Vabereki Navana: Isai Mwari Pakutanga!
“Itya[i] Mwari, [m]uchengete mirayiro yake.”—MUPARIDZI 12:13.
1. Rutyo rupi urwo vabereki navana vanofanira kusakurira, uye rwuchavaunzirei?
UPOROFITA pamusoro paJesu Kristu hwakataura kuti “mufaro wake uchava pakutya Jehovha.” (Isaya 11:3) Rutyo rwake rwakanga rwuri nenzira inokosha ruremekedzo rukuru nokutya Mwari, kutya kusafadza Mwari nemhaka yokuti aimuda. Vabereki navana vanofanira kusakurira kutya Mwari kwakafanana nokwaKristu kwakadaro, uko kuchavaunzira mufaro sezvakwakaita kuna Jesu. Vanofanira kuisa Mwari pakutanga muupenyu hwavo kupfurikidza nokuteerera mirayiro yake. Maererano nomumwe munyori weBhaibheri, “ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.
2. Ndoupi wakanga uri murayiro unokosha zvikurusa woMutemo, uye wakapiwa zvikurukuru kuna ani?
2 Murayiro unokosha zvikurusa woMutemo, ndiwo wokuti, tinofanira ‘kuda Jehovha nemwoyo wedu wose, nemweya, nesimba roupenyu,’ wakapiwa zvikurukuru kuvabereki. Ikoku kunoratidzwa namashoko okuwedzera oMutemo, anoti: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:4-7; Marko 12:28-30) Vabereki nokudaro vakarayirwa kuisa Mwari pakutanga kupfurikidza nokumuda ivo vamene uye kupfurikidza nokudzidzisa vana vavo kuita zvimwe chetezvo.
Mutoro wechiKristu
3. Jesu akaenzanisira sei ukoshi hwokupa ngwariro kuvana?
3 Jesu akaratidzira ukoshi hwokupa ngwariro kunyange vana vaduku. Pane imwe nhambo pedyo nomugumo woushumiri hwaJesu hwapasi, vanhu vakavamba kuunza vacheche vavo kwaari. Sezvinooneka vachidavira kuti Jesu akanga akanyanyobatikana zvokusanetswa, vadzidzi vakaedza kudzivisa vanhu. Asi Jesu akatsiura vadzidzi vake achiti: “Regai vana vaduku, vauye kwandiri, musavadzivisa.” Jesu “aka[to]vafungatira mumaoko,” nokudaro achiratidza nenzira inoorora ukoshi hwokupa ngwariro kuvaduku.—Ruka 18:15-17; Marko 10:13-16.
4. Ndivanaani vakapiwa murayiro woku“dzidzis[a] marudzi ose,” uye ikoku kwaizoda kuti vaitei?
4 Jesu akajekesawo kuti vateveri vake vakanga vane mutoro wokudzidzisa vamwe kunze kwevana vavo vamene. Mushure morufu rwake norumuko, Jesu “akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe”—kubatanidza vamwe vabereki. (1 VaKorinte 15:6) Sezviri pachena ikoku kwakaitika pane rimwe gomo muGarirea apo vaapostora vake 11 vakanga vakaunganawo. Ipapo Jesu akavakurudzira ivo vose, achiti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Mateo 28:16-20) Hapana muKristu anogona kufuratira nenzira yakarurama murayiro uyu! Kuti vanababa navanamai vauite kunoda kuti vatarisire vana vavo pamwe chete nokugoverana mubasa rokuparidza pachena nokudzidzisa.
5. (a) Chii chinoratidza kuti vakawanda zvikurusa, kana vasitori vose, vavaapostora vakanga vakaroora uye sezvinobvira vaiva navana? (b) Izanoi iro misoro yemhuri inofanira kurangarira zvakakomba?
5 Nenzira inokosha, kunyange vaapostora vaifanira kudzikamisa mitoro yavo yemhuri nemusengwa wokuparidza pamwe chete nokufudza boka raMwari. (Johane 21:1-3, 15-17; Mabasa 1:8) Ikoku kuri nemhaka yokuti vakawanda zvikurusa, kana vasiri vose, zvavo vakanga vakaroora. Nokudaro muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “Tine chiremera chokutungamirira hanzvadzi somudzimai, kunyange sevasara vavaapostora nehama dzaShe naKefasi, hatidaro here?” (1 VaKorinte 9:5, NW; Mateo 8:14) Vamwe vaapostora vangava vakanga vane vana. Vezvenhau vapakuvamba, vakadai saEusebius, vanotaura kuti Petro aiva navo. Vabereki vose vechiKristu vapakuvamba vaifanira kuteerera zano rapaMagwaro, rinoti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.
Mutoro Wokutanga
6. (a) Idenhoi iyo vakuru vechiKristu vane mhuri vanayo? (b) Ndoupi uri mutoro wokutanga womukuru?
6 Vakuru vechiKristu vane mhuri nhasi vari mumamiriro ezvinhu akafanana naayo avaapostora. Vanofanira kudzikamisa mutoro wavo wokutarisira zvinodikanwa zvomudzimu nezvenyama zvemhuri dzavo nomusengwa wavo wokuparidza pachena uye kufudza boka raMwari. Mubato upi unofanira kuva nenzvimbo yokutanga? Nharireyomurindi yaOctober 1, 1964, yakati: “Musengwa [wababa] wokutanga uri kumhuri yake, chokwadi, iye haasati aigona, kusanobatira kudai asina kuchengeta uyu musengwa.”
7. Madzibaba echiKristu anoisa sei Mwari pakutanga?
7 Naizvozvo madzibaba anofanira kuisa Mwari pakutanga kupfurikidza nokuteerera murayiro ‘wokupfuurira kurera vana vavo muchirango nomukudzora ndangariro kwaJehovha.’ (VaEfeso 6:4) Mutoro iwoyo haugoni kupiwa kune munhuwo zvake, kunyange kana baba vangavawo nemugove wokutarisira mibato muungano yechiKristu. Madzibaba akadaro anogona sei kutarisira mitoro yavo—kugovera mitezo yemhuri munyama, mumudzimu, uye mumirangariro—uye panguva imwe cheteyo, achitungamirira uye achigovera tarisiro muungano?
Kugovera Tsigiro Inodikanwa
8. Mudzimai womukuru anogona sei kumutsigira?
8 Nenzira yakajeka, vakuru vane mitoro yemhuri vanogona kubetserwa netsigiro. Nharireyomurindi yanokorwa mashoko pamusoro apa yakataura kuti mudzimai wechiKristu anogona kutsigira murume wake. Yakati: “Angazviita zvive zvakakodzera sezvingabvira nokuda kwake kugadzirira migove yake yakasiyana-siyana, nokubatsira kuchengeta nguva inokosha nokuda kwake iye uye nokuda kwake amene pakuva norudungwe rwakanaka mumusha, kuva nezvokudya panguva yacho, kuva nokugadzirira kuenda kumisangano yeungano nokukurumidza. . . . Pasi penhungamiro yomurume wake, mudzimai wechiKristu angaita zvizhinji kurovedza vana munzira yavanofanira kufamba kuti vafadze Jehovha.” (Zvirevo 22:6) Hungu, mudzimai akasikwa kuti ave “mubatsiri,” uye murume wake achagamuchira nokuchenjera yamuro yake. (Genesi 2:18) Tsigiro yake inogona kumugonesa kutarisira nenzira inobudirira zvikuru yose iri miviri mitoro yemhuri neyeungano.
9. Ndivanaani muungano yeTesaronika vakakurudzirwa kubetsera mimwe mitezo yeungano?
9 Zvisinei, vadzimai vevakuru vechiKristu havasati vari ivo voga vanogona kugoverana mumubato unotsigira mutariri uyo anofanira kuita zvose zviri zviviri ku“fudza boka raMwari” uye kutarisira mhuri yake amene. (1 Petro 5:2) Ndiani zvakare anogona? Muapostora Pauro akakurudzira hama dzaiva muTesaronika kuremekedza avo vaiva“tungamirira.” Bva, achipfuurira kukurukura kuidzi hama dzimwe chetedzo—zvikurukuru dzisiri vatariri—Pauro akanyora, kuti: “Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.”—1 VaTesaronika 5:12-14.
10. Mugumisiroi wakaisvonaka uyo betsero yorudo yehama dzose inova nawo paungano?
10 Kwakaisvonaka sei apo hama dziri muungano dzinova norudo runodzisunda kunyaradza vakaora mwoyo, kutsigira vakaneta, kurayira vasingateereri murayiro, uye kuva nomwoyo murefu kuna vose! Hama dzaiva muTesaronika, idzo dzakanga dzichangobva kugamuchira zvokwadi yeBhaibheri pasinei zvapo nokutambura dambudziko guru, dzakashandisa zano raPauro rokuita ikoku. (Mabasa 17:1-9; 1 VaTesaronika 1:6; 2:14; 5:11) Funga nezvemugumisiro wakaisvonaka batira pamwe yavo yorudo yakava nayo yokusimbisa nokubatanidza ungano yose! Nenzira yakafanana, apo hama nhasi dzinonyaradza, dzinotsigira, uye dzinorayirana, kunoita kuti mitoro yokufudza yavakuru, avo vanowanzova nemhuri dzokutarisira, ive nyore zvikuru kutarisira.
11. (a) Neiko kune mufungo kugumisa kuti vakadzi vaibatanidzwa mushoko rokuti “hama”? (b) Ibetseroi iyo mudzimai wechiKristu akakura mumudzimu anogona kupa kuvakadzi vaduku nhasi?
11 Vakadzi vaibatanidzwawo here pakati pe“hama” idzo muapostora Pauro akanga achikurukura kwadziri? Hungu, vaibatanidzwa, sezvo vakadzi vakawanda vakava vatendi. (Mabasa 17:1, 4; 1 Petro 2:17; 5:9) Rudzii rwebetsero urwo vakadzi vakadaro vaigona kupa? Eya, kwakanga kune vakadzi vaduku muungano dzacho avo vakanga vane chinetso mukudzora “zvishuvo [zvavo] zvevatano” kana kuti avo vakava “mweya yakaodzwa mwoyo.” (1 Timotio 5:11-13, NW) Vamwe vakadzi nhasi vane zvinetso zvakafanana. Chavangada zvikurusa kungoteererwa kana kuti kunzwirwa tsitsi. Kazhinji kazhinji mukadzi wechiKristu akakura mumudzimu ndiye munhu akanakisisa kuti agovere betsero yakadaro. Anogona, somuenzaniso, kukurukura zvinetso zvomunhu oga nomumwe mukadzi izvo murume wechiKristu ari oga aisagona kubata nenzira yakakodzera. Achisimbisa ukoshi hwokugovera betsero yakadaro, Pauro akanyora, kuti: “Vakadzi vakuru ngavave . . . vadzidzisi vezvakanaka; kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, vave vakangwara, vakachena, vanochengeta imba, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.”—Tito 2:3-5.
12. Kunokosha kuti vose vari muungano vateerere nhungamiro yaani?
12 Chikomborero chakadini icho hanzvadzi dzinozvininipisa dziri muungano dzinova apo dzinotsigira nenzira yokubatira pamwe vose vari vaviri varume vavo navakuru! (1 Timotio 2:11, 12; VaHebheru 13:17) Vakuru vane mitoro yemhuri zvikurukuru vanobetserwa apo vose vanobatira pamwe kuti vabetserane mumudzimu worudo uye apo vose vanozviisa pasi penhungamiro yavafudzi vakagadzwa.—1 Petro 5:1, 2.
Vabereki, Chii Chamunoisa Pakutanga?
13. Madzibaba akawanda anokundikanisa sei mhuri dzawo?
13 Makore akati apfuura mumwe muvaraidzi akakurumbira akati: “Ndinoona varume vanobudirira vachitarisira makambani ane mazana avarume; vanoziva nzira yokubata nayo namamiriro ezvinhu ari ose, nzira yokuranga nayo nokutusa munyika yebhizimisi. Asi bhizimisi guru ravari kutarisira imhuri yavo uye vanokundikana.” Nemhaka yei? Hakusati here kuri nemhaka yokuti vanoisa bhizimisi nedzimwe fariro pakutanga ndokufuratira zano raMwari? Shoko rake rinoti: “Mashoko awa andinokurayira . . . , unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako.” Uye ikoku kwakanga kuchifanira kuitwa zuva nezuva. Vabereki vanofanira kupa nguva yavo zvisina rutsuta—uye zvikurukuru rudo rwavo nokuitira hanya kukuru.—Dheuteronomio 6:6-9.
14. (a) Vabereki vanofanira kutarisira sei vana vavo? (b) Rovedzo yakarurama yavana inobatanidzei?
14 Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti vana inhaka inobva kuna Jehovha. (Pisarema 127:3) Unotarisira vana vako sezvinhu zvaMwari, chipo icho akakuronzesa here? Mwana wako sezvinobvira achadavidza kana ukamufungatira mumaoko ako, nokudaro uchiratidzira itiro hanya yako yorudo nengwariro. (Marko 10:16) Asi ku‘rovedza mwana mukuwirirana nenzira yake’ kunoda zvinopfuura kungomumbundira nokumutsvoda. Kuti ashongedzerwe nouchenjeri hwokudzivisa hunza dzoupenyu, mwana anodawo chirango chorudo. Mubereki anoratidza rudo rwechokwadi kupfurikidza no‘kuranga mwana wake.’—Zvirevo 13:1, 24; 22:6.
15. Chii chinoratidza kudikanwa kwechirango chavabereki?
15 Kudikanwa kwechirango chomubereki kunogona kuonwa murondedzero yomupizano wechikoro yevana vanouya kuhofisi yake: “Vanonzwisa tsitsi, vakaodzwa mwoyo, uye vanoshayiwa kuzvivimba. Vari kuchema sezvavanotaura pamusoro pamamiriro akaita zvinhu chaizvoizvo. Vakawanda—vakawanda zvikuru kupfuura avo mumwe angafunga—vakaedza kuzviuraya, kwete nemhaka yokuti vanofara zvikuru kuti havagoni kushivira; imhaka yokuti vanonzwa vari vasingafari zvikuru, vasingaitirwi hanya, uye vanokurirwa nefunganyo nemhaka yokuti pazera duku rakadaro vari ‘kutarisira’ uye zvakanyanyovawandira.” Akawedzera, kuti: “Chinhu chinotyisa kuti munhu muduku anzwe kuti ari kutarisira zvinhu.” Chokwadi, vana vangaramba chirango, asi vanoonga zvomenene nhungamiro neganhuriro zvavabereki. Vanofara kuti vabereki vavo vanoitira hanya zvakakwana zvokuvagadzira ganhuriro. “Kwave kuchizorodza kwandiri,” akadaro mumwe muyaruki ane vabereki vakakuita.
16. (a) Chii chinoitika kuvamwe vana vanorerwa mumisha yechiKristu? (b) Neiko nzira yokutsauka yomwana isingareviwo zvayo kuti rovedzo yakapiwa navabereki yakanga isina kunaka?
16 Bva, pasinei zvapo nokuva navabereki vanovada uye vanogovera rovedzo yakaisvonaka, vamwe vaduku, kufanana nomwanakomana anopambadza mumuenzaniso waJesu, vanoramba nhungamiro yavabereki uye vanotsauka. (Ruka 15:11-16) Ikoko makuri kumene, zvisinei, kungasareva kuti vabereki havana kuita mutoro wavo wokurovedza mwana wavo zvakarurama, sezvinorayira Zvirevo 22:6. Mashoko pamusoro po‘kurovedza mwana maererano nenzira yaanofanira kufamba nayo uye haasati achizotsauka pairi’ akapiwa somutemo wavose. Nenzira inosuruvarisa, kufanana neanopambadza, vamwe vana vacha‘shora kuteerera vabereki.’—Zvirevo 30:17.
17. Vabereki vevana vakatsauka vangawana nyaradzo kubva kupi?
17 Vamwe baba vomwanakomana akatsauka vakachema vachiti: “Ndakaedza ndaedzazve kusvika mwoyo wake. Handizivi chokuita nemhaka yokuti ndakaedza zvinhu zvakawanda kwazvo. Hapana chakashanda.” Nenzira ine tariro, vana vakatsauka vakadaro, mukufambira mberi kwenguva, vachayeuka rovedzo yorudo iyo vakagamuchira ndokudzoka sezvakaita anopambadza. Idi rinoramba riripo, kunyange zvakadaro, kuti vamwe vana vanopanduka ndokuita zvinhu zvounzenza kukurwadziwa kukuru kwavabereki vavo. Vabereki vangawana nyaradzo mukuziva kuti kunyange mudzidzisi mukuru ati amborarama pasi pano akaona mudzidzi wake wenguva yakareba Judhasi Iskarioti achimutengesa. Uye Jehovha amene pasina panikiro akasuruvariswa apo vakawanda vavanakomana vake amene vomudzimu vakaramba zano rake ndokubvumikisa kuva vanopandukira kusiri kupfurikidza nemhaka Yake.—Ruka 22:47, 48; Zvakazarurwa 12:9.
Vana—Muchafadza Ani?
18. Vana vanogona sei kuratidza kuti vanoisa Mwari pakutanga?
18 Jehovha anokukurudzirai imi vaduku, kuti: “Teererai vabereki venyu munaShe.” (VaEfeso 6:1) Vanhu vaduku vanoisa Mwari pakutanga kupfurikidza nokuita izvozvi. Usava benzi! “Munhu upi noupi ari benzi haaremekedzi chirango chababa vake,” Shoko raMwari rinodaro. Uyewo haufaniri kuva anofunga nenzira yokuzvikudza kuti unogona kupfuurira pasina chirango. Idi nderokuti “kune chizvarwa chakachena mumeso acho chimene, uye bva chisina kucheneswa patsvina dzacho.” (Zvirevo 15:5; 30:12, American Standard Version) Naizvozvo teerera nhungamiro youmwari—“Inzwa,” “chengeta,” “usakanganwa,” “teerera,” “chengeta” uye “usarasha” mirayiro nechirango chavabereki.—Zvirevo 1:8; 2:1; 3:1; 4:1; 6:20.
19. (a) Zvikonzeroi zvakasimba izvo vana vanazvo zvokuteerera Jehovha? (b) Vechiduku vanogona sei kuratidza kuti vanoonga Mwari?
19 Une zvikonzero zvakasimba zvokuteerera Jehovha. Anokuda, uye akapa mirayiro yake, kubatanidza murayiro wokuti vana vateerere vabereki vavo, kuti utaviridzwe uye kuti ubetserwe kufarikanya upenyu hunofadza. (Isaya 48:17) Akapawo Mwanakomana wake kuti akufire kuitira kuti uponeswe pachivi norufu ndokufarikanya upenyu husingaperi. (Johane 3:16) Unoonga here? Mwari ari kutarira ari kudenga, achinzvera mwoyo wako kuti aone kana uchimuda zvechokwadi uye uchionga gadziriro dzake. (Pisarema 14:2) Satani ari kutarirawo, uye ari kushora Mwari, achitaura kuti hausati uchizoMuteerera. Unofadza Satani uye Jehovha anonzwa “shungu” apo unorega kuteerera Mwari. (Pisarema 78:40, 41) Jehovha anokukumbira, kuti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu [kupfurikidza nokunditeerera]; kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Hungu, mubvunzo ndowokuti, Uchafadza ani, Satani here kana kuti Jehovha?
20. Imwe pwere yakachengeta sei ushingi hwokubatira Jehovha kunyange apo inotyiswa?
20 Hakusati kuri nyore kuita kuda kwaMwari mukutarisana nedzvinyiriro idzo Satani nenyika yake vanoisa pauri. Kunogona kuva kunotyisa. Imwe pwere yakati: “Kutya kwakafanana nokutonhorwa. Unogona kuita chimwe chinhu pamusoro pakwo.” Akatsanangura, kuti: “Apo unotonhorwa, unopfeka juzi. Kana uchiri kutonhorwa, unopfeka rimwe. Uye unopfuurira kupfeka chimwe chinhu kutozosvikira kutonhorwa kwapera uye usingachatonhorwizve. Naizvozvo kunyengetera kuna Jehovha apo unotyiswa kwakafanana nokupfeka juzi apo unotonhorwa. Kana mushure momunyengetero mumwe ndichiri anotyiswa, ndinonyengetera ndanyengeterazve, kutozosvikira ndisingachatyiswizve. Uye zvinoshanda. Zvakandiita kuti ndirambe ndiri kure nezvinetso!”
21. Jehovha achatitsigira sei kana tikaedza chaizvoizvo kumuisa pakutanga muupenyu hwedu?
21 Kana tikaedza chaizvoizvo kuisa Mwari pakutanga muupenyu hwedu, Jehovha achatitsigira. Achatisimbisa, achigovera betsero yengirozi apo inodikanwa, kunyange sezvaakaitira Mwanakomana wake. (Mateo 18:10; Ruka 22:43) Ivai noushingi mose imi vabereki navana. Ivai norutyo rwakafanana norwaKristu, uye kuchakuunzirai mufaro. (Isaya 11:3) Hungu, “itya[i] Mwari, [m]uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.—Muparidzi 12:13.
Unogona Kupindura Here?
◻ Mitoroi iyo vateveri vapakuvamba vaJesu vaifanira kudzikamisa?
◻ Mitoroi iyo vabereki vechiKristu vanofanira kuita?
◻ Ibetseroi inowanika kuvakuru vechiKristu vane mhuri?
◻ Ibasai rinokosha iro hanzvadzi dzingaita muungano?
◻ Kunokosha kuti vana vateerere zanoi nenhungamiro?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kazhinji kazhinji mukadzi akakura mumudzimu anogona kugovera mukadzi muduku betsero inodikanwa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vabereki vane vana vakatsauka vanogona kuwana nyaradzoi kubva muMagwaro?