Upenyu hwaJesu Noushumiri
“Unofanira Kufa”
JESU, asungwa setsotsi rinozivikanwa navose, anoendeswa kuna Anasi, aichimbova muprista mukuru anopesvedzera. Anasi akanga ari muprista mukuru apo Jesu somukomana ane makore 12 okukura akashamisa vadzidzisi navarabhi patembere. Vanoverengeka vavanakomana vaAnasi gare gare vakabatira somuprista mukuru, uye panguva ino mukuwasha wake Kayafasi ane nzvimbo iyoyo.
Jesu zvimwe anotanga kuendeswa kumusha waAnasi nemhaka youtanhamari hwenguva refu hwomuprista mukuru iyeyo muupenyu hworudzidziso hwechiJudha. Uku kumira kuzoona Anasi kunobvumira nguva yokuti Muprista Mukuru Kayafasi aunganidze Sanhedrini, dare rapamusoro rechiJudha rine mitezo 71, pamwe chete nokuunganidza zvapupu zvenhema.
Muprista mukuru Anasi zvino anobvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye pamusoro pedzidziso yake. Zvisinei, Jesu anoti mukupindura: “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutembere, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda. Munondibvunzireiko imi? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.”
Pana ikoku, mumwe wavakuru vakuru akamira pedyo naJesu anomurova nembama muchiso, achiti: “Unopindura muprista mukuru uchidaro nhai?”
“Kana ndareva zvakaipa,” Jesu anopindura kudaro, “pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?” Pashure peiyi tsinhano, Anasi anoendesa Jesu akasungwa kuna Kayafasi.
Panguva ino vaprista vakuru vose navamwe varume vakuru navanyori, hungu, Sanhedrini yose, vari kuvamba kuungana. Nzvimbo yavo yomusangano sezviri pachena musha waKayafasi. Zvisinei, kuva nokutonga kwakadaro pausiku hwePaseka kunorwisana zvakajeka nomutemo wechiJudha. Asi ikoku hakudzivisi vatungamiriri vorudzidziso padonzo ravo rakaipa.
Nechekare, mavhiki pamberi pezvi apo Jesu akamutsa Razaro, Sanhedrini yakanga yasarudza pakati pavo vamene kuti anofanira kufa. Uye mazuva maviri chete pamberi pezvi, paChitatu, zviremera zvorudzidziso zvakarangana pamwe chete kubata Jesu nezano remanomano kuti vamuuraye. Fungidzira, iye zvomenemene akanga ashurikidzwa pamberi pokutongwa kwake!
Nhamburiko zvino dziri kuitwa dzokuwana zvapupu zvichagovera ufakazi hwenhema kuti mhaka igovakirwa Jesu. Zvisinei, hakuna zvapupu zvinogona kuwanwa izvo zvinobvumirana muchipupuriro chavo. Pakupedzisira, vaviri vanouya ndokuti: “Takamunzwa isu achiti: ‘Ndichapunza tembere iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’”
“Ko haupinduri chinhu here?” Kayafasi anobvunza kudaro. “Chii ichi chavanokupomedzera?” Asi Jesu anoramba akanyarara. Kunyange muiyi pomero yenhema, kukunyadziswa kweSanhedrini, zvapupu hazvigoni kuita kuti nhau dzazvo dzibvumirane. Naizvozvo muprista mukuru anoedza zano rakasiana.
Kayafasi anoziva kuti vaJudha vanotapurika sei pamusoro pomunhu upi noupi anotaura kuva Mwanakomana amene waMwari. Panhambo mbiri dzapamberi pezvi, ivo vakanga vadana nokukurumidza Jesu somutuki waMwari akafanirwa norufu, vafungidzira nenzira yakaipa kuti iye akanga achitaura kuva akaenzana naMwari. Kayafasi zvino anoraira namanomano, kuti: “Kupfurikidza naMwari mupenyu ndinokupikisa kuti utiudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari!”—NW.
Pasinei zvapo nezvinofunga vaJudha, Jesu chaizvoizvo Mwanakomana waMwari. Uye kuramba anyerere kungagona kurangarirwa sokuramba kuva kwake Kristu. Naizvozvo Jesu anopindura noushingi, kuti: “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba achiuya namakore okudenga.”
Pana ikoku, Kayafasi, muratidzirwo inoshamisa, anobvarura nguvo dzake uye anoti: “Wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kumhura kwake Mwari. Munofungeiko?”
“Unofanira kufa,” Sanhedrini inozivisa kudaro. Ipapo ivo vanovamba kumunyomba, uye ivo vanotaura zvinhu zvakawanda zvokumutuka. Vanorova chiso chake nembama uye vanochipfira. Vamwe vanofukidza chiso chake chose ndokumurova netsiva dzavo ndokuti nokunyomba: “Porofita, iwe Kristu, kuti ndiani wakurova?” Uyu mufambiro wokutuka, usiri wapamutemo unoitika mukati mokutonga kwenguva yousiku. Mateo 26:57-68; 26:3, 4; Marko 14:53-65; Ruka 22:54, 63-65; Johane 18:13-24; 11:45-53; 10:31-39; 5:16-18.
◆ Jesu anoendeswepi, uye chii chinoitika kwaari ikoko?
◆ Jesu anotevera kuendeswa kupi, uye nokuda kwedonzoi?
◆ Kayafasi anokwanisa sei kuita kuti Sanhedrini izivise kuti Jesu akafanirwa norufu?
◆ Mufambiroi wokutuka, usiri wapamutemo unoitika mukati mokutonga?