“Chiedza Chakasvika Panyika”
“Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.”—JOHANE 3:19.
1. Neiko munhu ari wose achifanira kuitira hanya rutongeso rwaMwari?
VANHU vazhinjisa nhasi havanetseki zvikuru pamusoro porutongeso rwaMwari. Vamwe vanokurangarira kuva chokwadi kuti Mwari achavatonga zvakanaka kana vakaenda kuchechi nguva dzose ndokusaita kuvadziko ipi neipi kuvavakidzani vavo. Nokuda kwavazhinji, dzidziso dzechiKristudhomu pamusoro pehero yomwoto nepurigatori dzakazvidza pfungwa yose yorutongeso rwoumwari. Asi kusaitira hanya kwakapararira nenhema dzechiKristudhomu hazvigoni kuchinja idi rokuti munhu ari wose pakupedzisira achatongwa naMwari. (VaRoma 14:12; 2 Timotio 4:1; Zvakazarurwa 20:13) Uye zvakawanda zvichatsamira paurwu rutongeso. Avo vanotongwa zvakanaka vachagamuchira chipo chaMwari choupenyu husingaperi, apo avo vanotongwa zvakaipa vachagamuchira mibairo yakazara yechivi: rufu.—VaRoma 6:23.
2. Chii chiri hwaro hworutongeso rwaMwari?
2 Nokudaro, maKristu echokwadi anoitira hanya rutongeso rwaMwari, uye anoshuva zvapachokwadi kumufadza. Anogona sei kuita ikoku? Pana Johane 3:19, Jesu anotipa nhungamiro. Iye anoti: “Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.” Hungu, rutongeso rwaMwari ruchavakirwa pakuti tinoda chiedza here panzvimbo perima.
“Mwari Chiedza”
3. Rima chii, uye chiedza chii?
3 Mupfungwa yomudzimu, rima rine chokuita nokusaziva nokusava netariro izvo zviri munzvimbo yaSatani—kunyange zvazvo Satani kazhinji kazhinji achinyepedzera kuva “ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 4:4; 11:14, NW; VaEfeso 6:12) Pane rumwe rutivi, chiedza chine chokuita nenzwisiso nevhenekero zvinobva kuna Jehovha Mwari. Pauro akataura nezvechiedza paakanyora, kuti: “Nokuti Mwari, wakareva kuti ‘chiedza chibude parima,’ ndiye wakavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu.” (2 VaKorinte 4:6) Chiedza chomudzimu chinoziviswa zvikuru naJehovha Mwari zvokuti muapostora Johane akanyora, kuti: “Mwari chiedza.”—1 Johane 1:5; Zvakazarurwa 22:5.
4. (a) Jehovha akaita sei kuti chiedza chiwanike? (b) Tinogona kuratidzira rudo rwechiedza munzirai?
4 Jehovha akaita kuti chiedza chiwanike kupfurikidza neshoko rake, iro nhasi rinowanika zvakasununguka muchimiro chakanyorwa muBhaibheri Dzvene. (Pisarema 119:105; 2 Petro 1:19) Nokudaro, wezvamapisarema akanga achiratidzira chaizvoizvo rudo rwake rwechiedza paakanyora, kuti: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; ndinozvida kwazvo.” (Pisarema 119:97, 167) Unoda chiedza sezviri pachena zvikuru seizvo wezvamapisarema akaita here? Unorava nguva dzose Shoko raMwari, kufungisisa pariri, uye kuedza zvakaoma kushandisa zvarinotaura here? (Pisarema 1:1-3) Kana zvakadaro, uri kutsvaka kugamuchira rutongeso rwakanaka runobva kuna Jehovha.
“Ndiri Chiedza Chenyika”
5. Chiedza choumwari chinonanga pana ani?
5 Chiedza chinopa upenyu chinobva kuna Jehovha chinonanga pana Jesu Kristu. Musumo yeEvhangeri yaJohane, tinorava, kuti: “Upenyu hwaiva maari [Jesu]; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchikunda.” (Johane 1:4, 5) Zvamazvirokwazvo, Jesu ane songaniro yapedyo zvikuru yakadaro nechiedza zvokuti iye anodanwa kuti “chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe.” (Johane 1:9) Jesu amene akati: “Chero bedzi ndiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”—Johane 9:5, NW.
6. Chii icho munhu anofanira kuita kuti awane rutongeso rwakanaka runotungamirira kuupenyu husingaperi?
6 Naizvozvo, avo vanoda chiedza vanoda Jesu uye vane kutenda maari. Hakubviri kuwana rutongeso rwakanaka pasina nongedzero kuna Jesu. Hungu, kuri bedzi kupfurikidza nokutarira kwaari somutoo wakagadzwa waMwari woruponeso kuti tinogona kuwana rutongeso rwakanaka. Jesu akati: “Unotenda kuMwanakomana, uno upenyu husingaperi; asi usingateereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” (Johane 3:36) Chii, kunyanguvezvo, chinoreva kushandisa kutenda muna Jesu?
7. Kutenda muna Jesu kunoreva kutenda muna anizve?
7 Kutanga, Jesu amene akati: “Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kuno wakandituma. Unondiona, unoona wakandituma. Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima.” (Johane 12:44-46) Avo vanoda Jesu ndokushandisa kutenda maari vanofanirawo kuva norudo rukuru nokutenda muna Mwari naBaba vaJesu, Jehovha. (Mateo 22:37; Johane 20:17) Vapi navapi vanoshandisa zita raJesu mukunamata kwavo asi vanokundikana kupa rukudzo rukuru zvikuru kuna Jehovha havaratidziri rudo rwechokwadi rwechiedza.—Pisarema 22:27; VaRoma 14:7, 8; VaFiripi 2:10, 11.
“Mumiriri Mukuru” waMwari
8. Chiedza choumwari chakananga sei pana Jesu kunyange pamberi pokuberekwa kwake kwohunhu?
8 Kushandisa kutenda muna Jesu kunorevawo kugamuchira zvizere basa rake mumadonzo aJehovha. Ukoshi hweiri basa hwakasimbiswa apo ngirozi yakati kuna Johane: “Kupupurira Jesu ndiko kunonyandura kuporofita.” (Zvakazarurwa 19:10, NW; Mabasa 10:43; 2 VaKorinte 1:20) Kuvambira pauporofita hwokutanga humene muEdheni, mauporofita ose akafuridzirwa nenzira youmwari pakupedzisira ane chokuita naJesu nenzvimbo yake mukushanda kwamadonzo aMwari. Nenzira yakafanana, Pauro akaudza maKristu eGaratia kuti sungano yoMutemo yakanga iri “muperekedzi unotiisa kuna Kristu.” (VaGaratia 3:24) Sungano yoMutemo iyoyo yekare yakarongedzerwa kugadzirira rudzi rwacho nokuda kwokuuya kwaJesu saMesia. Naizvozvo kunyange pamberi pokuberekwa kwake kwohunhu, chiedza chinobva kuna Jehovha chakanangidzirwa pana Jesu.
9. Kuda chiedza kwakabatanidzei chifo cha 33 N.V.?
9 Muna 29 N.V., Jesu akazvipa amene nokuda kworubhapatidzo uye akazodzwa nomudzimu mutsvene, nokudaro achiva Mesia akapikirwa. Muna 33 N.V. iye akafa ari munhu akakwana, akamutswa, akakwira kudenga, uye ikoko akapa ukoshi hwoupenyu hwake nokuda kwezvivi zvedu. (VaHebheru 9:11-14, 24) Iyi nhevedzano yezvinoitika yakaratidzira chinjo mukubata kwaMwari navanhu. Jesu zvino akanga ava “Mumiriri Mukuru woupenyu,” ‘Mumiriri Mukuru woruponeso,’ “Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu.” (Mabasa 3:15; VaHebheru 2:10; 12:2, NW; VaRoma 3:23, 24) Kuvambira muna 33 N.V. zvichienda mberi, vadi vechiedza vakaziva, uye vakagamuchira, kuti kunze kwaJesu “hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”—Mabasa 4:12.
10. Neiko kuchikosha kwazvo kunzwa mashoko aJesu ndokuteerera?
10 Kushandisa kutenda muna Jesu kunorevawo kumugamuchira se“Shoko” uye “Mupi weZano Anoshamisa.” (Johane 1:1; Isaya 9:6, NW) Icho Jesu anotaura nguva dzose chinoratidzira zvokwadi youmwari. (Johane 8:28; Zvakazarurwa 1:1, 2) Kumuteerera inhau youpenyu norufu. Jesu akaudza vaJudha vomuzuva rake, kuti: “Unonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, uno upenyu husingaperi; haauyi mukutongwa, asi wabva murufu, waenda muupenyu.” (Johane 5:24) Muzana rokutanga ramakore N.V., avo vakaita chiito pamashoko aJesu vakanunurwa murima renyika yaSatani uye vakauya kuupenyu, sokunge zvakadaro. Vakaruramiswa nomurangariro wokuva vadyi nhaka pamwe chete naye muUmambo hwake hwokudenga. (VaEfeso 1:1; 2:1, 4-7) Nhasi, kuteerera mashoko aJesu kunozarura nzira yokuti vazhinji varuramiswe nomurangariro wokupukunyuka Armagedhoni nokuwana upenyu hwakakwana hwohunhu munyika itsva.—Zvakazarurwa 21:1-4; enzanisa naJakobho 2:21, 25.
“Musoro Wezvose”
11. Chiremerai chikuru chakapiwa kuna Jesu muna 33 N.V.?
11 Pashure porumuko rwake, Jesu akazivisa kuvateveri vake rumwe rutivi rwechiedza. Iye akati: “Chiremera chose chakandipiwa mudenga napasi pano.” (Mateo 28:18, NW) Nokudaro Jesu akanga achikwidziridzwa kunzvimbo yakatanhamara musangano rapose pose raJehovha. Pauro anopa humwe udzame paanoti: “[Mwari] achimumutsa [Jesu] kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga, kumusorosoro kwavabati vose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo; akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa [ungano, NW] iye, kuti ave musoro wazvose, ndiwo muviri wake.” (VaEfeso 1:20-23; VaFiripi 2:9-11) Chifo cha 33 N.V., kuda chiedza kwakabatanidza kubvuma iyi nzvimbo yakakwirira yaJesu.
12. MaKristu akazodzwa akagamuchirei nomufaro kubva pakuvamba chaipo, uye akaratidza sei ikoku munzira inoshanda?
12 Pakupedzisira, rudzi rwose rwomunhu ruchafanira kubvuma chiremera chaJesu. (Mateo 24:30; Zvakazarurwa 1:7) Vadi vechiedza, zvisinei, vakachiziva nokufara kubva pamavambo chaipo. Mitezo yakazodzwa yeungano yechiKristu inogamuchira Jesu so“musoro womuviri, ungano.” (VaKorose 1:18, NW; VaEfeso 5:23) Pavanova rutivi rwomuviri iwoyo, vano‘nunurwa muchiremera cherima uye vanochinjirwa muumambo hwoMwanakomana worudo rwaMwari.’ (VaKorose 1:13) Kuvambira ipapo zvichienda mberi, vanotevera zvapachokwadi umusoro hwaJesu murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwavo, uye munguva yedu vakadzidzisa “mamwe makwai” kuita zvakafanana. (Johane 10:16) Kubvuma umusoro hwaJesu ndichinodikanwa chikuru nokuda kwokugamuchira rutongeso rwakanaka.
13. Jesu akavamba rini kushandisa chiremera choUmambo, uye chii chakatevera pano pasi pano?
13 Pakukwira kwake kudenga muna 33 N.V., Jesu haana kushandisa pakarepo chiremera chake kusvikira kumwero wakazara zvikurusa. Kunyange zvazvo ari Musoro weungano yechiKristu, iye akamirira nguva yakafanira yokushandisa chiremera chakazara parudzi rwose zvarwo rwomunhu. (Pisarema 110:1; Mabasa 2:33-35) Nguva iyoyo yakasvika muna 1914, apo Jesu akagadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwaMwari uye “mazuva okupedzisira” enyika ino akavamba. (2 Timotio 3:1) Chifo cha 1919, kuunganidzwa kwavakazodzwa vakasara kwakapfuurira kwakananga kukupedzwa kwako. Kuvambira muna 1935 zvikurukuru, Jesu ave achikamuranisa rudzi rwomunhu kuva “makwai,” ayo achagara nhaka “umambo hwa[va]kagadzirirwa,” uye “mbudzi,” idzo “dzichaenda kukurohwa kusingaperi.”—Mateo 25:31-34, 41, 46, NW.
14. Boka guru rakaratidzira sei rudo rwechiedza, uye chii chichava muuyo kwavari?
14 Nomufaro, makwai abvumikisa kuva akawanda mumazuva ano okupedzisira. Boka guru rawo rinosvika mamirioni rakaoneka pachiono chenyika “richibva mundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” Kufanana neshamwari dzavo, vakazodzwa, ava vanhu vakafanana namakwai vanoda chiedza. Vaka“suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana,” uye vanodanidzira nenzwi guru, vachiti: “Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro cho[umambo, NW], nokuGwaiana.” Nemhaka yaikoku, boka guru seboka richagamuchira rutongeso rwakanaka. Mitezo yaro “inobuda mudambudziko guru, (NW),” ichipukunyuka ruparadziko paArmagedhoni rwaavo vanoda rima.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14.
“Vana Vechiedza”
15. Zviito zvedu zvinoratidza kuzviisa kwedu pasi paMambo Jesu Kristu, munzirai?
15 Kunyanguvezvo, vadi vechiedza, vangave vakazodzwa kana kuti mamwe makwai, vanozviisa sei nenzira inoshanda pasi paJesu souyo akagadzwa pachigaro choumambo naMwari saMambo noMutongi anoshanda? Imwe nzira iri kupfurikidza nokuedza kuva rudzi rwavanhu urwo Jesu anotendera. Ari pasi pano Jesu akaratidza kuonga mavara akadai souchokwadi, kuva womwoyo wose, uye mbavarira nokuda kwezvokwadi, uye iye amene akaratidzira aya mavara. (Marko 12:28-34, 41-44; Ruka 10:17, 21) Kana tichishuva rutongeso rwakanaka, tinofanira kukudziridza mavara akadaro.
16. Neiko kuchikosha kubvisa mabasa erima?
16 Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru sezvo rima renyika yaSatani riri kukora zvikuru sezvo mugumo unoswedera pedyo. (Zvakazarurwa 16:10) Naizvozvo mashoko ayo Pauro akanyorera vaRoma akakodzera zvikuru, anoti: “Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirase mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza. Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.” (VaRoma 13:12, 13) Nepo upenyu husingaperi huri chipo chinobva kuna Mwari, humachokwadi hwokutenda kwedu norudo rwedu nokuda kwechiedza hunoratidzirwa nezviito zvedu. (Jakobho 2:26) Nokudaro, rutongeso rwatinogamuchira ruchatsamira kumwero mukuru patambanuko yatinoshandisa mabasa akaisvonaka ndokudzivisa mabasa akaipa.
17. “Kupfeka Ishe Jesu Kristu” kunorevei?
17 Pashure pokupa zano rake pana VaRoma 13:12, 13, muapostora Pauro anopedzisa nokuti: “Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.” (VaRoma 13:14) Kunoreveiko “kupfeka Ishe Jesu Kristu”? Kunoreva kuti maKristu anofanira kusanotevera Jesu, achizvipfekedza amene, sokunge zvakadaro, muenzaniso wake nechimiro chake, achitamburira kuva akafanana naKristu. “Nokuti makadanirwa izvozvo,” akadaro Petro, “Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.”—1 Petro 2:21.
18. Ichinjoi huru dzingadikanwa kana tichishuva kugamuchira rutongeso rwakanaka?
18 Kazhinji kazhinji ikoku kwakabatanidza chinjo huru muupenyu hwomuKristu. “Nokuti kare maiva murima,” akadaro Pauro, “asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza. Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi.” (VaEfeso 5:8, 9) Vapi navapi vanoshandisa mabasa erima havasati vari vadi vechiedza uye havasati vachizogamuchira rutongeso rwakanaka kutoti vakaita chinjo.
“Muri Chiedza Chenyika”
19. MuKristu anogona kuratidzira chiedza munzirai dzakasiana-siana?
19 Pakupedzisira, kuda chiedza kunoreva kuratidzira chiedza kuti vamwe vagogona kuchiona ndokukweverwa kwachiri. “Imi muri chiedza chenyika,” akadaro Jesu. Uye iye akawedzera, kuti: “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:14, 16) Mabasa akaisvonaka omuKristu anobatanidza kuratidzira rudzi rupi norupi rwokururama nezvokwadi, sezvo mufambiro wakaisvonaka wakadaro uchigovera uchapupu hwakasimba nokuda kwezvokwadi. (VaGaratia 6:10; 1 Petro 3:1) Anobatanidza zvikurukuru kutaura kuna vamwe pamusoro pezvokwadi. Nhasi, ikoku kunoreva kugoverana munhimbe yenyika yose yokuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo . . . mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” Kunorevawo, kudzokerera nenzira yokushivirira vanhu vanofarira, kufunda Bhaibheri navo, uye kuvabetserawo, kubereka mabasa echiedza.—Mateo 24:14, NW; Mat. 28:19, 20.
20. (a) Chiedza chiri kupenya zvakajeka sei nhasi? (b) Zvikomboreroi zvakapfuma zvinofarikanywa naavo vanogamuchira chiedza?
20 Muzuva redu, tinoonga mubato wokuparidzira kwokushingaira wamaKristu akatendeka, mashoko akanaka ari kunzwiwa munyika dzinopfuura 200, uye chiedza chiri kupenya sezvisakamboitika nakare kose. Jesu akati: “Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.” (Johane 8:12) Mufaro wakadini kugoverana mukuzadzikwa kweichi chipikirwa! Upenyu hwedu hwakapfuma zvikuru kwazvo zvino zvokuti hatisati tichaperazve simba murima renyika yaSatani. Uye kariro dzedu dzinoshamisa zvirokwazvo sezvatinotarira mberi kurutongeso rwakanaka runobva kuMutongi akagadzwa waJehovha. (2 Timotio 4:8) Yaizova ngwavaira yakadini kana, tasvika kuchiedza, tikadzokera shure murima ndokugamuchira rutongeso rwakaipa! Munyaya inotevera, tichakurukura kuti tingaramba sei takasimba mukutenda.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri hwaro hworutongeso rwaMwari?
◻ Jesu ane basai guru pamusoro pamadonzo aMwari?
◻ Tinoratidzira sei kuti tinozviisa pasi paJesu souyo Jehovha akagadza pachigaro choumambo saMambo?
◻ Tinogona sei kuzvibvumikisa timene kuva “vana vechiedza”?
◻ Murima renyika ino, chiedza chiri kupenya munzirai sezvisakamboitika nakare kose?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Pakupedzisira, rudzi rwose rwomunhu ruchafanira kubvuma chiremera chaJesu
[Mufananidzo uri papeji 12]
Tinoratidza kuti tinoda chiedza patinochiratidzira kuna vamwe