Mapisarema
2 Ndichashama muromo wangu ndichitaura chirevo.
Ndichataura zvirahwe zvekare kare.+
3 Zvinhu zvatakanzwa uye zvatinoziva,
Zvatakarondedzerwa nemadzibaba edu,+
4 Hatizozvivanziri vanakomana vavo;
Ticharondedzera kuchizvarwa chichauya+
Mabasa akakodzera kurumbidzwa aJehovha uye simba rake,+
Zvinhu zvinoshamisa zvaakaita.+
5 Akaisa chiyeuchidzo muna Jakobho
Uye akagadza mutemo muna Israeri;
Akarayira madzitateguru edu
Kuti aite kuti vana vawo vazive zvinhu izvi,+
6 Kuti chizvarwa chinotevera,
Vana vachazoberekwa, vazvizive.+
Ivowo vozozvirondedzera kuvana vavo.+
7 Ava vanobva vavimba naMwari.
8 Havazoiti semadzitateguru avo,
Chizvarwa chakanga chakaoma musoro uye chaipanduka,+
Chizvarwa chakanga chiine mwoyo usina kudzikama+
Uye chakanga chisina kutendeka kuna Mwari.
9 VaEfremu vakanga vakapakata uta,
Asi pazuva rehondo vakatiza.
17 Asi vakaramba vachimutadzira
Nekupandukira Wekumusorosoro mugwenga;+
18 Vakaedza Mwari mumwoyo mavo+
Vachimuudza kuti avape zvekudya zvavaida.*
“Angagona kutipawo chingwa here,
Kana kuti angagona kupa vanhu vake nyama here?”+
21 Jehovha paakavanzwa, akashatirwa kwazvo;+
Moto+ wakabvira ukapisa Jakobho,
Uye akatsamwira Israeri kwazvo+
22 Nekuti havana kutenda muna Mwari;+
Havana kuvimba kuti aikwanisa kuvaponesa.
23 Saka akarayira makore ari mudenga kumusoro,
Akavhura masuo ekudenga.
26 Akasimudza mhepo yekumabvazuva kumatenga
Uye simba rake rakaita kuti mhepo yekumaodzanyemba ivhuvhute.+
27 Uye akavanayisira nyama yakawanda seguruva,
Shiri dzakawanda sejecha regungwa.
28 Akaita kuti zvidonhere mumusasa wake,
Zvakapoteredza matende ake.
30 Asi nhomba yavo yenyama isati yatombopera,
Zvekudya zvavo zvichiri mumuromo mavo,
Akauraya varume vavo vakasimba;+
Akawisira pasi majaya aIsraeri.
33 Saka akagumisa mazuva avo semhepowo zvayo inofemwa,+
Uye akagumisa makore avo nezvinhu zvinotyisa zvakavawira vasingafungiri.
34 Asi pese paaivauraya, ivo vaimutsvaga;+
Vaibva vadzoka, votsvaga Mwari,
36 Asi vakaedza kumunyengedza nemuromo wavo
Uye vakamunyepera nerurimi rwavo.
Aiwanzozvidzora pakushatirwa kwake+
Pane kuvaratidza hasha dzake dzese.
42 Havana kuyeuka simba rake,*
Zuva raakavanunura* pamhandu,+
43 Maratidziro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti+
Uye zvishamiso zvake munharaunda yeZoani,
44 Uye machinjiro aakaita migero yaNire kuita ropa+
Zvekuti vaisagona kunwa mvura inobva muhova dzavo.
46 Akapa zvirimwa zvavo kumhashu dzinodya dzisingasiye chinhu,
Zvavakashandira zvakadyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda.+
49 Akavarova nehasha dzake huru,
Nekushatirwa nekutsamwa nekutambudzika,
Zvikwata zvengirozi zvichiunza matambudziko.
50 Akavhurira hasha dzake nzira.
Haana kuvasiya vari vapenyu;
Uye akaita kuti vawirwe nedenda.
51 Akazopedzisira nekuuraya matangwe ese eIjipiti,+
Kutanga kwesimba ravo rekubereka mumatende aHamu.
55 Akadzinga marudzi pamberi pavo;+
Akavagovanisa nhaka achishandisa tambo yekuyeresa;+
Akagarisa madzinza aIsraeri mumisha yawo.+
56 Asi vakaramba vachiedza Mwari Wekumusorosoro uye vachimupandukira;+
Havana kuchengeta zviyeuchidzo zvake.+
57 Naivowo vakatsauka uye vainyengera semadzitateguru avo.+
Vakanga vakaita seuta hwakadhamba husingagoni kuvimbwa nahwo.+
67 Akaramba tende raJosefa;
Haana kusarudza dzinza raEfremu.
69 Akaita kuti nzvimbo yake tsvene irambe iripo sematenga,*+
Senyika, iyo yaakasimbisa nekusingaperi.+