Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu Mupenyu!
APO vakadzi vanowana guva raJesu risina munhu, Maria Magdharene anomhanya kundoudza Petro naJohane. Zvisinei, vamwe vakadzi sezviri pachena vanoramba vari paguva. Nokukurumidza, ngirozi inooneka uye inovakokera mukati.
Muno vakadzi vanoonazve imwe ngirozi, uye imwe yengirozi inoti kwavari: “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, wakanga akaroverwa. Haapo pano, nokuti wakamuka, sezvaakareva. Uyai, muone pakanga pavete Ishe. Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, kuti wakamuka kuvakafa.” Naizvozvo norutyo nomufaro mukuru, ava vakadzi vanomhanyawo.
Panguva ino, Maria awana Petro naJohane, uye anoshuma kwavari, kuti: “Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.” Nokukurumidza vaapostora vaviri vanotanga kumhanya. Johane anomhanya zvikuru netsoka—sezviri pachena achiva muduku—uye anotanga kusvika kuguva. Panguva ino vakadzi vabva, naizvozvo hapana munhu aripo. Achidongorera, Johane anonzvera muguva uye anoona micheka, asi anoramba ari kunze.
Apo Petro anosvika, haasati achizengurira asi anopinda mukati chaimo. Iye anoona micheka iri imomo uyewo mucheka wakashandiswa kuputira musoro waJesu. Wakapetwa munzvimbo imwe. Johane zvino anopindawo muguva, uye anodavira mushumo waMaria. Asi Petro kana kuti Johane havanzwisisi kuti Jesu amutswa, kunyange zvazvo Iye akanga avaudza kazhinji kazhinji kuti Iye aizomutswa. Vakatyamadzwa, vaviri vanodzoka kumusha, asi Maria, uyo adzokera kuguva, anosara.
Munguvayo, vamwe vakadzi vari kukurumidza kuudza vadzidzi kuti Jesu amutswa, sezvo ngirozi dzakavaraira kuita. Vari kumhanya nokukurumidza sezvavanogona, Jesu anosangana navo uye anoti: “Kwaziwai!” Vachiwira patsoka dzake, vanomurumbidza. Ipapo Jesu anoti: “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Garirea, vagondionako.”
Pamberi pezvi, apo kudengenyeka kwapasi kwakaitika uye ngirozi dzakaoneka, varwi vairindira vakakatyamadzwa ndokuva savanhu vakafa. Pakunaya, vakakurumidza kupinda muguta ndokuudza vaprista vakuru chakanga chaitika. Pashure pokurangana na“varume vakuru” vavaJudha, chisarudzo chinoitwa chokuedza kufukidza nhau yacho kupfurikidza nokupfumba muromo varwi. Ivo vanoraidzwa, kuti: “Taurai muchiti: ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’”
Sezvo varwi veRoma vangarangwa norufu nokuda kwokuvata panzvimbo dzavo, vaprista vanopikira, kuti: “Kana [mushumo wokuvata kwenyu] zvikanzwika nomubati, tichamutendisa, imi murege kusundirwa mhosva.” Sezvo ukuru hwepfumbamuromo huri hukuru zvakakwana, varwi vanoita sezvavanoraidzwa. Somuuyo, mushumo wenhema pamusoro pokubiwa kwomuviri waJesu unoparadzirwa zvakafara pakati pavaJudha.
Maria Magdharene, uyo anosara shure paguva, anokurirwa nenhamo. Jesu angagona kuva kupi? Achidongorera kuti atarire muguva, anoona ngirozi mbiri dzakapfeka zvichena, idzo dzaonekazve! Imwe yakagara kumusoro uye imwe yacho kutsoka uko muviri waJesu wakanga uri. “Mai, munochemeiko?” idzo dzinobvunza.
“Nokuti vabvisa Ishe wangu,” Maria anopindura, “zvino handizivi kwavakamuisa.” Ipapo anotendeuka shure uye anoona mumwe anodzokorora mubvunzo: “Mai, munochemeiko?” Uye iyeyo anobvunzawo, kuti: “Munotsvaka aniko?”
Achifungidzira uyu munhu kuva mutarisiri webindu mune guva, iye anoti kwaari: “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”
“Maria!” munhu wacho anodaro. Uye nokukurumidza iye anoziva, nenzira yakarovedzeka iyo iye anotaura nayo kwaari, kuti ndiJesu. “Rab·boʹni!” (kureva kuti “Mudzidzisi!”) iye anodaro. Uye nomufaro usina kuganhurirwa, anomubata. Asi Jesu anoti: “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: ‘Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.’”
Maria zvino ano mhanyira uko vaapostora navadzidzi biyake vakaungana. Iye anowedzera nhauro yake kumushumo uyo vamwe vakadzi vatopa pamusoro pokuona Jesu akamutswa. Bva, ava varume, vasina kudavira vakadzi vokutanga, sezviri pachena havadaviriwo Maria. Mateo 28:3-15; Marko 16:5-8; Ruka 24:4-12; Johane 20:2-18.
◆ Pashure pokuwana guva risina munhu, chii chinoita Maria Magdharene, uye ndichinoitikai chinova navamwe vakadzi?
◆ Petro naJohane vanoita sei pakuwana guva risina munhu?
◆ Chii icho vamwe vakadzi vanosangana nacho vachienda kundoshuma rumuko rwaJesu kuvadzidzi?
◆ Chii chinoitika kuvarwi vanorinda, uye chii chiri mhinduro kumushumo wavo kuvaprista?
◆ Chii chinoitika apo Maria Magdharene anenge ari oga paguva, uye ndeipi iri mhinduro yavadzidzi kumishumo yavakadzi?