira zvikuru “dambudziko guru.” (Zvakazarurwa 7:14, NW) Kwamakore vakafunga kuti dambudziko guru romuzuva razvino uno rakava norutivi rwokutanga runowirirana nenguva yeHondo yeNyika I, ipapo nhambo inodzongonyedza, uye pakupedzisira rutivi rwokugumisa, “kurwa pazuva iro guru raMwari Wamasimba ose.” Kana ikoko kwakanga kwakadaro, chii chakanga chichizoitika mukati mamakumi amakore apakati e“mhedziso yetsika”?—Zvakazarurwa 16:14; Mateo 13:39; 24:3, NW; Mat. 28:20.
6. Chii chakafungwa kuti chinozadzika uporofita hwaJesu pamusoro pezvinoitika zvokudenga?
6 Eya, kwakafungwa kuti mukati meiyi nhambo chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chaizoonekwa, kubatanidza basa rokuparidzira rinoitwa navanhu vaMwari vakaunganidzwa. Kwakaratidzikawo kuti zvinhu zvokudenga zvakadeya kutaurwa zvaigona kukarirwa mukati menhambo pashure porutivi rwokutanga muna 1914-18. (Mateo 24:29; Marko 13:24, 25; Ruka 21:25) Ngwariro yakanangidzirwa pazvinhu chaizvoizvo zviri mumatenga—kunzvera chadenga, zvitundu mutseremutsere, mwaranzi yecosmic kana kuti yegamma, uye kumhara kana kuti nzvimbo dzokumhara pamwedzi.
7. Kunzwisisai kwakagadziridzwa pamusoro pedambudziko guru kwagoverwa?
7 Zvisinei, Nharireyomurindi yaJuly 15, 1970, yakanzverazve uporofita hwaJesu, zvikurukuru dambudziko guru riri kuuya. Yakaratidza kuti nemhaka yezvakaitika muzana ramakore rokutanga, dambudziko razvino uno raisagona kuva norutivi rwokutanga muna 1914-18, nhambo yakareba makumi amakore, uye gare gare kutangazve. Magazini iyoyo yakagumisa, kuti: “‘Dambudziko guru’ rakadai serisati richizoitikazve richiri mberi, nokuti rinoreva ruparadziko rwoumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema (kubatanidza chiKristudhomu) rwuchiteverwa ne‘hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose’ paArmagedhoni.”
8. Nomurangariro wakagadziridzwa wedambudziko razvino uno, Mateo 24:29 yakatsanangurwa sei?
8 Asi Mateo 24:29 inotaura kuti zvinoitika zvomudenga zvinouya “pakarepo shure kwokutambudzika.” Ikoko kwaigona sei kuva kwakadaro? Nharireyomurindi yaNovember 1, 1975, yakakarakadza kuti pano “[dambudziko, NW]” raireva iro rakaguma shure muna 70 N.V. Asi mupfungwai makwaigona kutaurwa kuti zvinoitika zvokudenga zvenguva yedu zvaiitika “pakarepo” pashure pechinoitika chomuna 70 N.V.? Kwakarangarirwa kuti mukuona kwaMwari mazana amakore ari pakati aizova mapfupi. (VaRoma 16:20; 2 Petro 3:8) Zvisinei, kunzverwa kukuru zvikuru kwouhu uporofita, zvikurukuru hwaMateo 24:29-31, kunonongedzera kutsananguro yakasiana zvikuru. Ikoku kunoratidzira kuti chiedza chinovhenekera sei “zvikuru kwazvo kusvikira zuva rajeka.” (Zvirevo 4:18, American Standard Version)b Ngatirangarirei chikonzero nei tsananguro itsva, kana kuti yakachinjwa, yakakodzera.
9. Magwaro echiHebheru anogovera sei mugariro wakare wamashoko aJesu pamusoro pezvinoitika mumatenga?
9 Kuvana vavaapostora vake, Jesu akapa uporofita hwe‘zuva richisvibiswa, mwedzi usingapi chiedza, uye nyeredzi dzichiwa.’ SavaJudha, vaizoziva mutauro wakadaro kubva muMagwaro avo, umo pana Zefania 1:15, somuenzaniso, nguva yaMwari yorutongeso yakanzi “zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru.” Vaporofita vechiHebheru vakasiana-siana vakarondedzerawo zuva serinosvibiswa, mwedzi usingapenyi, uye nyeredzi dzisingapi chiedza. Uchawana mutauro wakadaro mumashoko oumwari okurwisana neBhabhironi, Edhomi, Egipita, uye umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri.—Isaya 13:9, 10; 34:4, 5; Jeremia 4:28; Ezekieri 32:2, 6-8; Amosi 5:20; 8:2, 9.
10, 11. (a) Joere akaporofitei pamusoro pezvinhu zviri mumatenga? (b) Mativii ouporofita hwaJoere akazadzikwa muna 33 N.V., uye ndeapi asina?
10 Apo vakanzwa izvo Jesu akataura, Petro navamwe vatatu sezvingabvira vakayeuka uporofita hwaJoere hunowanwa pana Joere 2:28-31 uye 3:15: “Ndichadurura [mudzimu, NW] wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. . . . Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nemwoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.” “Zuva nomwedzi zvasviba, nyeredzi dzinobvisa kupenya kwadzo.”
11 Sezvinorondedzerwa pana Mabasa 2:1-4 uye 14-21, paPentekosta 33 N.V., Mwari akadurura mudzimu mutsvene pavadzidzi 120, vose vari vaviri varume navakadzi. Muapostora Petro akazivisa kuti izvi ndizvo izvo Joere akanga adeya kutaura. Zvakadini, kunyanguvezvo, nezvamashoko aJoere pamusoro pe‘zuva richishandurwa kuva rima uye mwedzi kuva ropa uye nyeredzi dzichirega kupenya kwadzo’? Hapana chinhu chinoratidza kuti izvi zvakazadzikwa muna 33 N.V. kana kuti mukati menhambo yakareba namakore anopfuura 30 emhedziso yetsika yezvinhu yechiJudha.
12, 13. Zvinoitika zvokudenga izvo Joere akadeya kutaura zvakazadzikwa sei?
12 Sezviri pachena rutivi irworwo rwapashure rwokudeya kutaura kwaJoere rwakanga rwakasanobatanidzwa zvikuru no“kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha”—kuparadzwa kweJerusarema. Nharireyomurindi yaJuly 1, 1967, yakati pamusoro pedambudziko rakawira Jerusarema muna 70 N.V.: “Zvamazvirokwazvo irero rakanga riri rimwe ‘zuva raJehovha’ nenongedzero kuJerusarema navana varo. Uye mukuwirirana nezuva irero kwaiva nerakawandawanda re‘ropa nomwoto nemhute youtsi,’ zuva risati richapenyera muzarima reguta pamasikati, uye mwedzi uchiratidzira ropa rakadeurwa, kusina chiedza chomwedzi chine rugare, chakachena usiku.”c
13 Hungu, senohumwe uporofita uhwo tacherechedza, zvinoitika zvokudenga izvo Joere akadeya kutaura zvaifanira kuzadzikwa apo Jehovha akaita rutongeso. Panzvimbo pokutambanuka mumhedziso yetsika yechiJudha, kusviba kwezuva, mwedzi, uye nyeredzi kwakaitika apo mauto okuuraya akauya kuzorwisa Jerusarema. Nenzira ine mufungo, tinogona kukarira kuzadzikwa kukuru kworutivi irworwo rwouporofita hwaJoere apo kuuraya kwaMwari tsika iripo kunotanga kuitika.
Idambudziko Ripi Pamberi Pezvinoitika Zvokudenga?
14, 15. Uporofita hwaJoere hune tapuroi pakunzwisisa kwedu Mateo 24:29?
14 Kuzadzikwa kwouporofita hwaJoere (mutsinhirano nohumwe uporofita hunoshandisa mutauro wakafanana) kunobetsera kunzwisisa mashoko ari pana Mateo 24:29. Nenzira yakajeka, icho Jesu akataura pamusoro pe‘zuva richisvibiswa, mwedzi usingapi chiedza, uye nyeredzi dzichiwa’ hachinongedzeri kuzvinhu zvinoitika mumakumi amakore akawanda emhedziso yetsika iripo, zvakadai sezvitundu mutseremutsere zvomuchadenga, kumhara pamwedzi, uye zvimwe zvakafanana. Aiwa, akanongedzera kuzvinhu zvakabatanidzwa ne“zuva guru raJehovha rinotyisa,” ruparadziko ruchigere kuuya.
15 Ikoku kune chokuita nokunzwisisa kwedu kuti zvinhu zvokudenga zvaizova sei “pakarepo shure kwokutambudzika.” Jesu akanga asinganongedzeri kudambudziko rakagumira muna 70 N.V. Panzvimbo pezvo, akanga achinongedzera kukutanga kwedambudziko guru raizowira tsika yenyika munguva yemberi, richigumisa “kuvapo” kwake kwakapikirwa. (Mateo 24:3, NW) Dambudziko iroro richiri mberi kwedu.
16. Marko 13:24 yakanga ichinongedzera kudambudziko ripi, uye nei kwakadaro?
16 Zvakadiniko namashoko ari pana Marko 13:24, anoti: “Namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi”? Pano, ose ari maviri “iwayo” uye “ikoko” zvimiro zveshoko rechiGiriki e·keiʹnos, chisazitasingwi chinonongedzera chinoratidzira chimwe chinhu chiri kure munguva. E·keiʹnos anogona kushandiswa kuratidza chimwe chinhu chakapfuura kare (kana kuti chakambodudzwa) kana kuti chimwe chinhu chiri munguva yemberi iri kure. (Mateo 3:1; 7:22; 10:19; 24:38; Marko 13:11, 17, 32; 14:25; Ruka 10:12; 2 VaTesaronika 1:10) Nokudaro, Marko 13:24 inonongedzera ku“kutambudzika ikoko,” kwete dambudziko rakanyandurwa navaRoma, asi chiito chine simba chaJehovha pamugumo wetsika iripo.
17, 18. Zvakazarurwa inopenyera chiedzai pamusoro pokuti dambudziko guru richatanga sei?
17 Maganhuro 17 kusvikira ku 19 aZvakazarurwa anokodzera uye anosimbisa iyi nzwisiso yakagadziridzwa yaMateo 24:29-31, Marko 13:24-27, uye Ruka 21:25-28. Munzirai? Evhangeri dzinoratidza kuti iri dambudziko harisati richizotanga ndokuguma kamwe kamwe. Pashure pokunge ravamba, vamwe vorudzi rwomunhu vasingateereri vachave vachiri vapenyu kuti vaone “chiratidzo choMwanakomana womunhu” uye kuita—kuchema uye, sezvinotaurwa pana Ruka 21:26, ku“pera nokutya nokutarira zvinowira nyika.” Rutyo rukuru irworwo ruchava nemhaka yokuona kwavo “chiratidzo” chinoratidzira ruparadziko rwavo rwava pedyo.
18 Nhauro iri muna Zvakazarurwa inoratidza kuti dambudziko guru romunguva yemberi richavamba apo “nyanga” dzakashongedzerwa zvombo dze“chikara” chamarudzi ose dzinomukira “mhombwe huru,” Bhabhironi Guru.d (Zvakazarurwa 17:1, 10-16) Asi vanhu vazhinji vachasara, nokuti madzimambo, vatengesi, vakuru vezvikepe, uye vamwe vanochema mugumo worudzidziso rwenhema. Pasina panikiro vazhinji vachaziva kuti rutongeso rwavo rwuchatevera.—Zvakazarurwa 18:9-19.
Chii Chichauya?
19. Chii chatinogona kukarira apo dambudziko guru rinotanga?
19 Zvikamu zvamashoko zveEvhangeri zviri muna Mateo, Marko, uye Ruka zvinobatana naZvakazarurwa maganhuro 17-19 kupenyera chiedza chakati pachichakurumidza kuitika. Panguva yakagadzwa yaMwari, dambudziko guru richavamba nedenho paumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema (Bhabhironi Guru). Irori richava rakakomba zvikurukuru pachiKristudhomu, icho chinowirirana neJerusarema risina kutendeka. “Pakarepo, shure” kwourwu rutivi rwedambudziko, “zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika urombo hwavanhu” husina muenzaniso.—Mateo 24:29; Ruka 21:25.
20. Ndizvinoitikai zvokudenga zvatinogona kukarirazve?
20 Mupfungwai umo ‘zuva richasvibiswa, mwedzi usingapi chiedza chawo, nyeredzi dzichiwa mudenga, uye masimba okudenga achizununguswa’? Pasina panikiro, murutivi rwapakuvamba rwedambudziko guru, zviedza zvizhinji—vafundisi vakatanhamara venyika yorudzidziso—vachave vafumurwa nokubviswa ne“nyanga dzine gumi” dzinodudzwa pana Zvakazarurwa 17:16. Pasina panikiro masimbawo ezvamatongerwe enyika achave azununguswa. Pangagona kuvawo nezvinoitika zvinotyisa mumatenga chaiwoiwo here? Sezvingabvira zvikuru, uye zvinoparira rutyo zvikuru kupfuura izvo zvakarondedzerwa naJosephus sezvakaitika pedyo nomugumo wetsika yechiJudha. Tinoziva kuti munguva yakare yakapfuura, Mwari akaratidzira simba rake kuparira miuyo yakadaro ine ngwavaira, uye anogona kuita kudaro zvakare.—Eksodho 10:21-23; Joshua 10:12-14; Vatongi 5:20; Ruka 23:44, 45.
21. “Chiratidzo” chomunguva yemberi chichaitika sei?
21 Papfundo rino vanyori vatatu vose veEvhangeri vanoshandisa toʹte (ipapo) kusuma chinoitika chinotevera. “Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga.” (Mateo 24:30; Marko 13:26; Ruka 21:27) Chifo cheHondo yeNyika I, vadzidzi vechokwadi vaJesu vakanzwisisa chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chokuvapo kwake kusingaoneki, nepo vanhu vazhinjisa vasina kuchiziva. Asi Mateo 24:30 inonongedzera mberi kuchimwe “chiratidzo” chinooneka munguva yemberi, icho cho“Mwanakomana womunhu,” uye marudzi ose achamanikidzwa kucherechedza. Apo Jesu anouya namakore okusaoneka, vanhu vanoshora munyika yose vachafanira kuziva “kuuya” ikoko (chiGiriki, er·khoʹme·non) nemhaka yeratidzirwo yechienzi yesimba rake roumambo.—Zvakazarurwa 1:7.
22. Chii chichava muuyo wokuona “chiratidzo” chaMateo 24:30?
22 Mateo 24:30 inoshandisa toʹte zvakare kusuma chinotevera kuuya. Ipapo marudzi, achiziva muuyo womugariro wawo, achazvirova amene ndokuchema, zvichida achiziva kuti kuparadzwa kwawo kwava pedyo. Kwakasiana sei navabatiri vaMwari, nokuti tichakwanisa kusimudza misoro yedu, tichiziva kuti kusunungurwa kuri pedyo! (Ruka 21:28) Zvakazarurwa 19:1-6 inoratidzawo vanamati vechokwadi vari mudenga napasi pano vachifara pamusoro pomugumo wehure guru.
23. (a) Jesu achaita chiitoi kuvasanangurwa? (b) Chii chingataurwa pamusoro pokutorwa kwavakasarira vachienda kudenga?
23 Uporofita hwaJesu hunopfuurira kuti, pana Marko 13:27: “Ipapo [toʹte] uchatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwokudenga.” Jesu pano anopa ngwariro pavakasarira ve 144 000 “vakasanangurwa” vachiri vapenyu pasi pano. Pakuvamba mumhedziso yetsika yezvinhu, ava vadzidzi vakazodzwa vaJesu vakapinzwa muchinzwano choubati ushe hwaMwari. Zvisinei, mukuwirirana nenhevedzano inoshandiswa, Marko 13:27 naMateo 24:31 dzinorondedzera chimwe chinhuwo zvacho. “Nehwamanda huru,” vakasarira “vasanangurwa” vachaunganidzwa kubva kumigumo yapasi. Vachaunganidzwa sei? Pasina panikiro, vachaiswa “chisimbiso” ndokuziviswa nenzira yakajeka naJehovha sorutivi rwe“vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.” Uye panguva yakasarudzwa yaMwari, vachaunganidzirwa kudenga kuti vave madzimambo vaprista.e Ikoku kuchaunza mufaro kwavari nokushamwari dzavo dzakatendeka, “[boka guru, NW],” avo ivo vamene vachaiswa chiratidzo kuti ‘vabude mudambudziko guru’ kuti vafarikanye zvikomborero muparadhiso yapasi.—Mateo 24:22; Zvakazarurwa 7:3, 4, 9-17; 17:14; 20:6; Ezekieri 9:4, 6.
24. Mateo 24:29-31 inozivisa nhevedzanoi pamusoro pezvinoitika zvinouya?
24 Apo vaapostora vakati, “Tiudzei . . . ,” mhinduro yaJesu yakafukidza zvakawanda kupfuura zvavaigona kunzwisisa. Bva, mukati menduramo yavo vakafara kuona kuzadzika kwokufananidzira kwouporofita hwake. Fundo yedu yemhinduro yaJesu yanangidzira ngwariro parutivi rwouporofita hwake huchazadzikwa munguva yemberi iri pedyo. (Mateo 24:29-31; Marko 13:24-27; Ruka 21:25-28) Tinogona kutoona kuti kununurwa kwedu kuri kuswedera pedyo zvikuru. Tinogona kutarira mberi kukutanga kwedambudziko guru, ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu, uye ipapo kuunganidza kwaMwari vakasanangurwa. Pakupedzisira, soMuurayi waJehovha paArmagedhoni, Mambo wedu Murwi, Jesu akagadzwa pachigaro choumambo, acha“kunda.” (Zvakazarurwa 6:2) Zuva iroro raJehovha, apo anoita matsive, richauya somugumo wakaisvonaka kumhedziso yetsika yezvinhu yakaratidzira zuva raShe Jesu kuvambira muna 1914 zvichienda mberi.
25. Tinogona sei kugoverana mukuzadzika kuchiri munguva yemberi kwaRuka 21:28?
25 Pfuurira kuzvibetsera umene nokudzidzisa kwoumwari, kuitira kuti upindure zadziko ichiri munguva yemberi yamashoko aJesu, anoti: “Kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” (Ruka 21:28) Inguva yemberi yakadini iri pamberi pavakasanangurwa uye boka guru sezvo Jehovha anopfuurira kutsvenesa zita rake dzvene!
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha zvinofadzwa kugovera chibvumikiso chaikoku, zvichiratidza nzira iyo maidi anooneka anozadzika nayo uporofita hweBhaibheri.
b Mashoko okuwedzera akaoneka pamapeji 296-323 aGod’s Kingdom of a Thousand Years Has Approached, rakabudiswa muna 1973 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., uye Nharireyomurindi yaMarch 15, 1983, mapeji 18-24.
c Josephus anonyora nezvezvinoitika pakati pedenho yavaRoma yokutanga paJerusarema (66 N.V.) nokuparadzwa kwaro: “Mukati mousiku dutu rinoparadzanya rakatanga; dutu guru rakapenga, mvura yakatsvotsvoma, mheni yaipenya nguva dzose, mabhanan’ana aityisa, pasi rakadengenyeka nokurira kunoitisa matsi. Ngwavaira kurudzi rwomunhu yakadeya kufananidzirwa zvakajeka nouku kuwa kwegadziriro yose yezvinhu, uye hapana munhu aigona kupanikira kuti shuramanenji dzaifananidzira ngwavaira isingaenzaniswi.”
d Uko Jesu akataura nezvako so“kutambudzika kukuru” uye “kutambudzika” mukushanda kwako kwokutanga kwakanga kuri kuparadzwa kwetsika yechiJudha. Asi mundima dzinoshanda bedzi kuzuva redu, akashandisa shoko chairo (muChingezi) “the,” achiti “the tribulation.” (Mateo 24:21, 29, NW; Marko 13:19, 24) Zvakazarurwa 7:14 yakadana ichi chinoitika chomunguva yemberi “kutambudzika kukuru,” chaizvoizvo “the tribulation the great.”
e Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaAugust 15, 1990.
Unoyeuka Here?
◻Mativi aJoere 2:28-31 uye Joe 3:15 akazadzikwa sei muzana ramakore rokutanga?
◻ Mateo 24:29 iri kunongedzera kudambudziko ripi, uye neiko tichigumisa izvozvo?
◻ Kuzvinoitikai zvokudenga uko Mateo 24:29 inonongedzera, uye ikoku kunogona sei kuva nokukurumidza pashure pedambudziko?
◻ Ruka 21:26, 28 ichazadzikwa sei munguva yemberi?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Nharaunda yeTembere
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.