‘Muranda Akatendeka’ noMutumbi Wake Unodzora
“Ndiani zvomenemene ari muranda akatendeka nowakachenjera uyo tenzi wake akagadza paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira?”—MATEO 24:45, “NW.”
1. Neiko Jehovha achidisa kupa simba, uye ndikunaani zvikurukuru kwaakaita saizvozvo?
JEHOVHA ndiMwari wenhevedzano. Ndiyewo Manyuko esimba rose rakafanira. Ane chivimbo muruvimbiko rwezvisikwa zvake zvakatendeka, Jehovha anodisa kupa simba. Uyo iye akapa simba gurusa Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Zvamazvirokwazvo, Mwari “akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, uye akamuita musoro pazvinhu zvose kuungano.”—VaEfeso 1:22, NW.
2. Pauro anoidza ungano yechiKristu kutii, uye Kristu akapa simba kunaani?
2 Muapostora Pauro anoidza ungano yechiKristu kuti “imba yaMwari” uye anotaura kuti Mwanakomana akatendeka waJehovha, Jesu Kristu, akaiswa pamusoro peiyi imba. (1 Timotio 3:15; VaHebheru 3:6) Uyewo, Kristu anopa simba kumitezo yeimba yaMwari. Tinogona kuona ikoku mumashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 24:45-47. (NW) Iye akati: “Ndiani zvomenemene ari muranda akatendeka nowakachenjera uyo tenzi wake akagadza paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira? Anofara ndiye muranda iyeyo kana tenzi wake pakusvika achimuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.”
Mutarisiri Weimba Womuzana Rokutanga Ramakore
3. Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka nowakachenjera,” uye ishokoi rinoshandiswa kwavari savanhu vamwe navamwe?
3 Kubva mufundo yedu yokungwarira yaMagwaro, tinoziva kuti mitezo yakazodzwa nomudzimu yeimba yaMwari panguva ipi neipi inopiwa pamwe chete inoumba “muranda akatendeka nowakachenjera,” “mutariri,” kana kuti “mutarisiri weimba.” Somunhu mumwe nomumwe, mitezo yeimba yaJehovha inonzi “veimba” kana kuti “boka ravarindi.”—Mateo 24:45; Ruka 12:42; Reference Bible, mashoko omuzasi.
4. Nokukurumidza pamberi porufu rwake, mubvunzoi uyo Jesu akamutsa, uye iye akazvifananidzira amene naani?
4 Mwedzi yakati pamberi porufu rwake, Jesu akamutsa uyu mubvunzo, wakanyorwa pana Ruka 12:42 (NW): “Ndiani zvomenemene ari mutariri akatendeka, akachenjera, uyo tenzi wake achagadza paboka rake ravarindiri kuti arambe achivapa mwero wavo wemigove yezvokudya panguva yakafanira?” Ipapo, mazuva mashomanene asati afa, Jesu akazvifananidza amene nomunhu akanga odokufamba rwendo, uyo akadana varanda vake ndokupa zvinhu zvake kwavari.—Mateo 25:14.
5. (a) Ndirini apo Jesu akagovera vamwe kutarisira zvinhu zvake? (b) Mugovei mukuru uyo Jesu akapa kuavo vaizova rutivi rwomutariri akaumbwa navazhinji weimba yake?
5 Jesu akagovera rini vamwe kuti vatarisire zvinhu zvake? Ikoku kwakaitika pashure porumuko rwake. Mumashoko ake akarovedzeka anowanikwa pana Mateo 28:19, 20, Kristu akatanga kupa avo vaizova rutivi rwomutarisiri wake weimba akaumbwa navazhinji mugove wakawedzerwa wokudzidzisa nokuita vadzidzi. Kupfurikidza nokupupurira somunhu mumwe nomumwe “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi,” varindiri vaizokudza munda woufundisi uyo Jesu akanga avamba kurima mukati moushumiri hwake hwapasi. (Mabasa 1:8, NW) Ikoku kwakabatanidza kushanda kwavo se“nhume dzinotsiva Kristu.” Sa“vatariri vezvakavanzika zvinoyera zvaMwari,” vaizoita vadzidzi uye vaizopa zvokudya zvomudzimu kwavari.—2 VaKorinte 5:20; 1 VaKorinte 4:1, 2, NW.
Mutumbi Unodzora Weimba
6. Boka romutariri romuzana rokutanga ramakore rakafuridzirwa nenzira youmwari kugoverei?
6 Pamwe chete, maKristu akazodzwa nomudzimu aifanira kuva mutariri watenzi, kana kuti mutarisiri weimba, akagoverwa kupa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira kumitezo mimwe nemimwe yeimba yaMwari. Pakati pamakore a 41 N.V. na 98 N.V., mitezo yeboka romutariri womuzana rokutanga ramakore yakafuridzirwa nenzira youmwari kunyora nhauro 5 dzenhau, tsamba 21, uye bhuku raZvakazarurwa nokuda kwokubetserwa kwehama dzavo. Aya manyoro akafuridzirwa ane zvokudya zvakaisvonaka zvomudzimu zvaveimba, ndiko kuti, vakazodzwa vamwe navamwe veimba yaMwari.
7. Kristu akasarudza chiverengero chiduku chavarume muboka romuranda nokuda kwedonzoi?
7 Nepo maKristu ose akazodzwa pamwe chete achiumba imba yaMwari, pane ufakazi huzhinji hwokuti Kristu akasarudza chiverengero chiduku chavarume muboka romuranda kuti vabatire somutumbi unodzora unooneka. Nhau yapakuvamba yeungano inoratidza kuti vaapostora 12, kubatanidza Matiasi, vaiva nheyo yomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore. Mabasa 1:20-26 (NW), inotigovera chiratidzo chaikoku. Pamusoro pomutsivi waJudhasi Iskarioti, nongedzero ipapo inoitwa ku“basa rake rokutarisira” uye ku“ushumiri ihwohwu nokuva muapostora.”
8. Mitoro yomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore yaibatanidzei?
8 Basa rakadaro routarisiri raibatanidza mutoro wavaapostora wokugadza varume vakakodzera kunzvimbo dzebasa nokuronga ushumiri. Asi rakareva zvakawanda. Rakabatanidzawo kudzidzisa nokujekesa mapfundo edzidziso. Kuzadzika chipikirwa chaJesu chakanyorwa pana Johane 16:13 (NW), “mudzimu wezvokwadi” waifanira kutungamirira ungano yechiKristu nenzira inofambira mberi kupinda muzvokwadi yose. Kubva pamavambo chaipo, avo vakagamuchira shoko ndokubhapatidzwa, maKristu akazodzwa akapfuurira kuzvipa amene ku“dzidziso yavaapostora.” Kutaura idi, chikonzero nei varume vanomwe vakarumbidzwa vakagadzwa kubasa riri madikanwa rokugovera zvokudya zvokunyama chaiva chokuti “vane gumi navaviri” vagogona kuramba vakasununguka kuti va‘zvipe vamene kumunyengetero nokuushumiri hweshoko.’—Mabasa 2:42; 6:1-6.
9. Mutumbi unodzora wapakuvamba wakaderedzwa sei kusvikira kumitezo 11, asi nei sezviri pachena chiverengero chacho chisina kukurumidza kudzorerwa ku 12?
9 Kunoratidzika kuti pakutanga mutumbi unodzora wakanga wakaumbwa chose chose navaapostora vaJesu. Asika waizoramba wakadaro here? Munenge mugore ra 44 N.V., muapostora Jakobho, mukoma waJohane, akaurawa naHerodhe Agrippa I. (Mabasa 12:1, 2) Sezviri pachena hapana nhamburiko yakaitwa yokumutsiva somuapostora, sezvakaitwa nokuda kwaJudhasi. Neiko? Pasina panikiro ikoku kwaiva nemhaka yokuti Jakobho akafa akatendeka, wokutanga wavaapostora 12 kufa. Pane rumwe rutivi, Judhasi aiva mupanduki akaipa ndizvo aifanira kutsiviwa nokuda kwokudzorera ku 12 chiverengero chamabwe enheyo dzaIsraeri womudzimu.—VaEfeso 2:20; Zvakazarurwa 21:14.
10. Mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakakudzwa rini uye sei, uye Kristu akaushandisa sei kutungamirira imba yaMwari?
10 Mitezo yapakuvamba yomutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore yaiva vaapostora, varume vakanga vafamba naJesu uye vakanga vava zvapupu zvorufu rwake norumuko. (Mabasa 1:21, 22) Asi mugariro iwoyu waizochinja. Sezvo makore akapfuura, vamwe varume vechiKristu wakawana ukuru hwomudzimu uye vakagadzwa savakuru muungano yeJerusarema. Pasati pari pashure pegore ra 49 N.V., mutumbi unodzora wakanga wakudzwa kubatanidza kwete bedzi vaapostora vakanga vasara asiwo chiverengero chavamwe varume vakuru vaiva muJerusarema. (Mabasa 15:2) Nokudaro kuumbwa kwomutumbi unodzora kwakanga kusina kugadzwa zvisingachinjiki, asi Mwari sezviri pachena akatungamirira zvinhu zvokuti wakachinja kukodzera migariro yavanhu vake. Kristu, Musoro unoshingaira weungano, akashandisa uyu mutumbi unodzora wakakudzwa kupedza nhau inokosha yedzidziso yokudzingiswa kwamaKristu asiri echiJudha nokuzviisa pasi poMutemo waMosesi. Mutumbi unodzora wakanyora tsamba uchitsanangura chisarudzo chawo ndokubudisa zvirevo zvokuchengeta.—Mabasa 15:23-29.
Nguva Yokuzvidavirira Yomutarisiri Weimba
11. Ko nhungamiro yakasimba yakagadzwa nomutumbi unodzora yakaongwa here nehama, uye chii chinoratidza kuti Jehovha akakomborera iyi gadziriro?
11 Somunhu mumwe nomumwe uye seungano, maKristu apakuvamba akaonga iyi nhungamiro yakasimba yakapiwa nomutumbi unodzora. Pashure pokunge ungano yomuSiria Antiokia yarava tsamba yakabva kumutumbi unodzora, vakafara pamusoro pekurudziro yacho. Sezvo dzimwe ungano dzakagamuchira mashoko acho ndokuchengeta zvirevo, vaka“pfuurira kusimbiswa mukutenda nokuwedzera muchiverengero zuva nezuva.” (Mabasa 16:5, NW) Sezvinooneka, Mwari akakomborera iyi gadziriro.—Mabasa 15:30, 31.
12, 13. Ndizvinoitikai izvo Jesu akadeya kutaura mumifananidzo yake yepondo namatarenda?
12 Asi ngatirangarirei rumwe rutivi rweiyi nhau inokosha. Mumuenzaniso wake wepondo, Jesu akazvifananidza amene nomunhu mukuru akaenda kunyika iri kure kuti anozviwanira amene simba roumambo ipapo ndokudzoka. (Ruka 19:11, 12) Somuuyo worumuko rwake muna 33 N.V., Jesu Kristu akakwidzwa kurudyi rwaMwari, uko aifanira kugara kutozosvikira vavengi vake vaiswa sechitsiko chetsoka dzake.—Mabasa 2:33-35.
13 Mumuenzaniso wakafanana, mufananidzo wamatarenda, Jesu akataura kuti pashure penguva refu, tenzi akauya kuzogadzikisa zvinhu navaranda vake. Kuvaranda vakabvumikisa kuva vakatendeka, tenzi akati: “Makanga makatendeka pazvinhu zvishomanene. Ndichakugadzai pazvinhu zvizhinji. Pindai mumufaro watenzi wenyu.” Asi pamusoro pomuranda asina kutendeka, iye akazivisa, kuti: “Kunyange chaanacho chichatorwa kwaari. Uye kandirai muranda pasina murima riri kunze.”—Mateo 25:21-23, 29, 30, NW.
14. Chii icho Jesu akakarira kuvaranda vake vakazodzwa nomudzimu?
14 Pashure penguva refu—anodokusvika mazana amakore 19—Kristu akapiwa simba roumambo muna 1914, pamugumo we“nguva dzakagadzwa dzavamarudzi.” (Ruka 21:24, NW) Nokukurumidza pashure pezvo, a“kauya ndokugadzikisa zvinhu” navaranda vake, maKristu akazodzwa nomudzimu. (Mateo 25:19) Jesu aikarireiko kwavari somunhu mumwe nomumwe uye pamwe chete? Mugove womutariri wakapfuurira sezvawakanga wakaita chifo chezana rokutanga ramakore. Kristu akanga apa matarenda kune vamwe navamwe—“kuno mumwe nomumwe mukuwirirana nesimba rake amene.” Nokudaro, Jesu aikarira miuyo inowirirana. (Mateo 25:15) Unoshanda pano ndiwo mutemo uri pana 1 VaKorinte 4:2 (NW), uyo unoti: “Chinotsvakwa muvatariri kuti munhu awanikwe akatendeka.” Kushandisa matarenda kwakareva kushanda nokutendeka senhume dzaMwari, kuita vadzidzi ndokupa zvokwadi dzomudzimu kwavari.—2 VaKorinte 5:20.
“Muranda” noMutumbi Wake Unodzora Sezvo Nguva Yomugumo Yakaswedera Pedyo
15. (a) Chii icho Jesu akakarira kumutariri wake weimba akaumbwa navazhinji? (b) Chii chinoratidzira kuti Kristu akakarira boka romuranda kuva richiita izvozvi pamberi pokusvika kwake kuzonzvera imba yake?
15 Jesu akakarira maKristu akazodzwa pamwe chete kuva anoshanda somutariri akatendeka, achipa mutumbi wake wavarindiri “mwero wavo wemigove yezvokudya panguva yakafanira.” (Ruka 12:42, NW) Mukuwirirana naRuka 12:43 (NW), Kristu akati: “Anofara muranda iyeyo, kana tenzi wake pakusvika akamuwana achiita saizvozvo!” Ikoku kunoratidzira kuti kwenguva yakati pamberi pokusvika kwaKristu kuzogadzikisa zvinhu navaranda vake vakazodzwa nomudzimu, vaizova vachipa zvokudya zvomudzimu kumitezo yeungano yechiKristu, imba yaMwari. Ndianiko uyo Kristu akawana achiita saizvozvo apo akadzokera ane simba roumambo muna 1914 ndokupfuurira kunzvera imba yaMwari muna 1918?—Maraki 3:1-4; Ruka 19:12; 1 Petro 4:17.
16. Apo Kristu akasvika kuzonzvera imba yaMwari muna 1918, nei asina kuwana machechi echiKristudhomu achigovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira?
16 Sezvo nguva refu yokumirira kwaJesu ari kurudyi rwaJehovha yakaswedera kumugumo, kwakava pachena pashoma napashoma kuti ndiani akanga achipa migove yezvokudya zvomudzimu kuveimba yaKristu kunyange munguva yapamberi pa 1914. Ko unofunga kuti aiva machechi echiKristudhomu here? Kwete zvamazvirokwazvo, nokuti akanga akabatanidzwa zvikuru mune zvamatongerwe enyika. Akanga ave ari zvishandiswa zvinodisa zvokukura kwokutonga kwedzimwe nyika uye akanga aedza kukundana kubvumikisa kuvimbika kwawo kunyika yawo, nokudaro achikurudzira urudzi. Ikoku kwakakurumbidza kuunza mhaka huru yeropa paari, ndiko kuti, apo akapa tsigiro yawo yokushingaira kuhurumende dzezvatongerwe enyika dzakabatanidzwa muhondo yenyika yokutanga. Mumudzimu, kutenda kwawo kwakanga kwaneteswa neChizvino-zvino. Ngozi yomudzimu yakaparirwa nemhaka yokuti vazhinji vavakuru vawo vorudzidziso vakava vanyajambwa vari nyore vokutsoropodzwa kweBhaibheri nemhindumupindu. Hakuna zvokudya zvomudzimu zvaigona kukarirwa kuvakuru vechiKristudhomu!
17. Nei Jesu akaramba mamwe maKristu akazodzwa, uye nomuuyoi nokuda kwavo?
17 Nenzira yakafanana, hakuna zvokudya zvomudzimu zvinovaka muviri zvakanga zvichibva kumaKristu iwayo akazodzwa ayo aiitira hanya zvikuru ruponeso rwavo rwomunhu oga kupfuura kushandisa tarenda raTenzi. Vakava “vane usimbe,” vasina kufanira kutarisira zvinhu zvaTenzi. Nokudaro, vakakandirwa “murima rokunze,” uko kuchine machechi echiKristudhomu.—Mateo 25:24-30.
18. Ndiani uyo Tenzi akawana achigovera boka rake ravarindiri zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira, uye chii chinobvumikisa ikoku?
18 Pakusvika kuzonzvera varanda vake muna 1918, naizvozvo, ndiani uyo Tenzi, Jesu Kristu, akawana achipa kuboka rake ravarindiri mwero wavo wemigove yezvokudya panguva yakafanira? Eya, panguva iyeyo, ndiani akanga apa vatsvaki vezvokwadi vapachokwadi nzwisiso yakarurama yechibairo chorudzikinuro, zita roumwari, kusaoneka kwokuvapo kwaKristu, uye ukoshi hwa 1914? Ndiani akanga aratidzira unhema hwoUtatu, kusafa kwomweya womunhu, uye hero yomwoto? Uye ndiani akanga anyevera nezvengozi dzemhindumupindu nokutenda mumidzimu? Maidi anoratidza kuti rakanga riri boka ramaKristu akazodzwa rakabatana navabudisi vamagazini inonzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, zvino inonzi Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.
19. Boka romuranda akatendeka rakanga razviratidzira rimene sei pamberi pa 1918, iro rakanga raparadzira migove yezvokudya zvomudzimu nomutooi, uye chibviro charini?
19 Muchinyorwa chayo chaNovember 1, 1944, The Watchtower yakati: “Muna 1878, makore ane makumi mana pamberi pokuuya kwaShe kutembere muna 1918, maiva neboka ramaKristu apachokwadi akazvitsaurira akanga abva mumasangano avatungamiriri navafundisi vorudzidziso uye avo vaitsvaka kushandisa chiKristu . . . Gore rakatevera racho, ndiko kuti, muna July, 1879, kuti zvokwadi idzo Mwari kupfurikidza naKristu akagovera se‘zvokudya panguva yakafanira’ zvigogoverwa nguva dzose kuimba yake yose yavana vakazvitsaurira, iyi magazini, Nharireyomurindi, yakavamba kubudiswa.”
20. (a) Mutumbi Unodzora womuzuva razvino uno wakaoneka sei? (b) Chii icho mitezo yoMutumbi Unodzora yakanga ichiita, uye munhungamiro yaani?
20 Chichigovera mashoko pamusoro pokutanga kwoMutumbi Unodzora womuzuva razvino uno, chinyorwa cheNharireyomurindi chaDecember 15, 1971, chakatsanangura, kuti: “Makore mashanu gare gare [muna 1884] Zion’s Watch Tower Tract Society yakaumbwa kuva boka ndokubatira se‘sangano’ kuti rigovere zvokudya zvomudzimu kuzviuru zvavanhu vapachokwadi zviri kutsvaka kuziva Mwari nokunzwisisa Shoko rake. . . . MaKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa, akazodzwa akabatanidzwa neSosaiti iyoyo padzimbahwe muPennsylvania. Angave aiva muBoka raVatungamiriri kana kuti kwete, akazviita amene anowanikwa nokuda kwebasa chairo reboka ro‘muranda akatendeka nowakachenjera.’ Akabetsera mukudyiswa nomukutungamirirwa kweboka romuranda, uye nokudaro mutumbi unodzora wakaoneka. Ikoku sezviri pachena kwakanga kuri munhungamiro yesimba rinobate basa risingaoneki raJehovha kana kuti mudzimu mutsvene. Uyewo, munhungamiro yoMusoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu.”
21. (a) Ndivanaani avo Kristu akawana vachigovera zvokudya zvomudzimu, uye akavatusa sei? (b) Chii chakamirira muranda akatendeka noMutumbi wake Unodzora?
21 Muna 1918, apo Jesu Kristu akanzvera avo vaitaura kuva varanda vake, akawana boka ramarudzi ose ramaKristu raibudisa zvokwadi dzeBhaibheri dzokushandisa mose muri muviri mukati meungano nokunze mubasa rokuparidzira. Muna 1919 kwakava zvirokwazvo seizvo Kristu akanga adeya kutaura, kuti: “Anofara muranda iyeyo kana tenzi wake pakusvika akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mateo 24:46, 47, NW) Aya maKristu echokwadi akapinda mumufaro waTenzi wao. Zvaakanga azviratidza amene kuva “akatendeka pazvinhu zvishomanene,” akagadzwa naTenzi “pazvinhu zvizhinji.” (Mateo 25:21) Muranda akatendeka noMutumbi wake Unodzora vaiva munzvimbo, vakagadzirira nokuda kwomugove wakakudzwa. Tinofanira kuva vanofara sei kuti ikoku kwakanga kwakadaro, nokuti maKristu akavimbika ari kubetserwa zvikuru nebasa rokuzvipira romuranda akatendeka noMutumbi wake Unodzora!
Mapfundo Makuru Okurangarira
◻ Ndiani ari Musoro weimba yaMwari, uye ndikunaani uko Iyeyu akapa mutoro?
◻ Mugovei weboka uyo Kristu akapa kuboka romuranda?
◻ Ndimumwe mutumbii weboka waivapo mukati meboka romuranda, uye ndaapi aiva mabasa awo chaiwo?
◻ Apo Kristu akasvika kuzonzvera imba yaMwari, ndiani akanga achigovera zvokudya zvomudzimu kumitezo yayo?
◻ Mutumbi Unodzora womuzuva razvino uno wakaoneka sei?
[Mufananidzo uri papeji 10]
“Muranda” womuzana rokutanga ramakore aiva nomutumbi unodzora waiumba wakanga wakaumbwa navaapostora navakuru veungano yeJerusarema