Mapisarema
Kumutungamiriri; rweJedhutuni.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
62 Chokwadi ndinomirira Mwari ndakanyarara.
Ruponeso rwangu runobva kwaari.+
2 Chokwadi iye ndiye dombo rangu neruponeso rwangu, nzvimbo yangu yekupotera;*+
Handizombozununguswi zvakanyanya.+
3 Kusvikira riini muchirwisa munhu muchida kumuponda?+
Mese munotyisa kufanana nemadziro akarereka, madziro ematombo ava kuda kuwondomoka.
Vanorumbidza nemiromo yavo, asi mumwoyo mavo vachituka.+ (Sera)
7 Ruponeso rwangu nekukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari.
Mwari ndiye dombo rangu rakasimba, uye nzvimbo yangu yekupotera.+
8 Vimbai naye nguva dzese, haiwa imi vanhu.
Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.+
Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera.+ (Sera)
Pavanoiswa vese pachikero, vakareruka kupfuura mhepowo zvayo inofemwa.+
10 Musavimba nekutorera vanhu pfuma nechisimba
Kana kuva netariro yenhema muzvinhu zvekuba.
Kana pfuma yako ikawedzera, usaisa mwoyo wako pairi.+
11 Mwari akataura kamwe chete, ini ndakanzwa izvi kaviri:
Kuti simba nderaMwari.+