Kuramba Takarongeka Nokuda Kwokupukunyuka Ndokupinda Mumireniyumu
“Richava boka rimwe nomufudzi mumwe.”—JOHANE 10:16.
1. Kuna Mwari mupenyu nguva dzose, makore ane chiuru akafanana nechii?
JEHOVHA ndiye Musiki wenguva yorudzi rwomunhu. Uye kwaari, Mwari asingafi uyo anobva kukusingaperi kusvikira kusingaperi, makore ane chiuru akangofanana zvawo nezuva rinopfuura nokukurumidza kana kuti kunyange nhambowo zvayo yokurinda mukati mohumwe hwousiku hwedu.—Pisarema 90:4; 2 Petro 3:8.
2. Inhamboi yenguva yakatsaura Jehovha yokukomborera rudzi rwose rwomunhu?
2 Mwari akagadza zuva rokufananidzira ramakore ane chiuru mukati maro iye achakomborera mhuri dzose dzapasi. (Genesi 12:3; 22:17, 18; Mabasa 17:31) Ikoku kunobatanidza avo zvino vakafa naavo vachiri vapenyu. Mwari achaita seiko ikoku? Chokwadi, kupfurikidza noUmambo Hwake hunodzorwa naJesu Kristu, “mbeu” yomukadzi Wake wokufananidzira!—Genesi 3:15, NW.
3. (a) Chitsitsinho cheMbeu yomukadzi waMwari chakapwanywa sei, asi ronda iroro rakaporeswa sei? (b) Pamugumo woKutonga kwaJesu Kristu kwaMakore Ane Chiuru, chii chaachaita kunyoka yokufananidzira?
3 Chitsitsinho chokufananidzira cheMbeu yomukadzi waMwari (kana kuti sangano rokudenga) chakapwanywa apo Jesu Kristu akatambura rufu rwomufiri kutendeka ndokuramba akafa kwamativi amazuva matatu mugore ra 33 reNguva yedu yaVose. Asi pazuva rechitatu, Mwari Wamasimba ose, Mupi woUpenyu Mukuru, akaporesa ronda iroro kupfurikidza nokumutsira Mwanakomana wake akavimbika kuupenyu husingafi munzvimbo yemidzimu. (1 Petro 3:18) Sezvo Jesu asati achizotongofazve, iye anokwanisa kutonga saMambo parudzi rwavanhu kwamakore ane chiuru noku“pwanya” musoro wenyoka yokufananidzira, achimuparadzanya pashure pomugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru. Ichecho chichava chikomborero chakadini nokuda kworudzi rwomunhu rwakatendeka runodzorerwa!
4. Rudzii rwegadziriro rwave rwuchiita Mwari navanhu vake?
4 Kuronga kwakawanda kwave kuchiitika pakati pavanhu vaJehovha mupasi rose mukati meiyi “mhedziso yetsika yezvinhu” chibviro chomugumo weNguva dzaVamarudzi muna 1914. (Mateo 24:3; Ruka 21:24, King James Version) Iyi gadziriro yesangano iri pamberi peMireniyumu iri kupfuuridzirwa mutsinhirano nokuda uye munhungamiro yoMurongi Mukuru, Jehovha Mwari. Kupfurikidza nomukadzi wake, sangano rake rokudenga rakafanana nomudzimai, kuberekwa kwoUmambo hwake hwakapikirwa hunodzorwa naJesu kwakaitika muna 1914, sezvinosimbiswa nezadziko youporofita hweBhaibheri.
5. Kuberekwa kwechii kwakadeya kutaurwa pana Zvakazarurwa 12:5, uye ikoku kwakatanga kutsanangurwa rini muThe Watch Tower?
5 Nokudaro awa mashoko aZvakazarurwa 12:5 akazadzikwa zvine mbiri: “Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe.” Kuberekwa kwoUmambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu, sohunofananidzirwa nomwana achangobva kuberekwa womukadzi waMwari, kwakatanga kutsanangurwa muThe Watch Tower yaMarch 1, 1925. Kuberekwa kwoUmambo ihwohwu hwaMesia mudenga muna 1914 kwakasiana nokuberekwa kwo“rudzi” rwa‘vana’ veZioni pasi pano muna 1919.—Isaya 66:7, 8.
6. (a) Kuberekwa kwaMambo kwakaraira basai rakadeya kutaurwa naJesu? (b) Kuita iri basa kwakadei kuvanhu vaJehovha, uye rudzii rwechitarisiko rwavanopa zvino?
6 Kuberekwa kwoUmambo hwaJehovha uhwo achareverera nahwo huchangamire hwake huna maruramiro pamusoro penyika yose—aa, pano pakanga pane chimwe chinhu chaifanirwa nokuziviswa mupasi rose! Uye ino yakanga iri nguva yezadziko yaawa mashoko aJesu pamusoro pezvibvumikiso zvo“kuvapo” kwake kusingaoneki: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:3, 14, NW) Kuparidzira zvakabatana, kune tsinhirano pamwero wamarudzi ose, wepasi rose zvamazvirokwazvo kwaizoda kuronga rutivi runooneka rwesangano renyika yose raJehovha. Watch Tower Bible and Tract Society, seyakamirirwa napurezidhendi wayo wapanguva iyeyo, J. F. Rutherford, yaida ikoku. Naizvozvo, kuvambira mugore rapashure pehondo ra 1919, kurongwa kwavatsigiri vakavimbika veSosaiti sorudzi rwakadzorerwa kwakapfuurira nenzira yokutsunga, neminyengetero nokuda kwenhungamiro nechikomborero choMurongi Mukurusa, Jehovha Mwari. Mukutarisana neHondo yeNyika II, pasinei zvapo nechishoro chakakasharara chakaitwa navaFascist, sangano raHitler reNazi, uye Chiito cheKaturike, Zvapupu zvaJehovha mupasi rose zvakapa chimiro chakabatana kunyika muvengi.
7. (a) Vanhu vaJehovha vanokarira kupukunyuka dambudziko guru kupfurikidza bedzi nokurambira muukamai nomumwe nomumwe? (b) Vapukunyuki vaMafashamo vakapfuura sei Boporodzi rapasi rose, uye ivo vakadeya kufananidzira ani?
7 Zvapupu zvaJehovha bedzi, avo vavakasarira vakazodzwa ne“boka guru,” sesangano rakabatana pasi pedziviriro yoMurongi Mukurusa, zvine tariro yapaMagwaro yokupukunyuka mugumo uri kuswedera pedyo wetsika ino yakashurikidzwa inotongwa naSatani Dhiabhorosi. (Zvakazarurwa 7:9-17; 2 VaKorinte 4:4) Ivo vachaumba “nyama” iyo Jesu Kristu akati yaizoponeswa mudambudziko rakaipisisa renhau yose yavanhu. Sezvakwakanga kwakaita mumazuva aNoa, akadaro Jesu, ndozvakwaizoitawo muzuva apo Iye aizoziviswa. Mukati meareka iyo yatora makore akawanda enhamburiko yakarongwa kupedza, mweya misere bedzi yavanhu yakapukunyuka Boporodzi renyika rapasi rose. Ivo vakapukunyuka seboka remhuri rakabatana. (Mateo 24:22, 37-39; Ruka 17:26-30) Mudzimai waNoa anowirirana nomwenga waKristu, uye vanakomana vake navaroora na“mamwe makwai” omuzuva razvino aJesu, avo vakakura kuva boka guru rinowedzera, ukuru hwaro hwokupedzisira mativi okupedzisira aro tisingazivi zvino. (Johane 10:16) Nokuda kwokupukunyuka ndokupinda Mumireniyumu pasi paNoa Mukuru, Jesu Kristu, ivo vanofanira kuramba vakarongeka navakasarira vakazodzwa, “vakasarudzwa” avo “dambudziko guru” richapfupikiswa nokuda kwavo.—Mateo 24:21, 22, NW.
Kupukunyuka Ndokupinda Mumireniyumu
8. Mukupfiga uporofita hwake pamusoro pokuvapo kwake, muenzanisiroi wakapa Jesu, uye musi waJune 1, 1935, waikosha sei pamusoro pokuunzwisisa?
8 Mukuwirirana neEvhangeri yaMateo, Jesu akapfiga uporofita hwake pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake nomuenzanisiro. Unowanzonzi mufananidzo wamakwai nembudzi, iwo unoshanda zvino, mukati memhedziso yetsika ino yezvinhu, iyo yakavamba pamugumo peNguva dzaVamarudzi muna 1914. (Mateo 25:31-46) Musi weChitanhatu, June 1, 1935, wakanga uchikosha pamusoro pokunzwisisa kuzivikanwa kwamakwai ouyu mufananidzo semitezo yeboka guru. Pazuva iroro, pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., vanhu 840 vakabhapatidzwa muratidzirwo yetsauriro yavo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza naJesu Kristu. Voruzhinji vaivava vakaita ichi chiito mumhinduro yokukurumidza kuhurukuro pamusoro paZvakazarurwa 7:9-17 yakakurukurwa naJ. F. Rutherford. Chakanga chiri chishuvo chavo kuva rutivi rweboka guru ramamwe makwai oMufudzi Akaisvonaka, vachiva nebanza rokupukunyuka dambudziko guru riri kuuya nerokurarama vachipfuura chaizvo mugumo wetsika ino ndokupfuurira kupinda muKutonga kweMireniyumu kwoMufudzi Mambo, Jesu Kristu. Pakupedzisira, ivo vanosvika kuupenyu husingaperi muparadhiso yapasi.—Mateo 25:46; Ruka 23:43.
9. Neiko makwai achikokwa kuti agare nhaka “umambo hwaka[va]gadzirirwa,” uye iwo ari munzvimbo yakaisvonakisisa sei yokuita zvakanaka kuhama dzaMambo?
9 Neiko ava vakafanana namakwai vachikokwa kuti “vagare nhaka umambo hwaka[va]gadzirirwa kuvambira pakuvambwa kwenyika”? Mambo anovaudza kuti imhaka yokuti ivo vakaita zvakanaka ku“hama” dzake, uye nomutoo iwoyo vakakuita kwaari. Kupfurikidza nokutaura kuti “hama,” Mambo anoreva vakasarira vehama dzake dzomudzimu vachiri pasi pano mumhedziso ino yetsika yezvinhu. Vachinge vava boka rimwe neidzi hama dzoMufudzi Mambo, Jesu Kristu, ivo vaizoramba vari musonganirano inobvira yapedyosa navakasarira vakadaro uye nokudaro vaizova munzvimbo yakaisvonaka yokuita zvakanaka kwavari. Kunyange munzira dzokunyama, ivo vaizobetsera hama dzaJesu kuparidzira shoko roUmambo hwakagadzwa munyika yose mugumo usati wasvika. Muna ikoku, makwai aizokoshesa ropafadzo yawo yokuramba akarongeka navakasarira seboka rimwe roMufudzi mumwe.
10. Kuti a“gare nhaka umambo hwaka[va]gadzirirwa kuvambira pakuvambwa kwenyika” kunorevei?
10 Kugara nhaka “umambo hwaka[va]gadzirirwa” hakurevi kuti aya makwai achatonga naJesu Kristu nehama dzake mudenga kwamakore ane chiuru. Panzvimbo pezvo, kuvambira chaizvo pamavambo eMireniyumu, makwai achagara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo. Sezvo ivo vari vazukuru vaAdhama naEvha, iyi nzvimbo yapasi iyo Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu huchadzora yakavagadzirirwa “kuvambira pakuvambwa kwenyika” yorudzi rwomunhu rwunodzikinurika. Kupfuurirazve, sezvo makwai achiva vana vapasi vaMambo, uyo anova “Baba Vasingagumi” vavo, ivo vanogara nhaka nzvimbo yapasi, kana kuti mugariro, muUmambo hwaMwari.—Isaya 9:6, 7, NW.
11. Makwai anoratidza sei kuti anotsigira Umambo, uye nemhaka yaikoku, chikomboreroi chiri chavo?
11 Mukupesana nembudzi dzokufananidzira, vakafanana namakwai vanoratidza nenzira yakajeka kuti ivo vanotsigira Umambo. Seiko? Namabasa, kwete mashokowo zvawo. Nemhaka yokusaoneka kwaMambo mumatenga, ivo havagoni kuita zvakanaka nomutoo wakananga kwaari mukutsigirwa kwoUmambo hwake. Naizvozvo ivo vanoita zvakanaka kuhama dzake dzomudzimu dzichiri pasi pano. Kunyange zvazvo ikoku kuchiunza ruvengo, chishoro, uye chitambudzo chinobva kumbudzi, nokuda kwokuitwa kwakadaro kwezvakanaka, makwai anoudzwa naMambo kuti iwo ‘anokomborerwa naBaba vake.’
12. Ndivanaani avo makwai anopukunyuka acharopafadzwa kugamuchira vachidzoka, uye muna ikoku mufungoi uyo mitezo yavakasarira yakava nawo?
12 Boka guru ravabetserwi vakafanana namakwai vehama dzomudzimu dzaMambo richakomborerwa neropafadzo inofadza yokupukunyuka ndokupinda muMireniyumu. Munguva yakafanira, ivo vachagoverana mukugamuchira vachidzoka vakafa vavanhu avo vari mumakuva echirangaridzo. (Johane 5:28, 29; 11:23-25) Ivava vachabatanidza madzitateguru akatendeka navaporofita avo vakatambura ndokutsungirira zvakawanda nokuda kwokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kuti vago“wana rumuko rwuri nani,” sezvinobvira rwokukurumidza. (VaHebheru 11:35, NW) Varume navakadzi vanomutswa vakadaro vokutenda, vakarongwa murutivi muna VaHebheru ganhuro 11, vaizobatanidza Johane Mubhapatidzi. (Mateo 11:11) Vamwe vavakasarira vakazodzwa vakafunga nezvokupukunyuka nokupfuurira kurarama kuti vagamuchire vachidzoka vakatendeka vanomutswa vakadaro avo vakafa pamberi pePentekosta ya 33 N.V. Ko vakazodzwa vachanzarwozvo kuropafadzwa here?
13. Neiko kusati kuri kwaizova madikanwa kuti vakasarira vagovapo vagamuchire ndokutarisira avo vanomutswa pasi pano?
13 Ikoku hakusati kwaizova kuri madikanwa. Boka guru ravapukunyuki vedambudziko guru richavapo muzviverengero zvakakwana kuti vatarisire mugariro wacho nokurovedzanisa vanomutswa ne“pasi idzva” pasi pa“matenga matsva.” (2 Petro 3:13, NW) Kunyange zvino, boka guru riri kurongwa nokuda kwaikoku. Nhasi, apo hama dzomudzimu dzaJesu dziri pasi pano sezvinoshumwa dzichisvika pasi pe 9 000, vapukunyuki vanobva pakati pavo muchinoitika chipi nechipi vaizova vashoma zvikuru zvokusagona kutarisira basa rose rokugadzirira rinotungamirira kurumuko rwavose. (Ezekieri 39:8-16) Pano, ipapoka, ndipo apo boka guru, rine chiverengero chinosvika mumamirioni, richabatira nenzira yakaisvonaka. Uye ropafadzo yakadaro nenzira isingapanikirwi yakavachengeterwa.
14. (a) Vazhinji veboka guru vari kurovedzwa nokuda kwechii, uye neiko chiverengero chakati chavo zvino chichifanira kutora mutoro? (b) Ndizvinoitikai zvinofanira kukurumidza kuitika, uye ibasai rakamirira mamwe makwai?
14 Vazhinji veboka guru vava kutorovedzwa mumitoro yeungano uye kupfurikidza negadziriro dzokuvaka idzo sangano raMwari riri kuitisa mupasi rose. Uye kunokurudzira kuona varume vakakura mumudzimu vokuwedzera veboka guru vachigoverwa kugamuchira mutoro mukuru musangano iro Jehovha zvino ari kushandisa pasi pano. Vakasara vavakazodzwa vava kukwegura uye vanokwanisa zvishoma kutakura mutoro. Idzi hama dzaMambo dzinofarira betsero yorudo yesangano iyo vakuru navabatiri vanoshumira vakakwaniriswa mumudzimu vamamwe makwai vanokwanisa kupa. Nokukurumidza zvikuru, Bhabhironi Guru richabviswa papasi. Ipapo, sezvinoratidzira Zvakazarurwa 19:1-8, roorano yeGwaiana nomwenga waro wavane 144 000 vose ichagumiswa mumatenga uye mamwe makwai, achibatira sepasi idzva pasi pamatenga matsva, achamirira Mambo mukupfuuridzira mberi basa rakaisvonaka rokudzorera kutozosvikira pasi rose rava paradhiso inogarwa kurumbidzwo yaJehovha.—Isaya 65:17; enzanisa Isaya 61:4-6.
15. Ikariroi dzinokarira boka guru nokuda kweMireniyumu?
15 Mukati moKutonga kweMireniyumu kwaKristu, apo vakafa vakadzikinurwa vorudzi rwomunhu vanomutswa, boka guru rinopukunyuka richafarikanya maropafadzo makuru neanokudzwa zvikurusa. Ivo panguva iyeyo vachava vanakomana navanasikana vaMambo. Kuchava kunobvirira vanakomana vakadaro vari pakati pavo kuva nenzvimbo yamachinda, kunyange sezvo vanakomana vaMambo Dhavhidhi vaiva machinda ane mitoro yakasiana-siana.a Ikoku kunotiyeuchidza nezvePisarema 45, rakaumbwa nenongedzero kuna “mambo” akazodzwa waJehovha.
16. Chaizvoizvo Pisarema 45 rinotaurwa kunaani, uye ikoku kunogona kubvumikiswa sei?
16 Pisarema 45 rinotaurwa chaizvoizvo kuna Mamboi? Chokwadi, kuna Jesu Kristu! VaHebheru 1:9 inoita kushanda ikoko mukunokora mashoko Pisarema 45:7, iyo inorava, kuti: “Makada kururama, mukavenga kusarurama; saka Mwari, iye Mwari wenyu wakakuzodzai namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.” Naizvozvo chaizvoizvo ndikuna Jesu Kristu akapiwa mbiri uko Pisarema 45:16 rinoti: “Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, vauchaita machinda panyika yose.”
17. Mambo, Jesu Kristu, anofarira zvikuru chii uye ani?
17 Nenzira yakarurama, Jesu anofarira zvikuru nguva yake yemberi saMambo anotonga kupfuura nguva yake yakapfuura yapasi. Chokwadika, iye haakanganwi nguva yakapfuura iyoyo uye zvikurukuru vakare vake vohunhu vakabatanidzwa muchipikirwa chaJehovha chokukomborera mhuri dzose kupfurikidza neMbeu yaAbrahama. Asi zvino fariro yake huru iri munguva yemberi iri pedyo yakarongwa nomuiti waMambo, Jehovha Mwari. Naizvozvo vana vapasi vaJesu, zvikurukuru vanakomana vari pakati pavo vanokwaniriswa kubatira pasi pake munzvimbo dzouchinda, vachatora nzvimbo yefariro—zvikuru saizvozvo kupfuura madzisekuru apasi.
18. Shanduro dzakati dzePisarema 45:16 dzinosimbisa sei vavariro huru yaJesu muna vanakomana vouchinda kupfuura mumadzibaba ake apasi?
18 Fariro huru zvikuru yaJesu muvanakomana vouchinda kupfuura mumadzisekuru ake inosimbiswa neshanduro dzeBhaibheri dzakasiana-siana. Heino nzira iyo dzimwe dzadzo dzinoshandura nayo Pisarema 45:16: “Vanakomana vako vachapinda munzvimbo yamadzibaba ako, uye kusimuka kuva machinda pamusoro penyika yose.” (Moffatt) “Nzvimbo yamadzibaba ako ichava navanakomana vako; uchavaita machinda munyika yose.” (Ndima 17, The New American Bible) “Panzvimbo pamadzibaba ako unoberekerwa vana: uchavaita machinda pamusoro papasi rose.”—The Septuagint Version, yakabudiswa naSamuel Bagster and Sons.
19. Varume vakati veboka guru zvino vano mutoroi weungano, uye kunzvimboi uko Mambo, Jesu Kristu, angavagadza mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru?
19 Kumufaro wedu mukuru, machinda anokarirwa ari pakati pedu pamene. Ivo vanowanwa pakati pamamwe makwai anoteerera inzwi roMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. Zvikurukuru ivo vave vachiriteerera chibviro cha 1935, apo Zvakazarurwa 7:9-17 akatsanangurwa pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C. Nhasi, zviuru zveiri boka guru ramamwe makwai ndizvo zviri kubatira savakuru, kana kuti vatariri, muungano dzinopfuura 57 670 dzeZvapupu zvaJehovha munyika 212 kupota nyika. Kupfurikidza nokuramba vakarongeka pamwe navakasarira vehama dzomudzimu dzaJesu dzichiri pasi pano, ava varume vari mumutsara wokuva vanogamuchirwa zvizere savanakomana vapasi vaMambo, Jesu Kristu, mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru pamusoro papasi idzva rakapikirwa. (2 Petro 3:13) Savakadaro, ivo vangagadzwa samachinda okubatira mupasi idzva.
20. (a) Mambo achava nechimiroi kuvagadzwi vake pasi pano? (b) Boka guru richagamuchira vanaani vachidzoka, uye ibanzai rinoiswa pamberi paavo vanodzokera?
20 Mambo, Jesu Kristu, achafadzwa kuziva aya machinda achangobva kugadzwa, sezvo iye zvino achiziva utariri hwamamwe makwai akatendeka ari muungano dzomuzuva razvino dzeZvapupu zvaJehovha. Mitezo yose yeboka guru ramamwe makwai—vakadzi pamwe chete navarume—vachava neropafadzo inofadza yokugamuchira vachidzoka kuvakafa vose avo vachanzwa inzwi raJesu ndokumuka kubanza rokuwana upenyu husingaperi mukukwana kwohunhu papasi rakacheneswa iro richashandurwa kuva paradhiso yapasi rose. (Johane 5:28, 29) Vanomutswa vanonzwirwa nyasha zvikuru ivavo vachabatanidza madzibaba akadzikinurwa aJesu Kristu, varume vokutenda vakanga vachidisa kubvumikisa kuzvipira kwavo kuna Jehovha Mwari kunyange kusvikira kurufu mutariro yokuwana “rumuko rwuri nani.” (VaHebheru 11:35, NW) Asi kusimudzirwa kuupenyu hwakakwana hwohunhu mukati moKutonga kweMireniyumu kwoMudzikinuri Mambo wavo, Jesu Kristu, anongova mavambo bedzi. Kupfurikidza nokuramba vakarongeka nenzira isingapunziki pasi paJehovha Mwari mukati momuedzo wokupedzisira parudzi rwomunhu rwakadzorerwa pamugumo peMireniyumu, ivo vachazvibvumikisa vamene kuva vakafanirwa nokururamiswa kusvikira kuupenyu husingagumi muParadhiso sorutivi rwapasi rwesangano rwapose pose raJehovha.—Mateo 25:31-46; Zvakazarurwa 20:1–21:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa na 2 Samueri 8:18, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi.
Waizopindura Sei?
◻ Jehovha akatsaura nhamboi yenguva yokukomborera rudzi rwose rwomunhu?
◻ Tinogona kupukunyuka dambudziko guru bedzi kupfurikidza nokurambira muukamai nomumwe nomumwe?
◻ Kuti makwai ‘agare nhaka Umambo hwakavagadzirirwa kuvambira pakuvamba kwenyika’ kunorevei?
◻ Mukati meMireniyumu, mumaropafadzoi ane mitoro mungagoverana boka guru?