Zuva Rokupedzisira Roupenyu hwaJesu Ari Munhu
Chishanu zuva rava kuda kuzovira, Nisani 14, 33 C.E. Boka ravarume navakadzi rava kuda kutoviga shamwari inodiwa. Mumwe wavarume vacho, Nikodhimo, aunza zvinonhuwirira kuti agadzirire mutumbi kuti uvigwe. Murume anonzi Josefa apa mucheka wakachena kuti uputire chitunha chakakuvadzwa uye chakarohwa.
VANHU ava ndivanaani, uye vari kuviga ani? Zvose izvi zvinokutapura here? Kuti tipindure mibvunzo iyi, ngatidzokerei pakutanga kwezuva iroro rinokosha.
China Manheru, Nisani 14
Mwedzi wakajeka wakazara uri kukwira pamusoro peJerusarema zvishoma nezvishoma. Vanhu vakawanda vari muguta vava kuzorora pashure pezuva rokuita basa rakawanda. Manheru ano mhepo yakazadzwa nekunhuwirira kwegwayana riri kugochwa. Hungu, zviuru zvavanhu zviri kugadzirira chiitiko chaicho—kuchengetwa kwePaseka kwegore negore.
Muimba huru yavaeni, tinowana Jesu Kristu navaapostora vake 12 vari patafura yakarongedzerwa. Teerera! Jesu ari kutaura. “Ndakanga ndichida zvikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika,” anodaro. (Ruka 22:15) Jesu anoziva kuti vavengi vake vezvechitendero vari kuvavarira kuti aurawe. Asi izvozvo zvisati zvaitika, chimwe chinhu chinokosha zvikuru chichaitika manheru ano.
Paseka yachengetwa, Jesu anozivisa kuti: “Mumwe wenyu uchandipandukira.” (Mateo 26:21) Izvi zvinoshungurudza vaapostora. Angava ani? Vamboti kurukurei, Jesu anoudza Judhasi Iskarioti kuti: “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” (Johane 13:27) Kunyange hazvo vamwe vasingazvizivi, Judhasi mutengesi. Anoenda kuti anoita basa rake roumbwende mukuronga kutengesa Jesu.
Kuchengeta Chaiko
Jesu zvino anotanga kuchengeta kutsva kutsva—kuchayeuchidza rufu rwake. Achitora rofu rechingwa, Jesu anorinyengeterera achionga achimedura-medura. “Torai, mudye” anorayira kudaro. “Ichi muviri wangu, unopiwemi.” Mumwe nomumwe wavo adya chingwa, anotora mukombe wewaini tsvuku ndokuinyengeterera. “Inwai mose pauri,” Jesu anovaudza kudaro, achitsanangura kuti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” Anorayiridza vaapostora 11 vakatendeka vasara kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.”—Mateo 26:26-28; Ruka 22:19, 20; 1 VaKorinte 11:24, 25.
Manheru iwayo Jesu anogadzirira nomutsa vaapostora vake vakavimbika zviri mberi uye anosimbisa kuvada zvikuru kwake. “Hakuna munhu une rudo rukuru kune urwu,” anotsanangura kudaro, “kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake. Imi muri hama dzangu, kana muchiita zvandinokurayirai ini.” (Johane 15:13-15) Hungu, vaapostora 11 vakaratidza kuti vakanga vari shamwari dzechokwadi nokuramba vana Jesu mumiedzo yake.
Gare gare usiku—zvichida papfuura pakati pousiku—Jesu anonyengetera zvisingakanganwiki, vobva vaimba nziyo dzokurumbidza Jehovha. Ipapo, vachishandisa chiedza chomwedzi wakazara, vanofamba vachibuda muguta ndokuyambuka Mupata waKedroni.—Johane 17:1–18:1.
Mubindu reGetsemani
Kwapera chinguvana, Jesu navaapostora vake vanosvika pabindu reGetsemani. Achisiya vaapostora vasere pamusuo webindu racho, Jesu anoenda mukati naPetro, Jakobho, naJohane pakati pemiti yemiorivhi. “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa,” anoudza vatatu vacho kudaro. “Garai pano murinde.”—Marko 14:33, 34.
Vaapostora vatatu vanomira apo Jesu anenge achienda mukati-kati mebindu kuti anonyengetera. Nokudanidzira kwakasimba nemisodzi, anoteterera kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri!” Basa guru riri pana Jesu. Zvinomushungurudza zvakadini kufunga nezvokuti vavengi vaJehovha vachati kudini apo Mwanakomana Wake akaberekwa ari mumwe bedzi anoroverwa sekuti itsotsi! Zvinotonyanya kurwadza Jesu ipfungwa yokuzvidza kungatutirwa pana Baba vake vokudenga vaanoda kana akakundikana muedzo uyu unorwadza. Jesu anonyengetera nomwoyo wose uye anorwadziwa zvokuti ziya rake rinova semadonhwe eropa anowira pasi.—Ruka 22:42, 44.
Jesu achangopedza kunyengetera kechitatu. Varume vane mwenje nemarambi zvino vanosvika. Hapana mumwe ari kufamba ari pamberi kunze kwaJudhasi Iskarioti, uyo anonanga pana Jesu. “Kwaziwai, Rabhi!” anodaro, achitsvoda Jesu zvinyoro-nyoro. “Judhasi,” Jesu anopindura achidaro, “unopandukira Mwanakomana womunhu nokusveta here?”—Mateo 26:49; Ruka 22:47, 48; Johane 18:3.
Pakarepo, vaapostora vanoziva kuti chii chiri kuitika. Ishe wavo neshamwari yavanoda yava kuda kusungwa! Saka Petro anotora munondo ndokugura nzeve yomuranda womupristi mukuru. “Regai, zvaringana,” Jesu anokurumidza kudanidzira achidaro. Achienda mberi, anoporesa muranda wacho ndokurayira Petro kuti: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.” (Ruka 22:50, 51; Mateo 26:52) Vakuru vakuru nevarwi vanobata Jesu ndokumusunga. Vabatwa nokutya uye vavhiringidzika, vaapostora vanosiya Jesu ndokutizira murima.—Mateo 26:56; Johane 18:12.
Chishanu Mangwanani, Nisani 14
Nguva dzapfuura pakati pousiku kare mumaawa amangwanani eChishanu. Jesu anotanga aendeswa kumba kweaimbova Mupristi Mukuru Anasi, achiri kudzora zvikuru uye ane simba zvikuru. Anasi anomubvunzurudza uye anozoita kuti aendeswe kumba kwoMupristi Mukuru Kayafasi kwakaungana Sanihedrini.
Vatungamiriri vechitendero zvino vanoedza kuwana zvapupu zvokuti vatsvage mhaka yokupomera Jesu. Zvisinei, kunyange zvapupu zvacho zvenhema hazvibvumirani neuchapupu hwazvo. Nguva yose iyi, Jesu anoramba akanyarara. Achichinja maitiro, Kayafasi anobvunza achiti: “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.” Ichi ichokwadi chisingagoni kurambwa, saka Jesu anopindura noushingi achiti: “Ndini. Nemi muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achiuya namakore okudenga.”—Mateo 26:63; Marko 14:60-62.
“Wamhura Mwari!” anodanidzira kudaro Kayafasi. “Tichatsvakireiko zvapupu?” Vamwe zvino vanorova Jesu kumeso nembama uye vanomupfira. Vamwe vanomurova nezvibhakera zvavo ndokumushora zvokumushora zviya. (Mateo 26:65-68; Marko 14:63-65) Mambakwedza achangopera nomusi weChishanu, Sanihedrini inounganazve, zvichida kuti iratidze kuva pamutemo kwekutonga kusiri pamutemo kwezuro usiku. Uyezve Jesu anoratidza akashinga kuti ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari.—Ruka 22:66-71.
Zvadaro, vapristi vakuru navarume vakuru vanozvuzvurudza Jesu kuti anotongwa naPontio Pirato, gavhuna weRoma weJudhea. Vanopomera Jesu nezvokutsausa rudzi, kurambidza kubhadharwa kwemitero kuna Kesari, uye ku“zviidza Kristu Mambo.” (Ruka 23:2; enzanisa naMarko 12:17.) Apedza kubvunza Jesu, Pirato anozivisa kuti: “Handiwani mhosva kumunhu uyu.” (Ruka 23:4) Pirato paanonzwa kuti Jesu muGarirea, anoita kuti atumirwe kuna Herodhi Antipasi, mutongi weGarirea, ari muJerusarema nokuda kwePaseka. Herodhi haavavariri kuona kururamisira kuchiitwa. Anongoda hake kuona Jesu achiita chishamiso. Jesu zvaasingagutsi havi yake ndokuramba akanyarara, Herodhi navarwi vake vanomuseka ndokumudzosera kuna Pirato.
“Uyu wakagotadzeiko?” Pirato anobvunza kudaro zvakare. “Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.” (Ruka 23:22) Saka anoita kuti Jesu azvamburwe nechamboko chine tambo dzakawanda dzinorova zvinorwadza musana waJesu. Zvadaro mauto anomupfekedza nesimba korona yeminzwa mumusoro make. Vanomunyomba ndokumurova netsanga yakasimba, vachinyudza korona yeminzwa mumusoro make. Mumarwadzo ose nokurohwa zvisingatsananguriki, Jesu anoramba akaterama uye akasimba zvinoshamisa.
Pirato—pamwe achifunga kuti kurohwa kwaJesu kuchaita kuti vave netsitsi—anomubudisa pane vanhu zvakare. “Tarirai,” Pirato anodanidzira kudaro, “Ndamubudisira kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.” Asi vapristi vakuru vanodanidzira vachiti: “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” (Johane 19:4-6) Boka racho zvarinoramba richingotaura kudaro, Pirato anobvuma zvavanoda ndokuvapa Jesu kuti aroverwe.
Rufu Rwunorwadza
Zvino rwava rudziyakamwe, pamwe masikati ava kusvika. Jesu anobudiswa kunze kweJerusarema kunzvimbo inonzi Gorgota. Zvipikiri zvikuru zvinoroverwa nomumaoko aJesu namakumbo zvichipinda padanda rokutambudzira. Mashoko haagoni kutsanangura kurwadza kwacho sezvo kurema kwomuviri kunobvarura maronda ezvipikiri panosimudzwa danda rokutambudzira. Boka rinoungana kuti rione Jesu namatsotsi maviri vachiroverwa. Vakawanda vanotaura zvakaipa pamusoro paJesu. “Wakaponesa vamwe;” vapristi vakuru navamwe vanonyomba vachidaro, “haagoni kuzviponesa!” Nyange varwi namatsotsi maviri akaroverwa vanoseka Jesu.—Mateo 27:41-44.
Pakarepo masikati chaiwo, kwapera chinguva Jesu ava padanda, rima rinotyisa rinobva kuna Mwari rinova panyika kwamaawa matatu.a Zvichida ndiro rinoita kuti mumwe muiti wezvakaipa atuke mumwe wacho. Ipapo, achitaura naJesu, anokumbira kuti: “Mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Kutenda kunoshamisa zvakadini pakutarisana norufu rwatosvika! Jesu anopindura achiti, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:39-43.
Nenguva dzinenge dza3:00 masikati, Jesu anonzwa kuti kuguma kwake kwava pedyo. “Ndine nyota,” anodaro. Anobva adanidzira nenzwi riri pamusoro kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Jesu anogona kuona kuti Baba vake vaita sevarega kumudzivirira, kuitira kuti vabvumire kuti kutendeseka kwake kuedzwe kusvikira pakunogumira, uye anotaura mashoko aDhavhidhi. Mumwe munhu anoisa chipanji chakazara waini inovava pamiromo yaJesu. Anwa imwe waini yacho, Jesu anotura mafemo achiti: “Zvapera!” Anozodanidzira kuti: “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” anokotamisa musoro wake, uye anofa.—Johane 19:28-30; Mateo 27:46; Ruka 23:46; Pisarema 22:1.
Sezvo zuva rava kuda kuvira, gadziriro dzokukurumidza dzinoitwa dzokuviga Jesu Sabata (Nisani 15) isati yatanga panovira zuva. Josefa weArimatea, nhengo inozivikanwa yeSanihedrini yave iri mudzidzi waJesu wapachivande, inowana mvumo yokumuviga. Nikodhimo, ariwo nhengo yeSanihedrini yakaratidza kutenda Jesu pachivande, anobetsera namakirogiramu 33 emura nearosi. Nokungwarira, vanoradzika mutumbi waJesu muhwiro hutsva hwokurangaridza huri pedyo.
Mupenyu Zvakare!
Kuchakasviba mangwanani eSvondo Maria Magdharene navamwe vakadzi pavanosvika pahwiro hwaJesu. Asi tarira! Ibwe riri pahwiro rakunguruswa. Inga hwiro hahuna chinhu! Maria Magdharene anomhanyira kunoudza Petro naJohane. (Johane 20:1, 2) Achangobva ngirozi inooneka kune vamwe vakadzi. Inoti: “Musatya imi.” Inokurudzirawo kuti: “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, kuti wakamuka kuvakafa.”—Mateo 28:2-7.
Sezvavanomhanya vachienda, hapana mumwe wavanosangana naye kunze kwaJesu pachake! “Endai mundoudza hama dzangu,” anovaudza kudaro. (Mateo 28:8-10) Pava paya, Maria Magdharene ari pahwiro achichema panosvika Jesu paari. Haambogoni kudzora mufaro wake uye anomhanyira kunoudza vamwe vadzidzi mashoko anofadza. (Johane 20:11-18) Chokwadi, kashanu musi weSvondo iyoyo isingakanganwiki, Jesu amutswa anooneka kuvadzidzi vakasiyana-siyana, zvichisiya pasina mubvunzo kuti, ava mupenyu zvakare!
Matapurirwo Aunoitwa
Zviitiko zvemakore 1 966 apfuura zvingakutapura sei zvino pakuvamba kwezana ramakore rechi21? Chimwe chapupu chakaona zviitiko izvozvo chinotsanangura kuti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye. Rudo rwuri muchinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida akatumira Mwanakomana wake sechibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.”—1 Johane 4:9, 10, NW.
Rufu rwaKristu “chibayiro cheyananiso” pakudini? Iyananiso nemhaka yokuti rwunoita kuti pave noukama hwakanaka naMwari. Munhu wokutanga, Adhama, akapandukira Mwari uye naizvozvo akapfuudzira nhaka yechivi norufu kuvana vake. Asiwo, Jesu akapa upenyu hwake sorudzikinuro kuti abhadhare mutengo wechivi norufu zvavanhu, nokudaro achigovera chikonzero chokuti Mwari ave nengoni nenyasha. (1 Timotio 2:5, 6) Nokutenda muchibayiro chokuyananisa zvivi chaJesu, ungasunungurwa mukutukwa kwawakagara nhaka kubva kumutadzi Adhama. (VaRoma 5:12; 6:23) Izviwo zvinovhura mukana wakazonaka wokuva noukama hwako wega naBaba vako vokudenga vane rudo, Jehovha Mwari. Mukupfupikisa, chibayiro chikuru chaJesu chingareva upenyu husingambofi hwakaguma nokuda kwako.—Johane 3:16; 17:3.
Nyaya idzi nedzimwe dzakafanana dzichakurukurwa manheru eChina, 1 April, pamakumi ezviuru zvenzvimbo munyika yose apo mamiriyoni avanhu achaungana kuti ayeuke kufa kwaJesu Kristu. Unokokwa kuti uvepo. Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako zvichakuudza zvichifara kuti ungapinda kupi uye nguvai. Pasina mubvunzo kuvapo kuchadzamisa kuonga kwako zvakaitwa naMwari wedu ane rudo noMwanakomana wake anodiwa pazuva rokupedzisira roupenyu hwaJesu ari munhu.
[Mashoko Omuzasi]
a Rima haringagoni kuva rakaparirwa nekuora kwezuva nemhaka yokuti Jesu akafa panguva yomwedzi wakazara. Kuora kwezuva kunongoita maminiti mashomanene bedzi uye kunoitika kana mwedzi uri pakati penyika nezuva panguva yomwedzi mutsva.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
Kufa Kwajesu Nokumutswa
Nisani 33 C.E. Zvakaitika Munhu Mukurusab
14 China manheru Kuchengetwa kwepaseka; Jesu 113, ndima 2
anogeza tsoka dzavaapostora; kusvika
Judhasi anobuda kuti ku117,
anotengesa Jesu; Kristu ndima 1
anotanga Chirangaridzo chokufa
kwake (chichachengetwa gore
rino musi weChina, 1 April,
zuva ravira); murayiro
wokugadzirira vaapostora
kuenda kwake
Pakati Vapedza kunyengetera nenziyo 117 kusvika
pousiku dzokurumbidza, Jesu ku120
kusvikira navaapostora vanoenda kubindu
kwava kuda reGetsemani; Jesu anonyengetera
kuzoedza achidanidzira zvakasimba uye
nemisodzi; Judhasi Iskarioti
anosvika ane boka guru uye
anotengesa Jesu; vaapostora
vanotiza Jesu zvaanosungwa
ndokuendeswa kuna Anasi; Jesu
anoendeswa kuMupristi Mukuru
Kayafasi kuti anoonekwa
pamberi peSanihedrini;
anotongerwa rufu; anotukwa
nokurohwa; Petro anoramba
Jesu katatu
Chishanu Pamambakwedza, Jesu 121 kusvika
mangwanani anoonekwazve ari pamberi ku124
peSanihedrini; anoendeswa
kuna Pirato; anotumirwa kuna
Herodhi; anodzokera kuna Pirato;
Jesu anozvamburwa, anotukwa, uye
anorohwa; achimanikidzwa navanhu
Pirato anomupa kuti aroverwe;
anoendeswa kuGorgota kunourawa
zuva rakwira
Masikati- Anoroverwa masikati ava 125, 126
masikati ava kutosvika; rima kubva masikati
kupera kusvikira nenguva dzinenge
dza3:00, panofa Jesu;
kudengenyeka kwapasi kwakasimba;
chidzitiro chetemberi
chinobvaruka napakati
Zuva rava Mutumbi waJesu unovanzarikwa 127,
kuda kuzovira muhwiro huri mubindu Sabata ndima 1-7
isati yatanga
15 Chishanu Sabata inotanga
manheru
Mugovera Pirato anotendera varindiri 127,
veguva raJesu ndima 8-9
16 Svondo Mangwanani-ngwanani hwiro 127, ndima 10
hwaJesu hunowanwa husina kusvika
chinhu; Jesu akamutswa ku129, ndima 10
anoonekwa ne(1) boka
ravadzidzi vechikadzi,
kubatanidza Sarome, Johana,
uyeMaria mai vaJakobho;
(2) Maria Magdarene;
(3) Kreopasi neshamwari yake;
(4) Simoni Petro;
(5) vaapostora navamwe
vadzidzi vakaungana
[Mashoko Omuzasi]
b Dzakarongwa pano inhamba dzinoratidza maganhuro ari mubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana uchida chati ine Magwaro anotaura zvakawanda nezvoushumiri hwaJesu hwokupedzisira, ona “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” peji 290. Mabhuku aya akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.