RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • Dhavhidhi anoverenga vanhu zvisiri pamutemo (1-6)

      • Kurangwa naJehovha (7-17)

      • Dhavhidhi anovaka atari (18-30)

1 Makoronike 21:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “mupikisi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:1-3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1992, p. 5

1 Makoronike 21:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:16
  • +Vat 18:29; 2Sa 17:11

1 Makoronike 21:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:4, 8

1 Makoronike 21:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1992, p. 5

1 Makoronike 21:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 1:47
  • +1Mak 27:23, 24

1 Makoronike 21:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 12:13
  • +Pis 25:11; 51:1
  • +2Sa 24:10-14

1 Makoronike 21:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 29:29

1 Makoronike 21:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:26
  • +Re 26:14, 17
  • +Re 26:25
  • +2Mad 19:35

1 Makoronike 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:6; Pis 51:1; Isa 55:7; Mari 3:22
  • +2Mak 28:9

1 Makoronike 21:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 16:46
  • +2Sa 24:15, 16

1 Makoronike 21:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akashungurudzika.”

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 32:14; Dhe 32:36
  • +Pis 90:13
  • +2Mak 3:1
  • +2Sa 5:6

1 Makoronike 21:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 22:31; Jos 5:13
  • +2Sa 24:17
  • +2Mad 19:1

1 Makoronike 21:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 51:4
  • +Eks 32:12; Nu 16:22

1 Makoronike 21:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:11
  • +2Sa 24:18-23; 2Mak 3:1

1 Makoronike 21:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ndipe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 25:8

1 Makoronike 21:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvakanaka mumaziso ake.”

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 28:27

1 Makoronike 21:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:24, 25

1 Makoronike 21:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

1 Makoronike 21:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:25
  • +Re 9:23, 24; 1Mad 18:38; 2Mak 7:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 78

1 Makoronike 21:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 24:16; Pis 103:20

1 Makoronike 21:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 3:4; 1Mak 16:39; 2Mak 1:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 21:12Sa 24:1-3
1 Mak. 21:22Sa 8:16
1 Mak. 21:2Vat 18:29; 2Sa 17:11
1 Mak. 21:42Sa 24:4, 8
1 Mak. 21:52Sa 24:9
1 Mak. 21:6Nu 1:47
1 Mak. 21:61Mak 27:23, 24
1 Mak. 21:82Sa 12:13
1 Mak. 21:8Pis 25:11; 51:1
1 Mak. 21:82Sa 24:10-14
1 Mak. 21:91Mak 29:29
1 Mak. 21:12Re 26:26
1 Mak. 21:12Re 26:14, 17
1 Mak. 21:12Re 26:25
1 Mak. 21:122Mad 19:35
1 Mak. 21:13Eks 34:6; Pis 51:1; Isa 55:7; Mari 3:22
1 Mak. 21:132Mak 28:9
1 Mak. 21:14Nu 16:46
1 Mak. 21:142Sa 24:15, 16
1 Mak. 21:15Eks 32:14; Dhe 32:36
1 Mak. 21:15Pis 90:13
1 Mak. 21:152Mak 3:1
1 Mak. 21:152Sa 5:6
1 Mak. 21:16Nu 22:31; Jos 5:13
1 Mak. 21:162Sa 24:17
1 Mak. 21:162Mad 19:1
1 Mak. 21:17Pis 51:4
1 Mak. 21:17Eks 32:12; Nu 16:22
1 Mak. 21:182Sa 24:11
1 Mak. 21:182Sa 24:18-23; 2Mak 3:1
1 Mak. 21:22Nu 25:8
1 Mak. 21:23Isa 28:27
1 Mak. 21:242Sa 24:24, 25
1 Mak. 21:26Eks 20:25
1 Mak. 21:26Re 9:23, 24; 1Mad 18:38; 2Mak 7:1
1 Mak. 21:272Sa 24:16; Pis 103:20
1 Mak. 21:291Mad 3:4; 1Mak 16:39; 2Mak 1:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 21:1-30

Bhuku Rekutanga reMakoronike

21 Satani* akafunga kurwisa vaIsraeri, akafurira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.+ 2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhi+ nekuvakuru vevanhu: “Endai munoverenga vaIsraeri kubva kuBheeri-shebha kusvika kuDhani;+ mozondiudza zvamawana kuti ndizive kuti vangani.” 3 Asi Joabhi akati: “Jehovha ngaawedzere vanhu vake zvakapetwa kazana! Ishe wangu mambo, vese havasi varanda vashe wangu nechekare here? Nei ishe wangu achida kuita izvi? Nei achida kuita kuti vaIsraeri vave nemhosva?”

4 Asi shoko ramambo rakakunda raJoabhi. Saka Joabhi akaenda, akatenderera neIsraeri yese, achibva azouya kuJerusarema.+ 5 Joabhi akabva apa Dhavhidhi nhamba yevanhu vakanga vaverengwa. VaIsraeri vese vakasvika varume 1 100 000 vaiva nemapakatwa, uye vaJudha vakasvika varume 470 000 vaiva nemapakatwa.+ 6 Asi haana kuverenga vaRevhi nevaBhenjamini paakaverenga vanhu,+ nekuti shoko ramambo harina kufadza Joabhi zvachose.+

7 Mwari wechokwadi akagumburwa nazvo, saka akarova Israeri. 8 Dhavhidhi akabva ati kuna Mwari wechokwadi: “Ndatadza+ chaizvo nezvandaita izvi. Saka ndapota, regererai mhosva yemushumiri wenyu,+ nekuti ndaita zveupenzi chaizvo.”+ 9 Jehovha akabva ataura naGadhi,+ muoni waDhavhidhi, achiti: 10 “Enda unoti kuna Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chaunoda kuti ndiunze pauri.”’” 11 Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Sarudza kuti unoda 12 kuti kuve nenzara kwemakore matatu here,+ kana kuti uite mwedzi mitatu uchiparadzwa nevavengi vako, bakatwa revavengi vako richikubaya,+ kana kuti kuve nemazuva matatu ebakatwa raJehovha, munyika muine denda,+ ngirozi yaJehovha ichiparadza+ munharaunda yese yevaIsraeri.’ Nyatsofungisisa zvandinofanira kunopindura kune andituma.” 13 Saka Dhavhidhi akati kuna Gadhi: “Nyaya iyi iri kunditambudza chaizvo. Regai hangu ndiwire muruoko rwaJehovha, nekuti tsitsi dzake dzakakura chaizvo;+ musandirega ndichiwira muruoko rwemunhu.”+

14 Jehovha akabva aunza denda+ pavaIsraeri, zvekuti pakafa vanhu 70 000 muIsraeri.+ 15 Mwari wechokwadi akatumawo ngirozi kuJerusarema kuti inoriparadza; asi payakanga yava kuda kuriparadza, Jehovha akazviona, akazvidemba* pamusoro pedambudziko racho,+ uye akati kungirozi yakanga ichiparadza: “Zvakwana!+ Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yakanga yakamira pedyo neburiro* raOrinani+ muJebhusi.+

16 Dhavhidhi paakatarisa, akaona ngirozi yaJehovha yakamira pakati penyika nedenga, muruoko rwayo muine bakatwa rakanga rakavhomorwa+ rakatambanudzirwa kuJerusarema. Dhavhidhi nevakuru vakabva vapfugama, vakakotamisa misoro yavo;+ uye vese vainge vakapfeka masaga.+ 17 Dhavhidhi akati kuna Mwari wechokwadi: “Handisi ini here ndakati vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza uye ndini ndakakanganisa;+ asi makwai aya akaitei? Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndapota, ruoko rwenyu ngarundirove ini neimba yababa vangu; asi musaunza denda iri pavanhu venyu.”+

18 Ngirozi yaJehovha yakabva yaudza Gadhi+ kuti audze Dhavhidhi kuti aende kunovakira Jehovha atari paburiro raOrinani muJebhusi.+ 19 Saka Dhavhidhi akaenda akanoita zvakanga zvataurwa naGadhi muzita raJehovha. 20 Munguva iyi, Orinani akatendeuka akaona ngirozi yacho, uye vanakomana vake vana vaaiva navo vakabva vahwanda. Orinani akanga achipura gorosi. 21 Dhavhidhi paakaenda kwaaiva, Orinani akatarisa ndokuona Dhavhidhi, achibva akurumidza kubva paburiro, uye akapfugama pamberi paDhavhidhi, akadzikisa musoro wake. 22 Dhavhidhi akati kuna Orinani: “Nditengesere* nzvimbo ine buriro, kuti ndivakire Jehovha atari pairi. Nditengesere nemutengo wakakwana, kuti denda riri pavanhu rimiswe.”+ 23 Asi Orinani akati kuna Dhavhidhi: “Itorei henyu kuti ive yenyu, uye ishe wangu mambo ngaaite zvakamunakira.* Onai, ndiri kupa mombe kuti dzive zvibayiro zvinopiswa nechirei chekupurisa+ kuti chive huni, uye gorosi kuti rive mupiro wezviyo.* Ndiri kukupai zvese.”

24 Asi Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani: “Aiwa, ndinofanira kuitenga nemutengo wakakwana, nekuti handingatori zvinhu zvako ndozvipa Jehovha kana kupa zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.”+ 25 Saka Dhavhidhi akapa Orinani goridhe rairema mashekeri* 600 kuti atenge nzvimbo yacho. 26 Dhavhidhi akabva avakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare, uye akashevedzera kuna Jehovha, uyo akamupindura nemoto+ wakabva kudenga ukaenda paatari yekupisira zvibayiro. 27 Jehovha akabva arayira ngirozi+ yacho kuti idzorere bakatwa rayo mumuhara. 28 Panguva iyoyo, Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura ari paburiro raOrinani muJebhusi, akaramba achibayira zvibayiro ipapo. 29 Asi panguva iyoyo tebhenekeri yaJehovha iyo yakanga yagadzirwa naMozisi murenje yaiva panzvimbo yakakwirira kuGibhiyoni pamwe chete neatari yekupisira zvibayiro.+ 30 Asi Dhavhidhi akanga asina kukwanisa kuenda pamberi payo kuti anobvunza Mwari, nekuti aitya bakatwa rengirozi yaJehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe