Nguva Yokuramba Takamuka
“NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. . . . asi unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.”—MARKO 13:10, 13.
1. Neiko tichifanira kutsungirira uye kushinga?
TINOFANIRA kutsungirira—pakati pechizvarwa chisina kutenda uye chakakombama! Chibviro cha1914 chizvarwa chavanhu chakava chakashata, kungofanana nomuzuva raJesu. Uye nhasi kushata kwacho kuri pamwero wenyika yose. Muaya “mazuva okupedzisira,” “nguva dzokutambudzika” dzakarondedzerwa nomuapostora Pauro dziri kutambudza rudzi rwomunhu. ‘Vanhu vakaipa navanyengeri vari kupfuurira kubva pakuipa kuenda pakuipisisa.’ Nenzira yakajeka, “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi, uyo zvino ari kuita nhamburiko yake yokupedzisira kuti aparadze pasi. Asi shinga! Pane “kutambudzika kukuru” kuri kuuya uko kuchaunza kusunungurwa kwechigarire kuavo vose vanoda kururama.—2 Timotio 3:1-5, 13; 1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 7:14.
2. Uporofita hwakazadzika sei muna 1914?
2 Nomufaro, Jehovha zvino akagadza pachigaro choushe Ishe Jesu Kristu mumatenga, mukugadzirira kubvisa vavengi vanodzvinyirira vorudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 11:15) Kungofanana napakuuya kwokutanga kwaMesiya, naizvozvo muzana rino ramakore uporofita hunoshamisa hwakanyorwa naDhanieri hwakazadzika. Pana Dhanieri 4:16, 17, 32, tinoudzwa nezvokumiswa kwoumambo hwakakodzera pamusoro papasi kwenhambo ye“nguva nomwe.” Mukuzadzika kwadzo kukuru, idzi nguva nomwe dzinosvika makore eBhaibheri manomwe e‘mazuva’ 360 rimwe chete, kana kuti makore 2 520 pamwe chete.a Dzakatanga muna 607 B.C.E., apo Bhabhironi rakavamba kutsika-tsika pasi petsoka umambo hwaIsraeri, kusvikira muna 1914 C.E., gore rokugadzwa pachigaro choushe kwaJesu mudenga saMambo akakodzera worudzi rwomunhu. Ipapo “nguva [dzakagadzwa] dzavahedheni” dzakaguma. (Ruka 21:24) Asi marudzi akaramba kutera kuUmambo hwaMesiya huri kuuya.—Pisarema 2:1-6, 10-12; 110:1, 2.
3, 4. (a) Ienzanisoi ingaitwa yezviitiko zvezana ramakore rokutanga neizvo zvomunguva yedu? (b) Mibvunzoi ine revo ingabvunzwa?
3 Sezvo vhiki yamakore yechi70 (29-36 C.E.) yakaswedera, uye zvakare sezvo gore ra1914 rakaswedera pedyo, vanhu vaitya Mwari vakanga vachikarira kusvika kwaMesiya. Uye iye akasvika! Muchinoitika chimwe nechimwe, zvisinei, mutoo wokuoneka kwake wakasiyana nekariro yacho. Muchinoitika chimwe nechimwewo, mushure menhambo yenguva yakati pfupikei, “chizvarwa” chakaipa pakupedzisira chinotambura kuurawa kupfurikidza nekurayira kwoumwari.—Mateo 24:34.
4 Munyaya yedu yatangireyi, tacherechedza nzira iyo chizvarwa chakaipa chechiJudha icho chakarayira rufu rwaJesu chakaguma nayo. Zvakadiniko, ipapoka, nezvechizvarwa chinoparadza chorudzi rwomunhu icho kunyange zvino chinomushora kana kuti chinomufuratira? Rutongeso pachizvarwa ichi chisina kutenda ruchaitwa rini?
“Rindai”!
5. (a) Hatifaniri kuziva nguva ye“zuva . . . nenguva” zvaJehovha nokuda kwechikonzeroi chakanaka? (b) Maererano naMarko, Jesu akagumisa uporofita hwake nezanoi rakanaka?
5 Mushure mokuporofita zviitiko zvinotungamirira kunguva ye“kutambudzika kukuru,” Jesu akawedzera, kuti: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateo 24:3-36; Marko 13:3-32) Hatifaniri kuziva nguva chaiyo yezviitiko. Panzvimbo pezvo, ngwariro yedu inofanira kuva pakuva vanorinda, tichisakurira kutenda kwakasimba, uye kuramba takabatikana mubasa raJehovha—kwete pakuverenga musi. Jesu akagumisa uporofita hwake hukuru kupfurikidza nokuti: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. . . . rindai . . . Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai!” (Marko 13:33-37) Ngozi yakahwanda murima renyika yanhasi. Tinofanira kuramba takamuka!—VaRoma 13:11-13.
6. (a) Kutenda kwedu kunofanira kutsigiswa pachii? (b) Tinga“verenga mazuva edu” sei? (c) Jesu anorevei zvikurukuru nokuti “chizvarwa”?
6 Hatifaniri bedzi kupa ngwariro kuuporofita hwakafuridzirwa pamusoro peaya mazuva okupedzisira etsika yakaipa asi tinofanira kutsigisa kutenda kwedu zvikurukuru pachibayiro chinokosha chaKristu Jesu nezvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari zvakavakirwa pachiri. (VaHebheru 6:17-19; 9:14; 1 Petro 1:18, 19; 2 Petro 1:16-19) Vachidisa kuona mugumo wetsika ino yakaipa, vanhu vaJehovha padzimwe nguva vakafungidzira nguva apo “kutambudzika kukuru” kwaizovamba, kunyange kubatanidza ikoku nokuverenga nguva kwenduramo yechizvarwa chinobvira muna 1914. Zvisinei, tino“zviwanir[a] mwoyo wakachenjera,” kwete kupfurikidza nokufungidzira pamusoro pokuti makore mangani kana kuti mazuva anoumba chizvarwa, asi kupfurikidza nokufunga pamusoro pokuti tino“verenga mazuva edu” sei mukuunza rumbidzo inofadza kuna Jehovha. (Pisarema 90:12) Panzvimbo pokugovera mutemo wokuyera nguva, shoko rokuti “chizvarwa” sezvarakashandiswa naJesu rinonongedzera zvikurukuru kuvanhu vanorarama panguva imwe cheteyo venhambo yenhau yakati, nezviratidzo zvavo zvinozivisa.b
7. Mumwe purofesa wenhau anonyorei pamusoro pe“chizvarwa cha1914,” uye izvozvi zvinobatana sei nouporofita hwaJesu?
7 Maererano nezviri pamusoro apa, purofesa wenhau Robert Wohl akanyora mubhuku rake rinonzi The Generation of 1914: “Chizvarwa chenhau hachizivikanwi neganhuriro dzacho dzokuverenga nguva . . . Haisati iri nharaunda yemisi.” Asi akaonesa kuti Hondo Yenyika I yakavamba “pfungwa inoshamisa yokuparadzana nenguva yakapfuura,” uye akawedzera, kuti: “Avo vakapukunyuka hondo yacho vaisatongogona kubvisa mavari vamene kudavira kwokuti nyika imwe yakanga yaguma uye imwe yakanga yavamba muna August 1914.” Ikoko ndokwechokwadi sei! Kunonangidzira ngwariro parutivi runokosha rwenhau yacho. “Chizvarwa ichi” chorudzi rwomunhu runobvira muna 1914 chakawana chinjo dzinotyisa. Chakaona pasi richinyoroveswa neropa ramamiriyoni. Hondo, kuparadza rudzi, ugandanga, utsotsi, uye kusateerera mutemo zvakaitika munyika yose. Nzara, hosha, uye unzenza zvakanyangira pasi redu. Jesu akaporofita, kuti: “Nemiwo, apo imi [vadzidzi vake] munoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Chizvarwa ichi hachisati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu zvose zvaitika.”—Ruka 21:31, 32, NW.
8. Vaporofita vaJehovha vanosimbisa sei dikanwo yokuramba takamuka?
8 Hungu, rukundo rwakakwana rwoUmambo hwaMesiya rwava pedyo! Pane chinowanwa here, ipapoka, nokutsvaka misi kana kuti kupfurikidza nokufungidzira nduramo chaiyoiyo ye“chizvarwa”? Nyangwe! Habhakuki 2:3 inoti nenzira yakajeka: “Zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” Zuva raJehovha rokugadzikisa zvinhu riri kukurumidza zvikuru.—Jeremia 25:31-33; Maraki 4:1.
9. Ndizvinoitikai chibviro cha1914 zvinoratidza kuti nguva ipfupi?
9 Apo kutonga kwoUmambo kwaKristu kwakavamba muna 1914, Satani akakandirwa pasi pano. Ikoku kwakareva “nhamo [nokuda kwe]nyika . . . nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Nguva iyoyo ipfupi, zvirokwazvo, mukuenzaniswa nezviuru zvamakore zvoubati ushe hwaSatani. Umambo hwacho hwava pedyo, uye ndozvakaitawo zuva neawa zvaJehovha zvokuti aite rutongeso pachizvarwa ichi chakaipa!—Zvirevo 3:25; 10:24, 25.
“Chizvarwa” Chinopfuura
10. “Chizvarwa ichi” chakafanana sei neicho chomuzuva raNoa?
10 Ngatisanonzverei mashoko aJesu ari pana Mateo 24:34, 35, NW: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachisati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu izvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haasati achizotongopfuura.” Mashoko aJesu anotevera anoratidza kuti ‘hapana anoziva zuva iroro neawa.’ Chinokosha zvikuru, anoratidza kuti tinofanira kudzivisa misungo yakatipoteredza muchizvarwa ichi. Nokudaro Jesu anowedzera, kuti: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.” (Mateo 24:36-39) Jesu pano akaenzanisa chizvarwa chezuva rake neicho chezuva raNoa.—Genesi 6:5, 9, NW; mashoko omuzasi.
11. Ienzanisoi ye‘zvizvarwa’ iyo Jesu akaita, sezvinoshumwa naMateo naRuka?
11 Iyi yakanga isiri nguva yokutanga iyo vaapostora vakanzwa Jesu achiita iyi enzaniso ye‘zvizvarwa,’ nokuti mazuva akati nguva iyi isati yasvika akanga ati pamusoro pake amene: “Mwanakomana womunhu . . . anofanira kuwana kutambura kwakawanda uye kurambwa nechizvarwa ichi. Uyezve, kungofanana nezvazvakaita mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva eMwanakomana womunhu.” (Ruka 17:24-26, NW) Nokudaro, Mateo ganhuro 24 uye Ruka ganhuro 17 anoita enzaniso imwe cheteyo. Muzuva raNoa “vanhu vose [avo] vakanga vaodza mufambiro wavo panyika” uye avo vakaparadzwa paMafashamo vakanga vari “chizvarwa ichi.” Muzuva raJesu vaJudha vakaramba kutenda avo vakanga vachiramba Jesu vakanga vari “chizvarwa ichi.”—Genesi 6:11, 12; 7:1, NW.
12, 13. (a) Chii nhasi chiri “chizvarwa ichi” icho chinofanira kupfuura? (b) Vanhu vaJehovha zvino vari kugonana sei ne“chizvarwa ichi chakakombama uye chakamonyana”?
12 Naizvozvo, mukuzadzika kwokupedzisira kwouporofita hwaJesu nhasi, “chizvarwa ichi” sezviri pachena chinonongedzera kuvanhu vapasi avo vanoona chiratidzo chokuvapo kwaKristu asi vanokundikana kugadziridza nzira dzavo. Mukupesana, isu savadzidzi vaJesu tinoramba kuumbwa namararamire e“chizvarwa ichi.” Kunyange zvazvo tiri munyika, hatifaniri kuva rutivi rwayo, “nokuti nguva yava pedyo.” (Zvakazarurwa 1:3; Johane 17:16) Muapostora Pauro anotirayira, kuti: “Rambai muchiita zvinhu zvose pasina kunyunyuta nokuita nharo, kuti mugova vasingapomerwi navasina mhaka, vana vaMwari vasina kusvibiswa pakati pechizvarwa chakakombama uye chakamonyana, pakati pacho muri kupenya sezvivheneko munyika.”—VaFiripi 2:14, 15, NW; VaKorose 3:5-10; 1 Johane 2:15-17.
13 “Kupenya [kwedu] sezvivheneko” kunobatanidza kwete bedzi kuratidzira unhu hwechiKristu hwakachena asi, zvinokosha zvikurusa, kuita basa raJesu rouporofita: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Hapana munhu anogona kutaura kuti ndirini apo mugumo iwoyo uchava, asi tinoziva kuti mugumo we“chizvarwa ichi” chavanhu vakaipa uchauya kana uchapupu hwangopiwa kusvika kugutsikano yaMwari “kusvikira kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:8.
“Zuva Iro Nenguva Iyo”
14. Ikurudziroi iyo vose vari vaviri Jesu naPauro vanopa pamusoro pe“nguva nemisi,” uye tinofanira kudavidza sei?
14 Apo uchapupu hwenyika yose hunenge hwaitwa kusvikira kutambanuko iyo Jehovha anoita chinangwa, richava “zuva [rake] . . . nenguva” kuti abvise iyi tsika yenyika. Hatifaniri kufanoziva musi wacho. Nokudaro, achitevera muenzaniso waJesu, muapostora Pauro akarayira, kuti: “Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu; nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha usiku. Kana vachiti, Rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba, havangatongopukunyuki.” Cherechedza ngwariro yaPauro: ‘Kana vachiti.’ Hungu, apo kunenge kune kutaurwa kwo“rugare nokugarika,” apo runenge rusingambokarirwi zvikuru, rutongeso rwaMwari ruchakurumidza kuitwa. Rakakodzera sei zano raPauro, rinoti: “Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke.”—1 VaTesaronika 5:1-3, 6; onawo 1VaT 5 ndima 7-11; Mabasa 1:7.
15, 16. (a) Neiko tisingafaniri kufunga kuti Armagedhoni iri kure zvikuru kupfuura zvatingave taidavira? (b) Uchangamire hwaJehovha hunofanira kukudzwa sei munguva yemberi iri pedyo?
15 Uyu murangariro wakajeka zvikuru pamusoro pe“chizvarwa ichi” unoreva here kuti Armagedhoni iri kure zvikuru kupfuura zvataifunga? Nyangwe! Kunyange zvazvo tisina kutongoziva “zuva . . . nenguva,” Jehovha Mwari agara achizviziva, uye haasati achichinja. (Maraki 3:6) Sezvinooneka, nyika iri kunyura zvikuru mukuparadzwa kwokugumisira. Dikano yokuramba takarinda inokosha zvikuru kupfuura zvayati yakambova. Jehovha akaratidza kwatiri “zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa,” uye tinofanira kudavidza nokuziva kwakakwana kwekurumidziro.—Zvakazarurwa 1:1; 11:18; 16:14, 16.
16 Sezvo nguva inoswedera, ramba wakamuka, nokuti Jehovha odokuunza ngwavaira patsika yose yaSatani! (Jeremia 25:29-31) Jehovha anoti: “Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:23) “Zuva raJehovha” iroro rinokosha rinoswedera pedyo!—Joere 1:15; 2:1, 2; Amosi 5:18-20; Zefania 2:2, 3.
“Denga Idzva Nenyika Itsva” Zvakarurama
17, 18. (a) Maererano naJesu naPetro, “chizvarwa ichi” chinopfuura sei? (b) Neiko tichifanira kurinda pamusoro pomufambiro namabasa okuzvipira kwoumwari?
17 Pamusoro pe‘zvinhu izvi zvose zvichafanira kuitika’ Jesu akati: “Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.” (Mateo 24:34, 35) Jesu sezvingabvira akanga achirangarira nezve“denga nenyika”—vatongi navatongwi—zve“chizvarwa ichi.” Muapostora Petro akashandisa mashoko akafanana mukunongedzera ku“denga, riripo zvino, nenyika,” izvo “zvakavigirwa mwoto neshoko ireri, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” Anotevera kurondedzera nzira iyo “zuva raShe richauya [nayo] sembavha; naro denga [rehurumende] richapfuura” pamwe chete nenzanga yavanhu yakashata, kana kuti “pasi,” namabasa aro ezvivi. Muapostora ipapo anotikurudzira ku“mufambire . . . mutsvene nokunamata Mwari, [sezvati]notarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.” Chii chinotevera? Petro anotendeudzira ngwariro yedu ku‘denga idzva nenyika itsva mazviri muchagara kururama.’—2 Petro 3:7, 10-13.c
18 “Denga idzva,” iroro utongi hwoUmambo huchaitwa naKristu Jesu namadzimambo ari vasonganiri vake, huchadurura zvikomborero pa“pasi idzva” nzanga yorudzi rwomunhu. Uri mutezo unokarirwa wenzanga iyoyo here? Kana zvakadaro, une chikonzero chokufarira nguva yemberi yakaisvonaka yakakuchengeterwa!—Isaya 65:17-19; Zvakazarurwa 21:1-5.
19. Iropafadzoi huru yatingafarikanya zvino?
19 Hungu, “chizvarwa” chakarurama cherudzi rwomunhu zvino chiri kutounganidzwa. Nhasi “muranda wakatendeka, wakangwara” akazodzwa ari kugovera dzidzo youmwari mutsinhirano namashoko ePisarema 78:1, 4 ayo anoti: “Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu . . . , asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.” (Mateo 24:45-47) Pana April 14 wegore rino, mudzinopfuura ungano 75 500 uye munyika dzinenge 230, vanhu vanopfuura 12 000 000 kupota nyika vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Wakanga uri pakati pavo here? Tsamidza kutenda kwako pana Kristu Jesu uye ‘dana pazita raJehovha nokuda kwokuponeswa.’—VaRoma 10:10-13.
20. Sezvo “nguva yasara yatapudzika,” tinofanira kuramba takamuka sei, uye nekariroi?
20 “Nguva yasara yatapudzika,” akadaro muapostora Pauro. Inguva, naizvozvo, yokuramba takamuka nguva dzose uye takabatikana mubasa raJehovha, sezvatinotsungirira miedzo noruvengo zvinoiswa nechizvarwa chakaipa chorudzi rwomunhu. (1 VaKorinte 7:29, NW; Mateo 10:22; 24:13, 14) Ngatirindei, tichicherechedza zvinhu zvose zvakafanotaurwa muBhaibheri kuti zvichauya pa“chizvarwa ichi.” (Ruka 21:31-33) Kupfurikidza nokupukunyuka zvinhu izvi uye kupfurikidza nokumira netendero youmwari pamberi peMwanakomana womunhu, pakupedzisira tichawana mubayiro woupenyu husingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko ane udzame pa“nguva nomwe,” ona mapeji 127-39, 186-9 ebhuku ra“Let Your Kingdom Come,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona Vhoriyamu 1, peji 918, yaInsight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c Onawo mapeji 152-6 uye 180-1 aHurumende Yedu yeNyika inoUya—Umambo hwaMwari, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mibvunzo Mukuhwirudzura:
◻ Zvatacherechedza kuzadzikwa kwaDhanieri 4:32, zvino tinofanira “kurinda” sei?
◻ Evhangeri dzaMateo naRuka dzinozivisa sei “chizvarwa ichi”?
◻ Sezvatinomirira “zuva iro nenguva,” chii chatinocherechedza, uye tinofanira kudavidza sei?
◻ Kariro ye“denga idzva nenyika itsva” inofanira kutikurudzira kuitei?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Rudzi rwomunhu rwuri kutambura ruchawana rusununguko apo chizvarwa chino chamasimba masimba, chakaipa chinenge chapfuura
[Kwazvakatorwa]
Alexandra Boulat/Sipa Press
[Kwazvakatorwa]
Kuruboshwe uye pasi: Luc Delahaye/Sipa Press
[Mufananidzo uri papeji 18]
“Denga idzva nenyika itsva” zvine mbiri zviri pamberi chaipo pamarudzi ose avanhu