Kirasi Yechi132 Inopedza Kudzidza kuGiriyedhi
Vanhu Vanotsigira Chokwadi Zvakasimba
MUSI wa10 March, 2012 waiva zuva rinokosha kuEducational Center yeZvapupu zvaJehovha kuPatterson, iri muNew York. Zviuru zvevanhu vainge vakapfeka zvakanaka, vaisanganisira vaenzi vaibva kune dzimwe nyika vaiuya kuzopinda musangano wokupedza kudzidza kwekirasi yechi132 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Vanhu vakawanda vakaungana kuPatterson, uye vamwe vakaungana kunzvimbo dzavaiona purogiramu yacho paterevhizheni. Saka purogiramu yacho yakapindwa nevanhu 9 042.
Vanhu vakanga vazara nemanyuku-nyuku. Vaipedza kudzidza vakanga vakasiyana nevakambopinda chikoro chacho pakuti vose zvavo vakambenge vari vashumiri venguva yakazara. Vamwe vaiva vashandi vepaBheteri, mapiyona chaiwo, vatariri vanofambira uye mamishinari asina kumbobvira apinda chikoro cheGiriyedhi. Vadzidzi vane ruzivo ava vaizodzidziswa nezvei?
Nguva yakanga yatosvika yokuti vateereri vanzwe nyaya yacho. Hama Gerrit Lösch avo vari nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha vakapa hurukuro yokutanga sezvo vaiva sachigaro wepurogiramu yacho. Vakabvunza mubvunzo unotokonya pfungwa unoti, “Unotsigira Chokwadi Here?” Hama Lösch vakatsanangura kuti vaKristu vanotsigira chokwadi, kureva dzidziso dzose dzechiKristu. Kutsigira chokwadi hakusi kungochidzidzisa vanhu chete, asi kunosanganisira kuvaita kuti vade chokwadi chacho.
Hama Lösch vakabvunza kuti, “Tinoziva sei kuti ndisu tine chokwadi?” Vakati uchapupu hwacho haubvi pakuti vangani vanobvuma zvatinodzidzisa. Kunyange zvazvo iye zvino paine mamiriyoni evanhu vakatendeukira mukunamata kwakachena, pakaitwa Pendekosti ya33 C.E. paingova nevanhu vashomanana. Vakataura zvinhu zvishanu zvinotevera zvinoratidza kuti ndisu tine chokwadi: (1) Tinoramba tichiita zvakadzidziswa naJesu, (2) tinoratidzirana rudo, (3) tinoteerera mitemo yaMwari yakakwirira panyaya dzetsika, (4) hatipindire pakukakavadzana kunoitwa munyika, uye (5) takasarudzwa naMwari kuti tidanwe nezita rake.
“Ramba Uchiteerera Zvaunorayirwa”
Vateereri vakanga vatarisira kuti chii chaizotevera sezvo Hama Geoffrey Jackson veDare Rinodzora vakatanga kufamba vakadekara zvavo vachienda pachikuva vaine sutukezi. Musoro wehurukuro yavo uyo wakatorwa pana Isaya 50:5, waiti: “Ramba Uchiteerera Zvaunorayirwa.” Mashoko acho anoprofita zvaizoitwa naJesu achiti: “Ini ndakanga ndisingapandukiri. Handina kufuratira.”
Hama Jackson vakakurudzira vadzidzi kuti vasanonoka kuita zvavanenge vaudzwa naJehovha achishandisa mudzimu wake mutsvene, Bhaibheri, uye sangano rake. Mumufananidzo wematarenda uri pana Mateu 25:14-30, tingangoti varanda vanotaurwa imomo vakawana zvakaenzana nokuti mumwe nomumwe akapiwa zvaienderana nezvaaigona. Vaitarisirwa kuti vaite zvavanokwanisa. Varanda vaviri vakarumbidzwa uye mumwe nomumwe akanzi “muranda akanaka uye akatendeka.” Kutendeka hakunganzi kunoyerwa nezvinenge zvabuda, asi kunoonekwa nokuramba uchiteerera zvaunorayirwa.
Muranda wechitatu akanzi “muranda akaipa uye ane usimbe” uye “muranda pasina.” Dambudziko rake raiva rei? Akafushira tarenda rake muvhu. Tarenda rakanga risiri mari yesimbi asi raiva chinhu chairema kuenzana nemadhinari 6 000 ayo aigona kurema makirogiramu 20. Mazuva ano uhwu ndihwo uremu hwezvinhu zvingabvumirwa kuti munhu afambe nazvo musutukezi kana achienda kune imwe nyika. Paitoda kushanda nesimba kuti munhu afushire chinhu chakakura sesutukezi. Saka muranda wechitatu paakafushira tarenda muvhu, aiita zvimwewo zvaasina kuudzwa. Saizvozvowo mumishinari angashingaira chaizvo achiita zvimwewo zvinhu. Angaswera achinyorerana tsamba nehama neshamwari, achivhura-vhura Indaneti, achitandara kana kuita zvebhizimisi. Munhu akadaro anganeta chaizvo nokuita zvinhu izvi, asi anenge asina kuita zvaakarayirwa. Hama Jackson vakapedzisa vachiti: “Garai muchiteerera zvamunenge marayirwa!”
“Dzivisa Kusava Nechokwadi”
Uyu ndiwo waiva musoro wakakurukurwa naHama Anthony Morris veDare Rinodzora. “Bhaibheri rinoratidza kuti kutenda hakutombodyidzani zvachose nokusava nechokwadi,” vakadaro Hama Morris. “Kutenda kunobvisa kusava nechokwadi.” Satani akabudirira pakuita kuti mukadzi akanga asina zvivi Evha asava nechokwadi, saka anogona kuitawo kuti isu tidaro. “Kana mukasimbisa kutenda kwenyu, kusava nechokwadi kunonyangarika,” vakadaro Hama Morris. Vakataura nhoroondo yaPetro ‘paakafamba pamusoro pemvura,’ akazotya ‘paakatarira dutu’ ndokutanga kunyura. Jesu akamubata, achibva amubvunza kuti: “Nei usina kuva nechokwadi?” (Mateu 14:29-31) “Imi mamishinari pamucharamba makabatikana mubasa renguva yakazara, vamwe vangayemura zvose zvamunoita, sokunge kuti muri kufamba pamusoro pemvura, asi panouya matambudziko, regai kusava nechokwadi.”
Hama Morris vakaenderera mberi vachitaura kuti nguva dzakaita sedutu dzinogona kuoma chaizvo asi nokufamba kwenguva dutu racho rinopera. Panyaya iyi, vakakurudzira vadzidzi kuti vafunge zvakaitwa naPauro naSirasi pavakanga vakasungwa muFiripi. Mabasa 16:25 inoti: “Panenge pakati pousiku Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera vachirumbidza Mwari norwiyo; chokwadi, vamwe vasungwa vakanga vachivanzwa.” Onai kuti havana kungonyengetera chete asi vakaimba. Vaiimba nemanzwi aiva pamusoro zvokuti vamwe vasungwa vaivanzwa. Hama Morris vakataura kuti vakawanda vedu hatina manzwi okuimba asi hatifaniri kunyara kuimba, kunyanya patinenge tiri panguva dzakaoma. Vakazopedzisa nokuverenga mashoko eRwiyo nhamba 135 rwunoti “Kutsungirira Kusvika Kumugumo,” rwuri mubhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha.
Dzimwe Hurukuro Dzaikurudzira
“Uchada Mazuva Akakwana Here?” Uyu ndiwo waiva musoro wehurukuro yakapiwa naHama Robert Luccioni veDhipatimendi Rezvokutenga. Musoro uyu wakatorwa pamashoko aMambo Dhavhidhi ari pana Pisarema 34:12. Hurukuro iyi yaitaura kuti munhu angaramba sei aine ukama hwakanaka naJehovha kana asangana nematambudziko. Tinogona kudzidza zvakawanda munhoroondo iri muna Samueri Wokutanga chitsauko 30. Pavaitiza Mambo Sauro, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo nemhuri dzavo vakapotera kuZikragi. Mhuri dzavo padzakapambwa nevaAmareki, varume vaDhavhidhi vakatanga kumupomera mhosva uye vaida kumutema nematombo. Dhavhidhi akaita sei? Haana kuora mwoyo asi “akazvisimbisa naJehovha Mwari wake.” (1 Samueri 30:6) Akabvunza Jehovha, ndokuita zvaakaudzwa, achibva anunura vanhu vacho vakanga vapambwa. Hama Luccioni vakaudza vadzidzi kuti kana vakavimba naJehovha saizvozvo voteerera zvaanovaudza, vachada mazuva akakwana kuti vaone zvakanaka. Vachanakidzwa noupenyu muropafadzo inokosha yavapiwa.
“Funga Nezvenguva Dzakanaka Dzichauya Kana Usiku Hwapfuura.” Uyu ndiwo waiva musoro wehurukuro yaHama Michael Burnett, mumwe wevarayiridzi veChikoro cheGiriyedhi. VaIsraeri vaikamura usiku kuita nguva nhatu dzokurinda, imwe neimwe yakareba maawa mana. Nguva yokurinda yokupedzisira yaitanga na2:00 dzousiku kusvika na6:00 dzemangwanani. Nguva iyi yaiva nerima rakanyanya, yaitonhora chaizvo uye murindi ndipo paainyanya kukurirwa nehope. Munyori wepisarema aifunga zvakadzama mashoko aJehovha kuitira kuti asarara panguva iyi yokurinda. (Pisarema 119:148) Hama Burnett vakaudza vadzidzi kuti “Munofanira kurinda. Muchasangana nematambudziko akaita seakasangana nemunyori wepisarema paairinda usiku. Munofanira kufanoronga kuti muchaitei kana mazosangana nematambudziko.” Vakayeuchidza vadzidzi kuti varambe vachidzidza nyaya dzakadzama dzeBhaibheri kuitira kuti vasarara pakunamata. Hama Burnett vakasimbisa pfungwa iyi vachiti: “Zuva nezuva munonyengetera kuna Jehovha nokuti munoda kuti ave shamwari yenyu. Saka itai kuti Jehovha ataure nemi seshamwari yenyu zuva nezuva achishandisa Bhaibheri. Usiku hwafamba, saka rongai kuti muchaita sei noupenyu hwenyu uye mukadaro mucharamba muchifunga nezvenguva dzakanaka dzichauya kana usiku hwapfuura.”
“Kurovedzwa Kuti Muite Basa Riri Mberi.” Mashoko aya akatorwa pana 1 Petro 5:10, ndiwo aiva musoro wehurukuro yaHama Mark Noumair, mumwe wevarayiridzi veGiriyedhi. Vakabvunza vadzidzi kuti: “Zvamutori vashumiri vagara nebasa, sei makadaidzwa kuWatchtower Educational Center?” Mhinduro yacho yaiva yokuti: “Nokuti mune ruzivo pabasa renyu. Vakawanda vane ruzivo pamabasa vanomboenda pazororo kuti vanoita zvidzidzo zvokukwenenzvera unyanzvi hwavo. Mumwedzi mishanu yapfuura, Jehovha anga achiita kuti muve “vakatsiga” uye “vakasimba” nokudzidza zvakadzama kwamanga muchiita Shoko rake nesangano rake kuitira kuti mukwanise kuita mabasa akakura ari mberi. Kana matanda akasimba akaiswa paimba, haatepuki kana kutyoka. Kubudirira kwenyu pane zvamakadzidza kuchaonekwa pamashandiro amuchanoita nehama nehanzvadzi dzenyu. Matambudziko amuchasangana nawo achaita kuti murege kuteerera zvinodiwa naMwari here kana kuti mucharamba muchiita zvamakadzidza muShoko rake? Chinhu chakasimba chinogona kutakura mutoro unorema. Kuti danda ritakure zvinorema, zvinobva pakusimba kwarakaita nechomukati. Kusimba kwenyu kunobva pane zvamuri nechomukati. Jehovha akakudaidzai kuno kuti akusimbisei uye kuti muzogona kuita basa riri mberi makavimbika uye makatendeka. Mwari akaita basa rake, saka tine tarisiro yakasimba yokuti muchaitawo renyu moita kuti ‘Murayiridzi wenyu Mukuru’ apedzise kurovedzwa kwenyu.”
Kubvunzurudzwa Uye Kurondedzera Zvakaitika
Zvagara zvichinakidza kunzwa vadzidzi vanenge vapedza kudzidza kuGiriyedhi vachirondedzera zvakaitika. Ndizvo zvakaitikawo pamusangano uyu. Pachimwe chikamu chepurogiramu, vadzidzi vakaenzanisira zvakaitika pavaiparidza. Somuenzaniso, mumwe murume nomudzimai vanotaura chiFrench vakamira panhandare yendege kwemaawa matanhatu pavaienda kuChikoro cheGiriyedhi. Vakatanga kukurukura neChirungu nevamwe varume vaviri vakanga vakamirirawo ndege vari muresitorendi yepanhandare yacho. Mumwe murume wacho paakataura kuti aibva kuMalawi, vakatanga kutaura naye neChichewa. Akashamisika akavabvunza kuti vakadzidza sei mutauro wake. Vakamutsanangurira kuti vaiva mamishinari kuMalawi. Murume wechipiri paakati aibva kuCameroon, vakabva vatanga kutaura naye nechiFrench uye akashamisika chaizvo. Varume vacho vaiyemura Zvapupu zvaJehovha uye mamishinari acho akavaparidzira.
Hama Nicholas Ahladis, veDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri vakabvunzurudza mhuri mbiri. Imwe mhuri yakatama kubva kuAustralia kuenda kunoita basa roumishinari kunyika yakasakadzwa nehondo yeEast Timor. Imwe mhuri yakabva kuKorea kuti inoshumira kuHong Kong. Mhuri idzi dzose dziri mbiri dzaida chaizvo kudzokera kunyika idzi kuti vanoshandisa zvavakanga vadzidza.
Mushure mokunge vadzidzi vapiwa zvitupa zvavo, mumwe wavo akaverenga tsamba yakanyorwa nevadzidzi vachitenda kudzidziswa kwavakaitwa. Zvadaro Hama Lösch, vakataura zvirungamutauro zvainakidza mumashoko avo okupedzisira, vachiti chokwadi chakanaka semuraraungu, sechitubu chiri mugwenga uye sechinhu chinotsigisa chikepe mugungwa rine dutu. “Iropafadzo yakakura kuziva chokwadi,” vakadaro Hama Lösch. “Tsigirai chokwadi zvakasimba, mobatsirawo vamwe kuti vadaro.”
[Chati/Mepu iri papeji 31]
ZVAKAITA KIRASI YACHO
12 nyika dzavanobva
36 avhareji yezera
20 avhareji yemakore kubvira pakubhabhatidzwa
15 avhareji yemakore omuushumiri hwenguva yakazara
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Vaiva mukirasi yacho vakaendeswa kunyika dziri pasi apa:
NYIKA DZAVAKATUMIRWA
BELIZE
BENIN
CAMBODIA
CAMEROON
CAPE VERDE
CÔTE D’IVOIRE
DOMINICAN REPUBLIC
EAST TIMOR
ECUADOR
GABON
GEORGIA
GUINEA
HONG KONG
LIBERIA
MADAGASCAR
MALAWI
PERU
SAMOA
SÃO TOMÉ AND PRÍNCIPE
UNITED STATES OF AMERICA
ZIMBABWE
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kirasi Yechi132 Yechikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi Inopedza Kudzidza
Pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi ichidzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.
(1) Iap, R.; Iap, J.; Ng, T.; Ng, P.; Laurino, F.; Laurino, B.; Won, S.; Won, S.
(2) Morales, N.; Morales, M.; Zanutto, J.; Zanutto, M.; Rumph, I.; Rumph, J.; Germain, D.; Germain, N.
(3) Atchadé, Y.; Atchadé, Y.; Thomas, C.; Thomas, E.; Estigène, C.; Estigène, P.
(4) Ehrman, D.; Ehrman, A.; Bray, J.; Bray, A.; Amorim, M.; Amorim, D.; Seo, Y.; Seo, Y.
(5) Simon, J.; Simon, C.; Seale, C.; Seale, D.; Erickson, J.; Erickson, R.
(6) McCluskey, D.; McCluskey, T.; Brown, A.; Brown, V.; Mariano, D.; Mariano, C.; Loyola, Y.; Loyola, C.
(7) Rutgers, P.; Rutgers, N.; Foucault, P.; Foucault, C.; Wunjah, J.; Wunjah, E.