Ngatibvunzei Jesu
Vatendi vakawanda vanofunga kuti zvitendero zvinofanira kudyidzana nezvematongerwo enyika. Vanofunga kuti zvitendero zvinogona kubatsira pakugadzirisa matambudziko evanhu. Asiwo kune vamwe vatendi vanofunga kuti zvitendero nezvematongerwo enyika hazvitombofaniri kudyidzana. Ko iwe unofungei? Masangano aya ane masimba anofanira kudyidzana here?
JESU KRISTU anonzi ndiye “munhu anokosheswa chaizvo munhoroondo yezvitendero zvakawanda.” Saka imbofungidzira kuti aizotii kudai taizomubvunza kuti, Zvitendero zvinofanira kudyidzana nezvematongerwo enyika here? Paaiva pasi pano, zvaakataura nezvaakaita zvakapindura mubvunzo iwoyo. Somuenzaniso, muMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akataura zvinobatsira vateveri vake kuti vanzwisise zvavanofanira kuita kwavanenge vachigara. Ngatimbokurukurai dzimwe pfungwa dzaakataura mumharidzo iyoyo yakakurumbira.
Mararamiro Ako Ngaabatsire Vamwe
Jesu akarondedzera maonero anofanira kuita vateveri vake vanhu vari munyika. Akati: “Muri munyu wenyika; asi kana munyu usisavaviri, kuvavira kwawo kuchadzorerwa sei? Hapana chinhu chauchashandisirwa kunze kwokuti urasirwe kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu. Muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:13-16) Sei Jesu akaenzanisa vateveri vake nomunyu uye nechiedza?
Mashoko aJesu anoratidza kuti vateveri vake vakaita semunyu kuvanhu vose, kwete kuboka duku revanhu; uye vakaita sechiedza kune vose vanonyatsoda kuziva Mwari, kwete kuvanhu vashomanana. Jesu paakashandisa mifananidzo iyoyo, akajekesa kuti akanga asingarevi kuti vateveri vake vagare kwavo voga. Sei vaisafanira kugara kwavo voga?
Ona kuti: Munyu haugoni kuita kuti chikafu chisaora kana usina kusanganiswa nechikafu chacho. Rambi harigoni kuvheneka mumba mune rima kana rikasaiswa muimba iyoyo. Saka zviri nyore kunzwisisa kuti nei Jesu asina kumboudza vadzidzi vake kuti vagare kunyika yavo voga. Haanawo kumbokurudzira vateveri vake kuti vararame vari vanazindoga vachingoita zvechitendero chavo chete. Asi mararamiro evaKristu anofanirawo kubatsira vamwe vanenge vasiri vaKristu, sezvinoitawo munyu unofanira kusanganiswa nechikafu kuti chisaora uye chiedza chinofanira kuiswa pane rima kuti chivheneke.
“Havasi Venyika”
Zvisinei, mirayiridzo yaJesu yaakapa vateveri vake yokuti vanofanira kudyidzana nevamwe inomutsa mubvunzo unokosha wemaonero anofanira kuita muKristu nyaya dzematongerwo enyika. Sei zvakadaro? Kwasara nguva pfupi kuti Jesu afe, akanyengeterera vateveri vake achiti: “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nokuda kweakaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Johani 17:15, 16) Saka zvinoita here kuti vaKristu vasava venyika asi ivo vachidyidzana nevavanogara navo munyika? Kuti tiwane mhinduro, ngatimbokurukurai mibvunzo mitatu inotevera:
• Jesu aiona sei nyaya dzematongerwo enyika?
• Mazuva ano vaKristu vanofanira kuitei?
• Dzidziso dzechiKristu dzinobatsira sei magariro evanhu?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Jesu akajekesa kuti akanga asingarevi kuti vateveri vake vagare kwavo voga