Mwari naKristu Vanoona Sei Vakadzi?
TINGANYATSOZIVA sei maonero anoita Jehovha Mwari vakadzi? Imwe nzira ndeyokuongorora mafungiro uye zvaiitwa naJesu Kristu uyo ari “mufananidzo waMwari asingaoneki” uye anoratidza zvakakwana maonero anoita Mwari nyaya yacho. (VaKorose 1:15) Mabatiro aiita Jesu vakadzi vomuzuva rake anoratidza kuti Jehovha naJesu vanoremekedza vakadzi uye kuti havafariri zvachose kudzvinyirirwa kwavari kuitwa munyika dzakawanda nhasi.
Somuenzaniso, chimbofunga nguva iya Jesu paakataura nomumwe mukadzi patsime. Nhoroondo yeEvhangeri yaJohani inoti, “Mumwe mukadzi muSamariya akauya kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: ‘Ndipewo mvura yokunwa.’” Jesu akada kutaura nomukadzi wokuSamariya pachena kunyange zvazvo vaJudha vakawanda vakanga vasingadyidzani nevaSamariya. Maererano neThe International Standard Bible Encyclopedia, kuvaJudha “zvainyadzisa kutaura nomukadzi pachena kudaro.” Zvisinei, Jesu airemekedza vakadzi, aiva nehanya navo uye akanga asingavasaruri pamusana perudzi rwavo kana kuti vakadzi. Kusiyana neizvi, Jesu akatanga kuzvizivisa zvakajeka kumukadzi weSamariya kuti aiva Mesiya.—Johani 4:7-9, 25, 26.
Pane imwe nguva mumwe mukadzi akanga achitambura nechirwere chinonyadzisa uye chisingaperi chokubuda ropa kwemakore 12 akaenda kuna Jesu. Paakabata Jesu, akabva angoporeswa. “Jesu akatendeuka uye, achimuona, akati: ‘Shinga, mwanasikana; kutenda kwako kwakuporesa.’” (Mateu 9:22) Maererano noMutemo waMosesi, mukadzi aiva nechirwere chakadaro akanga asingafaniri kuva muboka revanhu, kana kutombobata zvake vamwe. Asi Jesu haana kumutuka. Pane kudaro, akamunyaradza achiratidza kumunzwira tsitsi uye akatomuti “mwanasikana.” Shoko iroro rinofanira kunge rakaita kuti anzwe kugadzikana! Uye Jesu anofanira kunge akafara chaizvo kumurapa!
Jesu amutswa, akatanga kuzviratidza kuna Mariya Magadharini uye kune mumwe wevadzidzi vake, uyo Bhaibheri rinodana kuti “mumwe Mariya.” Jesu angadai akatanga kuoneka kuna Petro, Johani, kana kuti kune mumwe wevadzidzi vake vechirume. Pane kudaro, akaremekedza vakadzi nokuita kuti vave vokutanga kumuona amutswa. Ngirozi yakavarayira kuti vaudze vadzidzi vaJesu vechirume nezvechiitiko ichocho chaishamisa. Jesu akaudza vakadzi vacho kuti: “Endai, munoudza hama dzangu.” (Mateu 28:1, 5-10) Chokwadi Jesu haana kukanganiswa nokusarura kwaiita vaJudha vomuzuva rake, avo vaiti vakadzi vakanga vasina kukodzera kuva zvapupu mudare.
Asitorina zvachose maonero okusarura vakadzi kana kuti okuti varume vari nani, Jesu akaratidza kuti airemekedza uye aikoshesa vakadzi. Kuitira vakadzi chisimba kwaipesana zvachose nezvaidzidziswa naJesu, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti zvaaiita zvairatidza zvakakwana kuti Baba vake, Jehovha, vanoona sei zvinhu.
Vakadzi Vanotarisirwa naMwari
“Hakuna nzvimbo muMediterranean yekare kana kuti pedyo nokumabvazuva kwaipiwa vakadzi rusununguko serwavanarwo munyika dzoKumadokero dzanhasi. Tsika yaingotevedzwa yaiva yokuti vakadzi vaifanira kuva pasi pevarume, sezvaiita varanda vaifanirawo kuva pasi pevanhu vakasununguka, uye vana pasi pevakuru. . . . Vana vechirume vaikosheswa chaizvo kudarika vechikadzi, uye vacheche vechisikana dzimwe nguva vaisiyiwa vachifa.” Ndiko kurondedzera kunoita rimwe duramazwi reBhaibheri nezvemaonerwo aiitwa vakadzi munguva dzekare. Muzviitiko zvakawanda, vaingotorwa sevaranda.
Bhaibheri rakanyorwa panguva yaibatwa vakadzi sevaranda. Kunyange zvazvo mutemo waMwari wakanyorwa muBhaibheri wairatidza kukoshesa zvikuru vakadzi, izvi zvaive zvakasiyana nemaonerwo avaiitwa munzvimbo dzakawanda kare.
Uchapupu hwokuti Jehovha ane hanya nevakadzi hunooneka muzviitiko zvakawanda paakapindira achibatsira vanamati vake vechikadzi. Kaviri akapindira kuti adzivirire Sara, mudzimai waAbrahamu, akanga ari tsvarakadenga, kuti asabatwa chibharo. (Genesisi 12:14-20; 20:1-7) Mwari akanzwira nyasha mukadzi akanga asinganyanyi kudiwa naJakobho, Reya, ‘nokuvhura chibereko chake,’ zvokuti akabereka mwanakomana. (Genesisi 29:31, 32) Vananyamukuta vaviri vechiIsraeri vaitya Mwari vakakomborerwa naJehovha ‘nokupiwa mhuri’ nokuti vakaisa upenyu hwavo parumananzombe kuti vararamise vanakomana vechiHebheru panguva yaiurayiwa vacheche muIjipiti. (Eksodho 1:17, 20, 21) Akapindurawo munyengetero waHana wemwoyo wose. (1 Samueri 1:10, 20) Uye imwe chirikadzi yomuprofita payaida kutorerwa vanakomana vayo nomukweretesi kuti vave varanda kuitira kuripa chikwereti chayo, Jehovha haana kuisiya panguva yakaoma iyi. Norudo, Mwari akaita kuti muprofita Erisha awanze mafuta ayo kuitira kuti ikwanise kuripa chikwereti chayo uye irambe iine mafuta aikwana kushandiswa nemhuri yayo. Izvi zvakararamisa mhuri yayo uye yakakudzwa.—Eksodho 22:22, 23; 2 Madzimambo 4:1-7.
Vaprofita vaigara vachishora kudzvinyirirwa kana kuti kuitirwa chisimba kwevakadzi. Muprofita Jeremiya akaudza vaIsraeri muzita raJehovha kuti: “Ruramisirai uye itai zvakarurama, nunurai uya ari kubirwa paruoko rweanobiridzira; uye musaitira utsinye chero mutorwa upi zvake, nherera kana chirikadzi. Musavaitira chisimba. Musateura ropa risina mhosva munzvimbo.” (Jeremiya 22:2, 3) Vapfumi nevaiva nesimba muna Israeri vakanga vamboshorwa nokuti vakanga vadzinga vakadzi mumisha yavo uye vaitira utsinye vana vavo. (Mika 2:9) Mwari wokururamisira anoona uye anoti kutambudza vakadzi nevana zvakadaro kwakaipa.
“Mudzimai Anokwanisa”
Maonerwo akarurama omudzimai anokwanisa anoratidzwa nomunyori wekare webhuku reZvirevo. Sezvo rondedzero iyi yakanaka zvikuru inoratidza basa uye nzvimbo yomudzimai yakanyorwa muShoko raJehovha, tinogona kuva nechokwadi chokuti anovada. Pane kudzvinyirirwa kana kuti kuonekwa somunhu akaderera, mukadzi akadaro anokosheswa, anoremekedzwa, uye anovimbwa.
“Mudzimai anokwanisa” anotaurwa muchitsauko 31 chaZvirevo chitsauko 31 anobishaira uye anoshanda nesimba zvikuru. Anoshanda nesimba pane ‘zvinofarirwa nemaoko ake,’ uye anotengesa nokutotenga zvinhu zvikuru. Anoona munda outenga. Anosona zvipfeko ozvitengesa. Anopa vatengesi mabhandi. Ane simba zvikuru uye anobishaira. Uyezve, mashoko ake ouchenjeri nomutsa wake une rudo zvinoongwa zvikuru. Saka izvi zvinoita kuti aremekedzwe zvikuru nomurume wake, nevanakomana vake uye, zvinotokosha zvikuru, naJehovha.
Vakadzi havafaniri kudzvinyirirwa nevarume, kubatwa zvisina kufanira, kana kuitirwa zvinhu zvipi nezvipi zvakaipa pamusana pokuti vakadzi. Pane kudaro, mukadzi akaroorwa anofanira kufara uye kuva “mukwanisi” ane unyanzvi womurume wake.—Genesisi 2:18.
Vakudzei
Paainyorera varume vechiKristu pamusoro pemabatiro avanofanira kuita madzimai avo, munyori akafuridzirwa Petro akakurudzira varume kuti vatevedzere zvinoitwa naJehovha naJesu Kristu. Akati: ‘Imi varume, rambai muchivakudza.’ (1 Petro 3:7) Kukudza munhu kunoreva kumukoshesa uye kumuremekedza zvikuru. Saka murume anokudza mudzimai wake haamunyadzisi, haamuoneri pasi, kana kumurova. Asi anoratidza nezvaanotaura uye zvaanoita paruzhinji uye vari voga kuti anomukoshesa uye anomuda.
Murume akakudza mudzimai wake zvinoita kuti mumba muve nomufaro. Funga zvakaitwa naCarlos naCecilia. Vava nenguva varoorana vaiwanzokakavadzana vasina kana chavaipedza. Dzimwe nguva vaingorega kutaudzana. Vakanga vasingazivi kuti zvinetso zvavo vangazvigadzirisa sei. Carlos airova; Cecilia aida twakawanda-wanda uye aidada. Zvisinei, pavakatanga kudzidza Bhaibheri uye kushandisa zvavaidzidza, zvinhu zvakatanga kuita nani. Cecilia anoti: “Ndakaona kuti dzidziso dzaJesu uye muenzaniso waakasiya zvakachinja unhu hwangu uyewo hwomurume wangu. Nemhaka yomuenzaniso waJesu, ndati wedzerei pakuzvininipisa uye pakunzwisisa. Ndakadzidza kutsvaka kubatsirwa naJehovha mumunyengetero sezvaiitwa naJesu. Carlos akadzidza kushivirira uye kuzvidzora kuti akudze mudzimai wake sezvinodiwa naJehovha.”
Imba yavo haisi yevanhu vakakwana asi yagara kwemakore. Mumakore achangopfuura vakasangana nematambudziko akakura, Carlos akapererwa nebasa uye aifanira kuvhiyiwa nokuti aiva nekenza. Asi matambudziko aya haana kukanganisa imba yavo, iyo yatosimba zvikuru.
Kubva pakatadza vanhu vachibva vava vasina kukwana, munyika dzakawanda vakadzi vave vasingakudzwi. Vave vachirohwa, vachishungurudzwa uye vachibatwa chibharo. Asi Jehovha akanga asina kuvasika kuti vabatwe saizvozvo. Nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti pasinei nemaonero akapararira, vakadzi vose vanofanira kukudzwa uye kuremekedzwa. Ikodzero yavo yavakapiwa naMwari.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mukadzi muSamariya
[Mufananidzo uri papeji 4]
Mukadzi ari kurwara
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mariya Magadharini
[Mufananidzo uri papeji 6]
Jehovha akadzivirira Sara kaviri
[Mufananidzo uri papeji 7]
Imba yaCarlos naCecilia yaiva parumananzombe
[Mufananidzo uri papeji 7]
Carlos naCecilia nhasi