Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo Zveroorano
“KO MUNHU unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” vakabvunza kudaro vaFarise avo vakanga vachiedza kubata Mudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu. Iye akavapindura kupfurikidza nokunongedzera kuroorano yavanhu yokutanga ndokuratidzira mupimo panhau yacho, achiti: “Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
VaFarise vakaita nharo kuti Mosesi akaita gadziriro dzechatanuro kupfurikidza nokuraira kupiwa kwo“rugwaro rwokumuramba.” Jesu akavapindura, achiti: “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri: Ani naani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe.”—Mateo 19:3-9.
Pakuvamba-vamba, roorano yaifanira kuva chisungo chechigarire. Kunyange rufu rungadai rusina kuparadzanisa varoorani vokutanga, nokuti vakasikwa savanhu vakakwana vachirangarira upenyu husingaperi. Zvisinei, ivo vakatadza. Chivi chavo chakashatisa roorano yavanhu. Muvengi rufu akavamba kuparadzanisa varoorani. Mwari anorangarira rufu somugumo weroorano, sezvatinorava muBhaibheri, kuti: “Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Ikoku kwakasiana zvikuru nepfungwa dzorudzidziso dzakadai sesuttee, umo mudzimai panguva yorufu rwomurume wake anonyengetedzwa kana kuti kumanikidzirwa kupinda mukuzvipisa amene kusvikira kurufu muchitendero chokuti chisungo cheroorano chinopfuurira kupinda muupenyu hwakati hwapashure porufu.
Gadziriro yoMutemo waMosesi
Pakasvika nguva Mutemo waMosesi wakapiwa, ukama hweroorano hwakanga hwashata kusvikira kupfundo apo Jehovha, nokuda kwokurangarira kuoma kwomwoyo wavaIsraeri, akaita gadziriro yechatanuro. (Dheuteronomio 24:1) Rakanga risiri donzo raMwari kuti vaIsraeri vashandise zvisakafanira uyu mutemo kuti vachatanure vadzimai vavo nemhaka yezvikanganiso zviduku, sezviri pachena kubva mumurairo wake wokuti vaifanira kuda munhu biyavo saivo vamene. (Revhitiko 19:18) Kunyange kupiwa kworugwaro rwechatanuro kwakabatira sechidziviso nemhaka yokuti, sorutivi rwomuitiro wokunyora rugwaro, murume aida chatanuro aifanira kubvunza varume vakapiwa chiremera nenzira yakafanira, avo vaizofanira kuva vakavavarira kuita yananiso. Aiwa, Mwari haana kupa uyu mutemo kusimbisa maruramiro api naapi okuchatanura mudzimai wako “nemhaka ipi neipi.”—Mateo 19:3.
Zvisinei, vaIsraeri pakupedzisira vakafuratira revo chaiyoiyo yomutemo ndokushandisa zvisakafanira ichi chitsama chamashoko kuti vachatanure pahwaro hupi kana hupi hwaikodzera mirangariro yavo isina mufungo. Pakasvika zana ramakore rechishanu P.N.V., ivo vakanga vachibata nenzira yokunyengera navadzimai voupwere hwavo, vachivachatanura pamarudzi ose ezvikonzero. Jehovha akavaudza zvakasimba kuti aivenga kuchatanura. (Maraki 2:14-16) Jesu akashurikidza chatanuro seiyo vaIsraeri vakanga vachishandisa muzuva rake pauyu mugariro.
Hwaro Hwakarurama Bedzi Hwechatanuro
Jesu, kunyanguvezvo, akadudza hwaro humwe hwakarurama hwechatanuro: ufeve. (Mateo 5:31, 32; 19:8, 9) Shoko rinoshandurwa pano kuti “ufeve,” (NW) rinobatanidza marudzi ose evatano isakarurama kunze kweroorano yapaMagwaro, ingava nomumwe munhu ane mitezo mimwe cheteyo yevatano kana kuti ane mitezo yakasiana yevatano kana kuti nemhuka.
Kunyange zvakadaro, Jesu akanga asiri kurumbidza chatanuro kuvakwanyina vasina kutendeka. Kuri kumukwanyina asina mhaka kuyera miuyo inobatanidzwa ndokusarudza kana iye achida chatanuro. Vadzimai vanorangarira chatanuro pahwaro ihwohwu hwapaMagwaro vangadawo kurangarira kutaura kwaMwari apo akaita rutongeso pamukadzi wokutanga nokuda kwechivi chake. Mukuwedzera kutongero yorufu, Mwari akaudza Evha zvakananga, kuti: “Kuda kwako kuchava kwomurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) Commentary on the Old Testament, yakanyorwa naC. F. Keil naF. Delitzsch, inorondedzera uku “kuda” se“chishuvo chakadokufanana nehosha.” Sezvinobvumwa, uku kuda hakuna kusimba zvakadaro mumudzimai ari wose, asi apo mudzimai asina mhaka anenge achirangarira chatanuro, aizova akachenjera kurangarira zvinodikanwa zvemirangariro izvo vakadzi vakagara nhaka kuna Evha. Zvisinei, sezvo vatano kunze kweroorano yomukwanyina ane mhaka ingagona kutungamirira kukuzadzwa kwomukwanyina asina mhaka nehosha dzinopfuudzwa muvatano, kubatanidza AIDS, vamwe vakasarudza kutendeukira kuchatanuro sezvakatsanangurwa naJesu.
Mbeu Dzenhamo Yemhuri Dzakadyarwa
Kuoma mwoyo kwavanhu kunowana mavambo ako muchivi icho vaviri vokutanga vohunhu vakaitira Mwari. (VaRoma 5:12) Mbeu dzegakava remhuri dzakadyarwa apo vaviri vokutanga vohunhu vakatadzira Baba wavo wokudenga. Seiko? Apo mukadzi wokutanga, Evha, akaedzwa nenyoka kudya mumuti wakarambidzwa, akapfuurira ndokudya muchero wacho. Akataura kumurume wake pamusoro peizvo nyoka yakanga yamuudza pashure bedzi pokunge aita chisarudzo ichocho chinokosha. (Genesi 3:6) Hungu, iye akanga aita asina kubvunza murume wake. Heuno muenzaniso wokutanga wezvinetso zvinotarisanwa nazvo nemhuri dzakawanda nhasi—kushaikwa kwekurukurirano youshamwari.
Gare gare, apo vakatarisana nemiuyo yechivi chavo, vose vari vaviri Adhama naEvha vakatendeukira kumazano mamwe chetewo ayo varoorani vazhinji vanoshandisa nhasi apo vanenge vapinda muchinetso, ndiko kuti, kushora vamwe. Murume wokutanga, Adhama, akashora izvo iye akanga aita pana vose vari vaviri pamudzimai wake napana Jehovha, achiti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye akandipa zvomuti ndikadya.” Mukadziwo akati: “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”—Genesi 3:12, 13.
Kuzivisa kwaJehovha rutongeso pana Adhama naEvha kwakadeya kutaura chimwezve chinhu munhamo dzaizovapo. Pamusoro poukama hwake nomurume wake, Jehovha akaudza Evha, kuti: “Iye uchava ishe wako.” Varume vazhinji nhasi, kufanana naIsao adudzwa munyaya yedu yokutanga, vanotonga vadzimai vavo nenzira youtsinye pasina kurangarira mirangariro yavadzimai vavo. Zvisinei, vadzimai vazhinji vanopfuurira kuda ngwariro yavarume vavo. Apo kuda ikoko kunenge kusingagutswi, vadzimai vangaraira ngwariro iyoyo ndokuita nenzira ine udyire. Navarume vazhinji vanodzora uye vadzimai vazhinji vanoda, udyire hunopararira, uye rugare runonyangarika. Murimwe pepa rine musoro unoti “Nzira Yokukamuranisa Nayo Chatanuro Dzanhasi,” Shunsuke Serizawa akati: “Kana tikafuratira kombamiro iri pakati penhau yo‘kuita zvaunoda,’ ndiko kuti, kupa nzvimbo yokutanga kufariro dzako umene, kwaizova kamwe kamwe kusingabviri kukamuranisa chatanuro nhasi.”
Jehovha, zvisinei, akagovera nhungamiro muShoko rake kuitira kuti varoorani vanoteerera vagogona kufarikanya mwero wakati womufarwa weroorano kunyange mumugariro wavo wokusakwana. Isao akatevera nhungamiro yaMwari uye zvino ari kufarikanya upenyu hwemhuri hunofadza. Ngationei kuti nheyo dzeBhaibheri dzinobetsera sei vanhu kusimbisa chisungo cheroorano.
Kurukurai Zvinhu
Muroorano zhinji, kushaikwa kwekurukurirano, kombamiro yokushora vamwe, uye zvimiro zvendangariro zvoudyire zvinoita kuti kuomere murume nomudzimai kunzwisisa mirangariro yomumwe nomumwe. “Sezvo iri chinodikanwa chokutanga pakugoverana mirangariro, kwamirano inoda chivimbo chakakwana. Uye nhasi chivimbo hachiwaniki,” anodaro munzveri Caryl S. Avery. Muunganidzwa wemirangariro yomukati-kati inogoveranwa unovaka chivimbo chakadaro. Ikoku kunoda kurukurirano youshamwari pakati pomurume nomudzimai.
Zvirevo inoshandisa muenzanisiro kukurudzira kugoveranwa kwemifungo yakavandika, ichiti: “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” (Zvirevo 20:5) Vakwanyina veroorano vanofanira kuva vanonzwisisa ndokuchera mirangariro pasi pasi mumwoyo yavakwanyina vavo. Fungidzira kuti mukwanyina wako agumbuka. Panzvimbo pokupindura, kuti: “Ini ndimene ndava nezuva rakaoma,” kuregerereiko kubvunza nenzira yomutsa, kuti: “Mava nezuva rakaoma here? Chii chaitika?” Kungatora nguva nenhamburiko kuteerera mukwanyina wako, asi kunowanzova kunofadza zvikuru, kunogutsa, uye kunochengetedza nguva kupedza nguva nenzira iyoyo kupfuura kufuratira mukwanyina wako ndokufanira kubata nemirangariro yakasimba inomuka gare gare.
Kuti awane chivimbo, mumwe nomumwe anofanira kuva akatendeseka ndokuedza kutaura mirangariro nenzira iyo mumwe mukwanyina anogona kunzwisisa. “Taurai zvokwadi,” rinokurudzira kudaro Shoko raMwari, “nemhaka yokuti tiri mitezo yomumwe nomumwe.” (VaEfeso 4:25, NW) Kutaura zvokwadi kunoda nzwisiso. Ngatitii mudzimai anorangarira kuti haasi kunzwiwa. Asati ataura, anofanira kurangarira chirevo, chinoti: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wenjere.” (Zvirevo 17:27) Panzvimbo pokupomera murume wake, kuti “Hamutongonditeereri!” kwaizova kuri nani zvikuru kutaura nenzira yakadzikama mirangariro yake kangaidziko nokuora mwoyo zvisati zvakura mukati make. Zvichida angagona kuzivisa kurangarira kwaanoita kupfurikidza nokutaura chimwe chinhu chakadai, “Ndinoziva kuti makabatikana, asi kuva neimwe nguva shomanene nemi kwaizondiita anofara zvikuru.”
Chaizvoizvo, “pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Mukwanyina wako anokuda, asi ikoko hakurevi kuti anogona kuziva zvauri kufunga. Unofanira kuzivisa mukwanyina wako kurangarira kwaunoita nenzira yokungwarira pakutaura. Ikoku kuchakubetserai, savaroorani vechiKristu, kuita gadziridzo dzorudo kuti “muchengete humwe hwomudzimu musimba rinobatanidza rorugare.”—VaEfeso 4:2, 3, NW.
Rangarira Kazuo, somuenzaniso, uyo akanga ari murume aitongwa nomudzimai wake aiva nechishuvo chakasimba chokubhejera. Akazviwana amene aremedzwa nezvikwereti zvinosvika kumazana anoverengeka ezviuru zvamadhora. Achikwereta mari yokubhadhara zvikwereti zvake, iye akanyura zvikuru mumatope. Ipapo akatanga kufunda Bhaibheri uye pakupedzisira akawana ushingi hwokuudza mudzimai wake pamusoro pezvinetso zvake. Akagadzirira kutarisana nepomero dzake. Zvisinei, akashamiswa apo mudzimai wake, uyo akanga ave achifunda Bhaibheri kwenguva refu zvikuru, akapindura nenzira yakadzikama, kuti: “Ngatiedzei kuwana nzira yatingagona kubhadhara nayo zvikwereti zvacho.”
Kutanga zuva rakatevera racho, vakashanyira vakweretesi vavo ndokuvamba kubhadhara zvikwereti zvavo, kunyange kutengesa imba yavo. Kwakatora rinodokusvika gore kupedza zvikwereti zvacho. Chii chakachinja Kimie, mudzimai wake? Iye anoti: “Mashoko anowanwa pana VaFiripi ganhuro 4 ndima 6 ne 7, zvamazvirokwazvo ndeechokwadi. ‘Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero neteterero pamwe chete nokuonga zivisai zvikumbiro zvenyu kuna Mwari; uye rugare rwaMwari rwunopfuura mufungo wose ruchachengeta mwoyo yenyu namasimba enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.’” Iye akawedzera, kuti: “Imwe shamwari yangu, yashamiswa nokuona kuti ndaifara sei pasinei zvapo nenhamo, yakatanga kufunda Bhaibheri neni.” Kazuo nomudzimai wake vakatobhapatidzwa uye zvino vari kufarikanya upenyu hunofadza hwemhuri.
Mukuwedzera kukuvimbana kupfurikidza nokutaura zvokwadi, varume navadzimai vaiva nezvinoitika zviri pamusoro apa vakaita chimwe chinhu chinobetsera vakwanyina kupedza zvinetso zvavo zveroorano. Ivo vakakurukura noMuvambi wegadziriro yeroorano, Jehovha Mwari. Pasinei zvapo nedzvinyiriro nezvitambudzo izvo vakwanyina vanotarisana nazvo, iye achavakomborera norugare rwaMwari rwunopfuura mufungo wose kana vakaita unani hwavo kushandisa nheyo dzake ndokusiira zvasara muruoko rwake. Kunyengetera pamwe chete kunobetsera zvikuru. Murume anofanira kutungamirira ndo‘kudurura mwoyo wake’ pamberi paMwari, achitsvaka nhungamiro yake noutungamiriri pachinetso chipi nechipi icho iye nomudzimai wake vari kutarisana nacho. (Pisarema 62:8) Jehovha Mwari achanzwa zvamazvirokwazvo minyengetero yakadaro.
Hungu, kunobvira kusimbisa chisungo cheroorano. Kunyange zvino, tichigara nokusakwana kwedu kwose muchaunga chakavhiringidzika, vanyakuroorana vanogona kuwana mufaro wakati muukama hwavo. Unogona kuwana zvikarakadzo zvinoshanda zvokuwedzera nezano roumwari mubhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Uyezve, vakwanyina vanoshanda zvapachokwadi kushandisa nheyo dzeBhaibheri vane tariro yokusungwa pamwe chete murudo munyika itsva ichauya nokukurumidza inoitwa naMwari.