NdiMwari Upi Waunonamata?
KUPOTA nyika, vanhu vaizopindura mubvunzo iwoyo munzira dzakawanda dzakasiana-siana. Muapostora Pauro akati: “Kuna ‘vanamwari’ vazhinji uye ‘vanaishe’ vazhinji,” uye nhasi vanamwari vanonamatwa vanosvika mumamirioni. (1 VaKorinte 8:5, NW) Waiziva here, zvisinei, kuti vanhu vazhinji vanonamata mwari akasiana nouyo ivo vanofunga kuti vanonamata? Uye waiziva here kuti vasingatendi kuvapo kwaMwari vazhinji vanozvipira zvikuru kupfuura avo vanotenda munamwari? Munziraiko?
Eya, revo imwe yokunamata ku“rangarira noruremekedzo, rukudzo, kana kuti kuzvipira kukuru, kunyange kwokunyanyisa.” Mumitauro yeBhaibheri yapakuvamba, mashoko nokuda kwokunamata ane mufungo webasa kana kuti kukotama pamberi pomumwe munhu. Tichirangarira ikoku, ngationei kuti vanhu vanogona sei kukanganisa pamusoro pouyo kana kuti icho vanonamata chaizvoizvo.
Kunamata Kwakavhengana
Rangarira muenzaniso wavaSamaria vakare. Vazhinji vaivava pakuvamba vakanga vari vokumwe avo vaAsiria vakapinza muParestina kuti vatsive marudzi okuchamhembe gumi akatapwa aIsraeri. Kare, ivo vakanga vatevera vamwari venhema, asi zvino vakaita nhamburiko yokudzidza pamusoro paJehovha, Mwari waIsraeri. Ko ivo ipapo vakasiya rudzidziso rwavo rwekare here? Aiwa. Bhaibheri rinoshuma, kuti: “Ivo vakanga vachiita mukuwirirana norwaichimbova rudzidziso rwavo. Uye aya marudzi akasvika pakuva vatyi vaJehovha, asi akabvumikisa kuva anobatira zvifananidzo zvawo amene zvakavezwa.” (2 Madzimambo 17:40, 41, NW) Naizvozvo vaSamaria, nepo nezita vaiziva Jehovha, vaingobatira vamwari vavo vekare, nokudaro vachishandisa rudzi rwakati rworudzidziso rwakavhengana.
Chimwe chinhu chakafanana chakaitika apo vafundisi vakapinza chiKaturike cheRoma muSouth America. Ivo vakatendeutsa vazhinjisa vavanhu, asi kufanana navaSamaria vakare, vanhu havana kukanganwa vaichimbova vamwari vavo. Nokudaro, muBrazil miitiro yechihedheni yamashiripiti ichiri kuchengetwa na“maKristu,” sezvinoitwa chengeto dzokukudza vamwari vakare, vakadai samwarikadzi Iemanjá. Zvinhu zvakafanana zvinoitika mudzimwe nyika dzeSouth America.
Uyezve, rudzidziso urwo vafundisi ivavo vakapinza muSouth America irwo rumene rwaiva rudzidziso rwakavhengana. Dzakawanda dzedzidziso dzarwo, zvakadai soUtatu, hero yomwoto, uye kusafa kwomweya, dzakabva kumarudzidziso echihedheni akare nouzivi. Idzo zvamazvirokwazvo hadzina kuwanwa muBhaibheri. Nenzira yakafanana, madyo arwo—kubatanidza Krisimisi neIsita—zvakanga zviri zvamavambo asiri echiKristu.a Kunobvira here kuchengeta mitambo yechihedheni yakadaro ndokutenda mudzidziso dzakadaro dzisiri dzechiKristu ndokungonamata Mwari weBhaibheri, uyo akati: “Usava navamwe vamwari kunze kwangu”? (Eksodho 20:3) Zvirokwazvo kwete!
“Zvidzivirirei Mumene Pazvidhori”
Rangarira imwe nzira vanhu vanonyengerwa nayo munhau yokunamata. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Vana vaduku, zvidzivirirei mumene pazvidhori.” (1 Johane 5:21, NW) Vanhu vanenge mamirioni ane chiuru chimwe vakarongwa sevechiKristudhomu, uye ivava sezvinofungidzirwa vanoti vanonamata Mwari mumwe cheteyo uyo Johane ainamata. Bva, mazana amamirioni avo anokotamira mifananidzo ya“vasande,” yaJesu, uye yemhandara Maria.
Kune zvimwe zvimiro zvamanomano zvokunamata zvidhori. Mugore ra 44 N.V., Mambo Herodhe Agripa akakurukura hurukuro yavose, uye vanhu vakava vanonyandurwa kwazvo zvokuti ivo vakadanidzira, kuti: “Inzwi raMwari, harizi romunhu!” (Mabasa 12:21, 22) Hungu, ivo vakanamata Herodhe, vachimuita mwari. Zvinhu zvakafanana zvinoitika nhasi. Mumazuva anonyandura apo chiNazi chakanga chichikwira kusimba muEurope, danidziro yokuti “Rumbidzai Hitler!” yakanga iri chaizvoizvo danidziro yokunamata. Vazhinji vakanga vachidisa kurwira nokufira Führer sokunge akanga ari mwari, muponesi worudzi. Bva, vazhinjisa vaavo vaipa namato yakadaro vakanga vari mitezo yechechi dzechiKristudhomu!
Pamberi napashure paHitler, vamwe vatungamiriri vezvamatongerwe enyika vakazvisimudzira vamene nenzira yakafanana savaponesi ndokuraira kuzvipira kwapoga. Avo vakatera vakaita ava vanhu vamwari, pasinei zvapo norudzidziso rwomuitiro “vanamati” vaiva varwo kana kuti kunyange kana vaitaura kuva vasingatendi kuvapo kwaMwari. Rukudzo urwo nyanzvi dzemitambo dzine mbavarira, nyanzvi dzamabhaisikopo, uye vamwe vavaraidzi vanogamuchira kuvayemuri vavo rwakafanana nenamato.
Kunamatwa Kwemari
Uyezve, funga nezverevo dzamashoko aJesu paakati: “Hapano munhu ungabatira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari neFuma.” (Mateo 6:24) Iwe unoziva munhu upi noupi here ari worudzidziso rwakati asi ane fariro huru muupenyu iri kuita mari? Ndiani, ipapo, munhu akadaro ari kubatira chaizvoizvo, Mwari kana kuti fuma? Ndivasingatendi vangani vaunoziva vanobatwa mukurondwa kwoupengo kwemari? Zvirokwazvo, ivowo vanamati vemari, zvichida vanoshingaira zvikuru kupfuura vatendi vazhinji.
Muapostora Pauro akatsanangura nheyo yakafanana paakanyora, kuti: “Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.” (VaKorose 3:5) Kana tikachiva chimwe chinhu zvakasimba kwazvo zvokuti tinoshandisa nhamburiko dzedu dzose kukuchiwana, zvichida kunyange kupunza mutemo mukudaro ipapo kwatiri chinhu ichocho chidhori, ndimwari. (VaEfeso 5:5) Muimwe tsamba, Pauro akanyora nezvavaiti vezvakashata, vakati: “Mwari wavo idumbu ravo.” (VaFiripi 3:19, NW) Kana donzo redu rose muupenyu riri kuzvifadza timene, kuzadza dumbu redu sokunge zvakadaro, ipapo tiri mwari wedu timene. Vangani vaunoziva vanonamata rudzi urwu rwamwari?
Hungu, muapostora Pauro akanyora: “Kuna ‘vanamwari’ vazhinji uye ‘vanashe’ vazhinji.” Uye muzvinoitika zvakawanda, vanamati vavo vakafanana navaSamaria vakare, vanobatira mwari mumwe namashoko avo uye mumwezve nezviito zvavo. Kutaura idi, kunyanguvezve, kunongova naMwari mumwe bedzi uyo anofanirwa nokunamata kwedu. Unoziva here kuti ndiani? Uyezve, kune chinhu chimwe chinobatanidza kunamatwa kwavamwe vamwari vose kunze kwake. Chiiko ichocho? Tichaona munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, mapeji 212-13, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.