PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 25
“Rambai Makarinda”
Kunyange zvazvo Jesu aireva vateveri vake vakazodzwa paakataura mufananidzo wemhandara gumi, zvidzidzo zvacho zvinobatsira vaKristu vese. (w15 3/15 12-16) “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.” (Mt 25:13) Unogona kutsanangura zvinorehwa nemufananidzo waJesu here?
Muroori (vs. 1)—Jesu
Mhandara dzakangwara, dzakagadzirira (vs. 2)—VaKristu vakazodzwa vanoramba vachiita basa ravo vakatendeka uye vachipenya sezvinhu zvinovheneka kusvikira kumugumo (VaF 2:15)
Kushevedzera: “Heuno muroori!” (vs. 6)—Chiratidzo chekuti Jesu asvika
Mhandara dzakapusa (vs. 8)—VaKristu vakazodzwa vanoenda kunochingura Muroori asi votadza kuramba vakarinda uye vakatendeka
Mhandara dzakangwara dzinoramba nemafuta adzo (vs. 9)—Kana vakazodzwa vakatendeka vaiswa chisimbiso chekupedzisira, havazokwanisi kubatsira vasina kutendeka nekuti nguva inenge yapera
“Muroori akasvika” (vs. 10)—Jesu anouya kuzotonga vanhu kutambudzika kukuru kwava kupera
Mhandara dzakangwara dzinopinda mumutambo wemuchato nemuroori uye suo rinovharwa (vs. 10)—Jesu anounganidza vakazodzwa vakatendeka oenda navo kudenga, asi vasina kutendeka vanorasikirwa nemubayiro wavo wekuenda kudenga