Zvirevo
6 Mwanakomana wangu, kana wakabvumira muvakidzani wako kutora chikwereti uchivimbisa kuzomubhadharira,+
Kana wakabatana maoko nemutorwa uchibvumirana naye,+
2 Kana wakateyiwa nezvawakavimbisa,
Wakabatwa nemashoko emuromo wako,+
3 Ita izvi, mwanakomana wangu, uzvisunungure,
Nekuti wakawira muruoko rwemuvakidzani wako:
Enda unozvininipisa, ukurumidze kuteterera muvakidzani wako.+
4 Usarega maziso ako achibatwa nehope,
Kana kuti maziso ako achitsimwaira.
5 Zvipukunyutse sezvinoita mhara muruoko rwemuvhimi,
Sezvinoita shiri muruoko rwemubati weshiri.
7 Kunyange zvazvo risina mutungamiriri, mutariri, kana mutongi,
8 Rinogadzirira zvekudya zvaro muzhizha,+
Uye rinounganidza zvekudya zvaro nguva yekukohwa.
9 Iwe simbe, kusvikira riini wakarara ipapo?
Uchamuka riini pawakarara?
10 Kumboti rarei, kumboti tsimwairei,
Kumboti zororei wakapeta maoko,+
11 Urombo huchabva hwauya pauri semauyiro anoita gororo,
Uye nhamo ichauya pauri semauyiro anoita munhu akabata chombo.+
12 Munhu asina zvaanobatsira uye akaipa anofamba-famba achitaura zvisina kururama;+
13 Anochonya neziso rake,+ achiita zviratidzo netsoka yake, achinongedza neminwe yake.
15 Saka dambudziko richamuwira asingafungiri;
Achapwanywa munguva pfupi pfupi zvekusakwanisa kuporazve.+
16 Kune zvinhu zvitanhatu zvinovengwa naJehovha;
Tingati kune zvinhu zvinomwe zvinomusemesa* zvinoti:
17 Maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ uye maoko anodeura ropa risina mhosva,+
18 Mwoyo unoronga mazano akaipa,+ uye tsoka dzinomhanyira zvakaipa,
19 Chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete,+
Uye munhu wese anoita kuti hama dzipesane.+
21 Gara wakazvisungirira pamwoyo wako;
Zvisungirire muhuro mako.
25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako+
Kana kurega achikukwezva nemaziso ake anoyevedza,
26 Nekuti pfambi inoita kuti murume asare nechingwa chimwe chete chaicho,+
Asi mukadzi wemunhu anourayisa.*
27 Munhu angaisa mazimbe emoto muhomwe yepachipfuva nguo dzake dzikasatsva here?+
28 Kana kuti munhu angafamba pamazimbe emoto tsoka dzake dzikasatsva here?
29 Ndizvo zvakafanana nemunhu anorara nemudzimai wemuvakidzani wake;