RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ivai Vaiti Veshoko, Kwete Vanzwi Bedzi
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 3. Muraidzoi pamusoro pokutonga uyo Jesu anotevera kupa muMharidzo yapaGomo?

      3 Sezvo Jesu akapfuuridzira Mharidzo yake yapaGomo, kutaura kuzhinji kwakawedzera ukwo maKristu anofanira kutamburira kutevera. Hekuno kumwe kunoratidzika kuva kwakapfava, asi kunoshurikidza imwe yekombamiro yakaoma zvikurusa yokubvisa: “Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho. Unotaririreiko rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungatarira seiko kuhama yako, uchiti: ‘Rega ndibvise rubanzu muziso rako’, izvo, danda riri muziso mako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda riri muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.”—Mateo 7:1-5.

  • Ivai Vaiti Veshoko, Kwete Vanzwi Bedzi
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 5. Neiko kuri nyore zvikuru kwazvo kuona zvikanganiso zviri muna vamwe kupfuura izvo zviri matiri timene?

      5 Mukati mezana rokutanga ramakore N.V., nemhaka yamagamuchidzanwa anotaurwa, vaFarise vose zvavo vaida kutonga vamwe nehasha. Vapi navapi vavateereri vaJesu avo vakanga vaine tsika yokuita izvozvo vaifanira kuirega. Kuri nyore zvikuru kwazvo kuona zvibanzu zviri mumaziso avamwe kupfuura matanda ari mune edu timene—uye kunokurudzira zvikuru kukuzvikudza kwedu! Sokutaura kwakaita mumwe murume, “Ndinoda kutsoropodza vamwe nemhaka yokuti kunondiita kuti ndinzwe zvakanaka kwazvo!” Kugarotsoropodza vamwe kungatipa kunzwa kworunako uko kunoratidzika sokunotsiva mhaka dzedu timene idzo tinoda kuviga. Asi kana ruramiso iri madikanwa, inofanira kupiwa nomudzimu wounyoro. Uyo anopa ruramiso anofanira nguva dzose kuziva zvikanganiso zvake amene.—VaGaratia 6:1.

  • Ivai Vaiti Veshoko, Kwete Vanzwi Bedzi
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 6. Kutonga kwedu kunofanira kuitwa pahwaroi, apo kunenge kuri madikanwa, uye tinofanira kutsvaka betseroi kuti tirege kunyanyowanira mhaka?

      6 Jesu haana kuuya kuzotonga nyika asi kuzoiponesa. Marutongeso api naapi ayo akaita akanga asiri ake asi akanga akavakirwa pamashoko ayo Mwari akamupa kuti ataure. (Johane 12:47-50) Marutongeso api naapi atinoita anofanirawo kuva mutsinhirano neShoko raJehovha. Tinofanira kudzvinyirira kombamiro yohunhu yokuva anotonga. Mukuita ikoku, tinofanira kupfuurira kunyengeterera betsero yaJehovha: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; unogogodza, unozarurirwa.” (Mateo 7:7, 8) Kunyange Jesu akati: “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.”—Johane 5:30.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe