Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?
MUNYORI Henry Van Dyke akambonyora, kuti: “Rakaberekerwa muMabvazuva ndokupfekedzwa muchimiro chomuMabvazuva nomutauro wokufananidzira, Bhaibheri rinofamba munzira dzenyika yose netsoka dzakarovedzeka uye rinopinda munyika nenyika kuti riwane varo rimene munzvimbo yose. Iro rakadzidza kutaura mumazana emitauro kumwoyo womunhu. Vana vanoteerera nhau dzaro neshamisiko nomufaro, uye vanhu vakachenjera vanodzirangarira semifananidzo youpenyu. Vakaipa navanodada vanodedera nenyevero dzaro, asi kuvakakuvadzwa navanopfidza rine inzwi raamai. . . . Hakuna munhu ari murombo kana kuti anoshaiwa ane iyi pfuma nokuda kwake amene.”
Bhaibheri zvamazvirokwazvo “rakadzidza kutaura mumazana emitauro.” Rinenge rimwe ramabhuku aro 66 rakashandurwa mundimi 1 970. Mamirioni anorangarira Bhaibheri sechipo chakabva kuna Mwari ndokurirava nomufarwa nebetsero. Zvisinei, vamwe vanotaura kuti iro rine pokanidzano uye naizvozvo harina kuvimbika. Chii chinoratidzira nzvero yokungwarira?
Sezvinoratidzirwa nomufananidzo webutiro redu, Mwari akashandisa varume vakatendeka kunyora Bhaibheri. Zvamazvirokwazvo, kukamuraniswa kwokungwarira kweBhaibheri kunozivisa kuti rakanyorwa navarume 40 munhambo yamazana amakore 16. Ivo vakanga vari vanyori vane unyanzvi here? Aiwa. Pakati pavo munhu anogona kuwana mufudzi, muredzi, muteresi, chiremba, mugadziri wetende, muprista, muporofita, uye mambo. Manyoro avo anowanzodudza vanhu netsika zvisina kurovedzeka kwatiri muzana ramakore rechi 20. Kutaura idi, vanyori veBhaibheri vamene havana nguva dzose kunzwisisa revo yeizvo vakanyora. (Dhanieri 12:8-10) Naizvozvo hatifaniri kushamiswa kana tikasangana nezvitambudzo zvakati pakurava Bhaibheri.
Zvitambudzo zvakadaro zvinogona kupedzwa here? Bhaibheri rinozvipokanidza rimene here? Kuti tiwane, ngatirangarirei mienzaniso yakati.
Ko Izvi Zvitambudzo Chaizvoizvo Here?
▪ Kaini akawanepi mudzimai wake? (Genesi 4:17)
Munhu angafunga kuti pashure pokupondwa kwaAbheri, mukoma wake bedzi ane mhaka Kaini navabereki vavo, Adhama naEvha, vakasiiwa papasi. Zvisinei, Adhama naEvha vaiva nemhuri huru. Mukuwirirana naGenesi 5:3, 4, Adhama aiva nomwanakomana ainzi Seti. Nhauro yacho inowedzera, kuti: “Mazuva aAdhama shure kwokuberekwa kwaSeti akanga ari makore ane mazana masere; akabereka vanakomana navanasikana.” Naizvozvo Kaini akaroora hanzvadzi yake kana kuti zvichida mumwe wavana vavanun’una kana kuti hanzvadzi dzake. Sezvo rudzi rwomunhu panguva iyeyo rwakanga rwuri pedyo zvikuru nokukwana kwohunhu, roorano yakadaro sezviri pachena haina kuparira ngozi dzoutano idzo dzingapinza mungozi vana vomubatanidzwa wakadaro nhasi.
▪ Ndiani akatengesa Josefa muEgipita?
Genesi 37:27 inotaura kuti vakoma vaJosefa vakasarudza kumutengesa kuvaIshmaeri. Asi ndima inotevera inoti: “Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, [vakoma vaJosefa] vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshmaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Egipita.” Ko Josefa akatengeswa kuvaIshmaeri kana kuti kuvaMidhiani here? Eya, vaMidhiani vangavewo vainzi vaIshmaeri, avo vavaiva noukama navo kupfurikidza nasekuru wavo Abrahama. Kana kuti vatengesi vechiMidhiani vangave vaifamba neboka ravaIshmaeri. Zvisinei hazvo, vakoma vaJosefa ndivo vakatengesa, uye gare gare iye aigona kuvaudza, kuti: “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.”—Genesi 45:4.
▪ VaIsraeri vangani vakafa nokuda kwokuva noutere hwevatano navakadzi vavaMoabhi uye nokuda kwokupinda mukunamatwa kwaBhaari wePeori?
Numeri 25:9 inoti: “Vose vakanga vafa nedenda iro [rakabva kuna Mwari nokuda kwomufambiro wavo wakaipa] vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.” Zvisinei, muapostora Pauro akati: “Zvino ngatirege kuita upombwe, savamwe vavo [vaIsraeri murenje] vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe vane zviuru zvina makumi maviri nezvitatu.” (1 VaKorinte 10:8) Zvichida chiverengero chakaurawa chakanga chiri pakati pe 23 000 ne 24 000, zvokuti nhamba ipi neipi yaizova inogutsa. Bva, bhuku raNumeri zvikurukuru rinoratidzira kuti “vakuru vose vavanhu” vakabatanidzwa muichi chivi vakaurawa navatongi. (Numeri 25:4, 5) Kungave kwaiva navane 1 000 vaava “vakuru” vane mhaka, kuchiita hwerengedzo yavane 24 000 apo vakawedzerwa kuvane 23 000 vakadudzwa naPauro. Nepo sezviri pachena vane 23 000 vaiva vanyajambwa vakananga vedenda rakabva kuna Mwari, vose vane 24 000 vakatambura denda raJehovha nemhaka yokuti ari wose wavo akafa mumurairo wake worutongeso rwakaipa.—Dheuteronomio 4:3.
▪ Sezvo Agagi akanga ari murarami wapanguva imwe cheteyo wamambo wechiIsraeri Sauro, ko nongedzero yapakuvamba zvikuru yaBharami kumutongi wechiAmareki wezita iroro kwakanga kusiri kusabvumirana here?
Munenge muna 1473 P.N.V., Bharami akadeya kutaura kuti mambo waIsraeri aizova ano“kurira Agagi.” (Numeri 24:7) Hakuna nongedzero yapashure yakaitwa kuna Agagi kutozosvikira kutonga kwaMambo Sauro (1117-1078 P.N.V.). (1 Samueri 15:8) Uku kwakanga kusati kuri kusabvumirana, zvisinei, nokuti “Agagi” ringave raiva zita rokuremekedza roumambo rakafanana neiro raFarao muEgipita. Kunobvirawo kuti Agagi rakanga riri zita romunhu oga raishandiswa rashandiswazve navatongi vechiAmareki.
▪ Ndiani akasakisa Dhavhidhi kuverenga vaIsraeri?
Samueri Wechipiri 24:1 inoti: “Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsraeri, akakurudzira Dhavhidhi [kana kuti, “apo Dhavhidhi akakurudzirwa,” mashoko omuzasi, NW] pamusoro pavo, akati: ‘Enda uverenge vaIsraeri navaJudha.’” Asi akanga asati ari Jehovha akasunda Mambo Dhavhidhi kuti atadze, nokuti 1 Makoronike 21:1 inoti: “Satani [kana kuti, “mudzivisi,” mashoko omuzasi, NW] wakamukira vaIsraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsreri.” Mwari akatsamwiswa navaIsraeri uye naizvozvo akabvumira Satani Dhiabhorosi kuunza ichi chivi pavari. Nokuda kweichi chikonzero, 2 Samueri 24:1 inorava sokunge Mwari akakuita iye amene. Nenzira inofadza, shanduro yaJoseph B. Rotherham inorava, kuti: “Kutsamwa kwaYahwe kwakanyandurirwa Israeri, zvokuti akatambudza Dhavhidhi kuti asundwe kurwisana navo achiti, Enda uverenge Israeri naJudha.”
▪ Munhu anogona sei kutsinhiranisa nhamba dzakasiana dzinopiwa nokuda kwavaIsraeri navaJudha mukuverenga kwaDhavhidhi?
Pana 2 Samueri 24:9 nhamba dzacho vaIsraeri 800 000 uye vaJudha 500 000, nepo 1 Makoronike 21:5 ichiisa varume vanorwa vaIsraeri pa 1 100 000 uye yaJudha pa 470 000. Airongwa nguva dzose mubasa roumambo aiva mauto 288 000, aikamuraniswa kuva mapoka 12 avane 24 000, boka rimwe nerimwe richibatira mwedzi mumwe mukati megore. Kwaiva navarindi vokuwedzera 12 000 pamachinda 12 amarudzi, kuchiita hwerengedzo ye 300 000. Sezviri pachena vane 1 100 000 va 1 Makoronike 21:5 vanobatanidza ava vane 300 000 vakatorongwa, nepo 2 Samueri 24:9 isati. (Numeri 1:16; Dheuteronomio 1:15; 1 Makoronike 27:1-22) Kana ari Judha, 2 Samueri 24:9 sezviri pachena yakabatanidza varume 30 000 muhondo yokucherechedza yakaiswa pamiganhu yeFiristia asi avo vasina kubatanidzwa munhamba iri pana 1 Makoronike 21:5. (2 Samueri 6:1) Kana tikayeuka kuti 2 Samueri na 1 Makoronike akanyorwa navarume vaviri vane mirangariro yakasiana nevavariro, tinogona nyore nyore kutsinhiranisa nhamba dzacho.
▪ Ndiani akanga ari baba vaSheatieri?
Magwaro akati anoratidzira kuti Jekonia (Mambo Jehoakini) akanga ari baba vokunyama vaSheatieri. (1 Makoronike 3:16-18; Mateo 1:12) Asi munyori weEvhangeri Ruka akadana Sheatieri kuti “mwanakomana waNeri.” (Ruka 3:27) Neri sezvinooneka akapa mwanasikana wake kuna Sheatieri somudzimai. Sezvo vaHebheru vaiwanzonongedzera kumukuwasha somwanakomana, zvikurukuru mundaza dzedzinza, Ruka aigona kudana nenzira yakafanira Sheatieri mwanakomana waNeri. Nenzira yakafanana, Ruka akanongedzera kuna Josefa somwanakomana waHeri, uyo akanga ari zvomenemene baba vomudzimai waJosefa, Maria.—Ruka 3:23.
Kutsinhiranisa Magwaro Anobatanidza Jesu
▪ Jesu Kristu akadzinga madhemoni akapinda muboka guru renguruve achibva muvanhu vangani?
Munyori weEvhangeri Mateo anodudza vanhu vaviri, asi Marko naRuka vanonongedzera kumumwe chete. (Mateo 8:28; Marko 5:2; Ruka 8:27) Sezviri pachena, Marko naRuka vakakwevera ngwariro kumunhu mumwe bedzi aiva nedhemoni nemhaka yokuti Jesu akataura kwaari uye chinoitika chake chakanga chakatanhamara zvikuru. Sezvinobvira, munhu iyeyo aiva namasimba masimba zvikuru kana kuti akanga atambura muudzori hwedhemoni kwenguva refu zvikuru. Pashure pacho, zvichida munhu mumwe iyeyo oga aida kuperekedza Jesu. (Marko 5:18-20) Mumugariro wakati fananei, Mateo akataura nezvamapofu maviri akaporeswa naJesu, nepo Marko naRuka vakadudza mumwe bedzi. (Mateo 20:29-34; Marko 10:46; Ruka 18:35) Uku kwakanga kusingapokanidzi, nokuti kwaiva neanenge munhu mumwe akadaro.
▪ Nguvo Jesu akanga akapfeka pazuva rorufu rwake yakanga iri yoruvarai?
Mukuwirirana naMarko (15:17, NW) uye Johane (19:2, NW), varwi vakapfekedza Jesu nguvo yepepuru. Asi Mateo (27:28) yakaidana kuti “nguvo tsvuku,” kusimbisa utsvuku hwayo. Sezvo pepuru rwuri ruvara rupi norupi rune zvinhu zvose zviri zviviri zvezvitsvuku nezvebhuruu, Marko naJohane vanobvuma kuti nguvo yacho yaiva noutsvuku. Kupenya kwechiedza neseri zvingagona kuva zvakapa mavara akasiana-siana kunguvo yacho, uye vanyori veEvhangeri vakadudza ruvara rwakanga rwakasimba zvikurusa kwavari kana kuti kuavo vakawana mashoko avo. Musiano muduku unoratidza hunhu hwomunhu oga hwavanyori uye unobvumikisa kuti kwakanga kusina kurangana.
▪ Ndiani akatakura danda rokutambudzira raJesu?
Johane (19:17) yakati: “Akabuda, achitakura [danda rake rokutambudzira, NW] akaenda kunzvimbo yainzi, Dehenya, nechiHebheru ichinzi Gorgota.” Asi Mateo (27:32), Marko (15:21), uye Ruka (23:26) dzinotaura kuti ‘sezvo vakanga vachibuda, Simoni weKurini akaororwa ndokupinda mubasa rokutakura danda rokutambudzira.’ Jesu akatakura danda rake rokutambudzira, sezvakataura Johane. Munhauro yake yakapfupikiswa, zvisinei, Johane haana kuwedzera pfundo rokuti Simoni gare gare akaororwa ndokupinda mubasa rokutakura danda. Nokudaro, nhauro dzeEvhangeri dzinotsinhirana muna ikoku.
▪ Judhasi Iskarioti akafa sei?
Mateo 27:5 inotaura kuti Judhasi akazvisungirira amene, nepo Mabasa 1:18 ichitaura kuti “akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, ura hwake hukabuda hwose.” Nepo Mateo achiratidzika kuva anobata nechimiro chokuedza kuzviuraya, Mabasa anorondedzera miuyo. Judhasi sezviri pachena akasungirira tambo pabazu romuti, akaisa chishwe muhuro make, uye akaedza kuzvisungirira amene kupfurikidza nokusvetuka pamawere. Kunoratidzika kuti tambo kana kuti zvimwe bazu romuti rakadimbuka zvokuti akawira ndokutsemuka paruware rwaiva pasi. Kusanorondedzerwa kwenzvimbo yakapoteredza Jerusarema kunoita kuti mhedziso yakadaro ive ine mufungo.
Ucharangarira Sei Zvinhu?
Kana tikasangana nokunoratidzika kuva kusabvumirana muBhaibheri, kwakanaka kuziva kuti vanhu vanowanzotaura zvinhu zvinoratidzika kuva zvinopokanidza asi zvinotsanangurwa nyore nyore kana kuti kunzwisiswa. Somuenzaniso, munhu webhizimisi anganyorerana nomumwe munhu kupfurikidza nokutaura zvokunyora mutsamba kumunyori wake. Kana akabvunzwa, iye angataura kuti akatumira tsamba yacho. Asi sezvo munyori wake akataipa ndokuposita tsamba yacho, iye aigona kutaura kuti akaitumira. Nenzira yakafanana, kwakanga kusati kuchipokanidza kuti Mateo (8:5) itaure kuti mukuru mukuru wehondo akauya kuzokumbira Jesu nyasha, nepo Ruka (7:2, 3) yakataura kuti munhu wacho akatumira mumiriri.
Mienzaniso ichangobva kududzwa inoratidza kuti zvitambudzo zveBhaibheri zvinogona kupedzwa. Nokudaro, pane chikonzero chakanaka chokuva nechimiro chendangariro chakanaka kuMagwaro. Mudzimu wakadaro wakarumbidzwa muaya mashoko anooneka muBhaibheri remhuri rakabudiswa mugore ra 1876:
“Mudzimu wakafanira wokubata nawo nezvitambudzo izvozvo ndouyu, kuzvibvisa kusvikira panoshanda, uye kubatirira ndokubvuma zvokwadi, kunyange apo gore riri rose risingagoni kubviswa pazviri. Tinofanira kutevedzera muenzaniso wavaapostora, avo, apo vamwe vavadzidzi vakagumburwa neizvo vakadana kuti ‘kutaura kwakaoma,’ kuti vasiye Kristu, vakanyaradza chirambidzo chiri chose neichi: ‘Ishe, tichaenda kuna ani? Imi mune mashoko oupenyu husingagumi, uye tine chokwadi chokuti Imi ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.’ . . . Apo tinoona zvokwadi seinorwisana neimwe zvokwadi, ngatiedze kudziyananisa, uye kudziratidza dzanzarwozvo kuyananiswa kuvose.”—Johane 6:60-69.
Uchatora chimiro ichocho here? Pashure pokunzvera mienzaniso mishomanene chete inoratidzira tsinhirano yaMagwaro, kunokarirwa kuti unobvumirana nowezvamapisarema uyo akati kuna Mwari: “Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi.” (Pisarema 119:160) Zvapupu zvaJehovha zvine murangariro iwoyo weBhaibheri rose uye zvichapa nomufaro zvikonzero zvokutenda kwazvo mariri. Kuregerereiko kukurukura iri bhuku rakaisvonaka nazvo. Shoko raro rinofadza ringakuzadza netariro yechokwadi nomufarwa.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Wati wabvunza Zvapupu zvaJehovha chikonzero nei zvine kutenda muBhaibheri here?