RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/15 pp. 26-28
  • Kuzivisa Mashoko Akanaka mu“Guta rePolynesia” reNew Zealand

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzivisa Mashoko Akanaka mu“Guta rePolynesia” reNew Zealand
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • VaSamoa Vanoita Fambiro Mberi
  • Mhinduro yavaNiue
  • Zvinyorwa Zvomutauro wePolynesia
  • Kufarikanya Patafura Imwe Yomudzimu
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/15 pp. 26-28

Kuzivisa Mashoko Akanaka mu“Guta rePolynesia” reNew Zealand

“GUTA rePolynesia gurusa renyika.” Izvozvo ndizvo izvo vamwe vakadana guta guru reNew Zealand Auckland. Neiko? Kwete chete nemhaka yokuti ndiwo musha wavaPolynesia veNew Zealand imene, vaMaori, asiwo nemhaka yokuti makumi ezviuru avamwe vaPolynesia anogara imomo. Mumakore achangobva kupfuura, ivo vakatama vachibva kuWestern Samoa, Cook Islands, Tonga, Niue, uye zvimwe zvitsuwa zvePacific. Chokwadi, zvino muNew Zealand mune vaMaori veCook Island vazhinji kupfuura muboka rimene rose reCook Island! Nenzira yakafanana, vagari veNiue muAuckland vanopfuura zvakati avo vari muNiue.

Kunyange zvazvo ava vagari vomuzvitsuwa zvePacific vakatamira kuAuckland zvikurukuru nokuda kwezvikonzero zvemari, vanewo zvimwe zvinodikanwa zvinofanira kuitwa. Chinokosha nokuda kwaava vanhu vanoda Bhaibheri zvikurukuru ndichinodikanwa chavo chomudzimu. (Mateo 5:3) Zvichiziva ikoku, Zvapupu zvaJehovha muNew Zealand zvakaita nhamburiko yakati yokuzivisa “mashoko akanaka oumambo” pakati paava vagari vomuzvitsuwa. (Mateo 24:14, NW) Chii chakaitwa muna ikoku, uye vagari vomuzvitsuwa vakagamuchira sei?

VaSamoa Vanoita Fambiro Mberi

Tsinhiro yakaitwa nomumwe mufundisi muSamoa inotiudza chimwe chinhu pamusoro pomurangariro wavagari vomuzvitsuwa pazvinhu zvomudzimu. “Apo unotanga kusangana nomumwe munhu muNew Zealand, ndokwomuitiro kubvunza pamusoro pebasa rake rokunyika,” iye anotsanangura kudaro. “MuSamoa mubvunzo wokutanga unobvunzwa kazhinji kazhinji une chokuita nebatano yorudzidziso yomunhu.” Hakushamisi, naizvozvo, kuti ungano mbiri dzinotaura chiSamoa dzeZvapupu zvaJehovha muAuckland dziri kukura pamwero unokurumidza zvikuru kupfuura ungano yapaavhareji muNew Zealand.

Ungano yeSamoa yokutanga muAuckland yakatangwa muna 1977. Nemhaka yokukura kwakapiwa naMwari, yechipiri yakaumbwa makore manomwe gare gare. (Enzanisa na 1 VaKorinte 3:6.) Muidzi ungano mbiri, mune hwerengedzo yavazivisi voUmambo 154, 12 vachiva vanoshingaira muushumiri hwenguva yakazara. Paavhareji Svondo, vanhu vanopfuura 275 vanopinda misangano yakavakirwa paBhaibheri inoitwa paHoro yoUmambo.

Hama nehanzvadzi veSamoa vanorangarira kutenda kwavo zvakakomba, sezvinoratidzirwa neshingairo norutsungiriro zvavanoratidza mubasa ravo rokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Ikoku kunogona kuonwa muchinoitika chinotevera chehanzvadzi yeSamoa:

Iri muushumiri hwapaimba neimba, hanzvadzi yacho yakasangana nomumwe mukadzi uyo akashora marudzidziso ose saanonyengera ndokuvhara suo. Yakatyamadzwa uye yavhiringidzwa, hanzvadzi yacho yakashamisika pamusoro pechokuita. ‘Handigoni kumusiya achifunga kuti Zvapupu zvaJehovha vanyengeri,’ akafunga kudaro. Naizvozvo akasarudza kusiya tsamba. “Ndakatsanangura nokupfupikisa hwaro hwapaMagwaro hwebasa rangu ndokukumbira kana aizondipa nguva yokutsanangura kwaari tariro iyo Bhaibheri rinopa. Ndakabatanidzawo nhamba yangu yorunhare.”

Hanzvadzi yacho ipapo yakapfuurira noushumiri hwayo, ichishanyira mimwe misha. Sezvo yakasvika imba yechina munzira, yakapiwa shoko rorunhare rokudzokera kuzoona mukadzi akanga avhara suo nokushatirwa pamberi pezvi. “Mukadzi wacho akakumbira ruregerero nokuda kwokuita kwake kwokutanga,” hanzvadzi inorondedzera kudaro, “uye akaratidzira kuonga nokuda kwetsamba yandakasiya. Kurukurirano ine miuyo yakatevera, uye fundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa.”

Kunofadzawo kuona mudzimu woufundisi wokuzvibaira unoratidzwa nezvimwe Zvapupu zveSamoa. Imwe hama nemhuri yayo vakatama vachibva Auckland vachienda kuWellington muna 1981 kuzobetsera boka duku rinoshanda pakati pavagari veSamoa vari ikoko. Kubva muboka ravaparidzi voUmambo 11 panguva iyoyo, ungano yavane 47 yakavapo. “Tuso dzinokurira zvikuru zvakabairwa,” yakadaro hama. Misi ichangobva kupfuura iyi, iye nemhuri yake vakapindura ‘danidzo yeMakedhonia’ uye vakatama vachidzokera kuWestern Samoa. (Mabasa 16:9, 10) Vamwewo vakadzokera kudzaichimbova nzvimbo dzavo dzokugara uye vakatanga kuita basa roupiona chaihwo, roufundisi, kana kuti reBheteri.

Mhinduro yavaNiue

Basa rokuparidzira riri kufambirawo mberi pakati pavaNiue muAuckland. Mutariri anofambira anoshuma, kuti: “Muushumiri hwapaimba neimba, ndokwomuitiro kukokwa kupinda. Bhaibheri remhuri rinowanzova pedyo, uye kunorangarirwa kuva chinhu chenguva dzose kurikurukura.”

Zvino kune ungano inoshingaira zvikuru yavaNiue muAuckland. Mukati meshanyo yomutariri anofambira gore rapera, vaparidzi voUmambo 76 vanosonganirana nayo vakakwanisa kugamuchira vanhu 127 kuhurukuro yeBhaibheri yapachena paSvondo. Uye kune mudzimu wakaisvonaka pakati pehama nehanzvadzi.

“Shanyo inorangarirwa sevhiki chairo rekurudziro nokuda kwavose,” anodaro mutariri anofambira. “Chokudya chimwe nechimwe ndichinoitika cheungano. Uye idzodzi inguva dzokupa zvinodikanwa zvavaNiue zvakadai setakihi (zvokudya zvamapopo [papayas], taros [mufarinya], uye kirimu yekokonati yakaputirwa mumashizha amabhanana), pitako (chingwa chinoitwa netaros, mabhanana, uye tapioca), uye punu povi (nyama yomumagaba), pane dzimwe nguva inonongedzerwa kwairi nejee sesteki yavagari vomuzvitsuwa.”

Zvinyorwa Zvomutauro wePolynesia

Kuti igutse zvinodikanwa zvomudzimu zvavagari vePolynesia muAuckland nokudzimwe nzvimbo, Watch Tower Society yakaronga kubudisa chiverengero chakati chezvinyorwa zveBhaibheri mumitauro yePolynesia. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yeRarotonga, kana kuti chiMaori cheCook Island, inobudiswa kaviri pamwedzi. Nharireyomurindi yeNiue yomwedzi nomwedzi inogamuchirwawo zvakanaka. Kuparadzirwa kwezvinyorwa zveRarotonga neNiue zveNharireyomurindi panguva ino makopi anenge 1 000 chimwe nechimwe, uye makopi 900 echinyorwa cheSamoa zvino ari kuparadzirwa muNew Zealand.

Mukuwedzera kuNharireyomurindi, chiverengero chakati chamabhuku namabhurocha chinowanika mumitauro yakasiana-siana yePolynesia. Bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, rakaburitswa muchiNiue muna 1989, ndicho chinyorwa chokutanga mumutauro iwoyo chinogovera kunzwisiswa kwedzidziso dzehwaro dzeBhaibheri. Rinobudirira zvikuru mumunda weMaori (Rarotongan) weCook Island ibhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano mumutauro iwoyo. Dzinodokuva fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzose dzinoitiswa nebetsero yebhuku iroro. “Kunopupurira kuva kwaro yamuro yokudzidzisa inobudirira,” anodaro mumwe mukuru, “ndiko kudisa uko vadzidzi vanotanga nako kupinda misangano yeungano.”

Mukuwedzera kukuparadzira kwavo kwenguva dzose paimba neimba izvi zvinyorwa, vanhu vaJehovha vanogovera mabhuku akawanda mukungagona kunzi kupupurira kwomumusika. Nemhaka yokuwanda kukuru kwavagari vePolynesia muAuckland mumakore achangobva kupfuura aya, misika mikuru ine tumba twechinguvana inotarisira zvokudya nezvoumhizha zvePacific Island zvakaoneka kamwe kamwe. Vakawanda savanhu 25 000 vangauya kumusika wakadaro paChitanhatu mangwanani. Zvichishandisa nokuchenjera iri banza, Zvapupu zvinoenda kuiyi misika ndokutaura kuvaridzi vetumba navatengi pamusoro poUmambo hwaMwari.

Kupfurikidza noushumiri hwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kukusha mbeu yoUmambo yakawanda ndokugovera zvitsama zvikuru zvamabhuku eBhaibheri kuvanhu vePolynesia. Hofisi yebazu yeWatch Tower Society inoshuma kuti mukati megore rebasa ra 1990, mabhuku 23 928 omutauro wePolynesia akatumirwa achibva mufekitori.

Kufarikanya Patafura Imwe Yomudzimu

Zvichiziva chinodikanwa chazvo chomudzimu, Zvapupu zvePolynesia zvinokoshesa zvikuru kupinda misangano yechiKristu yevhiki nevhiki paHoro dzoUmambo, pamwe chete nokupinda magungano azvo nekokorodzano. (VaHebheru 10:23-25) Pa“Ruramisiro Youmwari” Kokorodzano Yoruwa yakaitwa muAuckland muna December 1988, marusando akaparadzana akaitwa muchiSamoa, chiNiue, uye Maori cheCook Island. Pfundo guru repurogiramu yeSamoa chakanga chiri chinoitika cheBhaibheri chakasanodzokororwa nechembavarira. Zvapupu zveNiue zveAuckland nezveCook Island zvakaratidzira mutsa wazvo wechiKristu kupfurikidza nokubatira savagamuchiri vane nyasha kuvashanyi vakabva kuzvitsuwa zvavo kwavakaberekerwa. Kokorodzano yakabvumikisa kuva nguva yokudya nokufara patafura yomudzimu yaJehovha. Pa 1990 “Mutauro Wakachena” Kokorodzano muAuckland, chiverengero chapamusoro chavane 503 chakapinda marusando eSamoa.

Kuita kwakananga kushoko roUmambo ufakazi hwakajeka hwokuti vanhu vanobva kuzvitsuwa zvePolynesia zveSouth Pacific vave ‘vakamirira mutemo waJehovha.’ (Enzanisa naIsaya 42:4, 12.) Uyewo, ivo vanogoverana nomufaro mukuzivisa mashoko akanaka mu“guta rePolynesia” reNew Zealand.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe